RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • yb03 pp. 43-64
  • Mushumo Wepasi Pose

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mushumo Wepasi Pose
  • Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2003
Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2003
yb03 pp. 43-64

Mushumo Wepasi Pose

◼ OCEANIA

Nhamba yenyika: 30

Nhamba yevanogaramo: 33 773 304

Nhamba yevaparidzi: 92 691

Nhamba yevadzidzi veBhaibheri: 44 999

Pane chimwe chiteshi chezvitima kumaruwa eNew South Wales, kuAustralia, vaparidzi vaviri vanogadzira nzvimbo yavanoisira mabhuku pose panenge pava kuda kusvika chimwe chezvitima zviviri zvaikoko. Nechikonzero chokuti zvitima zvacho—Indian Pacific neThe Ghan—zvinomirapo kwemaawa angasvika maviri, vaparidzi vacho vakakurukurirana zvakanaka nevanhu vanenge vakatakurwa nezvitima izvi uye vakagovera mabhuku akawanda. Zvinoitika ndezvokuti, pakudzoka, vamwe vanoto“dzokerazve” kuvaparidzi ava.

Kondakita weThe Ghan anowanzozivisa zvinhu zvakanaka zvingafadza vanenge vakatakurwa nechitima ichi pachinenge chakamira panzvimbo dzakasiya-siyana. Sezvo akawana kare mvumo kuvaparidzi voUmambo ava, ava kubatanidza nzvimbo yavo yemabhuku muzviziviso zvake. Hungu, pamusana pokukwanisa kushandisa mitoo yakasiyana-siyana kweZvapupu zviri kwazvo zvoga izvi, vafambi vanobva muAustralia mose uye mhiri kwemakungwa vari kugamuchira uchapupu hwakanaka kwazvo.

Mamwe mamishinari akaroorana kuKosrae, Micronesia, akagovera bhuku raZivo kune mumwe mufundisi weBaptist ava nemakore okuma80. Bhuku racho raiva mumutauro wechiKosraean, unotaurwa nevanhu vasingasviki 10 000. Mufundisi wacho akarumbidza bhuku racho. Vaviri ava pavakadzoka kwaari, akati akanga akurudzira nhengo dzechechi yake kugamuchira mabhuku edu. Sezvingatarisirwa, mamishinari acho akabvunza chikonzero chacho. “Nokuti chitendero chedu hachipi mabhuku mumutauro wedu,” akapindura kudaro. Mamishinari aya ava kukurukura nguva dzose nomufundisi akwegura uyu.

KuMarshall Islands, imwe hanzvadzi mumishinari yakakumbirwa kudzidza Shoko raMwari neimwe hanzvadzi yakanga isingachaiti basa. Asingaoni chiri kuchinja, mumishinari uyu akabvunza mukadzi wacho kuti: “Unonzwa sei kana vamwe vakakuudza kuti vanokuda?” Ashamiswa, akapindura kuti: “Hapana ati ambondiudza izvozvo.” Ipapo mumishinari akamumbundira, akati: “Ini ndinokuda. Uye Jehovha anotokuda zvikuru.” Hanzvadzi yakanga isingachaiti basa iyi yakatanga kuchema, uye kubvira ipapo maonero ayaiita Jehovha akachinja. Yakatanga kufambira mberi mumudzimu nokutanga purogiramu yokuverenga Bhaibheri zuva nezuva, kupinda misangano yose, uye kunyange kuita basa roupiyona hwebetsero. Ipapo muna January 2002 yakaendesa fomu rayo rokukumbira kushanda sapiyona wenguva dzose. Kubvira ipapo yakatanga zvidzidzo zveBhaibheri zvakawanda uye yakatopedza mwedzi mumwe ichipupurira pane chimwe chitsuwa chiri kune rimwe divi kunodiwa vaparidzi vakawanda.

Paaiva akazorora zvake pamahombekombe egungwa neshamwari dzake, mumwe mumishinari muNew Caledonia akapupurira zvisina kurongwa kune mumwe mukadzi wechiduku anobva kuFrance akanga ari pazvitsuwa zvacho achishanyira hama dzake. Mukadzi wacho aiva musoja uye akanga amboshanda kuSarajevo. Mumishinari wacho akabvunza mukadzi iyeye kana aida kugara nevanhu vanonyatsodanana. Musoja uyu akati aida, asi aifunga kuti hurumende yakasimba ine uto rinogona kurwa ndiyo bedzi inogona kuunza rugare rwechokwadi.

Mumishinari wacho akatsanangura kuti shamwari dzake Zvapupu, kunyange zvazvo dzaiva dzemarudzi akasiyana, dzakanga dzakabatanidzwa nokutenda kwadzo muna Mwari uye kumuda. Pashure pekurukurirano inonakidza, vaviri ava vakaronga kusangana zuva raitevera racho kuti vakurukurezve. Musoja uyu akauya sezvaakanga avimbisa akava nechidzidzo cheBhaibheri chake chokutanga. Pashure pacho, akatanga kupinda misangano yose. Nzara yake yokunamata yakakura, uye apo zororo rake rakanga rava kuda kupera, akadzidza mazuva ose. Ipapo, pashure pokupinda gungano uye kuratidzwa hofisi yebazi romunyika iyi, akadzokera kuFrance, uko ari kuramba achifambira mberi mumudzimu.

Jeannie muparidzi wechiduku anogara kuPapua New Guinea. Anowanzoenda kuchikoro nebhuku raMibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda. Rimwe zuva mudzidzisi wake wechiRungu akaudza vose vaiva mukirasi kuti vagadzirire kahurukuro kapfupi kane musoro wavanoda. Jeannie akasarudza musoro unotaura nezvezvinodhaka uye doro, achivakira hurukuro yake pachikamu 8 mubhuku raVechiduku. Mudzidzisi wake akanakidzwa kwazvo nehurukuro yake zvokuti akamuudza kuti aigona “kushandisa nguva yekirasi yose” kana aida. Saka ndizvo zvakaitwa naJeannie. Ipapo mudzidzisi wake akabvunza kana aida kupa hurukuro yake kugiredhi rechi10 [fomu yechitatu]. Jeannie akabvuma kuita izvozvo. Pashure pehurukuro yacho, mudzidzisi wake wechiRungu akamuudza kuti kana chikoro chikazova nemanheru ainzi vana vataure hurukuro, aizoedza kuti Jeannie apinzwe papurogiramu yacho. Zvichibva pahurukuro mbiri dzaakapa, Jeannie akakumbirwa kuuya nemabhuku 64 aVechiduku. Kuwedzera kune izvi, vamwe vasikana vaviri vakakumbira bhurocha raAnodei, uye Jeannie akakwanisa kutanga kudzidza Bhaibheri nevasikana vacho vose.

Pamusana pokurwisana kwemadzinza kuSolomon Islands, hama dzakawanda dzakarasikirwa nezvinhu uye dziri kutambura nokushaya mari. Mumwe murume nomudzimai vane imba yakanga yaparadzwa vakafunga kushanda mune imwe ndima yakanga isina kugoverwa, kunyange izvozvo zvaireva kushandisa mari shomanana yavakanga vanayo. Vakati hama dzishandise igwa ravo parwendo rwacho uye vakanakidzwa nezvavakazotsanangura sokupupurira kwakanakisisa kwavasina kubvira vamboita. Vava kutoronga kudzokera kune vaya vakafarira. Asi mari yacho vanoiwana kupi? Inenge vhiki imwe vadzoka kubva kundima yakanga isingawanzoshandwa, mumwe murume aiva nemari yaidiwa akataura navo akati aida kutenga nzvimbo yavakanga vatiza panguva yokurwisana.

Pachitsuwa cheSanto kuVanuatu, Imba yoUmambo yaiwanzoshandiswa senzvimbo yekokorodzano dzoruwa. Zvisinei, pakasvika 2001, nhamba yevaparidzi yakanga isisakwani muimba yacho. Saka hama dzakahaya nhandare duku iyo kusvikira panguva iyoyo, yaingoshandiswa kuitira mitambo. Achinetseka kuti vanhu vaizokanganisa nzvimbo iyi, maneja wepo akabhadharisa mari yakawanda, kunyange zvazvo hama dzakanga dzamuvimbisa kuti dzaizochenesa nhandare yacho kokorodzano isati yatanga uye yapera, nokugadzirisawo zvinenge zvakuvadzwa.

Sezvo maneja uyu ane chitoro muguta racho, akaona Zvapupu zvacho zvichitenga zvinhu zvokuchenesa nokugadzirisa nhandare yacho. Kuda kuziva kwakabva kwaita kuti aende kunoona zvakanga zvichiitika. Paakasvika panhandare yacho, akaona vanhu vanopfuura 100 vakanga vazvipira vachikorobha, kutsvaira, nokupenda, uye kugadzirisa zvimbudzi. Akabvapo aoma mate mukanwa. Nguva pfupi pashure pacho, nhandare iyi—isina tsvina uye yagadziriswa—yakanga isingachabvi pamiromo yevanhu. Hama padzakaenda kunobhadhara mari yekokorodzano, pfungwa dzamaneja dzakanga dzachinja zvachose. Akavabvisira 80 muzana pamari yavaizobhadhara ndokuti munguva yemberi, Zvapupu zvaJehovha zvaigona kushandisa nhandare yacho pasina muripo! Vaparidzi 300 vakafara kuva nevanhu 832 vakapinda kokorodzano iyi uye kuona 13 vachibhabhatidzwa.

◼ ASIA NEMIDDLE EAST

Nhamba yenyika: 47

Nhamba yevanogaramo: 3 869 881 970

Nhamba yevaparidzi: 561 276

Nhamba yevadzidzi veBhaibheri: 390 151

Bazi reIndia rinofara kushuma kuti uchapupu hwakaisvonaka hwakapiwa kunzvimbo dzakawanda dzenyika yacho nevhidhiyo yakatepfenyurwa paterevhizheni. Imwe nhepfenyuro yeTV yakanzwa nezvevhidhiyo inonzi The Bible—Its Power in Your Life, yakabudiswa neZvapupu zvaJehovha. Zvadaro, nhepfenyuro yacho yakanyorera dzimbahwe renyika yose riri kuNew York ichikumbira mvumo yokutepfenyura vhidhiyo yacho pamwe chete nepurogiramu inonzi Home Shanti (Rugare Rwomumba). Yakabvumirwa, uye bazi reIndia rinoti vhidhiyo yacho yaka“ratidzwa mudzimba dziri mundima yacho yose” kumavambo kwa2002.

MuIsrael imwe hanzvadzi yaiziva mutauro wemasaini yakapfuura mumwe murume nomudzimai matsi, Benny naSharon, mumugwagwa. Pane kuti imhanyire bhazi rokumba, yakamira kuti ipupurire murume nomudzimai ava, uye vakaikoka kumba kwavo. Kuda kuziva kwaBenny kwaakava nako pakutanga kwakaguma kwava kufarira kwechokwadi shoko roUmambo, uye nenguva isipi akanga ava kupinda misangano yeungano. Zvisinei, kunze kwokuva matsi chaiyo, haanyatsooniwo. Saka zvaimunetsa kuenda kumisangano uye kunzwisisa aiturikira nomutauro wemasaini. Asi akaedza zvaaigona, uye panguva iyoyo zvakare, akaramba achiita kuti upenyu hwake nounhu zvipindirane nezvinodiwa neBhaibheri.

Tichifunga nezvourema hwaBenny, kufambira mberi kwake kwave kuchishamisa. Anotsinhira pamisangano, anopa hurukuro dzevadzidzi dzinonakidza muChikoro chaMwari Choushumiri—kunyange zvazvo achidzipa kuburikidza nomuturikiri—uye munguva ichangobva kupfuura akava muparidzi asina kubhabhatidzwa. Mudzimai wake, Sharon, uyo asinganyatsonzwawo uye asinganyatsooni, akatanga kudzidza pave paya asi ari kufambira mberi zvakanaka. Sezvinotarisirwa, Benny naSharon vave vachitaurira vakawanda vasinganyatsonzwi vavanozivana navo nezvokutenda kwavo kwavachangowana.

KuJapan imwe hanzvadzi inonzi Fukue inoti ndima yayo chaiyo ndivo vanhu vainosangana navo kuburikidza nevana vayo. Ndima yayo inosanganisira vavakidzani vayo vapedyo nevabereki vainosangana navo kukireshi, kuchikoro, uye kumisangano yevabereki yokuchikoro. Pose painozvisuma, inotaura mashoko asina kuoma asi anobva pamwoyo okuti Bhaibheri rinoyamura kwazvo pakurera kwayo vana vayo. Zvadaro nokungwarira inochinjira kune mumwewo musoro. Asi sezvo inenge yatokurira chipingamupinyi chokutanga, inoona zvava nyore zvikuru kupinza Bhaibheri mukurukurirano dzinozotevera. Nzira inoshandiswa naFukue yave ichibudirira here? Hungu, iye zvino akabatsira vanhu 12 kuti vabhabhatidzwe, vashanu vavo vava kupayona. Fukue anoshanda nesimba pauchapupu husina kurongwa nokuti iye pachake akadzidza chokwadi nenzira iyoyo.

Mune rimwe taundi duku muKazakhstan, mumwe mukadzi aiva nomwana uyo akarwara ndokubva azofa. Zvadaro mwana wake wechipiri akafa, achangozvarwa. Achitambura mumuviri nomupfungwa, mukadzi uyu akapedzisira ava muchipatara. Paaiva akarara pamubhedha humwe usiku, akanzwa mukoti achizevezera. Paakanyatsoteerera, akaziva kuti mukoti wacho, mumwe weZvapupu zvaJehovha, akanga achitomunyengeterera, achitotaura zita rake. Mangwanani akatevera acho, mukoti wacho akanyaradza mukadzi uyu netariro yorumuko. Nguva pfupi pashure pacho, mukadzi uyu akabudiswa muchipatara.

Rimwe zuva makore mashanu gare gare, mukadzi uyu akaita manzwira hama dzake dzichitaura nomumwe munhu zvinhu zvakafanana nezvakanga zvataurwa nomukoti muchipatara. Agutsikana kuti munhu uyu anofanira kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha, akamuudza zita rake, uye pakarongwa kuti adzidze Bhaibheri. Atsunga kusapambadza mamwe makore mashanu zvakare, akadzidza nesimba ndokufambira mberi mumudzimu zvakanaka kwazvo. Pasina nguva refu, akatsaurira upenyu hwake kuna Jehovha uye akabhabhatidzwa. Fungidzira kufara kwaakaita paakasangana nomukoti uya akanga amunyaradza makore anodarika mashanu akanga apfuura, pakokorodzano yake yokutanga! Achibudisa misodzi, akati: “Ndingangodai ndisina kugamuchira chokwadi kudai usina kundinyengeterera zvinyoro-nyoro muchipatara chiya. Wakabaya mwoyo wangu zvikuru.”

Imwe hanzvadzi inoshanda nevamwe vakadzi 20 pabhangi muTaiwan yakafunga nzira itsva yokuedza kuita kuti vamwe vainoshanda navo vafarire Shoko raMwari. Pane kumwe kuzorora kwemasikati, yakanyora pepa rokukoka “kuzopinda chidzidzo cheBhaibheri chepachena chichatora maminitsi 30 kusvika 45 pavhiki panguva yokumbozorora.” Yakati kurukurirano yacho “ichakubatsira kuwana zivo inokosha yeBhaibheri.” Yakasaina pepa rokukoka racho ndokuisa makopi acho padhesiki rimwe nerimwe muhofisi. Masikati iwayo chaiwo, vanhu vana vakabvuma.

MuThailand mumwe murume anonzi Arun akatanga kufarira Zvapupu zvaJehovha kuburikidza neshamwari yake yokubasa. “Ndakacherechedza kuti kubvira zvakatanga shamwari yangu kusonganira neZvapupu,” akatsanangura kudaro Arun, “yakachinja chaizvo muupenyu hwayo, uye ndaidawo kuita izvozvo.” Arun aibheja uye aishandisa zvinodhaka. Kunyange akanga aedza kurega miitiro yakaipa iyi, akanga asina kubudirira. Akanga akaroora uye pane imwe nguva akanga afunga kuti kuva nomwana kwaizomuita kuti anzwe aine mutoro zvikuru. Asi mwanasikana wavo muduku azvarwa, hapana chakachinja. “Pakupedzisira,” akadaro Arun, “mudzimai wangu akanga asingachagoni kuzvishivirira, uye akandisiya, mwanasikana wedu akasara achitarisirwa nomumwe mainini.”

Zvinhu pazvakanga zvakaipa kudai muupenyu hwaArun, waaishanda naye akamukoka kuImba yoUmambo. Arun akaenda, uye kunyange asina kunzwisisa zvakawanda pane zvakataurwa pachikuva, akafadzwa noushamwari hwaivapo. Pashure pacho, akapinda misangano nguva dzose, akabvuma kudzidziswa Bhaibheri, uye akatanga kushandisa zvaaidzidza. Aine shungu dzokudzokerana nomudzimai wake, akataura naye nezvenyaya yacho, asi haana kudavira kuti akanga achinja zvechokwadi. “Ndakamupupurira ndokumukoka kuti asangane neshamwari dzangu itsva,” akadaro Arun, “asi akaramba, achiti ndakanga ndichinyengedzwa. Zvisinei, ndakaramba ndichimushanyira nokumukurudzira. Pashure peinenge mwedzi mishanu, mwoyo wake wakanyevenuka uye akandiperekedza kune mumwe musangano. Nguva pfupi pashure pacho, akabvumawo kudzidza Bhaibheri.”

Iye zvino Arun, mudzimai wake, nomwanasikana wavo muduku vava pamwe chete semhuri yakabatana uye inofara. Vabereki vaviri ava vakabhabhatidzwa muna 2001 pakokorodzano yoruwa muBangkok. Kuwedzera kune izvi, munun’una waArun, uyo aimboraramawo upenyu hwounzenza, akabvumawo mashoko akanaka uye zvino ava muparidzi asina kubhabhatidzwa.

