Nicaragua
Zvakarurama kuti Nicaragua yakanzi iparadhiso yokunyika dzinopisa. Mahombekombe ayo okumabvazuva akatarisana nemvura yakachena, yakaita bhuruu yomuNyanza yeCaribbean. Mahombekombe ayo okumavirira anopota achifukidzwa nemafungu anobva muGungwa rePacific rine simba. Uchiona uri pamusoro, nyika yacho yakazara nemasango, mapurazi, uye nzizi, nemakungwa akawanda akarongwa zvinoyevedza mumazikomba akacherwa nokuputika kwemakomo kwakaitika pasichigare. Asi, makungwa aya anoita kunge tudhamu tuduku twakati ndoo kana achienzaniswa nemakungwa makuru maviri—Gungwa reNicaragua neGungwa reManagua. Gungwa reNicaragua chete, iro rakakura 8 200 sq km, rinozadza zvikamu zvitanhatu kubva muzana zvenyika yacho yose!
Guta guru, Managua, riri kumahombekombe okumaodzanyemba kweGungwa reManagua, iro rakakura 1 000 sq km. Zvakakodzera kuti shoko rokuti “Managua” rinoreva “nzvimbo ine mvura yakawanda” mumumwe wemitauro yemo. Managua ndiwo muzinda wehurumende nemabhizimisi, uye ine vanhu vanoda kusvika miriyoni imwe chete—zvikamu 20 kubva muzana zvevanhu mamiriyoni mashanu vomunyika macho. Iri nechokunzvimbo yakati sandara yakaganhurana nePacific, uko kunogara zvikamu 60 kubva muzana zvevanhu vomuNicaragua. Vamwe 30 kubva muzana vanogara nechepakati penyika, uye rumwe rudhende rwose—inoda kuva 10 kubva muzana—runogara kure zvikuru kumabvazuva munzvimbo mbiri dzisina vanhu vakawanda, dzinozvitonga dzinotora nzvimbo inoda kusvika hafu yenyika yacho.
Kumuganhu wokumaodzanyemba weNicaragua, nzvimbo duku yeCentral America inoenda ichitetepa, Nyanza yeCaribbean neGungwa rePacific zvichingova zvakaparadzana nemakiromita 220 chete. Asi nemhaka yokuti Rwizi rweSan Juan runoyerera ruchibva muGungwa reNicaragua kuenda muCaribbean, Isthmus of Rivas yakareba makiromita 18 ndiyo chete inoganhura gungwa iri nePacific. Panama Canal isati yavakwa, mukoto wemvura weRwizi rweSan Juan neGungwa reNicaragua waishandiswa zvikuru nevafambi, zvichiita kuti nzvimbo yacho ifarirwe zvikuru. Zviripo ndezvokuti nhau dzezvakaitika kare dzinoratidza kuti yakadzorwa nevanhu vakawanda, kusanganisira vaMaya, vaAztec, vaToltec, nevaChibcha, tisingatauri nyika dzokunze dzine simba—Spain, France, Great Britain, Netherlands, United States, neSoviet Union.
Simba rokuchinja rine madzinza nemarudzi mazhinji aya rinooneka munzanga yomuNicaragua ine mitauro netsika dzakawanda. Nepo ruzhinji rwevanhu vomuPacific vari vanhu vanotaura chiSpanish vane madzitateguru emadzinza akasiyana-siyana, vazukuru vevaSpanish uye zvizvarwa zvemo, vanhu vomuCaribbean vakangosangana-sangana. VaMiskito, vaCreoles, nevanhu vane madzitateguru emadzinza akasiyana-siyana ndivo vakanyanya kuwanda, kwozotiwo vashoma vechiSumo, vechiRama uye vechiGarifuna—boka revanhu vechiAfro-Carib. Kunyange zvazvo vazhinji vacho vasina kurega mitauro yavo netsika dzepasichigare, vanhu vacho havana kuoma mwoyo nomutsa, vakasununguka uye vane ushamwari. Vanodawo zvokunamata chaizvo, uye vazhinji vanoda Bhaibheri.
Sezvatichaona munyaya ino, vanhu vomuNicaragua vakachinjwawo nenhamo, dziya dzagara dzinongoitika uye dzinokonzerwa nevanhu. Somuenzaniso, kaviri muzana remakore radarika, Managua yakaparadzwa yose nokudengenyeka kwepasi kwakatangira nechokudivi rokuPacific. Kumabvazuva kweNicaragua kwakaitika imwe njodzi—madutu anoparadza akabva muAtlantic. Pamusoro peizvi, hondo yevagari vemo, kumukira kwezvematongerwe enyika, uye utongi hwoudzvanyiriri zvose zvakakonzera kumwe kutambura.
Asi, mvura dzakachena dzechokwadi cheBhaibheri dzakasvika kunyika ino yakaisvonaka ine makungwa nenzizi, zvichiunza nyaradzo netariro kuzviuru zvevanhu vane mwoyo yakatendeseka. (Zvak. 22:17) Ndizvozvo, mvura zhinji dzezvokudya zvomudzimu dziri kuyerera dzichipinda muNicaragua nhasi dzinoratidza kuti Jehovha ari kukomborera zvikuru basa rokuparidza Umambo munyika muno, kunyanya kana tichifunga nezvokuti makore makumi matanhatu chete adarika, mashoko akanaka akanga ari kuita zvokungosinira pakupinda muno.
Pakutanga, Kusinira
Musi waJune 28, 1945, Francis naWilliam Wallace, mukoma nomunun’una uye vadzidzi vekirasi yokutanga yeWatchtower Bible School of Gilead, vakasvika muManagua. Vakatanga basa rakarongeka rokuparidza mashoko akanaka muNicaragua uye vakagadzirira nzira mamwe mamishinari akazotevera. Asi havasivo vakatanga kuunza mashoko oUmambo munyika muno, nokuti muna 1934 imwe hanzvadzi piyona yakanga yagovera mabhuku muManagua uye kune dzimwe nzvimbo dzenyika ino. Kunyange zvakadaro, pakazosvika gore ra1945 vashoma chaizvo vakanga vanzwa nezveZvapupu zvaJehovha.
Apo vana vekwaWallace vakaenda mumunda, vakashandisa fonogirafu yaitakurika uye vairidza marekodzi eBhaibheri—chinhu chakanga chiri chitsva muNicaragua mazuva iwayo! Naizvozvo, mumwedzi wokutanga, vanhu 705 vakateerera mashoko oUmambo.
Muna October wegore iroro, mamwe mamishinari mana akasvika—varume nemadzimai avo Harold naEvelyn Duncan, Wilbert naAnn Geiselman. Vachida zvikuru kuzivisa Umambo nenzira yose zvayo yavaigona, vakaronga hurukuro dzavose dzinoverengeka. Naizvozvo, muna November 1945 vanhu vomuNicaragua vakatanga kusangana nevanhu mumugwagwa vakanga vaine mahendibhiri akanga achivakoka kuti vauye kuzonzwa hurukuro yeBhaibheri. Kunyange zvazvo mhirizhonga yezvematongerwe enyika yakaitika pedyo naipapo uye kurwisana mumugwagwa zvakamboda kukanganisa zvinhu, musangano wacho wakaenderera mberi murunyararo, uye vanhu 40 vakateerera hurukuro yavose yokutanga. Panguva ino, Chidzidzo cheNharireyomurindi chevhiki nevhiki uye Musangano Webasa zvakatanga kuitiswa pamusha wemamishinari.
Gore ra1946 yakanga iri nguva inofadza kumamishinari nevaya vakatanga kubvuma mashoko eBhaibheri. Mumwe weava akanga ari Arnoldo Castro aiva nemakore 24, uyo anoyeuka nomufaro matangiro aakaita kuziva nezvechokwadi cheBhaibheri. Anoti: “Ini nevandaigara navo Evaristo Sánchez naLorenzo Obregón takasarudza kudzidza chiRungu pamwe chete. Zvadaro rimwe zuva Evaristo akauya kumba achibva kumusika achivheyesa-vheyesa rimwe bhuku uye achiti: ‘Ndawana mumwe munhu wokuAmerica achatidzidzisa chiRungu!’ Chokwadi, izvi hazvisi izvo zvaidiwa no‘mudzidzisi’ wacho, asi ndizvo zvakanga zvafungwa naEvaristo. Naizvozvo apo nguva yakabvumiranwa yakasvika, isu varume vatatu takanga tiri kutarisira kuva nechidzidzo chechiRungu. ‘Mudzidzisi’ wacho, mumishinari Wilbert Geiselman, akashamiswa chaizvo kuwana ‘vadzidzi veBhaibheri’ vanoda vakamumirira, vaine bhuku mumaoko.”
“Bhuku racho rainzi, ‘The Truth Shall Make You Free,’ rataidzidza kaviri pavhiki,” anotsanangura kudaro Arnoldo. “Pakupedzisira, hatina kudzidza chiRungu zvakanyanya, asi takadzidza chokwadi cheBhaibheri. Arnoldo akabhabhatidzwa muna August 1946 pagungano muCleveland, Ohio, U.S.A., achibva adzokera kuNicaragua kunoita basa roupiyona. Pakazopera gore iroro, vaviri vaaigara navo vakabhabhatidzwawo.
Iye zvino ava nemakore 83, Evaristo Sánchez anofara kuyeuka zvakaitika pamazuva okutanga. “Pakutanga,” anodaro, “takanga tisina nzvimbo yokuitira misangano yedu. Asi takanga tingori vashoma, saka taiungana kumba kwaigara mamishinari. Pave paya, takarenda imba yakanga iine nhurikidzwa mbiri, uye vanhu 30 kusvika ku40 vaiungana ipapo nguva dzose.”
Majaya matatu aya ndiwo akanga vari vanhu vomuNicaragua vokutanga kuenda nemamishinari muushumiri, kutanga muManagua uye pashure kune dzimwe nzvimbo dzakapoteredza. Panguva iyoyo, Managua, iine vanhu vaida kusvika 120 000, yakanga iri duku pane zvayava iye zvino. Nzvimbo chete yakanga iine mugwagwa yakanga iri pakati peguta. “Taifamba netsoka,” anodaro Evaristo. “Kwakanga kusina mabhazi, kusina migwagwa yakagadzirwa, asi njanji chete nenzira yaifamba zvikochikari zvemombe. Saka zvichienderana nokuti yakanga iri nguva yechirimo here kana kuti yezhizha, taifamba muhuruva kana kuti mumadhaka.” Asi zvavaiita zvakawana mubayiro apo vanhu 52 vakapinda Chirangaridzo muna April 1946.
Bazi Rinovhurwa
Mumwedzi iwoyo chaiwo, Nathan H. Knorr naFrederick W. Franz, vakabva kumuzinda kuBrooklyn, vakashanyira Nicaragua kokutanga. Pamazuva mana avaivamo, vanhu 158 vakanzwa hurukuro yavose yaHama Knorr yaiva nomusoro waiti: “Farai, Imi Marudzi.” Hama Franz vakaturikira hurukuro yacho kuisa muchiSpanish. Vasati vaenda, Hama Knorr vakavhura hofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha muNicaragua kuti itarisire basa. William Eugene Call, aiva nemakore 26 akanga achangobva kuCosta Rica, akanzi ave muranda webazi.
Kwemakumi emakore akatevera, hofisi yebazi yakavhura misha yemamishinari munzvimbo dzakadai seJinotepe, Masaya, León, Bluefields, Granada, neMatagalpa. Urongwa hwakaitwawo hwokuti mutariri wedunhu ashanyire ungano nemapoka zvakanga zvichangobva kuumbwa kuti zvisimbise nokukurudzira hama.
Vapikisi Vanobudirira Kwenguva Pfupi
Kushingaira kwehama kwakakurumidza kuva nezvibereko, izvo zvakashatirisa vafundisi vechiKristudhomu. Zviratidzo zvokutanga zvokushora zvakatangira muBluefields, taundi riri kuCaribbean Coast kwaishanda mamishinari maviri. Zvinhu zvakatanga kuita mhidigari musi waOctober 17, 1952, pakadzikwa murayiro wairambidza basa reZvapupu zvaJehovha. Uchirambidza basa rose rinoitwa neZvapupu, murayiro wacho wakasainwa nomukuru weImmigration Department asi wakanga watangwa nevafundisi vechiKaturike.
Mamishinari aiva muBluefields, León, Jinotepe neManagua akaudzwa nezvemurayiro wacho. Kukwirira kwakaitwa kuvakuru vakuru vakakodzera—kusanganisira aiva purezidhendi panguva iyoyo, Anastasio Somoza García—hakuna zvakwakabatsira. Hama dzakatanga kuungana mumapoka maduku, basa remagazini mumugwagwa rakarega kuitwa, uye mabhuku aiva pabazi akaendeswa kunzvimbo dzakachengeteka. Vavengi vedu vechitendero vakanga vabudirira pakuita kuti basa redu rirambidzwe nokutaura zvenhema kuti Zvapupu zvaJehovha zvakanga zviri Vakomonisiti. Gweta rakatsvakwa kuti rikwidze nyaya yacho kuDare Repamusorosoro.
Kunyange zvazvo dzimwe hama dzakatya vanhu, zhinji dzakaramba dzakashinga. Ruzivo noushingi hwemamishinari zvaiva mbiru chaiyo kuhama dzaimomo, idzo dzakaenderera mberi nebasa rokuparidza nokuungana pamwe chete dzichiteerera Shoko raMwari. (Mab. 1:8; 5:29; VaH. 10:24, 25) Zvadaro musi waJune 9, 1953—pashure pokunge kurambidza kwacho kwagara kwemwedzi misere chete—Dare Repamusorosoro rakapa chisarudzo charo richitsigira Zvapupu zvaJehovha, richisimbisa kodzero yepamutemo yokunamata neyokutaura. Bangano iri rakanga ranyatsokundikana.
Matambudziko Akasangana Nemamishinari Okutanga
Kupikiswa nevafundisi handiro chete dambudziko rakasangana nemamishinari okutanga. Funga zvakaitika kuna Sydney naPhyllis Porter, vadzidzi vekirasi yechi12 yechikoro cheGiriyedhi. Pavakasvika muNicaragua muna July 1949, Sydney akagadzwa kuva mutariri wedunhu renyika yose. Anotsanangura kuti basa rokufambira rakanga rakadini kare ikako. “Taishandisa zvitima nemabhazi pakufamba. Kazhinji kwakanga kusina hama dzokugara nadzo, saka taitakura magumbeze edu uye kachitofu kokuvidza mvura uye kokubikisa. Kazhinji takanga tisiri pabazi kwevhiki gumi panguva. Zvisinei, ndima yacho yakanga iine zvibereko zvakawanda, zvokuti zvaitonetsa kuona vanhu vose vanofarira kune dzimwe nzvimbo. Somuenzaniso, patakazova nedunhu romuManagua, Phyllis aidzidzisa vanhu 16 Bhaibheri! Aiwana nguva yacho kupi? Aiita zvidzidzo zvacho zuva ratakanga tisingaendi kunoparidza uye manheru apo ungano yakanga isina misangano.” Mamishinari okutanga iwayo akanga akazvipira zvechokwadi!
Doris Niehoff, uyo akasvika muna 1957, anotaura izvi maererano nezvaakatanga kuona: “Kwakanga kuri kupera kwaMarch, mwaka wechirimo, saka nyika yose yainge yakaoma. Kare ikako kwakanga kuine motokari shoma; saka munhu wose aitotasva bhiza—uye aitakura pfuti! Zvaiita sokuti uri kuona firimu. Mumazuva iwayo, vanhu vazhinji vakanga vari vapfumi kana varombo, asi varombo ndivo vaiva vazhinji vacho. Kuti zvinhu zvinyanye kuoma, Nicaragua yakanga iri kurwisana neHonduras dzichirwira muganhu, uye mwedzi mitanhatu ndisati ndauya kuno, Purezidhendi Somoza García vakaurayirwa chigaro uye nyika yakatanga kutongwa nemauto.”
“Ndakanzi ndinoshanda kuLeón, taundi rine yunivhesiti,” Doris anoenderera mberi achidaro. “Sezvo ndakanga ndisingazivi chiSpanish zvakanyanya, vadzidzi vainakidzwa nokutamba nepfungwa dzangu. Somuenzaniso, pandakati ndinoda kuzodzoka kuzotaura nevamwe vadzidzi nezveBhaibheri, vakabvuma asi vakaseka pavakandiudza ‘mazita’ avo. Mumwe wacho akandipa zita romunhu akaponda purezidhendi, uye mumwe wacho akandipa zita regandanga raiva ranetsa! Zvinoshamisa kuti handina kuiswa mujeri pandakauya ndichibvunza mazita evadzidzi ivavo vakanga vandipa mazita iwayo!”
Kubvunzurudzwa Nabhishopi weMatagalpa
Anenge makiromita 130 kuchamhembe kweManagua, guta reMatagalpa riri pakati pemakomo ari kunharaunda inorimwa kofi. Mamishinari mana akaendeswa ikoko muna 1957. Agustín Sequeira, akanga ari purofesa wemasvomhu panguva iyoyo pakoreji yaitungamirirwa navanasisita vanodaidzwa nezita rokuti Josephine, anoyeuka zvaiitika muMatagalpa panyaya dzechitendero mazuva iwayo. Anoti: “Vanhu vazhinji vacho vakanga vari vaKaturike uye vaitya vapristi asi kunyanya bhishopi wacho. Ndiye akanga abvisa mari yokuti mumwe wevana vangu abhabhatidzwe.”
Kutya kwakadai kwakaita kuti zviomere bazi kuwana pokugara pemamishinari. Somuenzaniso, ichironga kurenda imwe imba, hofisi yebazi yakaudza muridzi wemba yacho, uyo aiva gweta, kuti mamishinari aizoitira misangano yechiKristu ipapo. “Hapana chakaipa,” akadaro.
Achitaura zvakatevera kuitika, Doris Niehoff anoti: “Zuva ratakasvika nefenicha yedu yose, muridzi wemba akauya aine chiso chakasuruvara. Akati akanga atitumira teregiramu achitiudza kuti tirege kuuya. Nei? Bishopi akanga amutyisidzira kuti kana akabvuma kuti tirende imba yake, mwanakomana wake aizotadza kupinda chikoro chevaKaturike. Sezvineiwo, takanga tisina kugamuchira teregiramu yacho uye takanga tatobhadhara rendi yomwedzi wose.”
