Mabasa eZvapupu zvaJehovha Mazuva Ano
Nicaragua
Nyika iyi inonakidza inoratidza kusiyana-siyana kwakaita nharaunda dzayo nevanhu vayo. Chinongosuruvarisa ndechokuti muNicaragua mave muchiitika njodzi, dzimwe dzinongoitika dzoga dzimwe dzinokonzerwa nevanhu. Kunyange zvakadaro, njodzi hadzina kutadzisa zviuru zvevanhu kugamuchira mashoko akanaka oUmambo hwaMwari. Ona kuti chikomborero chakakura chaJehovha chakaguma sei nezvibereko zvomudzimu zvakawanda munyika iyi inopisa ine madziva, nzizi, nemakomo.
Philippines
Fungidzira kuoma kwazvakaita kuparidza mashoko akanaka munyika yose ine zvitsuwa zvinopfuura 7 000, zvakawanda zvacho zvisiri nyore kusvika kwazviri nokuda kwemasango nemakomo! Kuwedzera kune izvozvo, madutu, mafashamo, kudengenyeka kwenyika, uye kuputika kwemakomo ndezvenguva dzose. Verenga kuti kunamata kwakachena kwakabudirira sei muPhilippines pasinei nezvipingamupinyi zvakadaro.