◼ EUROPE

Nhamba yenyika: 45

Nhamba yevanogaramo: 727 550 200

Nhamba yevaparidzi: 1 456 309

Nhamba yevadzidzi veBhaibheri: 647 279

Pamusana pourwere hwokuzvarwa nahwo, Eva ane makore 25, uyo anogara muTiranë, kuAlbania, akareba masendimita 113 chete. Zvisinei, pasinei nezvinonetsa anoita upiyona hwebetsero, kunyange zvazvo vamwe vanhu vachimutsvinyira pamusana pokupfupika kwake. Pane kuita hasha, Eva anoremekedza munhu wose uye nguva dzose anonyemwerera, zvinocherechedzwa nevanhu vanofunga. Mumwe wevanhu vakadaro aiva mukadzi ane mwanasikana wemakore 26 aitambura nokuora mwoyo. Mukadzi uyu akanga aenda nomwanasikana wake kuchipatara nokumasangano ezvitendero akasiyana-siyana, achitarisira kuti aporeswe. Zvino rimwe zuva akaona kufara kwaEva akafunga zvokumbomushanyira. Apo Eva akavhura musuo wake, mukadzi uyu akamukumbira kana angadzidza Bhaibheri nomwanasikana wake. Sezvaitarisirwa, Eva akabvuma. Pasina nguva refu, utano hwomwanasikana uyu hwakatanga kuita nani—zvokuti amai vacho vakakumbira kuuyawo pavaidzidza. Iye zvino Eva ava kuuya naamai nomwanasikana wavo kumisangano nguva dzose, uye vose vari kufambira mberi mumudzimu.

Mumwe wechiduku anonzi Benjamin akakurira mumusha wechiKristu kuBelgium. Zvisinei, achiri kutanga kuyaruka, Benjamin akatanga kurarama upenyu huviri. Achinyepedzera kurarama maererano nenhungamiro yeBhaibheri, akabatana nechimwe chikwata chepwere chainwa doro kwazvo, kushandisa zvinodhaka, uye kusvuta fodya. Benjamin aiteererawo mimhanzi yakaipa. Pasina nguva refu, akatanga kunetswa nemadhimoni uye kupota achifenda zvaikonzerwa nokunyanyisa kunwa doro—asi akaramba achishandisa zvinodhaka zvakasimba. Akarasa pfungwa yose yorucheno ndokutanga kurwara zvikuru. Panguva iyi yakaipa zvikuru muupenyu hwake, akaona kuti dzaaiti ishamwari dzake dzakanga dzisina kana shungu naye! Ndipo Benjamin paakazonyatsofungisisa nezvoupenyu hwake uye kuti zvinhu zvaizomufambira sei. Nokuchenjera, akafunga kudzokera kune vaya vaizomuda zvechokwadi, kureva kuti, mhuri yake naJehovha.

Zvisinei, kubva pamavambo Benjamin akaedzwa pane zvaakanga asarudza kuita. Akatambudzwa nemadhimoni zvikuru, uye musikana wake akamunyengetedza kuti arege kusonganira neZvapupu. Musikana uyu akatoedza kuti vapristi veKaturike uye vamwewo vakaramba kutenda vamunyengetedze kuti arege kuita izvozvo. Asi nokubatsira kune rudo, uye kwokushivirira kwevabereki vake nevakuru veungano, Benjamin akatanga kukudziridza kutenda kwakasimba muna Jehovha, achiona kuti mutemo waMwari zvechokwadi “wakakwana, unoponesa mweya.” (Pis. 19:7) Somugumisiro, akazorega mararamiro ake ekare. Utano hwaBenjamin hwave nani, uye ava nomufaro wechokwadi.

Pavaiita ushumiri hwomumugwagwa, mumwe murume nomudzimai vomuungano inotaura chiFrench kuBritain vakataura nevakadzi vaviri vanobva kuZimbabwe. Zvapupu zvacho zvakatsanangura kuti zvakanga zvichitsvaka vanhu vanoda kudzidza Bhaibheri pamusha pasina muripo ndokubvunza kana vakadzi ava vaitaura chiFrench. Vakati vakanga vasingachigoni asi vakati vaida kudzidza Shoko raMwari. Pasina nguva refu vakadzi vacho vose vari vaviri vakatanga kupinda Chidzidzo Chebhuku Cheungano. Pakapera chidzidzo chavo chebhuku chokutanga, imwe hama yakavaratidza zvakaitika kuna Nathan Muchinguri wokuZimbabwe, zvinorondedzerwa papeji 20 yeBhuku Regore ra2002. Pavakaona mufananidzo waHama naHanzvadzi Muchinguri papeji 21, vakaratidza kushamiswa zvikuru. Waiva mufananidzo wasekuru nambuya vavo! Vakadzi ava vakatsanangura kuti kuZimbabwe, vakanga vagara kure nevamwe vose vomumhuri mavo uye vakanga vasingachazivi kuti vamwe varipi. Sezvinonzwisisika, vakakumbira kuchengeta Bhuku Regore iri. Vakadzi vaviri ava iye zvino vava kudzidza nguva dzose, vasimbiswa nomuenzaniso wokutendeka wasekuru nambuya vavo.

Padzakanga dzichishanda mundima iri kwayo yoga kuCzech Republic, dzimwe hanzvadzi mbiri dzakasangana nomumwe mukadzi aiva nomutsa uyo akadzipinza mumba. Zvisinei, aiva nepfungwa dzakasimba pane dzimwe nhau dzeBhaibheri, dzakadai sezvinorehwa nokuva ne“zvipo zvomudzimu.” (1 VaK. 14:12) Uyezve, akaramba kuverenga Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene, achida kushandisa shanduro yake yeEcumenical. Pashure peinoratidzika kuva kurukurirano isingabudiriri yeawa imwe chete, hanzvadzi idzi dzaifanira kumhanyira kunobata chitima. Dzakafara chaizvo kuti dzakanga dzasiyana nekurukurirano yakaoma iyi. Zvisinei, imwe yehanzvadzi idzi yakaona kuti yakanga yasiya Bhaibheri rayo nekabhuku kayainyorera zvinhu kumba kwomukadzi wacho, izvo zvaireva kudzokera ikoko. Padzakasvika ikoko dzakashamiswa zvikuru! Mukadzi uyu akati akanga ati dzawira mutswanda, akatanga kuongorora Bhaibheri rehanzvadzi iyi uye akayemura kunaka kweshanduro yacho, nongedzero, uye konikodhenzi. Ipapo akabvunza kana aigona kuvawo neShanduro yeNyika Itsva. Pamusoro pazvo, akabvuma kudzidza Bhaibheri. Kubvira ipapo, amai vake vakabatanawo navo muchidzidzo chacho.

Imwe hanzvadzi kuReykjavík, Iceland, inoshanda paMarine Research Institute inoita purogiramu yokudzidzisa kubata hove. Nguva pfupi yapfuura, vanhu 14 vanobva kunyika dzakasiyana-siyana dzichiri kusimukira vakapinda kosi yacho yemwedzi mitanhatu. Hanzvadzi iyi yakagovera mudzidzi mumwe nomumwe bhuku raIs There a Creator Who Cares About You? Yakanga yawana mabhuku echiChinese, chiPutukezi, chiRungu, chiSpanish, nechiVietnamese. Vanhu vacho vose vari 14 vakagamuchira bhuku racho. Zviso zvomumwe murume nomukadzi vokuVietnam zvakafara pakuona bhuku rakanyorwa mumutauro wavo. “Handimbozvidaviri!” murume wacho akadaro. “Zvandishamisa chaizvo. Makariona sei?” Mumwe wokuUganda akanga ava kutoziva bhuku iri uye akataurira vamwe kuti rakanaka. Mumwe mukadzi wokuCuba akati airidawo nokuti mwanasikana wake wemakore 13 ava kubvunza mibvunzo yakaoma maererano noupenyu.

Vadzidzi ava vasati vadzokera kunyika dzavo, hanzvadzi iyi yakavaudza kuti yakanga yaisa mamwe mabhuku (10 aZivo, magazini 30, uye mabhurocha 10) pane imwe tafura muimba yokudzidzira kuti vatakure vozoverengera mundege vachienda kumusha. Hazvishamisi kuti chinhu chokutanga chaakaita musi woMuvhuro mangwanani pashure pokunge vaenda kwaiva kuenda kutafura iyoyo. “Ndaitarisira kuona mabhuku aZivo nemagazini mashomanana akanga asara,” akadaro, “asi patafura pacho pakanga pasina chinhu!”

Rimwe jaya kuLatvia, ratichadana kuti Arthur, raisafarira Mwari. Asi, akaona zvakaoma kuti abvume kuti vanhu vakashanduka-shanduka kubva kutsoko. Muna 1996, Arthur akapinda muchinetso chakakura uye akaiswa mujeri. Ikoko akatanga kufungisisa nezvoupenyu. Vabereki vake pavakamushanyira, vakamukurudzira kuverenga Bhaibheri, vachifunga kuti zvingamubatsira. Ipapo rimwe zuva muna 1998 apo Arthur ainyora tsamba, waaigara naye muchitokisi akamupa bhuku rokutsambidzira pepa rake. Bhuku iroro raiva raIwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi pano. Neshungu dzokuda kuziva zvirimo, Arthur akarivhura, akanyatsoriongorora, uye akariverenga rose mumazuva matatu. Mumwezve musungwa aiva nebhuku raZivo muchitokisi chake. Paakaona kufarira Bhaibheri kwaArthur, akamupa bhuku racho. Akamupawo kero yechimwe Chapupu chaaiziva.

Arthur akanyorera Chapupu chacho akabva atanga kudzidza Bhaibheri nokunyorerana tsamba. Paakabudiswa mujeri muna April 2000, akabva angotanga kupinda misangano yeungano. Asi zvakadini nevabereki vake, vakanga vambomukurudzira kuverenga Bhaibheri? Sezvingatarisirwa, Arthur akavaudzawo nezvokutenda kwake kwaakanga achangobva kuwana. Zvakaguma nei? Vakatangawo kudzidza Shoko raMwari. Fungidzira mufaro wavo apo vose vari vatatu vakabhabhatidzwa pazuva regungano chairo muna March 2002!

Ari jaya, mumwe chiremba wevakaremara wokuSpain akadzidzira zvoufundisi pane chimwe chikoro chechitendero. Avhiringidzika, pashure pemakore matatu akabva pachikoro apa ava munhu asingadaviri kuti kuna Mwari. Kunyange zvazvo akanga asingafariri Zvapupu zvaJehovha, aida chaizvo kuziva kuti sei vanhu “venhandonhando” vakadaro vachigona kunzwisisa Magwaro zvakadaro, nepo iye, akanga apedza makore ari pachikoro, aiziva zvishomanana. Kuda kwake kuziva nezveZvapupu kwakawedzera apo imwe nguva, vashandi vepachipatara vakaratidza kusamufarira. Izvi zvakamuyeuchidza nezvemabatirwo anomboitwa Zvapupu. Zvichitevera chiitiko ichocho, chiremba wacho akabvuma kudzidziswa Bhaibheri. Pasina nguva refu, akafadzwa zvikuru nezvaakanga achidzidza zvokuti akadzidza kanokwana katatu pavhiki! Akatangawo kupinda misangano yose akanyoresa muChikoro chaMwari Choushumiri. Nguva pfupi yapfuura, akabhabhatidzwa.

◼ AFRICA

Nhamba yenyika: 56

Nhamba yevanogaramo: 739 543 571

Nhamba yevaparidzi: 915 262

Nhamba yevadzidzi veBhaibheri: 1 550 572

MuBenin, kuvakwa kweDzimba dzoUmambo kuri kukonzera mufaro mukuru pakati pehama, zvichipa uchapupu hwakanaka kwazvo. Pakutsaurirwa kweimwe Imba yoUmambo, imwe nhengo inozivikanwa zvikuru yomunharaunda yacho yakati kune mumwe weZvapupu zvaJehovha: “Chechi yenyu ndiyo nzvimbo yokunamatira yakanaka kupfuura dzose pano, uye icharamba yakadaro. Nei ini, muKaturike akakwana, ndichitaura kudaro? Nguva pfupi ichangobva kupfuura, nzanga yedu yechiKaturike yakapiwa 17,000,000 CFA [Z$1 265 300] kuti ipedze kuvaka chechi yedu, yakatanga kuvakwa kuma1950. Asi vafundisi vakadya mari yacho. Imwe nzanga yeKaturike iri kune rimwe divi reguta yakanga yachengeta 3,000,000 CFA [Z$220 400] kuti ivake chechi munharaunda yayo, asi mari iyiwo ‘yakanyangarika.’ Ndosaka ndichikwanisa kutaura kuti chivako ichi ndicho chakanaka kupfuura zvimwe zvose muguta uye chicharamba chakadaro.”

Mune dzimwe nyika kusada kusiyana nematumwa kunoita kuti vatsva zvivaomere kutsigira chokwadi cheBhaibheri. Funga nezvomuenzaniso weimwe mhuri kuCôte d’Ivoire yaipira dumwa rayo mazuva ose. Apo mumwe wevanasikana akatsigira chokwadi cheBhaibheri ndokuramba kubatanidzwa mukunamata kwenhema, mhuri yacho yakatya kuti achatsingwa. Kunyange zvakadaro, musikana uyu akaramba akashinga, izvo zvakaita kuti ashorwe uye abve pamusha. Zvisinei, haana kuvenga mhuri yake asi akaramba achivashanyira.

Zvakazoitika ndezvokuti ambuya vake vakatanga kufarira Bhaibheri, vakatokumbira muzukuru wavo kudzoka kumusha, uye akadzoka. Ambuya ava vakaramba vachifambira mberi pakunamata uye vakabhabhatidzwa vava nemakore 62. Vafadzwa zvikuru nezvakanga zvadzidzwa naambuya, amai vomusikana uyu vakatangawo kudzidza Shoko raMwari, uye zvino vanopupurirawo kuvamwe. Hungu, zvizvarwa zvitatu zvakasunungurwa mukunamata kwenhema, uye zvose izvi pamusana pokuti musikana uyu akaramba akaperera kuna Jehovha uye haana kurega kuda mhuri yake.

KuMozambique hama dzinoshanyira majeri nguva dzose kuti dziitise vasungwa zvidzidzo zveBhaibheri. Muna 2001 vasungwa vakapoya pane rimwe remajeri acho. Zvisinei, vasungwa vaive vachidzidza vakaramba kupoya. Vakuru vejeri vakacherechedza izvi uye vakarumbidza Zvapupu zvaJehovha nokuda kwebasa razvo. Iye zvino vakuru vejeri vava kukurudzira vasungwa vose kudzidza nehama idzi. Pamusana pokuvandudzika kukuru kwomufambiro wavo, vasungwa vaviri vakatoderedzerwa makore avo ousungwa. Mumwe wavo ari kutarisira kubhabhatidzwa pakokorodzano yoruwa inotevera.

Judith ane makore makumi maviri nemanomwe, anogara kuNamibia, akapinda mutsaona yemotokari yakasiya nhengo dzomuviri wake dzisisashandi kubva mumutsipa zvichidzika. Akatanga kufunga zvokuzviuraya, achifunga kuti: ‘Nei izvi zvakaitika kwandiri?’ Vanhu vanobva kumachechi akasiyana-siyana vakauya kuzomushanyira vachimunamatira kuti afambezve. Minyengetero yavo paisina kupindurwa, vakaudza Judith kuti Mwari anofanira kunge aine zvaari kumurangira. Izvi zvakaita kuti Judith atonyanya kufunga nezvokuzviuraya. Asi chokutanga aida kuziva kuti Mwari aimurangirei. Saka rimwe zuva akakumbira amai vake kudaidza mufundisi weimwe chechi yomunharaunda yavo kumba kwavo. Judith paakanga akamirira kuti mufundisi asvike, pakauya Zvapupu zvaJehovha. Judith akabvuma chikumbiro chavo chokuti vadzidze Bhaibheri vachishandisa bhuku raZivo, aine tariro yokuti Bhaibheri ringapindura mibvunzo yake yaimunetsa. Paaidzidza chitsauko 8 chinoti, “Nei Mwari Achibvumidza Kutambura?,” akaziva kuti tsaona yake yakanga isina kukonzerwa naMwari. “Fungidzirai kurerukirwa uye kufara kwandakaita pandakaziva kuti zvinhu zvakaipa hazvibvi kuna Jehovha!” akadaro. Judith akaramba achidzidza, akatsaurira upenyu hwake kuna Jehovha, uye zvino anotarisira mberi kunyika itsva, apo achavazve noutano hwakanaka.

Panguva yokuparadzwa kworudzi muRwanda muna 1994, mumwe mukadzi wechiduku anonzi Chantal akatizira kuBurundi yakavakidzana nenyika yavo. Ikoko akawana bhuku raIwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi pano ndokuriverenga rose. Adzokera kuRwanda, haana kukwanisa kuona Zvapupu nokuti mhuri yake yaigara kunzvimbo iri kure. Zvisinei, amai vake vakasangana nevaparidzi voUmambo vaviri vakanga vachipupurira pamusika. Kuti vasangane naChantal, vakanyora pakapepa mazuva avaironga kuzouyazve pamusika uyu ndokukapa kuna amai vaChantal. Pane rimwe remazuva akanga anyorwa, Chantal akagara nechepagedhi romusika wacho, akasimudza kapepa kacho kuti wose anopfuura aone. Akafara sei apo hama dzacho dzakamuona dzikamutaurira kuti dzaiva vanaani! Dzichiona kufarira kwake kwechokwadi, dzakamukoka kuChirangaridzo chakanga chava kusvika, icho Chantal akapinda—kunyange zvazvo aifanira kufamba kwemazuva maviri kuti asvike kwaisanganirwa kwacho!

Kubvira ipapo, Chantal aienda kumisangano nguva dzose, pasinei nedaro racho. Zvinosuwisa kuti mhuri yake yakamupikisa. Imwe yehanzvadzi dzake yakatomudzinga pamba nezibanga pane imwe nguvar! Asi Chantal akaramba akashinga. Gore rimwe pashure peizvi, misangano yakanga yava kuitirwa nechepedyo nokumusha kwavo, kunyange rakanga richiri daro ringafambwa maawa masere. Kunyange zvakadaro, Chantal akanga ava kukwanisa kudzidziswawo Bhaibheri kwenguva yokutanga. Pasina nguva refu, akatsaurira upenyu hwake kuna Jehovha, uye iye zvino ari kushanda sapiyona wenguva dzose. Uye zvakadini nemhuri yake? Yakachinja mwoyo zvokuti. Hanzvadzi yake yakamudzinga mumba yava piyona wenguva dzose, imwezve hanzvadzi ichangobva kubhabhatidzwa, uye amai vake vava muparidzi asina kubhabhatidzwa. Kuwedzera kune izvi, pakaumbwa boka risati rava ungano munharaunda yavo, saka iye zvino mhuri yacho yava kungofamba maminitsi mashanu chete kuenda kumisangano.

Thembisile ihanzvadzi inoshingaira inogara pedyo nomumwe muzinda wamambo kuSwaziland. Aida kupupurira kuvagari vomumuzinda wacho, asi zvaimuomera nokuti paichengetedzwa zvakasimba. Pashure pokunyengetera nezvenyaya yacho, akashinga ndokuenda kumuzinda wacho. Akapupurira kune vanochengetedza vacho, mumwe wavo akagamuchira bhurocha raUnogona Kuva Shamwari yaMwari! Vambomubvunzurudza nokumusecha, vakamubvumira kupinda—zvakamufadza chaizvo. Thembisile akatoshamisika zvikuru noushamwari hwevagari vemo. Iye zvino ava kushanda ndima iyi nguva dzose uye akatanga kudzidza Bhaibheri nevanhu vatatu. Uyezve, mapurisa ava kumugamuchira noushamwari. Zvakatoitika rimwe zuva ndezvokuti mumwe muchengetedzi akati kwaari: “Sunungukai henyu Vahanzvadzi; ingopindai. Muri kuita basa rakanaka kwazvo pano.”

◼ NYIKA DZEAMERICA

Nhamba yenyika: 56

Nhamba yevanogaramo: 807 517 534

Nhamba yevaparidzi: 3 023 062

Nhamba yevadzidzi veBhaibheri: 2 676 288

Mune rimwe taundi duku kuArgentina, mamwe mapiyona chaiwo maviri akaona mumwe murume nomudzimai vachisunda ngoro yaiva neimbwa yakakuvara. Mapiyona acho akati aida kuvatakura nemotokari ivo neimbwa yavo kuenda kuna chiremba wemhuka. Murume nomudzimai ava vakabvuma nomufaro, zvikuru sezvo pasina nomumwe wevavakidzani vavo akanga amboda kuvabatsira. Mapiyona aya akazoziva kuti murume wacho aiva mudzidzisi weketekezima wechechi yeKaturike uye aipinda nomudzimai wake misangano yose yaiitwa ikoko mukukudza vasande. Asi kubatanidzwa kwavo zvikuru muChechi yeKaturike hakuna kuvatadzisa kugamuchira magazini eNharireyomurindi neMukai! Ashanyira murume nomudzimai ava kwemakore anenge maviri, mapiyona acho akavakoka kuChirangaridzo. Manheru iwayo kwakanaya zvikuru, asi vaviri ava vakauya uye vakashamiswa kwazvo nokugamuchirwa noushamwari kwavakaitwa. Pamusoro pazvo, vakati kwenguva yokutanga vakanga vava kunzwisisa zvinorehwa noKudya kwaShe Kwemanheru. Iye zvino vava kudzidza Bhaibheri nguva dzose uye vanopinda misangano yose, vasinganetseki nokuti vavakidzani vavo vechiKaturike vangati kudii.

Pavaipupurira muBarbados, imwe hanzvadzi piyona nechimwe Chapupu vaifamba vachitevedza mugwagwa pavakapfuura mumwe mukadzi akanga akamira pasuo rake. Vakatanga kumupupurira asi vakashamisika apo akati, sokunge aitarisira mumwe munhu: “Pindai henyu mumba. Regai nditore Bhaibheri rangu.” Hanzvadzi idzi dzakapinda, dzikagara pasi nasaimba, ndokuenzanisira urongwa hwechidzidzo, dzichishandisa chidzidzo chokutanga mubhurocha raAnodei. Pashure pacho, mukadzi uyu akabvunza hanzvadzi piyona kana vakanga vari ivo vakanga varidza runhare vakati vanoda kumudzidzisa Bhaibheri pachena mangwanani iwayo. “Ndakamuudza kuti handisini,” akatsanangura kudaro piyona wacho. “Saka akanga aridza runhare wacho haana kuuya. Asi tinofara kuti takauya na11:30 chaidzo mangwanani, paifanira kuitwa chidzidzo chacho.” Mukadzi uyu ari kufambira mberi zvakanaka uye ava kutopinda misangano.

Misika isiri mukati mezvivako inogona kuva ndima dzokupupurira dzinobereka zvibereko. Mumwe mumishinari muBolivia anorondedzera kuti: “Murume wangu akagovera turakiti kune mumwe mukadzi aitengesa zvinhu mungoro pamusika wevarimi. Aiva noushamwari, saka ndakadzoka ndikati ndinoda kudzidza naye Bhaibheri, ndichishandisa bhurocha raAnodei. ‘Tinodzidzira pano here?’ akabvunza kudaro. ‘Hapana chinetso,’ ndakadaro. ‘Ndazvijaira.’ Zvino pandinosvika, anondipa kachigaro kake, uye tinodzidzira ipapo parutivi pengoro yake. Pakasvika vanoda kutenga, anovatengesera, tozopfuurira kudzidza.”

Mumwe mukadzi muCanada akapiwa Bhaibheri reShanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene neshamwari yake. Akanakidzwa zvikuru nokuriverenga uye akafunga kuti aida kudzidza zvakawanda. Saka akaenda panzvimbo yepaIndaneti yeJehovah’s Witnesses (www.watchtower.org) ndokubva anyora tsamba achikumbira kudzidziswa Bhaibheri uye bhuku raZivo. Pakasvika hanzvadzi mbiri dzikamupa bhuku racho, akaribatisisa ndokuti aizove apedza kuverenga bhuku racho rose mangwanani aitevera! Manheru akatevera acho akapinda musangano wake wokutanga akabva angonzwa kusununguka pakati pehama nehanzvadzi. Akafambira mberi nokukurumidza uye iye zvino ava muparidzi asina kubhabhatidzwa achitarisira kubhabhatidzwa munguva pfupi iri kutevera.

KuColombia mumwe mukadzi anonzi Sol aiva nourema hwaimuita kuti arambe akangorara. Airamba kuona ani zvake kunze kwevemhuri yake chete. Rimwe zuva muvakidzani wavo, mumwe weZvapupu zvaJehovha, akapa amai vaSol magazini eNharireyomurindi neMukai! kuti vape Sol. Pakupedzisira, Sol akabvuma kuona muvakidzani wacho, uyo akati aida kudzidza Bhaibheri naye. Sol akabvuma, uye rinenge gore rimwe gare gare, akapinda Chirangaridzo. Ndiyo yaiva nguva yokutanga yaakabva pamba mukati memakore manomwe. Mazuva maviri gare gare, akapinda gungano rake rokutanga. Kunyange asingatombogoni kugara, Sol ava kuitawo basa romumunda. Sei? Hama dzinomusunda dzichienda naye pasuo nesuo ari pamubhedha wadzakamugadzirira. Pamusana pomuenzaniso uye kukurudzira kwaSol, amai vake iye zvino vakabhabhatidzwa uye vanun’una vake vaviri mapiyona.

Mumwe murume nomudzimai vachangobva kugadzwa kuva mapiyona muCosta Rica vakashanyira mumwe mukadzi mundima yavo. Pavakasvika, vakamuudza kuti hofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha yakanga yaridzirwa runhare nomuroora wake, Chapupu chinogara kuUnited States, achikumbira kuti mumwe munhu ashanyire vamwene vake. Mapiyona akaroorana aya akarondedzera kuti “Takashamisika kuti mukadzi uyu wemakore 65 akabva atanga kuchema. Akati akanga asingazvidaviri kuti takanga tatouya kare, sezvo akanga achangobva kutaura nomuroora wake, uyo akamukurudzira kuteerera zvinotaurwa neZvapupu. Haana kumbofungidzira kuti taizouya nokukurumidza zvakadaro.”

Maererano nemapiyona aya, iyi ndiyo yaiva nguva yokutanga iyo mukadzi uyu aida kutaura neZvapupu. Aiva muKaturike anoshingaira, uye kwemakore 12 akanga apfuura aiva atodzidza zvakadzama zvitendero zvechiKaturike kuti adzidzisewo vamwe. Mapiyona acho akafara kupindura mibvunzo yake yakawanda pamusoro peBhaibheri neZvapupu zvaJehovha, achibva azobvuma kudzidza Bhaibheri. Murume wake nomwanasikana vanodawo kudzidza zvakawanda nezveShoko raMwari.

Imwe nhengo yemhuri yeBheteri yokuPuerto Rico inoti: “Ndakaronga kuenda neMukai! yaJuly 8, 2002 ine musoro unoti ‘Mapurisa—Nei Tichiada?’ kune mukuru wemapurisa pakamba huru yemapurisa. Akafara zvikuru nenyaya dzacho ndokuti ndiende nemamwe emagazini yacho kuna meya weguta redu uyewo kune dzimwe kamba dzemapurisa munharaunda yacho. Zvakazoitika ndezvokuti, mumwe wemapurisa akaronga kunditakura nemotokari yemapurisa tichienda kune dzimwe kamba dzacho dzose. Pamusoro pazvo, mupurisa uyu akandibvumira kuzoendesa magazini aizotevera kune vanoshanda pasi pake. ‘Izvi zvichapa mapurisa zvavanoda—rubatsiro rwomupfungwa uye rwezvokunamata,’ akadaro.” Mumwedzi mumwe chete, nhengo iyi yeBheteri yakashanyira kamba sere dzemapurisa, uye mapurisa akawanda akakumbira mamwe magazini. Abatanidza ose, akagovera magazini 164, akawedzera vanhu vashanu pane vaanogara achiendesera magazini.

Muzvitsuwa zveTrinidad neTobago, mumwe mukadzi aimbova nhengo yakakurumbira yeChechi yeNazarene kwemakore 25 akaenda kuhurukuro yomutariri wedunhu akokwa nomumwe waanoshanda naye. Pashure pomusangano wacho, mutariri wedunhu akaenda kwaari akatanga kutaura naye noushamwari. Izvi zvakamushamisa nokuti kuchechi kwake, vanhu vaingosonganirana nevamwe vedzinza ravo chete uye vane chinzvimbo chakaenzana nechavo. Zvazvakanga zvakaita ndezvokuti, pamusana pokuti iye aiva wedzinza rakasiyana nomurume wake, vamwe vokuchechi kwake vaisamubata zvakanaka. Saka zvaakaona paImba yoUmambo uye kukurudzirwa kwaakaitwa nomutariri wedunhu zvakamuita kuti abvume kudzidza Bhaibheri. Mumwedzi mitanhatu akava muparidzi asina kubhabhatidzwa, achipedzera maawa 70 kusvika ku100 muushumiri mwedzi mumwe nomumwe. Akabhabhatidzwa paKokorodzano Yoruwa ye“Vazivisi voUmambo Vanoshingaira” mugore ra2002 uye anotarisira kuva piyona wenguva dzose. Ari kubatsirawo mwanasikana wake ane makore manomwe, uyo ava kupa hurukuro muChikoro chaMwari Choushumiri.

MuUruguay mumwe murume anofamba achitengesa mudzimba uyo aitengesa manekiresi aiva nemichinjikwa akasvika pamba pechimwe Chapupu. Hanzvadzi yacho yakashandisa mukana wacho kuti itsanangure kubva muBhaibheri chikonzero nei yaisazotenga zvinhu zvake. Mutengesi wacho haana kungoremekedza zvayakataura chete asi akaratidzawo kuti aifarira nyaya dzokunamata. Akatoti akanga ambopinda muzvitendero zvinoverengeka zvakasiyana-siyana achida kuwana mhinduro dzemibvunzo yake, asi zvakashaya basa. Pakupedzisira, akagumisa kuti machechi aingoda mari zvikuru kupfuura kubatsira vanhu pakunamata. Asati aenda, hanzvadzi iyi yakamukoka kuImba yoUmambo.

Ndipo payakapedzisira kumuona kusvikira pashure perinenge gore paakasvikazve pasuo rake. Hanzvadzi iyi yakashamisika paakati: “Iye zvino ndiri pano, kwete kuzotengesa, asi kuti ndikuzivisei kuti ndava pachitsauko 15 chebhuku raZivo.” Akatsanangura kuti mhuri yake yose yakanga iri kudzidza uye yave kupinda misangano. Paakanga ava kuenda, akati: “Tichakuonai pagungano kupera kwevhiki kunotevera.”

[Mufananidzo uri papeji 43]

New Zealand

[Mufananidzo uri papeji 43]

Tahiti

[Mufananidzo uri papeji 43]

Papua New Guinea

[Mufananidzo uri papeji 47]

Thailand

[Mufananidzo uri papeji 47]

India

[Mufananidzo uri papeji 47]

Japan

[Mufananidzo uri papeji 51]

Britain

[Mufananidzo uri papeji 51]

Albania

[Mufananidzo uri papeji 51]

Spain

[Mufananidzo uri papeji 56]

Namibia

[Mufananidzo uri papeji 56]

Benin

[Mufananidzo uri papeji 56]

Congo (Kinshasa)

[Mufananidzo uri papeji 60]

Canada

[Mufananidzo uri papeji 60]

Tobago

[Mufananidzo uri papeji 60]

Bolivia

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe