RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w93 1/15 pp. 3-4
  • Uchaendeswa Kudenga Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Uchaendeswa Kudenga Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mirangariro Yakasiana-siana Yokutorwa
  • Kutorwa
    Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
  • ‘Kutorwa Kundosangana naShe’—Seiko?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • “Kununurwa Kwenyu Kuri Kuswedera Pedyo”!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Kudzoka kwaKristu
    Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
w93 1/15 pp. 3-4

Uchaendeswa Kudenga Here?

VANHU vakawanda vanodavira kuti vachaenda kudenga apo vanofa. Asi vamwe vanofunga kuti vachaendeswa kudenga mukunonzi kutorwa. Iyoyo ndiyo kariro yako here?

Kutorwa ndiko “kunyangarika kwakamwe kamwe kwamamirioni namamirioni avanhu pasina kuzivikanwa kupi nokupi kwokwavakaenda!” Akadaro mumwe muevhangeri wePurotesitendi. Mukuwirirana neEvangelical Dictionary of Theology, shoko rokuti “kutorwa” rinonongedzera ku“kubatanidzwa kwechechi naKristu pakuuya kwake kwechipiri.”

Vamwe vanokuwana kuchikangaidza kufunga nezvokusiya shamwari nemitezo yemhuri shure kuti vandosangana naJesu Kristu. Bva, vakawanda vanodavira kuti kutorwa kunofanira kuitika. Kuchaitika here? Kana zvakadaro, rini?

Mirangariro Yakasiana-siana Yokutorwa

Bhaibheri rinoratidza kuti pamberi pokutanga kwoKutonga kwaMakore Ane Chiuru kwakapikirwa kwaKristu, kuchava nenhambo inonzi “dambudziko guru.” Jesu akati: “Ipapo kuchava nedambudziko guru rakadai serisati raitika chifo chamavambo enyika kusvikira zvino, aiwa, uyewo harisati richizoitikazve.” (Mateo 24:21, NW; Zvakazarurwa 20:6) Vamwe vanoisa kutorwa pamberi pedambudziko guru. Vamwe vanokukarira mukati menguva iyoyo. Vamwezve vanofunga kuti kutorwa kuchauya pashure penhamo iyoyo isingaenzaniswi.

Murangariro wapashure pedambudziko wakanga uri mukuru kutozosvikira pakuvamba kwezana ramakore rechi 19. Ipapo, muEngland makavamba sangano rakatungamirirwa neaichimbova mufundisi weChurch of Ireland, John Nelson Darby. Iye navaAnglican vaiva nendangariro yakafanana vakava vanozivikanwa savaBrethren. Achibva panzvimbo yake yePlymouth, Darby akaenda kundoparidzira muSwitzerland nokune dzimwe nzvimbo muEurope. Iye akataura kuti kudzokera kwaKristu kwaizoitika mumwero miviri. Kwaizovamba nokutorwa kwapachivande, umo “vasande” vaizotorwa nhambo yamakore manomwe yedambudziko isati yaparadza pasi. Ipapo Kristu aizooneka pachena, achiperekedzwa naava “vasande,” uye pamwe chete vaizotonga pasi pano kwamakore ane chiuru.

Darby akasimbisa kudikanwa kwokuparadzana nenyika, uye avo vaigoverana mirangariro yake pakupedzisira vakasvika pakuzivikanwa seExclusive Brethren. B. W. Newton akatungamirira boka rakasiana iro raidavira mukutorwa asi kusati kuri kwapamberi pedambudziko. Mutsigiri wedambudziko rapashure Alexander Reese akataura kuti “rondedzero dzoKutorwa Kwapachivande ingozi kutariro yoKuuya kwaKristu.”

Vezvedambudziko rapamberi vanodavira kuti uyu musiano mumurangariro wakakomba zvakakwana kutapura “rudzi rwetariro [yavo] pamusoro pokuuya kwaKristu.” Vamwe vanoisa chivimbo mu“rondedzero yokutorwa kusina kukwana,” vachidavira kuti avo vakavimbika zvikurusa kuna Kristu vachatanga kutorwa uye venyika zvikuru vachatorwa gare gare.

Mapoka akawanda eevhangeri anozivisa kutorwa kwava pedyo kwamaKristu akatendeka. Nemhaka yemirangariro inosiana, zvisinei, kabhukwana kakabudiswa neElim Pentecostal Church yeBritain kanoti: “Nepo tichidavira chimiro chakafara chezvinoitika zvine chokuita nokudzokera kwaShe Jesu . . . , rusununguko runobvumirwa mukududzirwa kwouporofita mukuwirirana nokupwiswa kwomunhu. Vakawanda vanogamuchira murangariro usiri wedzidziso, vachimirira nokushivirira kuti zvinoitika zvimene zviwadzanyure gadziriro youporofita.”

Shoko rakafuridzirwa raMwari, Bhaibheri, ndiwo mupimo watinofanira kuyera nawo uzvokwadi hwezvitendero zvose. (2 Timotio 1:13; 3:16, 17) Naizvozvo, iro rinotii pamusoro pokutorwa?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe