RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • rs pp. 179-182
  • Kutenda

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kutenda
  • Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
  • Mashoko Akafanana
  • Ratidza Kutenda Kwako Mune Zvakavimbiswa naJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
  • Kutenda—Kunoita Kuti Tive Nesimba
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2019
  • “Tiwedzereiwo Kutenda”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Shandisa Kutenda Kwakavakirwa Pazvokwadi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
Ona Zvimwe
Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
rs pp. 179-182

Kutenda

Tsanangudzo: “Kutenda kutarisira nechivimbo zvinhu zvinenge zvichitarisirwa, kuratidzwa kuri pachena kwezvinhu chaizvoizvo kunyange zvisati zvaonekwa.” (VaH. 11:1) Kutenda kwechokwadi hakusi kungotendawo zvako, kureva kuti hakusi kungodavira chimwe chinhu pasina uchapupu hwakakwana kana kuti nokuti munhu anenge achida kuti zvidaro. Kuti munhu ave nokutenda kwechokwadi anofanira kuva nezivo inokosha, anofanira kunyatsoziva uchapupu huripo uye kunyatsonzwisisa zvinoratidzwa nouchapupu hwacho. Saka, kunyange zvisingaiti kuti munhu ave nokutenda kwechokwadi asina zivo yakarurama, Bhaibheri rinotaura kuti munhu anotenda “nomwoyo.”—VaR. 10:10.

Nei vanhu vakawanda vasina kutenda?

Kutenda chibereko chomudzimu waMwari, uye Mwari anopa mudzimu wake kune vaya vanoukumbira. (VaG. 5:22; Ruka 11:13) Saka vanhu vasina kutenda havasi kukumbira mudzimu iwoyo, kana kuti vari kuukumbira nechinangwa chisiri icho kana kuti vanoramba kuti ushande muupenyu hwavo. Pane zvinhu zvakawanda zvinoita kuti izvi zvidaro:

Kusava nezivo yakarurama yeBhaibheri: Bhaibheri rakavapo nomudzimu waMwari, rakafuridzirwa naMwari. (2 Tim. 3:16, 17; 2 Sam. 23:2) Kusadzidza Bhaibheri kunoita kuti munhu asave nokutenda kwechokwadi. Kunyange zvazvo vari mumachechi vangava nemaBhaibheri, kana vakadzidziswa pfungwa dzevanhu panzvimbo peShoko raMwari, havazovi nokutenda kwechokwadi muna Mwari nechinangwa chake. Vachavimba nepfungwa dzavo kana kuti dzevamwe vanhu kuti vagadzirise zvinetso zvoupenyu.—Enzanisa naMateu 15:3-9.

Kuodzwa mwoyo nezvitendero: Vanhu vakawanda vakaodzwa mwoyo nounyengeri hwemachechi echiKristudhomu ayo anoti anodzidzisa Shoko raMwari asi asingararami maererano nezvarinotaura. Vamwe vaive vakazvipira kuchitendero chisiri chechiKristu, asi vakaona zvakaipa zvinoitwa nechitendero chakadaro kana kuti vakaona kuti zvaidzidziswa zvakanga zvisingavabatsiri kutsungirira zvinetso zvoupenyu. Nokuti havazivi Mwari wechokwadi zvakarurama, vanhu vakadaro vanobva vatambira kure nezvose zvine chokuita nechitendero.—Enzanisa naVaRoma 3:3, 4; Mateu 7:21-23.

Kusanzwisisa nei Mwari achibvumira uipi: Vanhu vakawanda havanzwisisi kuti nei Mwari achibvumira uipi saka vanoti ndiye anokonzera zvinhu zvose zvakaipa zvinoitika. Havazivi kuti chido chine vanhu chokuita zvakaipa hakusi kuda kwaMwari asi kuti zvinokonzerwa nechivi chaAdhamu. (VaR. 5:12) Vangasaziva nezvokuvapo kwaSatani Dhiyabhorosi uye zvaari kuita munyika, saka zvakaipa zviri kukonzerwa naSatani vanoti zviri kukonzerwa naMwari. (1 Joh. 5:19; Zvak. 12:12) Kana vaine karuzivo nezvenyaya yacho, vangafunga kuti Mwari ari kunonoka kuita chimwe chinhu, nokuti havanyatsonzwisisi nyaya youchangamire pane zvose uye havanzwisisi chokwadi chokuti kushivirira kwakaita Mwari kusvika panguva ino kunoita kuti vawane mukana usina kuvakodzera wokuponeswa. (VaR. 2:4; 2 Pet. 3:9) Uyewo havanzwisisi zvakakwana kuti Mwari akaronga nguva yaachaparadza zvachose vose vanoita zvakaipa.—Zvak. 22:10-12; 11:18; Hab. 2:3.

Upenyu hunodzorwa nezvido uye mafungiro enyama: Kakawanda, vanhu vasina kutenda kwakasimba vanozvipira kutsvaka zvimwe zvinhu. Vamwe vanoti vanodavira Bhaibheri asi pamwe vanenge vasina kunyatsoridzidza kana kuti vanenge vasinganyatsofungisisi zvavanoverenga, chikonzero chokuriverenga, uye kuti rinoshanda sei muupenyu hwezuva nezuva. (Enzanisa na1 Makoronike 28:9.) Vamwe vakatadza kusimbisa kutenda kwavakanga vanako, asi vakabvumira kuti mwoyo yavo inyanyoda zvinhu zvisina kururama zvokuti vakasiya Mwari nenzira dzake.—VaH. 3:12.

Munhu angava sei nokutenda?

VaR. 10:17: “Kutenda kunotevera chinhu chakanzwiwa.” (Enzanisa naMabasa 17:11, 12; Johani 4:39-42; 2 Makoronike 9:5-8. Munhu anofanira kuziva zvinotaurwa neBhaibheri, uye achasimbisa chivimbo chake kana akanyatsoriongorora kuitira kuti ave nechokwadi chokuti rakavimbika.)

VaR. 10:10: “Munhu anotenda nomwoyo.” (Nokufungisisa zvine chokuita nokunamata Mwari kuti awedzere kuzvinzwisisa, munhu anoita kuti zvinyatsodzika midzi mumwoyo wake wokufananidzira.)

Kutenda kunosimbiswa munhu paanoita maererano nezvakavimbiswa naMwari obva aona uchapupu hwokukomborerwa naMwari pane zvaanenge aita.—Ona Pisarema 106:9-12.

Muenzaniso: Zvimwe une shamwari yaungataura nezvayo uchiti: ‘Ndinovimba nomurume iyeye. Anoita zvaanenge avimbisa; uye ndinoziva kuti kana ndiine dambudziko, anondibatsira.’ Zvingaita here kuti utaure mashoko akadaro nezvomunhu wawakatanga kusangana naye nezuro? Anofanira kunge ari munhu wawava nenguva yakareba uchishamwaridzana naye, munhu akaratidza kakawanda kuti unogona kuvimba naye. Izvi zvakafananawo nokutenda kune chokuita nokunamata. Kuti uve nokutenda, unofanira kuwana nguva yokuziva Jehovha uye maitiro aanoita zvinhu.

Kutenda kuti kuna Mwari

Ona mapeji 258-264, pasi pomusoro mukuru unoti, “Mwari.”

Kutenda mutariro yenyika itsva yakarurama

Kana munhu ava kunyatsoziva zvakaitira Jehovha vashumiri vake kare, anoona zvinhu sezvaiita Joshua, uyo akati: “Munonyatsoziva nemwoyo yenyu yose nemweya yenyu yose kuti hapana kana shoko rimwe chete pamashoko ose akanaka akataurwa naJehovha Mwari wenyu kwamuri rakakundikana. Ose akaitika nokuda kwenyu. Hapana kana shoko rimwe chete rawo rakakundikana.”—Josh. 23:14.

Zvinovimbiswa neBhaibheri nezvoutano hwakanaka, kumutswa kubva kuvakafa nezvimwewo zvinosimbiswa nezvishamiso zvakaitwa naJesu Kristu. Idzi hadzisi ngano. Verenga nyaya dzomuEvhangeri uone uchapupu hwokuti zvinhu chaizvo zvakaitika. Nzvimbo dzacho dzinotaurwa nemazita; mazita evatongi vaitonga panguva yacho; nhoroondo dzakataurwa nezvapupu zvakawanda zvakaona zvakaitika dzakachengetedzwa. Kufungisisa nezvouchapupu ihwohwo kunogona kusimbisa kutenda kwaunoita zvinovimbiswa neBhaibheri.

Enda kuDzimba dzoUmambo dzeZvapupu zvaJehovha uye kumagungano azvo, uzvionere uchapupu hwokuti kushandisa mazano eBhaibheri kunochinja upenyu hwevanhu, kunoita kuti vanhu vave vakavimbika, vave netsika dzakanaka, uye kunogona kuita kuti vanhu vemarudzi nemadzinza akasiyana vararame uye vashande pamwe chete sehama chaidzo.

Mabasa anodiwa chaizvoizvo here kana munhu aine kutenda?

Jak. 2:17, 18, 21, 22, 26: “Kutenda, kana kusina mabasa, kwakafa. Kunyange zvakadaro, mumwe munhu angati: ‘Iwe une kutenda, ini ndine mabasa. Ndiratidze kutenda kwako kusina mabasa, ini ndichakuratidza kutenda kwangu nemabasa angu.’ Abrahamu baba vedu havana kunzi vakarurama here nemabasa pashure pokunge vabayira Isaka mwanakomana wavo paatari? Unoona kuti kutenda kwavo kwakashanda pamwe chete nemabasa avo uye kutenda kwavo kwakaitwa kwakakwana nemabasa avo. Chokwadi, muviri usina simba roupenyu zvawakafa, saizvozvowo kutenda kusina mabasa kwakafa.”

Muenzaniso: Jaya ringapfimba mhandara, richiiudza kuti rinoida. Asi kana rikasataura nezvekuiroora, rinenge richiratidza zvechokwadi here kuti rine rudo rwechokwadi? Saizvozvowo, mabasa inzira yokuratidza kuti kutenda kwedu nemabasa edu ndezvechokwadi. Kana tikasateerera Mwari tinenge tisingamudi zvechokwadi uye tisingatendi kuti nzira dzake dzakarurama. (1 Joh. 5:3, 4) Asi hatigoni kuponeswa pasinei nemabasa atinoita. Upenyu husingaperi chipo chinobva kuna Mwari kuburikidza naJesu Kristu, kwete mubhadharo wemabasa edu.—VaEf. 2:8, 9.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe