RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • rs pp. 188-191
  • Kutsauka Pakutenda

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kutsauka Pakutenda
  • Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
  • Mashoko Akafanana
  • Remekedza Chiremera chaMwari Nokuvimbika
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • “Jehovha Anoziva Vaya Vari Vake”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Ngwarira Kunyengerwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
rs pp. 188-191

Kutsauka Pakutenda

Tsanangudzo: Kutsauka pakutenda kurega kana kuti kusiya kunamata uye kushumira Mwari, zvechokwadi kupandukira Jehovha Mwari. Vamwe vakatsauka pakutenda vanoti vanoziva uye vanoshumira Mwari asi vanoramba dzidziso kana kuti zvaanoda zviri muShoko rake. Vamwe vanoti vanotenda zvinotaurwa neBhaibheri asi vanoramba sangano raJehovha.

Tingatarisira kuti muungano yechiKristu vamwe vachatsauka pakutenda here?

1 Tim. 4:1: “Kutaura kwakafuridzirwa kunotaura pachena kuti munguva dzinouya vamwe vachatsauka pakutenda, vachiteerera kutaura kwakafuridzirwa kunotsausa nedzidziso dzemadhimoni.”

2 VaT. 2:3: “Ngaparege kuva nomunhu anokunyengedzai chero nenzira ipi zvayo, nokuti [zuva raJehovha] haringauyi kunze kwokunge kutsauka pakutenda kwatanga kuuya uye munhu asingateereri mutemo aratidzwa, iye mwanakomana wokuparadzwa.”

Zvimwe zvinoratidza vakatsauka pakutenda—

Vanoedza kuita kuti vamwe vave vateveri vavo, nokudaro vachikonzera mapoka

Mab. 20:30: “Pakati penyu pachamuka varume vachataura zvinhu zvisina kururama kuti vatsause vadzidzi vavatevere.”

2 Pet. 2:1, 3: “Kuchavawo nevadzidzisi venhema pakati penyu. Ivava vachapinza chinyararire tumapoka tunoparadza uye vacharamba kunyange tenzi akavatenga . . . Uyewo, vachichochora, vachakunyengerai nemashoko enhema.”

Vangati vanotenda muna Kristu asi vachirerutsa basa rokuparidza nokudzidzisa raakapa vateveri vake

Ruka 6:46: “Zvino, nei muchinditi ‘Ishe! Ishe!’ asi musingaiti zvinhu zvandinotaura?”

Mat. 28:19, 20: “Naizvozvo endai munoita kuti vanhu vemarudzi ose vave vadzidzi, muchivabhabhatidza . . . muchivadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose zvandakakurayirai.”

Mat. 24:14: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzwa munyika yose inogarwa kuti ave uchapupu kumarudzi ose; uye zvadaro kuguma kuchasvika.”

Vangakambira kuti vanoshumira Mwari asi vanoramba vamiririri vake, sangano rake rinooneka

Jud. 8, 11: “Vanhu avawo, vachirota zvavo, vanosvibisa nyama vachizvidza ushe uye vachituka vaya vanokudzwa. Vane nhamo, nokuti . . . vakaparara mukutaura kwokupandukira kwaKora!”

Num. 16:1-3, 11, 19-21: “Kora . . . akasimuka, pamwe chete . . . nevarume mazana maviri nemakumi mashanu vevanakomana vaIsraeri, machinda eungano . . . Naizvozvo vakaunganira Mosesi naAroni, vakati kwavari: ‘Zvakwana imi, nokuti ungano yose, vose zvavo vatsvene uye Jehovha ari pakati pavo. Saka, nei muchizvikwidziridza paungano yaJehovha?’ . . . [Mosesi akati:] ‘Iwe neungano yako yose iri kuungana, muri kurwisana naJehovha. Kana ari Aroni, iye ndianiwo zvake kuti mumugunun’unire?’ Kora paakaunganidza ungano yose kuzorwisana navo pasuo retende rokusanganira, kubwinya kwaJehovha kwakabva kwaonekwa neungano yose. Zvino Jehovha akataura naMosesi naAroni, achiti: ‘Ibvai pakati peungano iyi, kuti ndibve ndangovatsakatisa.’”

Havangosiyi chete kutenda kwechokwadi asi vanobva ‘varova’ vavaimbowadzana navo, vachivatsoropodza pachena uye vachishandisa dzimwe nzira kuti vavhiringidze basa ravo; zvinoitwa nevakatsauka pakutenda vakadaro vanozviitira kuputsa, kwete kuvaka

Mat. 24:45-51: “Chokwadi ndiani muranda akatendeka, akangwara, akagadzwa natenzi wake paveimba yake, kuti avape zvokudya zvavo panguva yakakodzera? . . . Asi kana muranda akaipa iyeye akati mumwoyo make, ‘Tenzi wangu ari kunonoka,’ akatanga kurova vamwe varanda saiye uye akadya nokunwa nezvidhakwa zvinozivikanwa, tenzi womuranda iyeye achauya pazuva raasingatarisiri uye muawa yaasingazivi, achamuranga zvakaoma kwazvo uye achamupa mugove pamwe chete nevanyengeri.”

2 Tim. 2:16-18: “Ramba kutaura kusina zvakunobatsira kunoshatisa zvinhu zvitsvene; nokuti vacharamba vachiwedzera pakusada Mwari, uye shoko ravo richapararira seronda rinonyenga. Himeniyo naFiretusi ndevamwe vaivavo. Varume ivava vakatsauka pachokwadi, vachiti kumuka kwakatoitika; uye vari kuparadza kutenda kwevamwe.”

VaKristu vakatendeka vaizogamuchira vakatsauka pakutenda, vanhu vacho chaivo kana nokuverenga mabhuku avo here?

2 Joh. 9, 10: “Munhu wose anomhanyira mberi asingarambi ari mudzidziso yaKristu haasi pamwe naMwari. . . . Kana munhu akauya kwamuri, akasaunza dzidziso iyi, musambomugamuchira mudzimba dzenyu kana kumukwazisa.”

VaR. 16:17, 18: “Ndinokurayirai, hama, kuti muchenjerere vaya vanoita kuti pave nokupesana uye pave nezvinhu zvinogumbura zvakasiyana nedzidziso dzamakadzidza, musiyane navo. . . . Vanonyengedza mwoyo yevasina mhosva vachishandisa kutaura kunonyengera nokutaura kwokurumbidza.”

Munhu angakuvara zvikuru here kana akagutsa chishuvo chokuda kuziva mafungiro evakatsauka pakutenda?

Zvir. 11:9: “Munhu akatsauka anoparadza wokwake nomuromo wake.”

Isa. 32:6: “Benzi richataura zvoupenzi chete, mwoyo waro uchaita zvinhu zvinokuvadza, uchatsauka uye uchataura zvakaipa nezvaJehovha, uchaendesa mweya womunhu ane nzara usina kuguta, uye rinoendesa munhu ane nyota asina chokunwa.” (Enzanisa naIsaya 65:13, 14.)

Kutsauka pakutenda inyaya yakaipa zvakadini?

2 Pet. 2:1: “Ivava vachapinza chinyararire tumapoka tunoparadza uye vacharamba kunyange tenzi akavatenga, vachizviunzira kuparadzwa kunokurumidza.”

Job. 13:16: “Hapana mutsauki achauya pamberi pake [Mwari].”

VaH. 6:4-6: “Hazvibviri kune vaya vakambovhenekerwa kamwe chete zvachose, vakaravira chipo chepachena chokudenga, vakagoverana mudzimu mutsvene, vakaravira shoko raMwari rakanaka nemasimba emamiriro ezvinhu epanguva inouya, asi ivo vakazotsauka, kuti vamutsidzirwezve kuti vapfidze, nokuti ivo pachavo vanoroverera Mwanakomana waMwari patsva, vachimunyadzisa pachena.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe