Zvinhu Zvinokosha Zviri Mudhamu Guru Kupfuura Ose okuCentral America
KUNYANGE zvazvo Nicaragua iri nyika duku, ndiyo ine dhamu guru kupfuura ose kuCentral America—Lake Nicaragua. Zvichida Lake Nicaragua ndiro chete dhamu rine mvura isina sauti munowanika hove dzomunyanza dzakadai seshark, swordfish, uye tarpon. Masayendisiti anofunga kuti dhamu iri raimbova rakabatana nenyanza yePacific asi kuputika kwakaita mabota evhu pasi kwakaita kuti ribve raparadzaniswa nenyanza iyi. Sauti yaiva mumvura yacho zvayaipera zvishoma nezvishoma, hove dzacho dzakachinja kuti dzikwanise kurarama mumvura iyoyo.
Dhamu racho, rakareba makiromita anenge 160 uye rakafara makiromita anenge 70 parakanyanya kupamhama, riri mamita 30 pamusoro pegungwa. Mune zvitsuwa zvinopfuura 400 muLake Nicaragua, 300 zvacho zvakaita apo neapo kutenderedza Asese Peninsula, pedyo netaundi reGranada riri kwakaperera dhamu racho kuchamhembe. Zvitsuwa zvacho zvinonzi Islets of Granada.
Chitsuwa chikuru kupfuura zvose zviri padhamu iri chiri pakati paro chinonzi Ometepe Island. Zvachakareba makiromita anenge 25 uye chakafara makiromita anenge 13, chitsuwa cheOmetepe chine makomo maviri anoputika akabatanidzwa nekamukwavarara. Gomo refu kupfuura rimwe rakareba mamita 1 610 rinonzi Concepción. Richiri kuputika uye ndiro rinooneka zvikuru nechokuchamhembe kwechitsuwa chacho. Rimwe gomo racho, rakareba mamita 1 394 rinonzi Madera, uye harichaputiki. Zvarakasvibirira nezvinomera, gomo reMadera rine mhute inokonzerwa nemvura isingayereri iri muzigomba rakakonzerwa nokuputika kwarakamboita.
Vashanyi vanoda chaizvo kuona Lake Nicaragua munzvimbo iyi. Vanouya kuzoona kunaka kwakaita nzvimbo iyi inopisa inogara ichinaya mvura uye zvicherwa zvematongo evanhu vekare kare. Asi pane chimwezve chinhu chinokosha chiri muLake Nicaragua chakanaka kuziva nezvacho.
Vanhu Vanogara Mumvura
Zvitsuwa zvinonzi Islets of Granada zvine zvinomera zvakawanda nemhuka. Maruva akanaka kwazvo azere mumasango ezvitsuwa izvi. Mumahombekombe munowanika shiri dzomumvura dzinoyevedza, dzinoti, blue herons, great egrets, ospreys, anhingas, uye cormorants. Nechokumicheto kwesango racho, kune matendere akavakwa neshiri hombe dzine mavara akanaka dzinonzi Montezuma anenge ari mumiti mikuru achingovheyeswa nemhepo inofefetera yomudhamu racho.
Zvimwe zvitsuwa zviduku zvacho zvinogarwa. Mune misha yevaredzi vehove uye dzimba dzinogona kugarwa nevashanyi vakapfuma vanenge vari pazororo. Pazvitsuwa zvacho panewo zvikoro nenzvimbo yemakuva, nemaresitarendi uye mabhawa. Zvitsuwa zvacho zvinoita somusha uri mumvura.
Mangwanani oga oga ngarava ine ruvara rwebhuruu noruchena inofamba pazvitsuwa zvacho ichitakura vana vechikoro. Chitoro chinoyangarara chinokwasvwa chinofamba pazvitsuwa zvacho, chinenge chiine michero nemiriwo yokutengesa. Zvimwe zvinogona kuonekwa ipapo zuva nezuva varume vanenge vachiteya mambure avo ehove uye vakadzi vanenge vachiwacha mbatya dzavo mudhamu racho.
Zvapupu zvaJehovha zvinogarawo zvichiita basa razvo nguva dzose pazvitsuwa izvi. Zvinoshanyira vanhu vepo nengarava zvichivaudza nezvemashoko akanaka oUmambo hwaMwari. (Mateu 24:14) Nzvimbo iyi zvairi pasina kujairika ine zvayowo zvakaoma: Misangano yokudzidza Shoko raMwari, Bhaibheri ingaitirwa kupi? Zvichiteerera murayiro weBhaibheri wokuti ‘musarega kuungana pamwe chete,’ Zvapupu zvakafunga rimwe zano rine ungwaru—rokuvaka Imba yoUmambo yokutanga muNicaragua inoyangarara!—VaHebheru 10:25.
Imba yoUmambo Inoyangarara
Mumwe murume nomudzimai wake vanoshanda nguva yakazara mubasa rokuparidza avo vari Zvapupu zvaJehovha vakatamira kuIslets of Granada muna November 2005. Papera mwedzi mishomanana gare gare, pavakakoka vanhu vepo kuChirangaridzo chorufu rwaKristu, vakakangwa mate mukanwa kuona kuti pakauya vanhu 76. Izvi zvakaita kuti vaviri ava vade kutanga kuita misangano yenguva dzose yechiKristu munzvimbo iyi. Sezvo zvaive zvakaoma kuwana nzvimbo yokuti misangano iitwe panzvimbo iyi, mapiyona akafunga nezverimwe zano. Kuregererei kuvaka Imba yoUmambo inoyangarara mumvura inogona kufambiswa munzvimbo dzakasiyana-siyana pedyo nevanhu?
Vaviri ava vaiva nemano okugadzira zvinhu zvitsva, avo vakanga vasina kumbobvira vavaka zvinhu zvinoyangarara, vakatanga basa racho. Ivo nevamwe vatanhatu vakaita basa racho mumwedzi mumwe chete. Nzvimbo itsva yokuitira misangano iyi yaifanira kunge yakanaka zvine mwero. Yaizovakwa pachishandiswa mapaipi esimbi pari ipo paizogara madhiramu 40 ainge akazara mweya waizoita kuti iyangarare. Uriri hwacho hwaizova hwemapuranga, uye denga retende. Vakagadzira imba iyi vainyengetera usiku hwoga hwoga kuti basa racho ribudirire nokuti vakanga vasina chokwadi kana imba yacho yaizoyangarara. Asi zvakaita!
Imba yoUmambo itsva yakatanga kushandiswa paMusangano Wavose musi waJune 10, 2006. Zuva rakatevera racho yakaendeswa kune rimwe divi rechitsuwa chacho nechinangwa chokunoita musangano mumwe chete uyu nevanhu veko. Vanhu vakapinda misangano iyi munzvimbo dzose dziri mbiri vaiva 48 pasinei nokuti vamwe vanhu vaifanira kufamba kwemaminitsi aipfuura 30 nomusango. Vose vakafara kuva nenzvimbo yavo yokunamatira!
Misangano inoitirwa paImba yoUmambo iyi painenge ichiitwa zvimwe zvinhu zvinoitika pachitsuwa ichi zvinenge zvichinzwika. Mukurukuri paanenge achikurukura hurukuro yake, vateereri vanogona kunzwa ruzha rwemvura inenge ichirovera zvinyoronyoro pamatombo kana kuti tsoko ichichema zvayo kachinambwe. Imba yacho haina kutora nguva isati yava kuzivikanwa nevagari vepazvitsuwa izvi. Vakanga vava kuibhabhaisa pavaiiona ichitamiswa kuendeswa kune rimwezve divi rechitsuwa chacho. Vhiki yoga yoga, vanhu vanopfuura 20 vanouya kuImba yoUmambo iyi inoyangarara kuti vawadzanewo nevamwe vavo vechiKristu uye kuti vadzidze Bhaibheri. Chokwadi yazova chinhu chinokosha kwazvo!
Zviri paOmetepe Island
Makiromita anenge 50 nechokumaodzanyemba kweGranada kune Ometepe Island. Kunaka kwakaita chitsuwa ichi nevhu racho rakaorera kwakaita kuti vanhu vade kugara ipapo kubvira kare. Kutaura zvazviri, uchapupu hwokutangatanga hwokurima muNicaragua hwakawanikwa ipapa. Mazuva ano, vanhu vanenge 42 000 vari pachitsuwa cheOmetepe vanoita mabasa akasiyana-siyana akadai sokuredza uye kurima chibage, mabhanana, kofi, uye zvimwe zvirimwa. Panewo mhuka dzomusango dzakawanda. Vanhu vakawanda vanonakidzwa nokunzwa kurira kweshiri dzorudzi rwemaparrots, shiri huru dzinonzi magpie-jays dzinenge dzichibhedhenura hadzo mapapiro adzo anoyevedza ane ruvara ruchena nebhuruu padzinenge dzichiti dzikabva pamuti uyo dzoenda pane uyo, uye tsoko dzine zviso zvichena.
Vanogara pachitsuwa cheOmetepe vari kuziviswa mashoko akanaka oUmambo hwaMwari zvakanaka chaizvo nevazivisi vahwo. Nhamba yacho yawedzera zvikuru kubva pavanhu vasere vakabhabhatidzwa muna 1966 kusvika pa183 muungano ina dziri kukura. Ungano imwe neimwe ine Imba yoUmambo yayo iri pedyo nayo. Nhasi, pavanhu 230 voga voga vari pachitsuwa ichi panenge paine Chapupu chimwe chete.
Zvapupu zvaJehovha zviri paOmetepe zvakasanganawo nezvinetso mumakore akapfuura. Somuenzaniso, vashori vakapisa Imba yoUmambo iri kuMérida muna 1980. Imwezve imba yakavakwa muna 1984. Ndiyo yakazoshandiswa kusvika pakazovakwa imwe Imba yoUmambo itsva yakanaka muna 2003, izvi zvikafadza vaparidzi vanopinda neungano yeko.
KuMoyogalpa, Imba yoUmambo yakavakwa nenzira inoita kuti ikwane vanhu vakawanda pazvinodiwa. Denga racho rinoenderera nechekumashure kweimba yacho, uye pane chikuva. Pamberi pechikuva, pane zvigaro zviri pasi pemumvuri unosvika kumashure kwechivako chacho. Apa ndipo panogara pachiunganira Zvapupu zvepo neshamwari dzazvo dzinogara padhamu iri kuti vaite magungano makuru. Pamagungano aya, Lake Nicaragua inenge iri pedyo chaizvo zvokuti ndimo munobhabhatidzirwa vadzidzi vatsva vaJesu Kristu.—Mateu 28:19.
Zvinhu Zvinokosha—Zvichachengetedzwa Here?
Chokwadi, zvinoita sokuti hapana rimwe dhamu richapfuura Lake Nicaragua pamusana pokukura kwarakaita. Asi iye zvino rava kuda kudzivirirwa. Mvura yaro yava kusvibiswa netsvina inobva mukurima uye mumaindasitiri eko neinobva pakutemwa kwemasango.
Hazvisati zvava kuzivikanwa kana hurumende nevanhu vanogarako vachanatsiridza nzvimbo iyi. Kunyange zvakadaro, Musiki achaita kuti zvinhu zvose zvinokosha zviri panyika kusanganisira, madhamu ayo akanaka, zvitsuwa zvinoyevedza, uye mhuka dzakanaka, zvichengetedzwe senhaka yevanhu vanoteerera. Bhaibheri rinotiudza kuti, “Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagara mairi nokusingaperi.”—Pisarema 37:29.
[Mufananidzo uri papeji 26]
Imba yoUmambo inoyangarara inoitirwa misangano yokudzidza Bhaibheri