“Takawana imwe imba mwedzi iwoyo asi takanga tanetseka chaizvo,” Doris anowedzera kudaro. “Apo bhishopi akaedza kumanikidza muzvinabhizimisi akashinga aiva muridzi wemba yacho, muzvinabhizimisi akapindura achiti: ‘Kana ukandibhadhara mazana mana emacordoba (mari yaikoko) mwedzi nomwedzi, ndichavadzinga.’ Sezviri pachena, bhishopi haana kubhadhara. Zvisinei, asingadi kutadziswa chinangwa chake, akaenda kuzvitoro zvose achinamira mapepa, ainyevera vanhu kuti varege kutaura neZvapupu zvaJehovha. Akaudzawo varidzi vezvitoro kuti varege kutitengesera.”
Pasinei nokushingaira kwemamishinari, hapana munhu womuMatagalpa akaratidza kuda kutsigira chokwadi cheBhaibheri. Zvisinei, Agustín, purofesa wemasvomhu, akanga aine mibvunzo yakawanda isina mhinduro. Somuenzaniso, akanga asina chokwadi maererano nokuti nei mapiramidhi akanga achiripo nepo vanaFarao vakaavaka vakanga vanguva vafa kare kare! Achiri kuyeuka zvakajeka kuti mumishinari akauya kuzotaura naye akamuratidza kubva muBhaibheri mhinduro dzemibvunzo yake. Agustín anotsanangura kuti: “Ndakafara zvikuru nemagwaro airatidza kuti munhu akasikwa, kwete kuti afe, asi kuti ararame nokusingaperi muparadhiso pasi pano uye kuti vakafa vachamutswa. Ndakakurumidza kuona kuti ichi chakanga chiri chokwadi.” Agustín akaita sei? “Ndakatanga kuparidzira munhu wose wepakoreji pandaidzidzisa, kusanganisira mukuru wechikoro, aiva sisita,” anodaro Agustín. “Akabva andidaidza kuti ndizomushanyira musi weSvondo kuti tikurukure ‘kuguma kwenyika.’ Zvakandishamisa kuti pandakasvika, bhishopi weMatagalpa akanga aripo akandimirira.”
“Yaa, shamwari,” akadaro, “ndiri kuudzwa kuti wava kuda kuramba kutenda.”
“Kutenda kupi?” Ndakapindura. “Kwandisina kumbobvira ndava nakwo here? Iye zvino ndipo pandava kudzidza kuva nokutenda kwechokwadi.”
Aya ndiwo matangiro akaita kurukurirano yakatora maawa matatu, uku sisita vachiteerera. Kushingairira kwaAgustín nokuda kwokutenda kwake kutsva dzimwe nguva kwaiita kuti ataure chokwadi zvakananga. Akatotaura kuti dzidziso isiri yechiKristu yokuti mweya womunhu haufi yakanga iri nzira yokuwana nayo mari kubva kuvanhu vasina zvavanoziva. Kuti aratidze izvi kuti zvaiva zvechokwadi kuna bhishopi, Agustín akati: “Somuenzaniso, toti amai vangu vofa. Ndinouya kwamuri kuti muite Misa nokuti mweya wavo unenge uri mupurigatori. Munondibhadharisa mari kuti muite basa racho. Pashure pemazuva masere, imwe Misa. Pashure pegore rimwe, imwezve, zvichingodaro. Asi hamumbondiudzi kuti: ‘Shamwari, handichaiti dzimwe Misa nokuti iye zvino mweya waamai vako wabuda mupurigatori.’”
“Ah!” vakadaro bhishopi, “Pamusana pokuti Mwari chete ndiye anoziva paunobuda!”
“Saka imi makaziva sei kuti wapinda kuti mutange kundibhadharisa mari?” Agustín akapindura achidaro.
Pane imwe nguva vachikurukurirana apo Agustín akatanga kuverenga imwe ndima yeBhaibheri, sisita vaya vakati kuna bhishopi: “Onai, Baba! Ari kushandisa Bhaibheri rakaipa; nderevaLutheran!”
“Aiwa,” bhishopi vakapindura vachidaro, “ndiro Bhaibheri randakamupa.”
Kurukurirano iyi zvayakaenderera mberi, Agustín akashamiswa kunzwa bhishopi vachiti munhu haafaniri kubvuma zvose zviri muBhaibheri. “Pashure pomusangano iwoyo,” anodaro Agustín, “ndakava nechokwadi kuti vafundisi vechiKristudhomu, kufanana nevatungamiriri vechitendero vomuzuva raJesu, vanoda tsika dzechechi kudarika Shoko raMwari.”
Muna February 1962, Agustín Sequeira ndiye akava muparidzi akatanga kubhabhatidzwa muMatagalpa. Akaramba achifambira mberi mukunamata, pave paya akashanda sapiyona uye mukuru uye kubva muna 1991 ave ari nhengo yeDare Rebazi reNicaragua. Kana riri guta reMatagalpa, mugore rebasa ra2001, rakanga riine ungano mbiri dzinoshingaira dzine vaparidzi voUmambo 160.
Mapiyona Chaiwo Asinganeti
Vazhinji vakabvuma mashoko akanaka oUmambo hwaMwari vakada kuwedzera basa ravo roushumiri kuburikidza nokuita basa roupiyona. Vamwe vacho vaiva Gilberto Solís; mudzimai wake María Cecilia; uye hanzvadzi yaGilberto, María Elsa. Vose vari vatatu vakabhabhatidzwa muna 1961, uye makore mana gare gare vakanga vava chikwata chemapiyona chaiwo anobudirira zvikuru. Ungano pfumbamwe munzvimbo dzakasiyana-siyana dzenyika dzakaumbwa kana kusimbiswa nevatatu ava. Mumwe mugove wavo wakanga uri muChitsuwa cheOmetepe muGungwa reNicaragua.
Chitsuwa cheOmetepe chakakura 276 sq km, uye chakaumbwa nemakomo maviri anoputika, rimwe racho rakareba inenge kiromita nehafu. Kana uchiona uri mudenga, makomo anoputika aya anoita kuti chitsuwa chacho chitaridzike senhamba 8. Kutanga mumambakwedza, kuti mapiyona matatu aya ashande muOmetepe aienda nebhazi kure kusvika kwaaikwanisa opfuurira netsoka—kazhinji kacho asina shangu—achitevedza mahombekombe echitsuwa kuenda kumisha yakawanda. Kwenguva inopfuura mwedzi 18, vaironga mapoka ari kure anoverengeka evadzidzi veBhaibheri muOmetepe yose, boka guru racho riri paLos Hatillos.
Kare, kurima fodya ndiko kwaiwanisa mari vaparidzi vatsva muLos Hatillos, asi iye zvino hana dzavo dzakadzidziswa neBhaibheri dzakanga dzisingachavabvumiri kuita basa iroro. Saka vazhinji vaipona nokuredza hove, kunyange zvazvo zvaireva kuwana mari shoma. Mhuri yekwaSolís yakafara zvikuru kuona kutenda kwakadaro, kuwedzera kune humwe uchapupu hwechikomborero chikuru chaJehovha paushumiri hwavo! Zviripo ndezvokuti nhamba yevaparidzi vari munharaunda iyoyo iye zvino yakura kusvika pa32, izvo zvakaita kuti padiwe Imba yoUmambo. Mumwe wevaparidzi vatsva ava, Alfonso Alemán, airima mavise uye akapa chimwe chikamu chomunda wake kuti pavakwe Imba yoUmambo. Asi vaparidzi vokuLos Hatillos vaizowana kupi mari yokuvakisa?
Gilberto Solís akaronga vazvipiri kuti vasime mavise, aakanga apiwa naHama Alemán, pamunda wakanga wapiwa sechipo. Gilberto akakurudzira boka racho kuti ritarisire “mavise aJehovha,” achipa muenzaniso iye pachake kuburikidza nokushanda nesimba. María Elsa, mudzimai ane muviri muduku asi achishanda nesimba chaizvo, anotsanangura kuti vaparidzi vakatarisira sei mavise acho. Anoti: “Taimuka mangwanani-ngwanani, kuchakasviba, kuti tidiridze munda. Takakohwa katatu zvakanaka zvikuru. Vachishandisa igwa ravo pachavo, Hama Alemán vakayambuka Gungwa reNicaragua kuenda nemavise acho kuGranada, kwavakaatengesa vakatenga zvokuvakisa. Ndiwo mavakirwo akaitwa Imba yoUmambo iri muLos Hatillos, uye ndicho chikonzero nei hanzvadzi yangu yaiiti imba yakabva mumavise.” Kubva pamavambo maduku iwayo, iye zvino Chitsuwa cheOmetepe chava neungano nhatu dziri kushingaira.
Kuzvininipisa, chivimbo, uye kuvimba zvakazara naJehovha kwakaitwa naGilberto, mudzimai wake, uye hanzvadzi yake kwakafadza vanhu vakawanda. Gilberto aiwanzoti: “Nguva dzose tinofanira kuona vatsva semhuru duku. Dzakanaka zvikuru asi hadzisati dzava nesimba. Ngatiregei kutsamwiswa nezvikanganiso zvavo, asi ngativabatsirei kuva vakasimba.” Maonero orudo akadaro pasina mubvunzo akaita kuti mapiyona matatu aya ane muenzaniso wakanaka abatsire vanhu 265 kuzvitsaurira ndokubhabhatidzwa! Mudzimai waGilberto akafa akatendeka, uye iye zvino ava nemakore 83, Gilberto anoona kuti utano hwake hwaderera zvakati kuti. Asi kuda kwaanoita kushumira Jehovha kuchakasimba kufanana nekare. Kana ari María Elsa, paakabvunzwa nguva pfupi yadarika kuti anonzwa sei pashure pemakore 36 ebasa roupiyona chaihwo, akapindura kuti: “Ndinonzwa sezvandakaita pazuva rokutanga! Ndiri kufara uye nguva dzose ndinoonga Jehovha nokuda kwokutipinza musangano rake dzvene uye kutipa kanzvimbo kaduku muparadhiso yake yomudzimu.” Kwemakore ose aya, mapiyona anoshanda zvakaoma, kufanana nemhuri yekwaSolís, akaona zvibereko zvoUmambo zvakawanda kwazvo muNicaragua, zvichibva pachikomborero chaJehovha chinopfumisa.
Kudengenyeka Kwepasi muManagua Muna 1972
Pakati pousiku musi waDecember 23, 1972, Managua yakazununguswa zvine simba nokudengenyeka kwepasi kwakaita 6,25 paRichter scale, simba rakafanana nemabhomba eatomu 50. Hofisi yebazi yakanga iri kumabvazuva kweManagua, anenge makiromita maviri chete kubva panhongonya yokudengenyeka kwacho. “Mamishinari ose akanga akarara,” anodaro Levi Elwood Witherspoon, aiva mutariri webazi panguva iyoyo. ‘Apo kudengenyeka kwacho kwakamira, takakurumidza kubuda panze kuenda pakati pomugwagwa. Zvadaro kumwe kudengenyeka kuviri kuduku kwakaitika nokukurumidza. Dzimba dzaiva dzakatipoteredza dzakadhirika. Gore gobvu rehuruva rakazadza guta, uye nechezasi, kwaiva nemarimi omoto.”
Nhongonya yokudengenyeka kwacho yakanga iri pasi chaipo pomuzinda wemabhizimisi, uye mumasekonzi 30 chete, Managua yakanga isingachagariki. Vakapona vakakambaira vachibuda muhuruva noungwandangwanda hwezvinhu, vachitamburira kufema. Vazhinji havana kukwanisa kupona. Kunyange zvazvo kumwe kufungidzira kuchiti vanhu vanodarika 12 000 vakafa, nhamba yacho chaiyo haizivikanwi. Inenge 75 kubva muzana yedzimba dzomuManagua yakaparadzwa, zvichisiya vanhu 250 000 vasina pokugara. Mumazuva matatu akatevera kudengenyeka kwacho, vanhu vanenge 100 000 pazuva vaitiza muguta racho.
Rudo rwechiKristu Runobatsira
Masikati ezuva rakaitika kudengenyeka kwacho, hofisi yebazi yakanga yawana mushumo wakakwana kubva kuvatariri veungano dzomuManagua. Dzichikurumidza kushanda uye dzichiita muchinzwano, hama idzi dzakatendeka dzakanga dzaenda kunhengo imwe neimwe yeungano kuti dzinoona zvaidiwa. Zvinofadza kuti hapana vakafa pazvapupu zvinodarika 1 000 zvomuguta racho, asi vanodarika 80 kubva muzana vakanga vasisina dzimba.
Rudo rwechiKristu rwakaita kuti vanhu vaJehovha munyika dzakapoteredza vakurumidze kubatsira hama dzavo, uye maawa asingasviki 22 asati apera kudengenyeka kwaitika, marori akazara nezvokudya, mvura, mishonga nembatya akasvika pabazi. Chokwadi ndechokuti bazi ndiro raiva pane vokutanga kupa ruyamuro. Uyezve, vazvipiri vakadirana vachibva kuungano dzakasiyana-siyana muNicaragua, uye nenguva isipi vose vakanga vabatikana kugadzira mbatya, kugadzira zvokudya uye kutumira zvinhu izvi. Zvokuyamura zvakatotanga kusvika kubva kuZvapupu zvakanga zviri kune dzimwe nzvimbo dziri kure zvikuru dzepasi.
Zuva rakatevera kudengenyeka, mutariri webazi akasangana nevamiririri vakabva kumapazi eCosta Rica, El Salvador, neHonduras kuti varonge nezvokumwe kuyamura. Zvapupu zvomuNicaragua zvaigara kunze kweManagua zvakagamuchira norudo hama dzaibva kuguta guru mumisha yazvo. Zvapupu zvakasara muguta iri zvakarongana kuva mapoka maduku nokuda kwemisangano yechiKristu uye basa romumunda. Mutariri wedunhu akashanyira mapoka aya kuti aakurudzire uye kupa ruyamuro.
Pamusana pokudengenyeka uku, nyika yose yakatambura mune zvemari. Asi, kunyange upenyu hwakanga hwava kunyanya kuoma, kuvakwa patsva kweDzimba dzoUmambo nedzimba dzehama kwakaenderera mberi. Uyezve, vatsva vazhinji vakanga vachangobva kufarira vakazara muungano dzakawanda. Zviri pachena kuti Jehovha akafadzwa nevanhu vake sezvavairamba vachiisa zvinhu zvoUmambo pakutanga muupenyu hwavo.—Mat. 6:33.
Bhuku Regore ra1975 rakashuma kuti: “Zhinji dzeungano gumi nena dzomuManagua dzichiri kusangana mudzimba dzine mitswi kana kuti pasi pemarata. Zvinofadza kuti vari kupinda misangano iyi vawedzera zvakapetwa kaviri kubvira gore rapera. Hama dzakava nokuwedzera kwe20 kubva muzana paavhareji yevaparidzi vegore rapera. Iye zvino vava ne2 689 vari kuudza vamwe chokwadi, uye 417 vakabhabhatidzwa.”
Kuwedzera kunofambira mberi uku kwakakurumidza kuita kuti bazi rive duku. Saka unogona kufungidzira kufara kwakaita vaparidzi apo hofisi yebazi itsva nomusha wemamishinari zvakapedzwa muna December 1974—makore maviri chete pashure pokudengenyeka kukuru! Bazi idzva rakanga riri mumugwagwa usina ruzha unonzi El Raizón, makiromita 16 kumaodzanyemba kweguta reManagua.
Mamishinari Anopa Muenzaniso Murudo Nokubatana
Kubvira pakasvika vanakomana vaviri vekwaWallace muna1945, mamishinari omuNicaragua akaratidza kuti mienzaniso yakanaka yokutenda, kutsungirira uye rudo kuvanhu. Unhu hwakanaka zvakadaro hunoita kuti mamishinari ave pedyo nomumwe nomumwe uye nehama dzomuno. Mumishinari Kenneth Brian anoti: “Pashure pokudengenyeka kwakaitika muManagua, takabatsira basa pabazi, takabatsira hama kuti dzibude mudzimba dzakanga dzaparadzwa, uye takadzibatsira kuviga hama dzadzo dzakanga dzashaya. Kushanda pamwe chete mumamiriro ezvinhu akadaro kunoita kuti muve pedyo napedyo.” Achitaura nezvemamwe mamishinari, Marguerite Moore (aimbonzi Foster) anoti: “Kunyange zvazvo takanga tichibva kunyika dzakasiyana uye tiine unhu hwakasiyana, kuita zvinhu semhuri yakabatana kwakaita kuti tifare mubasa redu, pasinei nokusakwana kwedu.”
Mamishinari akadai saKenneth naSharan Brian vanoti iropafadzo chaiyo kuti vakabatsirwa nemienzaniso yemamishinari akanga agara nebasa, akadai saFrancis naAngeline Wallace, Sydney naPhyllis Porter, naEmily Hardin. “Vose Vakashanda nesimba chaizvo,” anodaro Sharan, “uye zvaiva pachena kuti vose vakanga vachifarira zvavakanga vari kuita.”
Kwemakore ose aya, mamwe mamishinari akawanda akashanda mubasa rokufambira. Zvechokwadi, hwaro hwakasimba hwakaiswa nemamishinari aishingaira hwakaita kuti pave nokuwedzera kwakakura muNicaragua kwemakore makumi matatu okutanga ebasa kuno. Zvisinei, kuvaka mumudzimu ikoko kwakanga kwava kuda kuedzwa, kwete nokumwe kudengenyeka kwepasi, asi nechimwe chinhu chaizogara nguva refu uye chinokuvadza mumudzimu—urudzi uye kumukira hurumende.—1 VaK. 3:12, 13.
Kuedzwa Nemoto Wezvematongerwe Enyika
Mukunopera kwema1970, kumukira hurumende kwakatungamirirwa nebato reSandinista National Liberation Front (FSLN muchiSpanish) kwakatanga kutsvaira Nicaragua. Pakupedzisira, kwakatungamirira kukupidigurwa kwoutongi hwenyika hwechiuto hwedzinza rimwe chete hwakanga hwagara kwemakore 42. Ruby Block, ave ari mumishinari muNicaragua kwemakore 15, anotaura izvi nezvenguva iyoyo: “Makore iwayo okuwedzera kwokuparadzirwa kwemashoko enhema ezvematongerwe enyika akaita kuti munhu wose abatire hana mumaoko. Kurwisana kukuru kwemauto nebato reSandinista kwaiitika nguva nenguva. Kuti tiite ushumiri hwedu, taitofanira kuvimba zvakazara naJehovha.”
Pasinei nokuti vakanga vasina wavanotsigira mune zvematongerwe enyika, kazhinji Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvichipomerwa nevatsigiri vebato reSandinista kuti zvakanga zvichishandiswa nehurumende yaSomoza kana kuti neAmerican Central Intelligence Agency (CIA). Kusafarira vanhu vokune dzimwe nyika kwakanga kuri kusimudzirwawo. Somuenzaniso, apo mumishinari Elfriede Urban akanga ari muushumiri, mumwe murume akamupomera kuva tsori. “Izvozvo zvingadaro sei?” akabvunza kudaro. “Handina kamera kana muchina wokurekodhesa. Uyezve, chii kana kuti ndiani wandingaongorora munzvimbo muno?”
Akapindura kuti: “Wakadzidziswa basa chaizvo zvokuti maziso ako ndiyo kamera uye pfungwa dzako ndidzo muchina wokurekodhesa.”
Mazuva iwayo mumigwagwa yomuManagua makanga muine sirogani yakanga ichigara ichitaurwa yokuti: “Hapana musiyano pakati pechiKristu nokumukira hurumende!” Mafungiro aya, ayo akanga apararira zvikuru muLatin America muma1970, airatidza dzidziso dzokuda kuzvitonga, mafungiro akanga achikurudzirwa nevateveri vaMarx vomuChechi yeRoma Katurike. Maererano neThe Encyclopædia Britannica, chinangwa chedzidziso dzokuda kuzvitonga chakanga chiri “chokubatsira varombo nevakadzvinyirirwa nokupindira [kwezvitendero] munyaya dzezvematongerwe enyika nedzevanhu.”
Ruby Block anoyeuka kuti: “Mubvunzo wataiwanzobvunzwa nevanhu kare ikako wakanga uri wokuti, ‘Munofungei nezvokumukira hurumende?’ Taitsanangura kuti chinhu bedzi chichapedza matambudziko evanhu Umambo hwaMwari.” Kuramba takavimbika kuna Jehovha mumamiriro ezvinhu akadaro ezvematongerwe enyika kwakanga kwakaoma zvechokwadi. Ruby anoti: “Nguva dzose ndainyengetera kuna Jehovha kuti andipe simba rokuramba ndisina wandinotsigira, kwete mumashoko angu chete asiwo mumwoyo mangu nomupfungwa dzangu.”
Pashure pemwedzi inoverengeka yokumukira kwechisimba, muna May 1979 FSLN yakabva yatanga kurwisa zvakasimba kuti ipidigure hurumende. Purezidhendi Somoza Debayle akamanikidzwa kutiza munyika macho, uye mauto ake aimuchengetedza eNational Guard akadzingwa basa. Muna July wegore iroro, Hurumende yechiuto itsva yeNational Reconstruction yakatanga kutonga. Zvinofungidzirwa kuti vanhu vomuNicaragua 50 000 vakafa panguva yokumukira uku.
Hama dzaiita sei? Chiziviso chinotevera chakanga chiri muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaOctober 1979: “Hama dziri kufara uye dziri kutanga zvekare misangano yadzo uye basa rokuparidza nokudzidzisa. Panguva yose yokurwisana, . . . hama dzedu nhatu dzakafa. Vazhinji vakasara vasina pokugara, asi pamusana pokuti vazhinji vakanga vari maroja, zvinhu zvizhinji zvavakarasikirwa nazvo zvakaita zvokubiwa kana kuti kuparadzwa. Kana zviri zvokufambisa, zvishoma chaizvo. Mabhazi mazhinji akaparadzwa, migwagwa yava kugadziriswa iye zvino, uye mafuta emotokari haasi kuwanika.” Kunyange zvakadaro, miedzo mikuru yakanga yakamirira vanhu vaJehovha.
Kusungwa uye Kudzingwa Munyika
Hazvina kutora nguva huru zvisati zvava pachena kuti hurumende itsva yakanga isingafariri kusava newazvinotsigira kweZvapupu zvaJehovha. Somuenzaniso, Dhipatimendi Rokubudisa Nokupinza Zvinhu Munyika rakaita kuti zviome zvikuru kupinza mabhuku munyika. Uyezve, mutemo wakadzikwa muna 1981 waida kuti masangano ose akazvimirira neezvitendero anyorese zvekare kuitira kuti azivikanwe pamutemo. Kusvika hama dzawana kuzivikanwa kwepamutemo ikoko, kuzivikanwa kwavo kwepamutemo kwavaimbova nako kwakanga kwasendekwa padivi. Hazvifadzi kuti kuedza kunyoresa zvekare kwakaitwa hakuna kupindurwa.
Muna September 1981, Andrew naMiriam Reed vakasungwa pavakanga vari mubasa redunhu nechepakati penyika. Kwemazuva gumi vakanga vari muubatwa mumajeri akasiyana-siyana uye mumamiriro ezvinhu asina kunaka zvachose. Pakupedzisira, vakaendeswa kumuzinda wemapurisa anochengetedza nyika, ayo akavaisa muzvitokisi zvakasiyana kwenguva zhinji yacho. Vakabvunzurudzwa kasingaperi, kazhinji kwemaawa, kuedza kuti vataure mazita ehama dzaitungamirira. Mumwe aiudzwa kuti mumwe wake adura kuti akanga achishandira CIA, uyu achiudzwawo izvozvo, nepo Hama naHanzvadzi Reed vakanga vasiri vagari vokuUnited States! Pakupedzisira, vakaudzwa kuti vakanga vasina mhosva. Kunyange zvazvo pasina mhosva chaiyo yavakazopomerwa, vakadzingirwa kuCosta Rica. Zvisinei, vasati vaenda, vakaudzwa kuti kuramba kwaiita Zvapupu zvaJehovha kutakura zvombo kwakanga kusingadiwi, kuti munhu wose womuNicaragua aifanira kunge akagadzirira kurwira nyika yake.
Nouchenjeri, Dare Rebazi rakawedzera chirongwa chokudzidzisa hama dzomunyika iyi kutarisira basa kuitira kana zvaizoitika kuti hofisi yebazi ivharwe. Panguva iyoyo, kwakaitwa kosi yevatariri vematunhu nevanovatsiva, makirasi akateverana eChikoro Choushumiri choUmambo chevakuru nevashumiri vanoshumira, uye Chikoro Chebasa Roupiyona. Kunyange zvakadaro, kuungana kukuru kwakanga kwakaoma zvikuru kuronga.
Somuenzaniso, kunyange zvazvo kanzuru yeguta reMasaya yakanga yati nhandare yaigona kushandiswa nokuda kweimwe yeKokorodzano Dzoruwa mbiri dzo“Kuvimbika kuUmambo” dzaifanira kuitwa muna December 1981, kwangosara maawa 36 chete kuti kokorodzano yacho iitwe, vakati hazvichaiti. Haasi meya akasarudza izvi, asi hurumende. Zvisinei, hama dzakafanonyeverwa. Naizvozvo kwasara zuva rimwe chete, vakaronga neimwe hanzvadzi ine mutsa kuti vashandise purazi rayo rehuku kuitira kokorodzano yacho. Akanga ari anenge makiromita masere kubva muManagua. Kuitira kugadzira nzvimbo yacho, vazvipiri vakashanda usiku hwose. Hama dzinodarika 6 800 dzakaudzwa nomuromo pasina kunonoka nezvenzvimbo itsva.
Bazi Rinovharwa
Musi woMugovera, March 20, 1982, nenguva dza6:40 mangwanani, Ian Hunter akanga ari kugadzira zvokudya zvemangwanani nokuda kwemamwe mamishinari. Panze, bhazi rakazara nevakuru vakuru veimmigration uye mauto ane zvigwagwagwa rakasvika. Mauto akakomba hofisi yebazi neimba yemamishinari. “Vakuru vakuru vacho,” anodaro Ian, “vakatiudza kuti mumwe nomumwe wedu arongedze zvinhu musutukesi imwe chete uye kabhegi kaduku. Havana kutaura chikonzero, asi vakati chete vakanga vari kutiendesa kune imwe imba kwataizogara kwenguva pfupi, uku vachifeya-feya. Nokungwarira, Reiner Thompson, mutariri weDare Rebazi, akaverevedza achipinda muhofisi akafonera mimwe misha yemamishinari achivanyevera nezvezvakanga zvichiitika.”
“Zvandakadzidza zuva iroro,” anoyeuka kudaro Ruby Block, “ichokwadi chemashoko aPauro okuti: ‘Musafunganya pamusoro pechimwe chinhu, asi muzvinhu zvose kukumbira kwenyu ngakuziviswe Mwari nokunyengetera nokuteterera uye rugare rwaMwari runopfuura kufunga kwose rucharinda mwoyo yenyu nemasimba enyu okufunga.’ (VaF. 4:6, 7) Uku mumwe musoja ane pfuti achiona ari mukicheni, Reiner Thompson akatinyengeterera, uye tose takati nomwoyo wose ‘Ameni.’ Zvadaro, takanzwa kugadzikana chaiko muhana, kunyange takanga tisingazivi zvaizoitika zuva iroro. Takanga tiine chivimbo kuti chero chaizotika, Jehovha aizotipa simba rokutsungirira. Ndicharamba ndichiyeuka chidzidzo ichi.”
Hama Hunter vanotsanangura zvakatevera kuitika vachiti: “Vakatikwidza bhazi vakaenda nesu kune rimwe purazi raimborimwa kofi raiva kumaruzevha. Ndakayeuchidza vakuru ava kuti sezvo takanga tisiri vomunyika ino, takanga tiine kodzero yokutaura nevamiririri venyika dzedu. Vakataura kuti sezvo pakanga padzikwa mutemo wechimbichimbi, wakaziviswa kumavambo kwevhiki iyoyo, pakanga pasisina kodzero dzakadaro uye kuti kana tava kunze kwenyika bedzi, taizotaura naani zvake wataida. Izvi zvakabva zvaita kuti tione kuti takanga tava kudzingwa muNicaragua.” Zuva iroro, mamishinari mapfumbamwe aigara pabazi akaendeswa kumuganhu weCosta Rica ari muzvikwata zvakasiyana.
Panguva iyi, mamishinari okune mimwe misha miviri akakurumidza kuona zvokuita maererano norunhare rwakanga rwaridzwa naHama Thompson. Achibatsirwa nehama dzaiva pedyo, akabvisa zvinhu zvakawanda, kusanganisira muchina wokudhinda weoffset, uye vakabvisa zvinhu zvavo zvakawanda. Pakasvika vakuru veimmigration, vakashamiswa kuona mamishinari achirongedza masutukezi awo uye kuti dzimba dzakanga dzisisina chinhu. Manheru iwayo mamishinari gumi okumisha miviri iyoyo akaendeswa kunhandare yendege. “Vakati takanga tiri kuvhiringidza chirongwa chokuchinja hurumende,” anodaro Phyllis Porter, “asi hapana akationgorora isu kana mabhegi edu panhandare yendege. Kunyange zvazvo takanga tisina matikiti endege, matikiti ezvinhu zvedu akaratidza kuti takanga tiri kuendeswa kuPanama.” Mamishinari maviri akasara munyika muno—murume nomudzimai vokuBritain vaiita basa redunhu—vakadzingwa mwedzi mishoma yakatevera.
Mumazuva mashoma-shoma, mamishinari akasangana zvekare pabazi romuCosta Rica. Ikoko vakapiwa mimwe migove mitsva neDare Rinodzora kuti vaenderere mberi nebasa muBelize, Ecuador, El Salvador, neHonduras dziri pedyo. Zvisinei, Reiner naJeanne Thompson naIan Hunter vakaramba vari muCosta Rica kwenguva yakati kuti kuitira kuti varambe vachikurukura nehama dzakanga dzava kutarisira basa muNicaragua.
Hama dzomuNicaragua dzakaita sei? “Pashure pokusvimha misodzi vanzwa nezvokudzingwa kwedu,” vakadaro Hama Hunter kare ikako, “hama dzedu dzinodiwa dziri kuenderera mberi nebasa. Vaya vari mudare renyika richangobva kuumbwa vari kutungamirira zvakasimba, uye tine chivimbo chokuti vachaita basa rakaisvonaka zvikuru.” Félix Pedro Paiz, ave ari mutariri wedunhu kwenguva refu muNicaragua, anoyeuka manzwiro akaita hama pamusoro pokuenda kwemamishinari: “Takasuruvara zvikuru.” Vakanga vazvipa zvechokwadi uye vakanga varamba vakavimbika. Muenzaniso wavo wakasiya hama dzasimbiswa uye wakasiya hwaro hwakasimba hwebasa munyika muno.”
Kudziviswa Kuita Zvimwe Zvinhu, Kwete Kurambidzwa Zvachose
Dzimwe nguva hurumende hadzinzwisisi kuramba kutsigira mativi kweZvapupu zvaJehovha munyaya dzezvematongerwe enyika, hondo, nemagakava evanhu. Kazhinji izvi zvinoita kuti vanhu vaone vanhu vaMwari zvakasiyana-siyana. Somuenzaniso, panguva yaitonga Somoza muma1950 nema1960, vashori vaivapa mhosva yokuva Vakomonisiti. Asi iye zvino vaSandinista vakanga vava kuti hama dzedu vashandi veCIA yokuAmerica. Vezvenhau vakapindirawo, vachiti vakanga “vachivhiringidza chirongwa chokubudirira kwehurumende.”
Kunyange zvakadaro, Zvapupu zvaJehovha hazvina kurambidzwa kuita basa zvachose muNicaragua, kunyange zvazvo makore epakati pa1982 na1990 akanga aine zvinhu chaizvo zvairambidzwa kuita parusununguko rwokunamata. Somuenzaniso, zvakanga zvisingakwanisi kuunza mabhuku munyika. Uyezve, chirongwa chakatangwa chokuti basa razvo rose—revanhu vose zvavo—raigona kunyatsoongororwa zvakasimba.
Taiongororwa Nevasori Vomunharaunda
Rimwe bhuku reLibrary of Congress rinoti: “Nokukurumidza pashure pechimurenga, bato reFSLN rakatangawo masangano makuru anomiririra mapoka ezvido zvoruzhinji muNicaragua.” Mapoka aya aisanganisira vashandi, sangano revakadzi, vachengeti vemombe, varimi, nevanhuwo zvavo varombo. Maererano nebhuku iroro, “pakasvika 1980 masangano eSandinista akabatanidza vanhu vomuNicaragua vanenge 250 000.” Pakati peaiva nesimba zvikuru paiva neMasangano Okudzivirira eSandinista echiKomonisti (Comités de Defensa Sandinista muchiSpanish), kana kuti CDS. Sezvo yaiumbwa nemasangano omunharaunda, CDS yaiverenga vanhu pachikamu chedzimba chimwe nechimwe mumaguta saka “yaiziva kwaiva nevanhu vose,” rinodaro bhuku rataurwa pamusoro apa. Yaiva chishandiso chinobatsira pakuunganidza nokuparadzira mashoko nokuda kwehurumende.
Pasina nguva refu Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvava kunyatsoongororwa zvazvaiita uye zvakatonyanya kunzarwo nokuda kwemashoko akaipa akanga abudiswa pamusoro pazvo. Vanhu vaifungidzirwa kuti vanoshora chimurenga uye kuti vane “pfungwa dzakatsauka” vaigara vachipomerwa neCDS yomunharaunda mavo pamberi pevakuru vakuru veSandinista. Kazhinji vanhu ava vaizobva vasungwa nemapurisa eGeneral Directorate of State Security, mapurisa epachivande.
Rimwe basa raiitwa neCDS kwaiva kuronga mabasa okurinda usiku. Vanhuwo zvavo, varume nevakadzi, vainzi vaite majana okuongorora mabasa api neapi outsotsi kana aipikisana nechimurenga aiitwa munharaunda mavo. Zvapupu zvakanga zvisingaiti majana aya, uye zvakanga zvisingabvumi kuti misha yazvo ishandiswe kuita misangano yevhiki nevhiki yeCDS. Zvisinei, zvakabvuma mamwe mabasa okuzvipira, akadai sokuchenesa migwagwa. Kunyange zvakadaro, Zvapupu zvaionekwa sevanhu vanopfurikidza mwero uye sengozi kuHurumende. Imwe hama inoti: “Muakawanda emakore gumi iwayo, mashoko anoti ‘Tiri kukuongorora’ ainyorwa pamberi pemba yangu.”
Vakangwarira asi Vasingatyi
Hama dzaiva dzakangwara pakupinda misangano yechiKristu nokuita ushumiri kuitira kuti dzisazviparira matambudziko asina kufanira. Misangano yaiitwa mumapoka maduku semhuri zvisingaonekwi noruzhinji, zvichida mudzimba dzehama kana kuti muDzimba dzoUmambo dzisina kunyorwa zita. Zvichienderana nenharaunda, hama dzaisawanzoimba nziyo dzoUmambo pamisangano. Nokufamba kwenguva, vaparidzi vakatanga kushandisa nhamba panzvimbo yemazita avo pamafomu akasiyana-siyana nemishumo yaishandiswa neungano. Kuwedzera kune izvi, vanofarira vaisakokwa kumisangano kutoti vave vachidzidza kweisiri pasi pemwedzi mitanhatu uye varatidza kuti vafambira mberi mumudzimu.
Magungano aiitwa maduku, uye purogiramu dzaipfupikiswa. Hurukuro nezvimwe zvinhu zvaitumirwa kuungano imwe neimwe, uko vakuru vomuungano dzacho vaironga uye vaipa purogiramu yacho muungano imomo vachibatsirwa nevashumiri vanoshumira vanokwanisa. Nhengo dzedare renyika nevatariri vanofambira vaishanyira magungano aya akawanda sezvinobvira.
Vanhu vaiziviswa nzvimbo dzacho nomuromo, uye hapana gungano rakambomiswa. Zvisinei, dzimwe nzvimbo dzokuitira dzaifanira kuchinjwa kwangosara nguva pfupipfupi. Somuenzaniso, mune imwe nharaunda yokumaruwa muna 1987, chivanze chokuseri kwemba cheimwe hama chakanga chagadzirirwa kuitira gungano revanhu vanenge 300. Kamwe kamwe, mumwe mukuru wemauto nevaiva pasi pake vakasvikapo. “E-e, chii chamuri kuita pano?” mukuru wemauto uyu akabvunza.
“Tiri kuda kuita pati,” hama yakapindura ichidaro yaziva nebhutsu dzomurume uyu kuti aiva mumwe weMapurisa eHurumende. Zvadaro, mukuru wemauto uyu akaenda. Dzaziva kuti mapurisa akanga ava kudzifungira, hama nehanzvadzi dzakashanda usiku ihwohwo hwose kupwanya zvinhu zvose. Na5:00 mangwanani, zvigaro, chikuva, nemidziyo yose yokubikira, kunze kwokungobviswa chete, zvakanga zvatorongwa pane imwezve nzvimbo yaiva inenge kiromita imwe nehafu kubva ipapo. Vechiduku vakagwinya vakazivisa hama nezvenzvimbo itsva yacho. Gare gare mangwanani iwayo rori raiva rizere masoja rakasvika panzvimbo yokutanga iya vachifunga kuti vachamisa gungano racho, votora vechiduku nokuda kwebasa rechiuto, nokusunga hama dzaitungamirira. Asi vakangowana muridzi womusha chete.
“Ko vanhu vose vari kupi?” akabvunza kudaro mukuru wemauto.
“A-a-a, taiva nepati usiku hwapfuura, asi iye zvino yapera,” yakapindura kudaro hama yacho.
“Manga musina gungano here?” akabvunza kudaro mukuru wemauto.
“Zvionerei,” yakapindura hama yacho. “Hapana chiri pano.”
Asina kugutsikana, mukuru wamauto uyu akaenderera mberi achiti: “Asika, matende aiva pano nezuro ari kupi?”
“Pati yapera,” yakadzokorora hama yacho. “Vatakura zvinhu zvose vakaenda.”
Pashure pacho, masoja acho akabva aenda. Panguva iyi, hama dzakanga dzichitova nepurogiramu inovaka mumudzimu kune imwe nzvimbo iya.
“Tarirai! Ndiri kukutumai semakwai pakati pemhumhi; naizvozvo ivai vakangwarira senyoka asi musina mhaka senjiva.” (Mat. 10:16) Vaparidzi vakafungisisa mashoko aya kwete chete pane zvine chokuita nemisangano nemagungano asiwo pane zvine chokuita noushumiri hwomumunda. Saka vaisaumba mapoka akakura asi vaishanda vakangwarira vari vaviri vaviri mundima dzainge dzagoverwa kare. Mutariri wedunhu Félix Pedro Paiz anotsanangura kuti: “Taifanira kungwarira chaizvo. Chinhu bedzi chataitakura muushumiri raiva Bhaibheri. Zuva roga roga hama yakasiyana yaigoverwa kuti ifambe neni muushumiri. Pakushanyira dzimwe ungano, ndaienda kune boka rimwe rechidzidzo chebhuku musi weChipiri manheru, rimwe racho musi weChina, uye rimwe racho musi weSvondo. Mune dzimwe nzvimbo dzenyika yacho, urongwa uhwu hwaigona kunzi nyevenutswei zvishoma hazvo.”
Kutorerwa Zvinhu uye Kusungwa
Humwe usiku muna July 1982, zvikwata zvevanhu vanobvira pa100 kusvikira kune vanopfuura 500, vaiva pamwe chete neMapurisa eHurumende, zvakapinda nechisimba muDzimba dzoUmambo dzinoverengeka munzvimbo dzakatsaukana-tsaukana dzenyika yacho, zvichidzitora “zvichiti zvatumwa nepovho.” Musi waAugust 9 pakati pa7:00 dzemanheru na9:00 dzemanheru, dzimwe Dzimba dzoUmambo shanu, Imba Yemagungano, nechaimbova chivako chebazi chaiva mumugwagwa unonzi El Raizón zvakatorwawo. Pashure pokubudiswa munyika kwemamishinari muna March, hama nhanhatu dzomuNicaragua nemamishinari maviri akaroorana vakanga vasara vachigara pabazi vachiitira kuchengetedza zvivako zvacho. Zvisinei, pakupedzisira mapurisa aya achitsigirwa nemhomho yaisveeredza, akavadzingawo ipapo, asingambovabvumiri kutora zvinhu zvavo.
Hurumende yakati CDS ione nezveDzimba dzoUmambo dzakanga dzatorwa dziya, idzo dzakanga dzava kunzi “zvinhu zvepovho.” Zvainzi dzimba idzi dzaifanira kugadziridzwa kuti dzizoshandiswa nevanhu vose. Pakupedzisira, pazvivako 50, 35 zvacho zvakanga zvava kugarwa zvisiri pamutemo, kunyange zvakanga zvisina kumbotorwa zviri pamutemo.
Zvinhu zvourudzi pazvaipisa kudai, hama dzaiva nemitoro dzakanga dzisingangoongororwi chete asi dzaiwanzotyisidzirwa. Somuenzaniso, mune dzimwe nharaunda, zvikwata zveCDS zvainetsa hama pamisha yadzo kwemaawa, zvichiimba mashoko okupomera nemasirogani ezvematongerwe enyika. Mapurisa Ehurumende aipinda mudzimba achiti ane zvaanotsvaka uye aitotora zvinhu mune dzimwe dzimba nechisimba. Vakuru vanoverengeka, kusanganisira nhengo dzedare renyika, vakasungwa vakabatwa zvakaipa.
Mumwe wevakuru vokutanga kuitirwa izvi aiva Joel Obregón, aiva mutariri wedunhu panguva iyoyo. Musi waJuly 23, 1982, Mapurisa Ehurumende akakomba musha waakanga ashanyira nomudzimai wake, Nila, ndokumusunga. Nila akatozobvumirwa kuona murume wake pashure pokuramba achiedza kwevhiki shanu, kunyange akangomuona kwemaminitsi matatu chete paine mupurisa ane pfuti. Zvaiva pachena kuti Joel aive abatwa zvisina kunaka, nokuti Nila akacherechedza kuti akanga aonda uye achinetseka kutaura. “Joel haasi kuda kuita zvatiri kuda,” mumwe mupurisa akamuudza kudaro.
Pashure pokuvharirwa kwemazuva 90, Joel akazosunungurwa—arasikirwa nemakirogiramu 20. Vakuru vokune dzimwe nzvimbo dzenyika yacho vakasungwawo, vakabvunzurudzwa, uye ndokusunungurwa. Muenzaniso wokuperera kwavo wakasimbisa hama dzavo chaizvo!—Ona bhokisi rakanzi “Kumbonetswa Nemapurisa Epachivande,” riri pamapeji 99-102.
Pwere dzechiKristu Dzinoedzwa Nokumanikidzwa Kupinda Muchiuto
Hama dzechiduku zvikurukuru dzakanetseka nourongwa hwakatangwa muna 1983 hwokuti vechiduku vose vamanikidzwe kupinda muchiuto, hwaizivikanwa seBasa Rechiuto Rokuzvipira Kunyika. Vanhurume vaiva nezera riri pakati pemakore 17 ne26 vaisungirwa nomutemo kupedza makore maviri vari muchiuto uyezve mamwe makore maviri vari muuto rakamirira kushevedzwa. Kana vanyorwa muchiuto, vaibva vangoendeswa kukamba yemauto kunodzidziswa. Pakanga pasina zvokuti munhu anogona kuramba pamusana pechitendero chake; kana akaramba aivharirwa achimirira kutongwa ozopiwa mutongo wemakore maviri mujeri. Hama dzaitarisana nomuedzo uyu noushingi, dzakatsunga kuramba dzakavimbika kuna Jehovha.
Somuenzaniso, musi waFebruary 7, 1985, Guillermo Ponce wokuManagua, piyona wenguva dzose aiva nemakore 20, aienda kunoitisa zvidzidzo zveBhaibheri paakasungwa nemapurisa. Nokuti akanga asina kadhi rechiuto, akatumirwa kukamba inodzidzisa chiuto. Asi pane kuti abate pfuti, Guillermo akatanga kupupurira vechiduku vakanga vachangopinzwa chiuto. Achiona izvi, mumwe mutungamiriri wemauto akapopota achiti: “Haisi chechi ino iyi; ikamba yechiuto. Pano uchateerera isu!” Guillermo akapindura achitaura mashoko aMabasa 5:29 anoti: “Tinofanira kuteerera Mwari somutongi panzvimbo pevanhu.” Mutungamiriri wemauto uyu, mudzidzisi wechiuto wokuCuba, ashatirwa akamubvutira Bhaibheri ndokutyisidzira achiti: “Tichapedzerana manheru”—zvinoreva kuti akanga achizoshungurudza Guillermo mupfungwa achiedza kuti achinje pfungwa dzake.
Sezvineiwo, mutungamiriri wemauto uyu haana kuzoita zvaakanga ataura. Zvisinei, kwapera mazuva matatu, Guillermo akachinjirwa kune rimwe jeri kwaakachengetwa kwemwedzi mipfumbamwe yakatevera mumamiriro ezvinhu akaipa kwazvo. Kunyange zvakadaro, akaramba achiita basa rake rokupayona, achiitisa zvidzidzo zveBhaibheri kunyange misangano mujeri macho. Gare gare munguva iyi yakanga yakaoma, Guillermo akava mutsigiri anokosha wedare renyika.
Pane kuiswa mujeri, dzimwe hama dzechiduku dzaimanikidzwa kuenda mumakomo kunobatana nemapoka echiuto ainzi Irregular Warfare Battalions. Boka rimwe nerimwe rechiuto raiva nezvikwata zvishanu kana zvitanhatu zvevarume 80 kusvikira ku90 vakadzidziswa hondo mumasango omumakomo, umo kurwa nemacontra (magandanga aipikisana nemaSandinista) kwaipisa. Kunyange zvazvo hama dzairamba kupfeka mbatya dzechiuto dzopakata zvombo, dzaingomanikidzwa kupinda munzvimbo dzinorwiwa, tisingatauri kurangwa uye kutukwa.
Giovanni Gaitán aiva nemakore gumi nemasere akatsungirira kubatwa zvakadaro. Giovanni akambomanikidzwa kupinda muchiuto kwangosara nguva pfupi kuti kokorodzano yoruwa yaDecember 1984 iitwe, kwaakanga achitarisira kubhabhatidzwa. Akatumirwa kukamba yemauto uko masoja akaedza kumumanikidza kwemazuva 45 kudzidzira kushandisa pfuti nokurwa mumasango. Asi maererano nehana yake yakarovedzwa neBhaibheri, Giovanni akaramba ‘kudzidza kurwa.’ (Isa 2:4) Haana kupfeka mbatya dzechiuto, uye haana kupakata pfuti. Kunyange zvadaro, akamanikidzwa kufamba nemasoja kwemwedzi 27 yakatevera.
Giovanni anoti: “Ndakazvichengeta ndakasimba nokuramba ndichinyengetera, ndichifungisisa pane zvandakanga ndadzidza munguva yakapfuura, uye kuparidzira kumauto ose airatidza kufarira. Ndaiwanzoyeuka mashoko omunyori wepisarema, anoti: ‘Ndichasimudzira meso angu kumakomo; kubatsirwa kwangu kuchabvepiko? Kubatsirwa kwangu kunobva kuna Jehovha, wakaita kudenga napasi. Haangatenderi rutsoka rwako kuti rutedzemuke; muchengeti wako haangakotsiri.’”—Pis. 121:1-3; 1 VaT. 5:17.
Kunyange akamanikidzwa kuenda paipisa hondo pazviitiko zvinenge 40, Giovanni akapona asina kumbokuvara. Pashure pokusunungurwa kwake, akabhabhatidzwa musi waMarch 27, 1987, uye nguva pfupi pashure pacho akapinda mubasa roupiyona. Dzimwe hama dzechiduku dzakatendeka dzakawanda dzakasanganawo nezviitiko zvakafanana neichi.—Ona bhokisi rakanzi “Kumanikidzwa Kupinda Munzvimbo Inorwiwa,” riri pamapeji 105-6.
Kudzivirira Kusava Kwavo Nokwavakarerekera
Kambani yokudhinda yaidzorwa nehurumende, pamwe chete neCDS, yakapomera Zvapupu zvaJehovha nhema dzokuti zvinoshandisa ushumiri hwazvo hwepaimba neimba kuudza vanhu kuti vasabvume Basa Rechiuto Rokuzvipira Kunyika. Zvainzi Zvapupu zvaiita kuti nyika ishaye simba rokuzvidzivirira nokukurudzira vechiduku vomuNicaragua kuramba basa rechiuto. Kunyange kwakanga kusina pakwakavakirwa, kupomera uku kwakaramba kuchidzokororwa kakawanda kuti kutsause vachuchisi nevatongi. Zvakatoipa zvikuru, vatungamiriri vemachechi akakurumbira eEvangelical, vaizviti vatsigiri vechimurenga, vakapomerawo vaya vairamba vasina kwavakarerekera nokuda kwezvikonzero zvechitendero, vachivati “vavengi vevanhu.”
Chimwe chapupu chaiva gweta chakatarisira nyaya dzaikwidzwa kumatare dzehama dzechiduku 25 dzakatongerwa makore maviri maviri mujeri nokuti dzakanga dzaramba basa rechiuto. Nokuti kuramba pazvikonzero zvechitendero kwaisabvumwa pamutemo, vavariro yokukwidza nyaya yaiva yokuderedza mutongo, pachitaurwa nezvokuzvibata kwevaipomerwa uye kusaramba kwavo kusungwa. Somugumisiro, mimwe mitongo, asi kwete yose, yakadimburwa nemwedzi 6 kusvikira ku18.
Julio Bendaña, hama yaivapo paitongwa nyaya idzi anoti: “Zvinofadza kuona kuti kunze kweZvapupu zvaJehovha, hapana vechiduku vakaramba basa rechiuto pazvikonzero zvechitendero. Ndakanzwa ndichidada kuona vakomana vedu vane makore 17 vachidzivirira kusava kwavo nokwavakarerekera nechivimbo chakakura pamberi pomutongi nomuchuchisi wechiuto vakakombwa nevanhu vanopikisa vaiona.”—2 VaK. 10:4.
Kudhinda Kunoitirwa Pachivande
Munguva yose iyi, Dare Rinodzora rakaramba richipa rubatsiro nenhungamiro kuhama dzomuNicaragua richishandisa bazi reCosta Rica nedare renyika reNicaragua. Asi kupinzwa kwemabhuku munyika kwakarambidzwa, saka “zvokudya . . . panguva yakafanira” zvaigoverwa sei? (Mat. 24:45) Jehovha akazarurazve nzira yacho.
Muna 1985 hama dzaikwanisa kuwana nyaya dzinodzidzwa dzeNharireyomurindi nemamwe mabhuku eBhaibheri dzichibatsirwa nekambani inodhinda mabhuku. Asi nzira iyi yaiva nengozi, nokuti paiva nomukana wokuti basa redu rikanganiswe nevashori. Saka, zvakasarudzwa kuti pashandiswe muchina wokudhinda weoffset waimboshandiswa kudhinda purogiramu dzemagungano nemasiripi okukokera kuChirangaridzo kusvikira pakazovharwa bazi. Muchina wacho wakatanga kushandiswa pamusha weimwe hanzvadzi yaigara kunze kweManagua.
Zvinosuruvarisa kuti, muna November wegore iroro, muchina wokudhinda uyu wakawanikidzwa nehurumende. Dzisingabvumiri kuti basa ridzorerwe shure neizvi, hama dzakakurumidza kugadzirazve muchina wekare wokuitisa makopi, wavakapa zita remadunhurirwa rokuti Jongwe. Waimboshandiswa kudhinda mahendibhiri, tsamba, nepurogiramu. Simbi dzokugadzirisa padzakatanga kunetsa kuwana, hama dzakakwanisa kuwana munharaunda iyoyo mumwe muchina wekare, dzikaupa zita rokuti Nhiyo. Gare gare, bazi reEl Salvador rakavapawo muchina. Vachiomerera pamuitiro wavo wokudaidza michina nemazita ezvipfuyo, vakauti Sheche.
Nzira yokudhinda nayo yakanga isina kunyanya kuoma, asiwo ichibudirira zvikuru yaiva yokushandisa mabhodhi okuitisa makopi, aidaidzwa nehama kuti las tablitas, kana kuti mabhodhi maduku. Midziyo iyi yakagadzirwa naPedro Rodríguez, mugadziri wefanicha akabhabhatidzwa muna 1954, uye yaiva nemafuremu maviri akareba-reba akabatanidzwa kumapeto kwawo nejira pafuremu yokumusoro negirazi kana puranga pafuremu yepasi. Magadzirirwo acho akanga asina kuoma, nokudhinda kwacho kwakanga kusina kuomawo. Pepa rakanyorwa mabhii raiiswa mufuremu yepamusoro pajira uye pepa risina kunyorwa raiiswa mufuremu yepasi. Ingi yaiiswa pajira riya nechinhu chinotenderera, uye pashure pokudhinda pepa rimwe paiiswa rimwe pepa.
Kunyange zvazvo yainetesa, nzira iyi yokudhinda nayo yakabudisa zvinhu zvakawanda, kusanganisira bhuku renziyo rinonzi Imbirai Jehovha Rumbidzo, nenziyo dzaro dzose dzoUmambo 225. “Hama padzakanga dzangojaira kushandisa mabhodhi maduku aya,” anoyeuka kudaro Edmundo Sánchez, uyo aibatanidzwawo mukudhinda kwacho, “dzaibudisa mapeji 20 paminiti. Ose pamwe chete, takabudisa anenge 5 000 emabhuku enziyo chete.”
Mudzimai waEdmundo, Elda aiva pakati pehanzvadzi dzokutanga kubatsira kugadzira mapepa akanyorwa mabhii okushandisa mumichina yokuitisa makopi. Achishandisa tapureta yake, Elda, uyo aivawo amai, aitanga mangwanani-ngwanani uye aiwanzoshanda kusvikira usiku achitaipa nyaya dzinodzidzwa dzeNharireyomurindi pamapepa aizoshandiswa mumichina yokuitisa makopi. Anoyeuka kuti: “Edmundo aindipa magazini yaanenge agamuchira kubva kuCosta Rica. Ndakanga ndisimbambozivi kuti kwaiva nemapoka mangani okudhinda, ndaingoziva bedzi chikamu chebasa randainge ndapiwa kuti ndiite. Ndaizivawo kuti dai taiwanikidzwa, imba yedu, fanicha yedu—zvose hazvo—zvaizotorwa uye taizosungwa, zvichida kutoguma ‘tanyangaritswa.’ Asi, kuda kwedu nokutya kwedu Jehovha kwakabvisa kutya munhu kupi nokupi kwatingadaro taiva nakwo.”
Mashopu Okudhindira
Guillermo Ponce anoyeuka zvakanga zvakaita mashopu okudhindira acho. Aiva muverengi anotsvaka zvakakanganiswa uye aiona kufamba kwebasa pakati pehama dzaigadzira mapepa akanyorwa mabhii nevaya vaidhinda nokuparadzira mabhuku acho. Hama Ponce vanotsanangura kuti: “Mashopu okudhindira acho aigadzirwa mumisha yedzimwe mhuri dzeZvapupu. Shopu yoga yoga yokudhindira yaiva kamuri rakavakwa mukati merimwe kamuri, iro raingova kanzvimbo kaduku kokushandira. Kuitira kuti tivhare ruzha rwomuchina wacho, taiisa tepi kana redhiyo panze peshopu yacho toivhurisa.”
Dzakadikitira, hama dzaishanda kwemaawa mapfumbamwe kana gumi pazuva dziri mukati metumakamuri tuduku utwu dzichidhinda Nharireyomurindi kana mamwe mabhuku. Kakawanda, apo vavakidzani vaida kuziva zviri kuitika kana kuti apo mumwe munhu aizivisa mapurisa, basa rose raifanira kuchinjirwa kune mumwe musha nokukurumidza.
Basa racho rainzi ibasa repaBheteri, uye vairiita vaiva hama dzechiduku, dzisina kuroora. Felipe Toruño aiva nemakore 19 uye achangobva kubhabhatidzwa paakadaidzwa kuzoshandira mune imwe yemashopu okudhindira acho. Filipe anoti “Chinhu chandinotanga kuyeuka kwaiva kupinda mukakamuri kaduku, kanenge kaisambopinda mhepo kaiva nezimweya romushonga wokudzimisa zvinenge zvakanganiswa kutaipwa. Kupisa kwacho kwaiita sokusingatsungiririki, uye chiedza chaibva pagirobhu duku.”
Paivawo nezvimwe zvainetsa. Somuenzaniso, apo muchina waida kugadziriswa—izvo zvaiwanzoitika—munhu aisagona kungoenda nawo kwaunonogadziriswa. Vanhu vaizobvunza kuti: ‘Ndiani muridzi womuchina uyu? Chii chiri kudhindwa? Basa racho rinobvumirwa nehurumende here?’ Saka hama dzaifanira kuzvigadzirira dzoga uye dzimwe nguva kuita zvokuzvigadzirira simbi dzomuchina wacho. Chimwe chinetso kwaiva kudzima-dzima kwemagetsi. “Pamusana pokuti zvikwata zvaidhinda zvaisada kusarira shure pabasa,” vanoyeuka kudaro Hama Ponce, “dzimwe nguva ndaivaona vachishanda vakavhenekerwa nechiedza cheparafini, mhino dzavo dzati tsvaa noutsi. Kukoshesa basa, mafungiro, nokuzvipira kwairatidzwa nemajaya akaisvonaka aya kwakaita kuti ndisadzokera shure.”
Dzimwe Ndangariro Dzinokosha
Felipe Toruño anorangarira nomufaro makore ake mana somudhindi wepachivande. “Ndaigara ndichiyeuka kuti hama dzaiva dzakamirira zvikuru zvokudya zvomudzimu izvi zvinokosha,” anodaro Felipe. Saka pasinei nezvinhu zvakawanda zvataitadziswa kuita, taishanda nomufaro.” Omar Widdy, akaitawo basa iri kubva muna June 1988 kusvikira pakupera kwaro muna May 1990, anoyeuka kuti: “Chimwe chezvinhu zvaindifadza zvikuru rwaiva rudo rukuru rwehama. Vatsva vaida uye vaifarira kudzidza uye vakadzidziswa mabasa akasiyana-siyana nokushivirira. Mashandiro acho haasiriwo anganzi akanaka, asi vazvipiri, kunyange vaiva vaduku, vaiva varume vakakura mumudzimu vainzwisisa zvakadzama kuzvipira kwaidiwa mubasa iri.”
Giovanni Gaitán akashandawo mumashopu okudhindira aya. Anoyeuka kuti: “Chaitibatsira kuenderera mberi kwaiva kukoshesa Jehovha nesangano rake. Hapana nomumwe wedu aipiwa mari panguva iyoyo, asi izvozvo hatina kunetseka nazvo; taiva nezvataida. Ini pachangu ndakanga ndamborarama mumamiriro ezvinhu mandaifanira kuvimba naJehovha zvizere. Saka ndakanga ndisinganyanyi kunetseka nezvandaida zvokunyama. Hama dzakadai saGuillermo Ponce, Nelson Alvarado, uye Felipe Toruño, kunyange dzaiva dzechiduku, dzaiva mienzaniso yakanaka kwazvo kwandiri. Hama dzakura dzaitungamirira dzakandisimbisawo. Hungu, ndichitarira shure, ndinogona kuti zvose zvakaitika zvakapfumisa upenyu hwangu zvechokwadi.”
Vose vaibatanidzwa mukudhinda kwepachivande vakaona kutsigira kwaJehovha munzira dzakawanda, kunyange maererano nebasa racho chairo rokudhinda. Hama Gaitán vanoti: “Pepa rimwe rakanyorwa mabhii rinowanzodhinda mapepa 300 kusvikira ku500. Isu taiita kuti ritiburitsire 6 000!” Nei zvaidiwa kuwedzera mapepa anobudiswa uye zvimwe zvinhu zvaidhindwa? Kunze kwokuva mashoma kwemapepa acho munyika, aingowanikwa bedzi muzvitoro zvaidzorwa nehurumende uko kutenga akawanda zvikuru kwaizocherechedzeka, zvichiita kuti mutengi agone kusungwa. Chokwadi, Jehovha akakomborera zvose zvaiitwa nehama, nokuti kunze kwomuchina wokutanga weoffset, mapurisa haana kuwana kana kuvhara imwe yemashopu okudhindira.
Hama dzaiva nemabasa okunyika kuitira kuti dziriritire mhuri dzadzo dzaibatsirawo pabasa racho, kazhinji dzichizviisa pangozi huru. Somuenzaniso, dzakawanda dzaiendesa mabhuku akadhindwa kwakasiyana-siyana munyika yacho yose, dzichishandisa motokari dzadzo. Dzimwe nguva dzaifamba zuva rose, dzichipfuura nomunzvimbo dzakawanda dzine masoja ari kusecha zvinhu. Dzaiziva kuti kana dzaizobatwa dzaigona kutorerwa motokari dzadzo, dzosungwa, uye dzoiswa mujeri. Asi, hadzina kutya. Zviri pachena kuti hama idzi dzaida kutsigirwa zvizere nevadzimai vadzo, vamwe vavo vakaitawo basa guru mukati menguva yakaoma iyi, sezvatava kuzoona.
Vakadzi Vakakura Mumudzimu Vakashinga
Vakadzi vechiKristu vakawanda vakaratidza ushingi nokuvimbika kunoshamisa mumakore okurambidzwa basa muNicaragua. Vachishandira pamwe nevarume vavo, vaibvuma kuti misha yavo ishandiswe kudhinda zvinhu pachivande, kazhinji kwemwedzi inoverengeka panguva. Vaigadzirirawo vashandi zvokudya, vachishandisa mari yavo. “Ukama hwakasimba hwakatanga pakati pedu isu hama dzechiduku nehanzvadzi idzi,” anorangarira kudaro Nelson Alvarado, uyo aibatsira kutarisira kudhinda kwacho. “Vakava vanaamai vedu. Uye isu, sevanakomana, takavaparira basa rakawanda. Dzimwe nguva, taibishaira kusvikira kuma4 dzemangwanani kuti tisvitse nhamba yemabhuku aidiwa panguva yakati, kunyanya paya pairongwa mabasa okuwedzera, zvakadai sekabhuku kaKunzvera Magwaro Zuva Nezuva. Vaviri vedu dzimwe nguva taishanda mashifiti emaawa anoda kusvika 24. Asi, hanzvadzi dzaisakundikana kutigadzirira zvokudya, kunyange mumambakwedza chaiwo.”
Mhuri dzaiva nomusha waidhindirwa dzaitarisira kuchengeteka kwezvinhu zvacho. Vadzimai vomumba ndivo vaiwanzoita basa iri, sezvo varume vakawanda vaienda kubasa. Imwe hanzvadzi inoyeuka kuti: “Kuti ruzha rwaibva mumichina rusanzwike, tairidza redhiyo zvine ruzha kwazvo. Apo mumwe munhu aisvika pagedhi, taizivisa hama dzaiva mushopu yokudhindira tichishandisa siwichi yaitungidza girobhu rakagadzirirwa izvozvo.”
Kazhinji kacho vashanyi ava zvaiva zvimwe Zvapupu kana kuti voukama. Kunyange zvakadaro, hanzvadzi dzacho dzaiedza kuonekana navo nokukurumidza uye nounyanzvi sezvinobvira. Sezvaunogona kufungidzira, izvi zvakanga zvisiri nyore nguva dzose, nokuti hanzvadzi idzi dzagara dziine mutsa wokugamuchira vaeni. Funga nezvomuenzaniso waJuana Montiel, aiva nomuti unobereka nzungu dzinonzi cashew pachivanze chake. Nokuti zvimwe Zvapupu zvaiwanzouya kuzotemha michero mumuti uyu, chivanze chaJuana chakanga chava nzvimbo inongouya-uya vanhu. “Patakava neropafadzo yokuti musha wedu udhindirwe mabhuku,” anoyeuka kudaro Juana, “ini nomurume wangu taifanira kutema muti wacho. Zvakanga zvakaoma kuti titsanangurire hama kuti nei takangoerekana tisisanyanyi kudzifarira, asi taiziva kuti basa rokudhinda raifanira kudzivirirwa.”
Consuelo Beteta, uyo zvino akashayika, akabhabhatidzwa muna 1956. Musha wake wakashandiswawo kuita basa rokudhinda. Zvisinei, hama dzaisakwanisa kupaka motokari pamberi peimba yake kuti dzitakure mabhuku pasina kumutsa kunyumwira. Saka dzaimira panzvimbo yaiva yakati chengetekei—musha weimwe hama waiva uri nechepamberi zvishoma. Mukubvunzurudza kwakaitwa vasati vafa, Hanzvadzi Beteta vanoyeuka mazuva iwayo. Maziso avo achipenya, vakati: “Magazini aipetwa oiswa mumasaga kuti achienda kuungano dzakasiyana-siyana. Saga rimwe nerimwe rairema anenge makirogiramu 15. Kuti tisvike kumba kwehama iyi, ini nomuroora wangu taitakura masaga acho pamusoro yedu toyambuka goronga raiva seri kweimba yangu. Vavakidzani havana chavaimbofungira, nokuti masaga acho akanga asina kumbosiyana neanotakurwa nevakadzi vakawanda pamusoro.”
Hama dzaikoshesa kwazvo hanzvadzi idzodzo dzakavimbika, dzine ushingi! “Yaiva ropafadzo huru zvechokwadi kushanda nadzo,” anodaro Guillermo Ponce, achitaura akamiririra hama dzakawanda dzakashanda naye kare ikako. Zvinonzwisisika kuti vakadzi vechiKristu vakanaka vakadaro, pamwe chete nevarume vavo, vaiva mienzaniso yakanaka kwazvo kuvana vavo. Saka zvino ngatichitaurei nezvezvinetso zvakatarisana nevana mumakore iwayo ainetsa.
Vana Vakatendeseka, Vanovimbwa Navo
Sevabereki vavo, vana vevaya vaiita mabasa okudhinda pachivande nokuparadzira mabhuku vakaratidzawo kuvimbika kunoshamisa. Claudia Bendaña, aiva nevana vaviri vakanga vachiri pamusha panguva iyoyo, anoyeuka kuti: “Taiva nomuchina wokudhinda waishanda mukamuri rokuseri kweimba yedu kwemwedzi mishanu. Vana ava vaiti vangodzoka kubva kuchikoro, vaida kubatsira hama. Asi chii chavaigona kuita? Pane kuvadzinga, hama dzaivabvumira kubatanidza pamwe chete mapepa eNharireyomurindi ainge adhindwa. Vana ava vaida chaizvo kuva nemajaya iwayo, aivakurudzira kuyeuka nomusoro ndima dzeBhaibheri nenziyo dzoUmambo!”
Hanzvadzi Bendaña vanoti: “Tichida kuti zvinhu zvichengetedzwe zvakavanzika, ini nomurume wangu takatsanangurira vana vedu kuti taiva munguva dzakaoma, kuti basa iri raiva raJehovha, uye kuti zvaikosha kwazvo kuti tirambe takavimbika. Vaisafanira kutaurira ani zvake maererano neizvi—kwete kune voukama kunyange hama nehanzvadzi dzedu dzechiKristu. Sezvineiwo, vana vacho vakanga vakatendeka uye vaiteerera.”
Musha waAura Lila Martínez waiva mumwe weyokutanga kushandiswa senzvimbo yokudhindira. Vazukuru vake vaibatsira kuronga mapeji, kuabatanidza, nokuarongedza. Naivowo vakawirirana chaizvo nehama dzaishandira mumusha wavo. Havana kumbotaura nevamwe nezvebasa racho. Eunice anoyeuka kuti: “Taienda kuchikoro nokutamba anenge mazuva ose nevana vokwaBendaña nokwaEugarrios, asi hatina kumboziva kuti mabhuku aidhindirwa kumisha yomumwe nomumwe wedu kutozosvikira makore akawanda gare gare. ‘Chokwadi here? Nokumba kwenyuwo?’ takabvunzana tichishamisika. Mufunge takanga tichikura tiri shamwari dzepamwoyo, asi hapana mumwe wedu akambotaurira vamwe chinhu. Sezviri pachena, iyi yaiva nzira yaJehovha yokudzivirira nayo basa.”
Zviitiko zvepamavambo izvozvo zvakaramba zvichibatsira vana ava. Emerson Martínez, uyo ava mushumiri anoshumira ari mubasa chairo renguva yakazara, anoti: “Hama dzaiva mumashopu okudhindira iwayo dzaiva mienzaniso yangu yokutevedzera. Dzaiva nemakore 18 kana 19 chete, asi dzakandidzidzisa kukoshesa mitoro yokumudzimu, pasinei nokuti miduku zvakadini, uye ndakadzidza kukosha kwokuita basa rakanaka. Kudai ndaisiya peji imwe pandinenge ndichironga, mumwe munhu aizorasikirwa nemashoko iwayo. Izvi zvakaita kuti ndinyatsoona kukosha kwokuitira Jehovha uye hama dzedu zvakanakisisa zvandaigona.”
Elda María, mwanasikana waEdmundo naElda Sánchez, aibatsira nokuendesa mapepa eNharireyomurindi nemamwe mabhuku akanyorwa mabhii ayo amai vake vakanga vataipa. Aiatakura pabhasikoro rake kuenda kuimba yaHama Ponce yaiva mabhuroko mashanu kubva pane yavo. Vasati vapa mapepa aya kumwanasikana wavo, Hanzvadzi Sánchez vainyatsoaputira voaisa mukabhasikiti kaduku. “Kubvira pandaiva mudukuduku,” anodaro Elda María, “vabereki vangu vakandidzidzisa kuteerera. Saka pakasvika nguva iyi yokurambidzwa basa, ndakanga ndajaira kunyatsoteerera mirayiridzo.”
Ainzwisisa here ngozi yakanga yakatarisana nehama idzi—kusanganisira baba vake—vakanga vachitarisira kudhinda kwacho? Elda Maria anoti: “Baba vaiwanzondiudza vasati vabuda mumba kuti kana vakasungwa, ndaisafanira kutya kana kusuwa. Kunyange zvakadaro, pavainonoka kuuya kumba, ndinoyeuka ndichinyengetera kakawanda naAmai kuti vasapinde mungozi. Taiwanzoona vanhu vanobva kuMapurisa Ehurumende vakamisa motokari pamberi pemba yedu vachitiongorora. Kana Amai varivo vainozarura musuo, ndaiunganidza zvinhu zvavo zvose ndozviviga. Ndinofara zvikuru nomuenzaniso nerovedzo zvandakapiwa nevabereki vangu mukuratidza kuvimbika kuna Jehovha nokuhama dzedu.”
Zvavakanga vavaka nheyo yakasimba muuduku hwavo, vechiduku vakawanda venguva iyoyo vava mubasa renguva yakazara, uye vakawanda vari kushumira vari munzvimbo dzomutoro muungano. Kufambira mberi kwavo uchapupu hwechikomborero chaJehovha chakakura pavanhu vake, vasina mumwe wavo akafa nenzara yezvokudya zvomudzimu munguva yakaoma iyoyo. Zvakatoitika ndezvokuti, mashoko akanaka oUmambo hwaMwari akaramba achienderera mberi, kunyange kuwana “ivhu rakanaka kwazvo” pakati pezviuru zvakanga zviri mujeri munguva yaitongwa nebato reSandinista. (Mako 4:8, 20) Izvi zvakaitika sei?
Mbeu yoUmambo Inodyarwa Mujeri
Zvichitevera Chimurenga chebato reSandinista, zviuru zvevatsigiri veNational Guard yakanga yakundwa uyewo nezvevamukiri zvakaiswa mujeri zvisati zvamira pamberi pematare chaiwo akazotonga nyaya kubvira kumagumo kwa1979 kusvikira 1981. Vakawanda vaimbova veNational Guard vakatongerwa makore aisvika 30 muCárcel Modelo (Jeri reModelo), jeri guru raiva kuTipitapa, makiromita anenge 11 kuchamhembe kwakadziva kumabvazuva kweManagua. Sezvatichaona zvino, vakawanda vevanhu vane mwoyo yakatendeseka vaiva mumajeri iwayo aiva akawandisa vanhu vakasunungurwa mumudzimu.
Mukunopera kwa1979, mumwe mukuru muManagua akagamuchira tsamba yaibva kune chimwe Chapupu chakanga chasungwa, asi chisati chava kuCárcel Modelo, nokuti chakanga chashandira mauto aiva pasi pebato rehurumende yaSomoza chisati chaziva chokwadi. Mutsamba yayo, hama iyi yakakumbira mabhuku okuverenga nevamwe vasungwa. Hama mbiri dzakaendesa mabhuku acho hadzina kubvumirwa kuona hama iyi. Zvisinei, izvi hazvina kuiodza mwoyo nokuti yakaramba ichipupurira vamwe vasungwa, kunyange kudzidzisa vamwe vavo Bhaibheri.
Mumwe wevadzidzi ivavo, Anastasio Ramón Mendoza, akakurumidza kufambira mberi. “Ndakafarira zvikuru zvandaidzidza,” anoyeuka, kudaro “zvokuti ndakatanga kubatana nehama iyi payaiparidzira vamwe vasungwa. Vamwe vairamba kutiteerera, vamwe vaiteerera. Pasina nguva refu, vanenge 12 vedu takanga tava kudzidza pamwe chete pataimbozorora pachivanze.” Pashure perinenge gore, mumwe weboka rokutanga iroro akabhabhatidzwa.
Kumavambo kwa1981, boka duku iri revadzidzi veBhaibheri rakatamisirwa kujeri rokuCárcel Modelo, kwavakanoenderera mberi kuudza vamwe mashoko akanaka. Panguva iyi, mabhuku eBhaibheri akanga achitendererawo muvasungwa chinyararire, mamwe acho achitowana “ivhu rakanaka kwazvo.”
Funga nezvomuenzaniso waJosé de la Cruz López nemhuri yake, isina kana mumwe aiva Chapupu. Mwedzi mitanhatu pashure pokusungwa kwaJosé, mudzimai wake akawana kopi yeBhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri kubva kune zvimwe Zvapupu zvaakasangana nazvo mumugwagwa. Chaaingoda chete kuripa kumurume wake. “Pandakatanga kuverenga bhuku Renhau dzeBhaibheri iri,” anorondedzera kudaro José, “ndakafunga kuti raiva bhuku remachechi eevangelical. Hapana chandaiziva nezveZvapupu zvaJehovha. Bhuku racho rakandinakidza kwazvo zvokuti ndakariverenga kakawanda ndikatanga kuripawo vamwe vangu vandaiva navo muchitokisi chimwe chete, vose vakarifarirawo. Rakanga rakaita semvura yokunwa inotonhorera. Vasungwa vomune zvimwe zvitokisi vakarikumbirawo, zvokuti rakatenderera muwadhi yose, rikaguma rasakara nokubvaruka-bvaruka semakasa.”
Vakawanda vevasungwa vaiva naJosé vaiva nhengo dzemachechi eevangelical; vamwe vaitova vafundisi. José akatanga kuverenga Bhaibheri navo. Zvisinei, akagumbuka paakavabvunza zvinoreva Genesi 3:15 akangoudzwa kuti zvaiva zvinhu zvisinganzwisisiki. Rimwe zuva mumwe musungwa, uyo aitova mudzidzi weBhaibheri pachake, akati kuna José: “Mhinduro yacho iri mubhuku iroro raunaro rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha. Ndinogona kuridzidza newe kana uchida.” José akabvuma kuti vadzidze, uye achibatsirwa nebhuku reNhau dzeBhaibheri, akadzidza zvinoreva Genesi 3:15. Pashure pacho, akatanga kusonganira nevasungwa vaizviti vamwe chete neZvapupu.
Chimwe chezvinhu zvakaita kuti José afarire boka iri rakanga rakasiyana nevamwe raiva muCárcel Modelo waiva mufambiro wavo wakanaka kwazvo. “Ndakaona vanhu vandaiziva kuti vakanga vambova nemararamiro akaipa kwazvo vava kuratidza mufambiro wakanaka pamusana pokudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha,” anodaro José. Panguva iyi, mudzimai waJosé akaramba achiwana mabhuku kubva kuZvapupu achiaendesera murume wake, uyo aibva afambira mberi mumudzimu. Zvakatoitika ndezvokuti, boka raaidzidza naro rakatomupa chikamu chewadhi kwaaigona kuparidza muchitokisi nechitokisi. Nokudaro aikwanisa kukumbidza mabhuku ake mashomanana kune vaifarira uye kuvakokawo kumisangano, iyo yaiitirwa muwadhi macho panguva yokuzorora.
Kutarisira Zvinodiwa Zvomudzimu Zvevasungwa
Ungano yeEast Managua yaitarisira zvinodiwa zvomudzimu zvenhamba yaiwedzera yevasungwa vokuCárcel Modelo vaiverenga mabhuku nokufambira mberi mumudzimu. Kuti iite izvi, ungano yakaita urongwa hwokuti dzimwe hama nehanzvadzi dziendesere vasungwa mabhuku muchivande. Kushanya kwaibvumirwa kamwe chete pamwedzi uye pamwe kamwe chete pamwedzi miviri, asi musungwa aigona kushanyirwa chete nomunhu waakanga akumbira pachine nguva. Saka havasi vasungwa vose vaifarira vaigona kushanyirwa pachavo neZvapupu zveimomo. Kunyange zvakadaro, izvozvo hazvina kuita dambudziko rakakura nokuti vasungwa vacho vaizoungana pamwe chete nokukurumidza kuti vagoverane zvinhu.
Vakuru veUngano yeEast Managua vakabatsira kuronga nokutungamirira mabasa eboka rakanga richikura rokuCárcel Modelo. Vakaramba vachikurukurirana nguva dzose zvikurukuru nevasungwa vakanga vachitungamirira muzvinhu zvokunamata, vachivatsanangurira maitisirwo emisangano yevhiki nevhiki, maitirwo ebasa rokuparidza nenzira yakarongeka, nokushuma zvose zvavaiita. Vasungwa ivava vaizoudzawo vamwe mashoko iwayo. Kurongeka kwakanaka kwenhau dzokunamata kwakatova chinhu chinodiwa, nokuti pakasvika nguva iyoyo boka guru revadzidzi veBhaibheri rakanga raumbwa mujeri macho.
Cárcel Modelo pakutanga raiva nemawadhi mana, imwe neimwe iine vasungwa vanosvika 2 000. “Wadhi imwe neimwe yakanga yakazvimirira,” anotsanangura kudaro Julio Núñez, mumwe wevakuru vaishanya, “saka misangano yevhiki nevhiki yaiitwa munzvimbo yokutandarira yewadhi imwe neimwe, vanhu vanenge 80 vachipinda kana vasanganiswa.”
Kubhabhatidzirwa Mudhiramu
Vatsva sezvavaifambira mberi, vanoverengeka vakaratidza chido chokubhabhatidzwa. Vakuru vaishanyira vakatendera vanhu vaida kubhabhatidzwa uye vakabatsira vasungwa vaitungamirira mune zvokunamata kuti varonge rubhabhatidzo musi unenge uchiitwa gungano. Kazhinji hurukuro yorubhabhatidzo yaipiwa manheru mune chimwe chezvitokisi, uye mangwanani aitevera apo vasungwa vaienda kunogeza, vaifanira kubhabhatidzwa vaibva vabhabhatidzwa.
José de la Cruz López akabhabhatidzirwa mujeri muna November 1982. “Ndakabhabhatidzwa mudhiramu remarara,” anodaro. “Takarigeza nomushonga kusvika rachena. Takabva taisa jira mukati kwava kuzadza nemvura. Zvisinei, varindi vane pfuti vakasvika zvatakanga taunganira rubhabhatidzo rwacho. ‘Ndiani apa mvumo yokuti mubhabhatidze?’ vakabvunza kudaro. Hama yakanga ichitungamirira yakatsanangura kuti munhu haafaniri kuwana mvumo yokuita zvinenge zvarayirwa naMwari. Varindi vakashaya romuromo asi vaida kuona rubhabhatidzo rwacho ruchiitwa. Saka vakatarisa, ndakabvunzwa mibvunzo miviri inobvunzwa vari kuda kubhabhatidzwa, uye zvadaro ndakanyudzwa mudhiramu macho.” Vasungwa vanodarika 34 vakaguma vabhabhatidzwa nenzira iyi.
Vamwe vasungwa vaifambira mberi nokukurumidza. Mumwe wavo akanga ari Omar Antonio Espinoza, akapedzera makore 10 muCárcel Modelo, pa30 aakanga atongerwa. Vasungwa vaigara vachichinjwa zvitokisi, uye mugore rechipiri raOmar, mumwe waaiva naye muchitokisi akanga ari Chapupu. Omar akaona kuti vamwe vasungwa vaigara vachishanyira murume uyu, aivadzidzisa Bhaibheri. Afadzwa nezvaakaona nokunzwa, Omar akakumbirawo kudzidza Bhaibheri.
Omar akatanga kudzidza achishandisa bhuku rinonzi Zvokwadi Inotungamirira Kuupenyu Husingagumi, vachidzidza chitsauko chimwe chete pazuva. Pashure pemazuva 11, akanga ava kuda kuva muparidzi. Paakapedza zvitsauko 22 zvebhuku racho, akakumbira kubhabhatidzwa. Zvisinei, hama dzakamukumbira kumbofunga nezvazvo kwechinguva. Dzakamukurudzirawo kudzidza bhuku rechipiri, Iwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi pano, iro rakanga richangobva kugamuchirwa mujeri. Kwangoti pfuurei mwedzi, Omar akapedzawo bhuku iroro. Uyezve, akarega kusvuta uye akachinjawo pane zvimwe zvinhu. Zviri pachena kuti chokwadi cheBhaibheri chakanga chiri kuchinja upenyu hwake. Dzichiona kuchinja uku, hama dzakava nechokwadi chokuti chishuvo chake chokubhabhatidzwa chakanga chiri chechokwadi, naizvozvo Omar akabhabhatidzwa mudhiramu musi waJanuary 2, 1983.
Mutauro Wemasaini Womujeri
Kuitira kupa mashoko anenge abva kuvakuru vaishanyira jeri kune vamwe vasungwa kana kuunganidza mashoko, akadai semishumo yebasa, vaparidzi vaiva mujeri vaifanira kukurukurirana mumawadhi. Hama Mendoza, avo vakabhabhatidzirwa mujeri muna 1982, vanotaura kuti izvi vaizviita sei.
“Vamwe vedu,” vanodaro, “takadzidza rudzi rwomutauro wemasaini wakanga watangwa nevasungwa. Payakanga yava nguva yokuita Chirangaridzo, taiita zvokufungidzira kuti zuva ranyura tobva tataurirana nemasaini kuti tose tinyengetere panguva imwe chete. Takaita izvi gore negore. Kushandisa masaini kwakaitawo kuti tikwanise kudzidza Nharireyomurindi. Apo hama dzakanga dziri mune imwe wadhi dzakanga dzisina nyaya yokudzidza vhiki iroro, taiturikira nyaya yacho yose nemasaini kwavari. Kwaiva nehama idzi, pane aitarira tichiita masaini aya oshevedzera mashoko acho kune imwe hama iyo yaibva yanyora nyaya yacho.” Asi zvokudya zvomudzimu zvaimbosvika sei mujeri macho?
Zvokudya Zvomudzimu Zvinosimbisa Vasungwa
Vakuru, mhuri dzavo, nevamwe vaparidzi muUngano yeEast Managua nguva dzose vaiuya kuCárcel Modelo kuzoshanyira vasungwa. Kwemakore anoda kusvika gumi, vakaunzira hama dzavo zvokudya zvokunyama nezvokumudzimu, kusanganisira Nharireyomurindi neUshumiri Hwedu hwoUmambo. Hapana mubvunzo kuti zvokudya zvomudzimu zvaifanira kuvigwa.
Mumwe mukuru aiviga magazini muburi remadondoro ake makuru epuranga. “Vaduku vakabatsirawo, nokuti kazhinji vakanga vasingasechwi,” anodaro Julio Núñez. Vashanyi vaitokwanisa kuunza chingwa newaini zveChirangaridzo mujeri.
Wadhi imwe neimwe yakanga iine zuva rayo rokugamuchira vaenzi, uye vanhu vaibvumirwa vaigona kuswera vaine musungwa pachivanze chikuru. Izvi zvakaita kuti vasungwa vanoverengeka vakanga vari Zvapupu vaonane nehama dzavo nehanzvadzi dzokuManagua kwava kuwana zvokudya zvomudzimu. Pava paya, vasungwa ava pavaidzokera kumawadhi avo, vaikwanisa kuudza vamwe zvavakanga vanzwa.
Nziyo dzoUmambo hadzina kusiyiwawo. “Muwadhi yedu,” vanodaro Hama López, “mumwe chete wedu ndiye aionana nehama dzaishanya. Saka raiva basa romusungwa iyeye kudzidza chuni dzenziyo shoma panguva kwava kuzodzidzisa vamwe vose. Nokuti takanga tiine bhuku rimwe chete renziyo, tose taidzidzira tisati tatanga misangano.” Hama Mendoza vakanga vari mumwe wevasungwa vashoma vaigona kushanyirwa neZvapupu. “Carlos Ayala nemhuri yake vaindishanyira,” Hama Mendoza vanodaro. “Vanasikana vavo vaviri vakandidzidzisa nziyo dzoUmambo pfumbamwe, dzandakadzidzisa vamwe vangu.” Hama López ndomumwe akazodzidziswawo nziyo idzi. Vanoyeuka kuti: “Pandakazotanga kupinda misangano kunze kwejeri, ndakafara, asi ndinofanira kubvuma kuti ndakati shamiswei kuziva kuti takanga tichiimba nziyo dzimwe chete.”
Kuramba Takasimba Mumudzimu Mujeri
Hama nevanofarira vaifanira kurarama mumamiriro ezvinhu akaita sei mujeri, uye vairamba vakasimba mumudzimu sei? Hama Mendoza vanoyeuka kuti: “Zvokudya mujeri zvaiita zvokupimwa. Vasungwa vose vairohwa nguva nenguva, uye dzimwe nguva, varindi vaitiridzira pfuti isu takazvambarara. Izvi zvaiitirwa kuti tigare takabatira hana mumaoko. Pairwisana vamwe vasungwa nevarindi, tose taipiwa chirango chokuendeswa pachivanze tiri mushutu kuti tinotsva nezuva. Isu Zvapupu taishandisa nguva idzi kuvakana uye kunyaradzana. Taiyeuka ndima dzeBhaibheri kwava kutaurirana pfungwa dzatakanga tadzidza tiri toga. Zviitiko izvi zvakatibatsira kuramba takabatana uye takasimba.”
Vachitora mukana wenguva zhinji yavaiva nayo, Zvapupu zvizhinji nevanofarira vakaverenga Bhaibheri rose runa kana rushanu. Zvakanga zvisingashamisi kuti vadzidze zvakadzama, pamwe pacho kakawanda, mabhuku ose eBhaibheri avaiwana. Hama Mendoza vanoyeuka vachionga zvikuru Mabhuku Egore. “Zvaiitika kunyika dzakasiyana-siyana, uye mamepu—taidzidza zvose,” vanoyeuka kudaro. “Gore negore taienzanisa kuwedzera, nhamba dzeungano, nhamba yevatsva vakabhabhatidzwa, uye nhamba yevakapinda Chirangaridzo munyika imwe neimwe. Zvinhu izvi zvaitipa mufaro mukuru.”
Mumamiriro ezvinhu akadaro, vaparidzi vatsva vaikurumidza kuwana zivo yeShoko raMwari uyewo kurongwa kwezvinhu zvokunamatwa kwaMwari. Vakavawo vaparidzi nevadzidzisi vanoshingaira. Somuenzaniso, muna February 1986, Cárcel Modelo yakanga iine vaparidzi 43 uye vaidzidza Bhaibheri 80. Avhareji ye83 yaipinda misangano yevhiki nevhiki.
Vasungwa vose ava vakanga vasunungurwa mumudzimu vaizowanazve rumwe rusununguko nokukurumidza, nokuti hurumende yakasarudza kuregerera vasungwa vose vezvematongerwe enyika. Somugumisiro, vaparidzi vokupedzisira 30 vaiva muCárcel Modelo vakasunungurwa musi waMarch 17, 1989. Ungano yeEast Managua yakakurumidza kuronga kuti vaparidzi vatsva vakanga vachangobva kusunungurwa ava vaonekwe nevakuru munzvimbo dzavaienda. Vakuru avawo vaigamuchira hama itsva idzi, vazhinji vacho vakazova vakuru, vashumiri vanoshumira, uye mapiyona.
Kurambidzwa Hakuna Kumisa Basa Rokuparidza
Pasinei nengozi uye zvipingamupinyi, nhamba yevaparidzi muNicaragua yakaramba ichikura nokukurumidza munguva yakanga ichirambidzwa basa. Zviripo ndezvokuti, kune dzimwe nzvimbo ungano dzakaumbwa dzakanga dziine vaparidzi vatsva chete kunze kwevashomanana. Muenzaniso weizvi iUngano yeLa Reforma. Mapiyona chaiwo Antonio Alemán nomudzimai wake, Adela, vaienda zuva nezuva kunopupurira kumisha iri pakati peMasaya neGranada. Imwe yenharaunda idzi yakanga iri La Reforma. Kuno, kumavambo a1979, Hama naHanzvadzi Alemán vakadzidza naRosalío López, murume muduku akanga achangofirwa nomudzimai. Pasina nguva Rosalío akaudza vanatezvara vake, avo vaaigara navo, zvinhu zvaakanga ari kudzidza. Akatanga kutaura nambuyawasha vake, zvadaro navanatsano uye vanamainini navanamaiguru. Pasina nguva ngani boka revanhu 22 vomumhuri vakanga vava kuonekwa vachienda kumisangano kuMasaya, makiromita 6 kubva kwavaigara.
Rimwe zuva vanatezvara vaRosalío vakati kwaari: “Takadzidza kumisangano kuti Zvapupu zvaJehovha zvinoparidza pasuo nesuo, asi isu hatisi kuzviita.”
“Zvakanaka,” akadaro Rosalío, “tichaenda kunoparidzira musi woMugovera.” Uye ndizvo zvavakaita! Rosalío achitaura, vose vari 22 vakaenda pasuo rimwe chete! Apo Antonio akauyazve kuzodzidza naye, Rosalío akataura azere manyemwe kuti: “Tose takaenda kunoparidzira vhiki rino!” Kunyange zvazvo Antonio akafara nokushingaira kwakanga kuri kuita vadzidzi vake, akakurudzira vechiduku vomumhuri iyi vakanga vakaroora kuti vatange vagadzirisa upenyu hwavo.
Muna December 1979, Rosalío neimwe hanzvadzi yomudzimai wake akashaya, Húber López, ndivo vakanga vari vokutanga veboka iri kubhabhatidzwa, vamwe vachitevera nguva pfupi yakatevedzana. Makore matatu chete gare gare, Ungano yeLa Reforma yakaumbwa. Yakatanga iine vaparidzi 30—vose vari vomumhuri imwe chete! Nokufamba kwenguva, Húber, mukoma wake Ramón, naRosalío vakagadzwa kuva vakuru. Muna 1986, nhengo 54 dzeungano dzakashanda semapiyona.—Ona bhokisi riri pamapeji 99-102.
Somugumisiro wokuparidzira kwokushingaira kwenhengo dzeUngano yeLa Reforma, dzimwe ungano nhanhatu dzakaumbwa munharaunda dzakapoteredza. Yeukawo kuti hama dzakanga dzichiri kuongororwa chaizvo nezviremera, izvo zvisina kufara nokushingaira kwadzo. “Taigara tichinetswa nemauto,” anoyeuka kudaro Húber López, “asi izvozvo hazvina kutimisa kuparidzira.” Kutaura chokwadi, basa rokuparidza rakawedzera panguva yakaoma iyi. Zvakadaro sei? Nokuti hama zhinji dzakadzingwa mabasa dzikatanga upiyona hwenguva dzose kana hwebetsero.
Jehovha akakomborera zvavakaita. Muna 1982, kwakanga kuine vaparidzi vemashoko akanaka 4 477 muNicaragua, asi pakazosvika 1990—pashure pemakore masere okurambidzwa kwebasa uye kutambudzwa—nhamba iyoyo yakanga yawedzera kusvika ku7 894. Kwakanga kuri kuwedzera ne76 muzana!
Basa Rinobvumirwa
Muna February 1990, sarudzo dzakaongororwa nenyika dzose dzakaguma nokuchinja kwehurumende muNicaragua. Nguva pfupi pashure pacho, kurambidzwa kwebasa reZvapupu zvaJehovha kwakapera, kumanikidzwa kupinda muchiuto kwakaregwa, uye makomiti emauto akadzingwa mabasa. Dzichingwarira, hama dzakanga dzisisiri kutya kuongororwa nevavakidzani. Muna September wegore iroro, Ian Hunter, uyo akanga achishanda muDare Rebazi muGuatemala, akava mutariri mutsva wedare renyika muNicaragua.
Kwemakore masere akanga adarika, dare renyika rakatarisira basa muNicaragua pasina hofisi kana zvokushandisa zvomuhofisi. Chokwadi, Hama Hunter vakafara kuti vakanga vauya netapureta yavo yavaishandisa kubazi reGuatemala! Imwe hama yomuno, Julio Bendaña, yakapa nomutsa zvakawanda zvezvinhu zvayo zvokushandisa muhofisi kuhama, idzo dzakanga dziine basa rakawanda rokuita.
Imwe imba yaiva kumucheto kweManagua yakatengwa kuti ishandiswe sehofisi yebazi. Zvisinei, hama dzinoverengeka dzakanga dzisina kujairana nemaitirwo ezvinhu paBheteri, nokuti dzakanga dzajaira kushanda pachivande kunzvimbo dzakasiyana-siyana uye kunyange pakati pousiku. Asi dzakabvuma zvikuru kudzidziswa uye kuchinja sezvaidiwa. Vazhinji vevarume vechiduku ava vachiri kushumira Jehovha nokutendeka, vamwe mumabasa akasiyana-siyana enguva yakazara.
Kuti dzibatsire pabasa repabazi, hama dzakatumirwawo kubva kune dzimwe nyika. Mamishinari Kenneth naSharan Brian vakatumirwazve kuNicaragua vachibva kuHonduras 1990 ava kunopera. Muna January 1991, Juan naRebecca Reyes, vadzidzi vekirasi yokutanga yeChikoro cheGiriyedhi Chokuwedzera muMexico, vakauya vachibva kuCosta Rica, vachiteverwa naArnaldo Chávez, aivawo mudzidzi wekirasi yokutanga muMexico, nomudzimai wake, María. Lothar naCarmen Mihank vakasvika makore maviri gare gare vachibva kuPanama, uko Hama Lothar vakanga vashanda muDare Rebazi. Vazhinji vakaunzwa kubazi idzva iri, kwavakabatsira kuita kuti basa ritangezve kuitwa maererano nourongwa hwesangano. Nhasi, mhuri yeBheteri yeNicaragua ine nhengo 37 dzinobva kunyika dzakasiyana-siyana.
Muna February 1991 Dare Rebazi rakagadzwa kuti ritsive dare renyika, uye bazi reNicaragua rakavhurwa zviri pamutemo musi waMay 1, 1991. Hwaro hwakanga hwaiswa zvino nokuda kwokukura kwomunguva yemberi, uye zvechokwadi kukura kwacho kwaizofadza! Kubva muna 1990 kusvika muna 1995, vaparidzi vatsva 4 026 vakabhabhatidzwa—kuwedzera kwe34 muzana. Kuwedzera uku kwakaita kuti padiwe nzvimbo dzakanaka dzokuunganira. Zvisinei, ungayeuka kuti kare muna 1982, zvivako zvinokwana 35 zvakanga zvatorwa nemhomho dzevanhu.
Kukumbira Kudzorerwa Zvivako
Pakatanga kutorwa Dzimba dzoUmambo zvisiri pamutemo, hama hadzina kungopeta maoko asi dzakakurumidza kumhan’ara kuhurumende, dzichishandisa Bumbiro Remitemo reNicaragua kuti dzizvidzivirire. Asi, pasinei nokuti hama dzakanga dzichiita zvose zvakanga zvichidikwa nomutemo, chikumbiro chavo chakashaya akateerera. Muna 1985 hama dzakatonyora tsamba kune aiva purezidhendi weNicaragua panguva iyoyo dzichikumbira kunyoreswa pamutemo uye kudzorerwa zvivako zvadzo. Uyezve, dzakaedza kakawanda kuda kutaura negurukota rezvinoitika mukati menyika. Asi zvose izvi hazvina zvazvakabatsira.
Hurumende itsva payakatanga kutonga muna April 1990, hama dzakakurumidza kuisa chimwe chikumbiro, panguva ino kune gurukota rezvinoitika mukati menyika, dzichikumbira kuti Zvapupu zvaJehovha zvinyoreswe zviri pamutemo zvekare. Dzakafara zvisingatauriki uye dzakatenda Jehovha apo chikumbiro chadzo chakabvumwa mwedzi mina yakatevera! Kubvira ipapo, Watch Tower Bible and Tract Society yave ichizivikanwa kuti ine mamishinari okune dzimwe nyika nehurumende yeNicaragua uye inokwanisa kushanda pasina zvinetso uye isingabatirwi mutero sezvinongoitirwa masangano akaita saiyo asingaiti purofiti. Zvisinei, kuwanazve Dzimba dzoUmambo kwakanga kusiri nyore, nokuti dzimwe dzacho dzakanga “dzapiwa” kuvatsigiri vehurumende yaimbovapo.
Hama dzakakwidza nyaya iyi kuNational Committee for the Revision of Confiscated Properties yakanga ichangobva kuumbwa, dzichikumbira kudzorerwa zvivako zvadzo zvose. Izvi zvakanga zvakaoma uye zvichinetesa, nemhaka yokuti vanhu vakawanda nemasangano vakanga vainewo zvichemo zvakadaro. Pashure pegore rokushanda zvakaoma, chimwe chivako chakadzorerwa muna January 1991. Hama dzakashanyirawo vanhu vakanga vava kushandisa Dzimba dzoUmambo, kuti vaite zvibvumirano. Asi vazhinji vacho vakanga vachifunga kuti kutorwa kwadzo wakanga uri “mubayiro” unobvumirwa nomutemo wavakawana nechimurenga.
Zvivako zvebazi zvakadzorerwa gare gare gore iroro, asi pamwe pokugara paitofanira kutengwa nokuda kwemhuri yakanga ichigara ipapo. Kwemakore akatevera, hama dzakawana zvishoma nezvishoma zvivako 30 pa35 zvakanga zvatorwa uye dzakawana tsamba yokuti hurumende yaizoripa mari nomubereko pane zvakanga zvisingachakwanisi kudzorerwa.
Kurarama Nenjodzi Dzinoitika Dzoga
Kunze kwokudengenyeka kwepasi kwataurwa kumavambo kwomushumo uno, makomo anoputika uye madutu ane simba zvakaparadzawo zvinhu zvakawanda muNicaragua. Kubvira muna 1914 gomo rinogara richiputika munyika macho, reCerro Negro, rakaputika ka12, richifukidza zvirimwa zvakawanda nemadota. Elfriede Urban, mumishinari aishanda muLeón panguva yarakaputika muna 1968 na1971, anotsanangura zvazvakanga zvakaita: “Jecha dema nemadota zvakanaya muguta kwevhiki mbiri. Zvaitofanira kubviswa pamatenga edzimba nefoshoro nokuti zvaikwanisa kuita kuti matenga awire mukati. Vanhu vaifanira kunetseka nokuti guta reLeón raimbovapo rakanga ramboparadzwa mazana emakore akapfuura. Mhepo yaitakura jecha kwose kwose. Raipinda mushangu dzedu, mbatya, mibhedha, zvokudya, uye kunyange pakati pemapeji emabhuku edu! Asi hama dzakaramba dzichipinda misangano uye kuparidzira pasinei nezvose izvi.”
Muna October 1998, Hurricane Mitch, iyo yakanzi nedzimwe nyanzvi “dutu rakaipisisa rati ramboitika kuWestern Hemisphere kwemazana maviri emakore adarika,” yakarova Central America yose. “Mitch yakauraya vanhu vari pakati pe3 000 ne4 000 muNicaragua uye yakaparadza zvinhu zvakawanda,” inodaro Encarta Encyclopedia. “Mvura zhinji yakanaya yakaita kuti pave nedhamu pamusoro pegomo rinoputika reCasitas, zvichikonzera kuondomoka kwaro kwakafukidza 80 sq km, kuchiparadza misha inoverengeka.” Nhamba dzichangobva kuwanika dzinoti vakafa vanodarika 2 000.
Kufanana nomune dzimwe nyika dzakawirwa nedambudziko iri, Zvapupu zvaJehovha muNicaragua zvakatanga chirongwa chikuru chokuyamura. Mune mamwe maguta, vazvipiri veZvapupu vakaumba zvikwata zvinoshandisa mabhasikoro vakachovha vachipinda munzvimbo dzakanga dzisingasviki motokari kuti vaone kuti hama dzavo dziri sei uye kuendesa zvokudya nezvimwe zvinhu. Kazhinji ndivo vakanga vari vokutanga kusvika noruyamuro, zvichifadza zvikuru hama dzavo dzakanga dzisisina misha. Zvapupu zvomuCosta Rica nePanama zvakakurumidza kutumira matani 72 ezvokudya nezvokupfeka. Vanhu vapiwa ruyamuro rwavaida nokukurumidza, vashandi vanoyamura vakaramba vachishanda kwemwedzi inoverengeka kugadzirisa Dzimba dzoUmambo uye kuvakira hama dzimba itsva.
“Imwe” Nicaragua
Muna 1987 hurumende yakaumba matunhu maviri anozvitonga ari kumabvazuva kweNicaragua. Dzaimbonzi Zelaya, iye zvino dzava kunzi North Atlantic Autonomous Region (RAAN muchiSpanish) neSouth Atlantic Autonomous Region (RAAS). Kunyange zvazvo nharaunda idzi dzakakura 45 muzana yeNicaragua, dzinogarwa nevanhu vane 10 muzana chete yevagari vomuno.
Dziine migodhi yendarama nesirivha yakapararira, RAAN neRAAS dzinobva kumawere okumabvazuva enzvimbo dzakakwirira dzine makomo kusvika kumipata nematoro okuMosquito Coast. Pakati apa ndipo pane nzvimbo dzinevhu rakasiyana-siyana dzemasango anonaya mvura yakawanda, nzvimbo dzine mipaini nemichindwe yakatarangana, uye nzizi dzinoverengeka nehova dzinomonereka dzichienda kuCaribbean. Kwemakore ose aya, misha, mataundi, nemaguta maduku anogarwa nevanhu vane madzitateguru emadzinza akasiyana, uyewo vaMiskito nezvimwe zvizvarwa zvemo, zvakatangwa ikoko.
Kuruzhinji rwevaMiskito, vaSumo, vaRama, nevaCreole runogara munyika ino, guta guru reManagua rinoita seimwewo nyika. Chokwadi, hapasati pava nomugwagwa wakagadzirwa unobatanidza mabvazuva nemavirira. Kunyange zvazvo chiSpanish chichitaurwa munharaunda yeAtlantic, vanhu vazhinji vanotaura chiMiskito, chiCreole, kana mimwe mitauro yokuno. Uye vazhinji vanoti vaPurotesitendi, kunyanya vaMoravian, kusiyana nevari kunharaunda yePacific yakazara vaKaturike. Saka munenge munzira dzose—nzvimbo, mitauro, nhoroondo, tsika nemagariro, uye zvechitendero—kumabvazuva nokumavirira zvakasiyana chaizvo. Naizvozvo mashoko akanaka aizogamuchirwa sei kune “imwe” Nicaragua iyi?
Mashoko oUmambo Anoenda Kure
Mamishinari eZvapupu akashanyira nharaunda yokumabvazuva achida kuona zvairi kare muna 1946 ndokugovera mabhuku. Muma1950, mutariri wedunhu Sydney Porter nomudzimai wake, Phyllis, vakashanyira maguta maduku ari kumahombekombe eBluefields nePuerto Cabezas, Corn Islands, nemataundi ane migodhi eRosita, Bonanza, neSiuna. “Mumwe musi tichienda kumigodhi,” anorondedzera kudaro Sydney, “mumwe nomumwe wedu akagovera magazini 1 000 nemabhuku 100. Munhu wose aida zvokuverenga.” Mapoka asati ava ungano akaumbwa pasina nguva refu mune akawanda emataundi aya, uye kubvira muna 1970, mapoka aya akakura zvishoma nezvishoma kuva ungano.
Zvisinei, dzimwe nzvimbo dzeRAAN neRAAS hadzina kumboparidzirwa kwemakore. Kuva kure, kusava nemigwagwa inoendako, uye mvura inonaya chaizvo kwemwedzi inodarika misere kwakaisa zvipingamupinyi zvizhinji pabasa rokuparidza. Asi izvi zvakanga zvisiri zvikuru zvokusakundika, sezvinoratidzwa nenhamba huru yemapiyona anoshingaira, asingatyi. Kunyanya nemhaka yokutsunga kwavo nokushanda nesimba, iye zvino kune ungano nomwe nemapoka asati ava ungano mapfumbamwe, ane vaparidzi voUmambo 400, muRAAN neRAAS.
Kuti uone zvipingamupinyi zvinosangana neZvapupu munharaunda idzi, funga nezvomuenzaniso weimwe hama ine makore 22. Katatu pavhiki, inofamba nomumakomo kweanenge maawa masere kunopinda misangano mutaundi rine migodhi reRosita, kune ungano iri pedyo. Anoshanda ikoko ari mushumiri anoshumira uye piyona wenguva dzose. Ndiye oga Chapupu chakabhabhatidzwa mumhuri mavo, saka anowanzoshanda oga munharaunda iyi ine makomo uko dzimba dziri kure nakure zvokufamba kwemaawa anenge maviri. Kana akasvibirwa ari pane imwe imba, anorara ipapo osimudzira uchapupu munharaunda iyoyo mangwana acho, sezvo zvisingaiti kudzokera kumba usiku. Nguva pfupi yadarika, baba vake vakafa, zvichisiya hama iyi yechiduku iine mutoro wokutarisira mhuri, sezvo iriyo dangwe. Asi, achiri kukwanisa kupayona. Zviripo ndezvokuti mumwe munun’una wake ava muparidzi asina kubhabhatidzwa uye anomuperekedza muushumiri.
Kubvira muna 1994 bazi rakaronga nhimbe dzokuparidza dzegore negore munharaunda huru iyi. Mapiyona chaiwo enguva pfupi, anosarudzwa mumapiyona enguva dzose anoshingaira, anoshanda kumataundi ari kure uye misha yeRAAN neRAAS kwemwedzi mina muchirimo. Mapiyona aya akashinga anotsungirira kupisa, makomo, nyoka, mhuka dzomusango, mvura yakasviba, uye ngozi huru yokutapukirwa nechirwere chinouraya. Vavariro yavo ndeyokupa uchapupu zvakakwana, kudzidza Bhaibheri nevanofarira, kuita misangano yechiKristu, kusanganisira Chirangaridzo. Zvibereko zvavanowana zvinobatsirawo hofisi yebazi kuziva kunofanira kuendeswa mapiyona chaiwo. Kwemakore ose aya, chirongwa ichi chakaguma nokuumbwa kweungano uye mapoka mumataundi eWaspam neSan Carlos, zvichitevedza Rwizi rweCoco kuchamhembe kwakadziva kumabvazuva.
Kunyange zvazvo RAAN neRAAS dzakazara nevanhu vakawanda vane madzitateguru emadzinza akasiyana-siyana vanotaura chiSpanish, zvizvarwa zvemo zvechiMiskito ndizvo zvichakawanda munharaunda idzi. Mamwe mabhuku eBhaibheri anowanika muchiMiskito, uye mapiyona anoverengeka akadzidza mutauro wacho. Somugumisiro, mashoko oUmambo afadza vakawanda vevanhu ava vane mutsa, vanoda Bhaibheri.
Somuenzaniso, pedyo neRwizi rweLikus muRAAN kune Kwiwitingni, musha wevaMiskito une dzimba 46, nhanhatu dzacho dzakanga dzisina vanhu vaigaramo pakaitwa nhimbe youpiyona muna 2001. Gore iroro mapiyona chaiwo enguva pfupi akaitisa zvidzidzo zveBhaibheri 40 mumusha wacho—chimwe chete pamusha! Pashure pemwedzi mumwe chete bedzi, vadzidzi vatatu vakaratidza chido chokubhabhatidzwa, mumwe wacho aimbova mubatsiri womufundisi weChechi yemo yeMoravian. Vamwe varume vaviri nemadzimai avo vaida kuva vaparidzi, asi vakanga vasina kuroora zviri pamutemo. Naizvozvo, mapiyona akatsanangura nomutsa zvinotaura Bhaibheri maererano nokuroorana uye rubhabhatidzo. Fungidzira kufara kwakaita mapiyona acho apo akanga ava kuda kudzokera kumusha, varume vaya nemadzimai avo vakauya kwavari vakabata zvitupa zvomuchato!
Kubvira pakaitwa nhimbe iyoyo yaiva nezvibereko, vaparidzi vomuWaspam vave vachifamba makiromita 19 nguva dzose kuenda kuKwiwitingni kunobatsira vatsva vachangobva kufarira ava kufambira mberi mumudzimu uye kuvadzidzisa ushumiri.
Mapiyona chaiwo enguva pfupi aiparidza mumisha inoverengeka yevaMiskito yakatevedza Rwizi rweCoco akasangana nerimwe boka guru revanhu vokuAmerica vaiita mabasa okuyamura vanhu munharaunda. Mapiyona acho akagovera magazini echiRungu anoverengeka. Mumusha weFrancia Sirpi, pedyo neRwizi rweWawa, nhengo dzechechi yeBaptist dzakanga dziri kuvaka chikoro chiduku. Mutungamiriri weboka rokuvaka racho akaudza mumwe wemapiyona kuti: “Ndinoyemura basa reZvapupu zvaJehovha. Muri pano kuzodzidzisa Bhaibheri. Ndinotiwo dai chechi yangu yaikurudzirawo zvakadaro.”
Kudiwa Kwehama Dzine Ruzivo
Panguva yairambidzwa basa, inenge 60 muzana yeZvapupu zvomuNicaragua yaipinda misangano mumapoka akanga ari maduku zvikuru. Uye vakanga vaine mabhuku mashoma okushandisa muushumiri. Magungano aiitwa paungano, uye purogiramu yacho yaiitwa yakapfupikiswa. Nhamba yakati kuti yehama dzakakura mumudzimu dzakanga dziriwo misoro yemhuri yaiitawo basa rokufambira asi vaikwanisa kuita izvi pano neapo chete. Uyezve, mhuri zhinji dzeZvapupu zvava nemakore dzakatamira kune dzimwe nzvimbo mumakore iwayo ainetsa. Naizvozvo, apo basa rakanyoreswa zviri pamutemo zvakare, paidiwa vakuru nemapiyona ane ruzivo akawanda.
Zvechokwadi, vakuru pachavo vaida kudzidziswa maitirwo emabasa esangano, uku vaparidzi vachida nhungamiro muzvinhu zvakadai sokugovera kunoitwa mabhuku mumunda. Kuti ribatsire pane zvaidiwa izvi, Dare Rinodzora rakatumira kuNicaragua vakanga vapedza kudzidza paZvikoro Zvoushumiri zvoUmambo zvaiitirwa kuEl Salvador, Mexico, nePuerto Rico. Imwe yehama idzi, Pedro Henríquez, mudzidzi wekirasi yokutanga yeChikoro Choushumiri choUmambo muEl Salvador, akatanga basa redunhu muNicaragua muna 1993. Vatariri vematunhu gumi nomumwe vane ruzivo vakabva kuMexico vaka‘yambukira’ kuMakedhoniya yemazuva ano kuti vabatsire.—Mab. 16:9.
Mumakore mapfumbamwe adarika, Nicaragua yakagamuchirawo vadzidzi veGiriyedhi 58, vari mumisha mitanhatu yemamishinari munyika ino yose. Ruzivo rwavo rwakaita kuti pave noukama hwakanaka hwomudzimu muungano, uye vakabatsira vechiduku vakawanda kuti vave nevavariro yokuda kuzoita basa renguva yakazara.
Vaya vakauya kuNicaragua muma1960 nema1970 kunoshanda kunodiwa vaparidzi vakawanda vaiiti iparadhiso yomuparidzi. Nanhasi zvichakangodaro. Hama inoshanda muDhipatimendi Rebasa pabazi inoti: “Nicaragua ichiri nyika umo vaparidzi nemapiyona vanogona kusarudza kuti vanhu vangani vavangadzidzisa Bhaibheri, nokuti kune vazhinji zvikuru vanofarira.” Zvinonzwisisika kuti vazhinji vanoda kushanda kunodiwa vaparidzi vakawanda vakabvunza nezvomukana wokushanda kuNicaragua. Zviripo ndezvokuti pakazosvika April 2002, mapiyona 289 anobva kunyika 19 akanga auya kuzobatsira. Zvapupu zvomuno zvinofara zvikuru kuva nevashandi vokukohwa ava!—Mat. 9:37, 38.
Musangano Wenyika Yose Unofadza Zvikuru
Basa risati rava kurambidzwa, kokorodzano yenyika yose yakanga yapedzisira kuitwa muna 1978. Naizvozvo fungidzira kufara kwakaita hama padzakakokwa kukokorodzano yoruwa yaizoitirwa muManagua muna December 1999! Nhengo dzemhuri dzakakurudzirwa kutanga kuchengeta mari yokufambisa uye yezvimwe zvinhu kuti dzose dzikwanise kupinda. Pakuwana mari iyi, zvimwe Zvapupu zvaishandisa njere chaizvo. Somuenzaniso, sezvo nyama yenguruve ichifarirwa nevakawanda zvikuru muNicaragua, vanoverengeka vakatenga, kupfuya ndokuzotengesa nguruve. Somugumisiro wokuronga zvakanaka uye kutsunga, Zvapupu 28 356 nevanofarira vakabva munyika yacho yose vakakwanisa kuuya kunhandare yebaseball muManagua nokuda kweKokorodzano Yoruwa ye“Shoko raMwari Rouprofita” yakatanga musi waDecember 24.
Vakapinda vakafara zvikuru apo musi woMugovera vanhu 784 vakabhabhatidzwa—vazhinji zvikuru vakabhabhatidzwa panguva imwe chete munhoroondo yebasa muNicaragua! Mamishinari akanga amboshanda ikoko akanga aripo uye akataura zvinoitika zvinokurudzira vose vakanga varipo. Uyezve, kokorodzano yakakwanisa kubatanidza uye kukurudzira vose, pasinei nomutauro kana dzinza, kuti vatsunge zvavasati vamboita kufambira mberi mu“rurimi rwakachena” rumwe chete rwechokwadi chomudzimu kuti ‘vashumire Jehovha nomwoyo mumwe.’—Zef. 3:9.
Kudzivirira Kodzero Yedu Yokurapwa Pasina Kuwedzerwa Ropa
Nicaragua ine maHospital Liaison Committees (HLC) [Matare Okubata Nechipatara] matatu, anotungamirirwa basa rawo neDhipatimendi Ramashoko Echipatara riri pabazi. Kusiya kwokubatsira varwere veZvapupu kana nyaya yokuwedzerwa ropa yamuka, makomiti aya anoedza kuzivisa vanachiremba uye vadzidzi vezvokurapa zvinhu zvakawanda zvinogona kutsiva kuwedzera ropa zvinogamuchirwa neZvapupu zvaJehovha.
Kuti izvi zvidaro, nhengo dzeHLC dzakapa hurukuro uye kuratidza mavhidhiyo kune vanachiremba nevadzidzi vezvokurapa, vamwe vavo vakataura mashoko anokurudzira zvikuru. Kutaura chokwadi, nhamba iri kuwedzera yavanachiremba uye vatindivadzi yakaratidza chido chokushandira pamwe neZvapupu zvaJehovha kuburikidza nokuremekedza zvavanodavira zvinobva muBhaibheri maererano nenyaya yokuwedzerwa ropa.
Kutsunga Kuramba Tichifambira Mberi
Nhoroondo yokunamata Mwari muNicaragua inopa uchapupu hwakawanda hwokuti hapana njodzi dzinoitika dzoga kana dzinokonzerwa nevanhu dzinokwanisa kumisa kufambira mberi kwemashoko akanaka. Hungu, Jehovha zvechokwadi aita kuti “muduku” ave “chiuru.” (Isa. 60:22) Mushumo wokutanga webasa romumunda, wakatumirwa muna 1943, waiva webasa revaparidzi vatatu chete; makore 40 gare gare pakanga pava nenhamba yepamusoro yevaparidzi 4 477. Pakazosvika 1990 apo mamishinari akabvumirwa kudzoka, nhamba yakanga yakwira kusvika ku7 894! Chikomborero chaJehovha chakaramba chiripo mumakore gumi omuma1990, umo nhamba yevazivisi voUmambo yakasiya zvishoma kuwedzera zvakapetwa kaviri.
Hungu, kukurumidza kuwedzera uku kwakaita kuti padiwe dzimwe Dzimba dzoUmambo. Naizvozvo, hofisi yebazi yakaronga kuti pave nechirongwa chakakura chokuvaka chinosanganisira kuvaka dzimwe Dzimba dzoUmambo 120, tisingatauri bazi idzva muTicuantepe, makiromita 11 kumaodzanyemba kweManagua. Bazi racho rinofanira kupedzwa muna April 2003.
Mumakore achangobva kudarika aya Nicaragua yakafambira mberi mune zvoupfumi, kunyanya muManagua, guta rakawedzera mabasa, dzidzo, uye varaidzo nokukurumidza. Kuvaka kunenge kuri kungoramba kuchiitika muguta racho, iro iye zvino rava nedzimba dzokudyira dzemazuva ano, zviteshi zvemafuta emotokari, uye zvitoro zvakazara nezvinhu zvinodiwa nevatengi nezvimwe zvakawanda zvokunyika dzakabudirira.
Mamiriro ezvinhu akadaro nemiedzo yawo yakawanda anotanga miedzo mitsva nokuda kwevaKristu. Mumwe ave ari mukuru kwenguva yakareba akati: “Zvinhu zviri kuchinja nokukurumidza. Zvakafanana nokupa mwana akakura achidya mupunga nebhinzi ndiro yakazara nezvokudya zvinonaka zvaasati amboisa mukanwa kwava kumuudza kuti: ‘Uchenjerere!’ Hungu, tinoziva nzira yokushumira Jehovha nayo mumamiriro ezvinhu akaoma, asi iye zvino muvengi ava kuita zvokuhwandira. Izvi zvakaoma zvikuru kuzvikunda.”
Kunyange zvakadaro, kuvimbika, kushingaira, uye ushingi zvakaratidzwa nevanhu vaJehovha mumakore ose aya okurambidzwa kuita basa zvinoramba zvichiva nezvibereko zvakanaka kwazvo. Vazhinji vevana vakakura panguva iyoyo iye zvino vava kushanda sevakuru, mapiyona, uye vazvipiri paBheteri. Iye zvino Nicaragua yava nematunhu 17 ane ungano 295 uye mapoka 31 asati ava ungano. Mushumo waAugust 2002 wakaratidza nhamba itsva yepamusoro yevaparidzi 16,676, asi vakapinda Chirangaridzo gore iroro vakanga vari 66 751!
Naizvozvo, tinonyengeterera kuti dai vanhu vakawanda munyika ino ine vanhu vakasiyana-siyana vakaziva Jehovha “gore rengoni” dzake risati raguma. (Isa. 61:2) Hungu, dai Baba vedu vokudenga vakaramba vachiwedzera miganhu yeparadhiso yedu yomudzimu kusvika pasi pose pa“zara nokuziva Jehovha, sezvinofukidza mvura pasi pegungwa.”—Isa. 11:9.
[Bhokisi riri papeji 72]
Zvakaita Nyika yeNicaragua
Nyika: Nicaragua ndiyo nyika huru pane dzose muCentral America. Yakakamurwa nemakomo ari nechepakati kuva mativi maviri. Divi rokumadokero rine makungwa ane mvura inonwika. Divi rokumabvazuva rine ivhu risina kunyanya kuorera, rine mapani uye matondo anonaya mvura zhinji. Nicaragua ine makomo anenge 40 anoputika, mamwe acho achiri kuputika.
Vanhu: Vazhinji vacho vanhu vanotaura chiSpanish vechimestizo—vakaberekwa nemaIndia okuAmerica nevaRungu. Nhamba duku yemaIndia echiMonimbó neechiSubtiaba inogara kumahombekombe ari kumadokero, nepo kumabvazuva kune maIndia echiMiskito, echiSumo neechiRama, uyewo vaCreoles nevaAfro-Caribs. Chechi huru iRoma Katurike.
Mutauro: ChiSpanish ndicho mutauro unoshandiswa pamutemo. Mitauro yemo inoshandiswawo.
Mararamiro: Kurima ndiko musimboti woupfumi hweNicaragua.
Zvokudya: Zvirimwa zvikuru zvinodyiwa muno zvinoti mupunga, chibage, bhinzi, mhunga, mirivo, mufarinya nemichero yakasiyana-siyana. Zvinhu zvavanotengesa kunze kwenyika zvinoti kofi, shuga, mabhanana, hove nenyama yemombe.
Mamiriro okunze: Nicaragua inyika inopisa. Mvura inonaya inobva pamasendimita 190 kusvika kumasendimita 380, zvichienderana nenzvimbo yacho. Kupisa nechokumahombekombe kunosvika 26oC, nepo nzvimbo dziri nechomumakomo dzinoti tonhorerei.
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 99-102]
Kumbonetswa Nemapurisa Epachivande
Húber naTelma López
Nhoroondo: Vabereki vevana vatatu vabva zera. Húber mukuru muungano yavo.
Paitonga hurumende yokupandukira, vashumiri vanoshumira nevakuru vaiwanzosungwa neMapurisa Epachivande vovharirwa kwezuva rimwe zvichienda kumavhiki anoverengeka kuti vabvunzurudzwe. Pamusana pokusatsigira chero divi sezvinotaura Bhaibheri, Zvapupu zvaJehovha zvakapomerwa kuti zvinoita kuti vanhu vapandukire hurumende asi hazvina kumbotongerwa mhosva iyoyo zvakananga. Vaibvunzurudza vacho vaidawo mazita e“varayiridzi” ne“vatungamiriri” vedu.
Imwe yehama dzakawanda dzakasangana neizvi ndiHúber López, uyo nhasi ari mukuru uye baba vevana vatatu vabva zera. Muna December 1985, Hama López vakasungwa vari pamusha pavo muLa Reforma, musha wokumaruwa uri makiromita 40 kumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva kweManagua. Mudzimai wavo, Telma, anorondedzera nhamo yomusi iwoyo:
“Nenguva dza4:00 zuva rovira, jipi mbiri dzakamira pamberi peimba yedu, imwe yacho iine Mapurisa Epachivande, imwe yacho iine masoja ayo akakomba imba yedu. Ndaudza mapurisa acho kuti murume wangu akanga asiri pamba, vakarayira kuti ini nevana tibude panze, vachiti pane zvavaida kutsvaka mumba. Zvisinei, mwanakomana wedu mukuru, Elmer, uyo aiva nemakore gumi, akaramba ari mukati. Akatarira sezvavakatanga kubudisa mabhuku aiva mukabhati, esangano neasiri esangano. Pakati pemabhuku iwayo, murume wangu akanga aviga zvimwe zvinyorwa zveungano. Vanhu ava pavakabuda nemabhuku acho vachienda nawo kujipi, Elmer akadaidzira achiti, ‘Vakuru, mava kuendawo nemabhuku angu okuchikoro here?’ Mumwe musoja akapindura nehasha achiti: ‘Hmmm, chiatora.’ Nenzira iyoyo, mwanakomana wedu akakwanisa kutora mabhuku ake uye zvinyorwa zveungano.
“Pataidya chirariro manheru iwayo, masoja acho akadzoka. Akatitendekera pfuti, akatora murume wangu vana vakatarisa, vachichema. Masoja acho haana kutitaurira kuti aimutorerei kana kuti aimuendesepi.”
Vachirondedzera zvakazoitika, Hama López vanoti: “Ndakaendeswa kujeri reMasaya ndokuiswa muchitokisi chaiva nevapari vemhosva dzakasiyana-siyana. Ndakabva ndangovaudza kuti ndiri mumwe weZvapupu zvaJehovha ndokubva ndapupurira kuvarume ava kwemaawa anoverengeka. Pakati pousiku, mumwe munhu akandirayira kuti ndibude muchitokisi macho akanditendekera pfuti achiti ndipinde mujipi yaiva yakamira panze murima. Ndakaudzwa kuti ndirambe ndakatsikitsira, asi sezvandakapinda, ndakaziva vanhu vana vaiva mujipi yacho vakanga vakatsikitsira misoro. Vaiva vashumiri vanoshumira nevakuru vomunharaunda yeMasaya vakanga vasungwa manheru iwayo.
“Kaviri usiku ihwohwo vakatyisidzira kutiuraya, kokutanga mumunda wekofi uye kechipiri muguta, mavakatimisa takaita mudungwe takazembera madziro. Pose ipapo vanenge vaimirira kuti titaure chimwe chinhu, asi hapana akataura. Pakupedzisira, vakaenda nesu kujeri riri kuJinotepe ndokutichengeta muzvitokisi zvakasiyana kwemazuva matatu.
“Taisabvumirwa kurara kwemaawa akawanda panguva. Muzvitokisi zvedu maigara muine rima, saka takanga tisingazivi kana aiva masikati kana usiku. Takadaidzwa tadaidzwazve muimba yokubvunzurudzwa tikabvunzurudzwa nezvemabasa edu okuparidza, misangano, uye mazita e‘vatungamiriri’ vedu. Mumwe wevaindibvunzurudza akatotyisidzira achiti aigona kusunga vabereki vangu ovamanikidza kudura mashoko acho. Ndakatonzwa manzwi evabereki vangu, mudzimai wangu, nedzimwe nhengo dzemhuri pandaiva muchitokisi changu. Zvisinei, zvandakanzwa aiva manzwi akarekodwa aiitirwa kundinyengedza kuti ndidavire kuti vemhuri yangu vakanga vaunzwa kuzobvunzurudzwa.
“Pazuva rechina, musi weChina, ndakaudzwa kuti ndaizosunungurwa. Asi chokutanga ndaifanira kusaina gwaro rokupika kuti ndaizorega kuparidza nezvechitendero changu. Ndakaudzwawo kuti vamwe vangu, Zvapupu, vakanga vasaina—asi chokwadi ndechokuti dzaingova nhema. ‘Kana ukaramba kusaina,’ vaindibvunzurudza vakadaro, ‘tichakudzosera uye uchaorera muno.’
“‘Kana zvakadaro musandisunungure henyu; ingondisiyai ndiri muno,’ ndakapindura.
“‘Nei uchidaro?’
“‘Nokuti ndiri mumwe weZvapupu zvaJehovha, uye zvinoreva kuti ndinoparidza.’
“Zvakandishamisa kuti tose tiri vashanu takasunungurwa zuva rimwe. Hungu, Jehovha akapindura minyengetero yedu ndokutisimbisa zvokuti takaramba takadzikama uye hatina kutengesa hama dzedu. Kunyange zvakadaro, pashure pechiitiko ichocho, taingoramba tichiongororwa.”
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 105, 106]
Kumanikidzwa Kupinda Munzvimbo Inorwiwa
Giovanni Gaitán
Akabhabhatidzwa muna: 1987
Nhoroondo: Akasungwa kwangosara vhiki shomanana kuti abhabhatidzwe, uye akamanikidzwa kupinda muboka reBLI kwemwedzi 28. Akashanda sapiyona wenguva dzose kwemakore anopfuura masere.
Dzimwe hama dzechiduku dzakamanikidzwa kupinda muboka revarwi rinonzi Irregular Fighting Battalions (BLI, muchiSpanish) rairwira mumakomo aiva nemasango makuru.
Mumwe wevechiduku ava aiva Giovanni Gaitán. Achiri muparidzi asina kubhabhatidzwa, Giovanni akapedza mwedzi 28 neBLI. Akasungwa kwangosara vhiki shomanana kuti abhabhatidzwe. Giovanni anorondedzera kuti: “Ndakatongwa pashure pokurwa kwokutanga. Mukuru mukuru akandirayira kuti ndigeze yunifomu yaiva neropa yakanga yapfekenurwa pamusoja akanga afa. Ndakaramba, ndichitaura kuti izvi zvaigona kutanga zviitiko zvinotevedzana zvaizoguma nokuti ndiite zvisingatenderwi pachiKristu, zvokuva nedivi randinotsigira. Mukuru mukuru wacho akagumbuka zvikuru ndokundirova nesimba padama. Akatora chivhorovhoro chake, ndokuchidzvanyidzira mumusoro wangu, akatekenya chikungiso chacho, asi chivhorovhoro chacho hachina kupfura. Saka akachirovera kumeso kwangu ndokuti aizondiuraya kana ndikasamuteerera zvakare.
“Kwemwedzi gumi nemisere yakatevera, munhu uyu akandiomesera chaizvo. Kanoverengeka, aiita kuti maoko angu asungwe kwezuva rose, zvokuti hapana madyiro andaigona kuita. Ndakasungwa kudai, ndaiwanzomanikidzwa kufamba musango ndiri mberi kweboka, ndakasungirirwa pfuti nemagirinedhi kumusana kwangu, zvokuti zvaiva nyore chaizvo kuti ndipfurwe nomuvengi! Aindirova uye kutyisidzira kundiuraya, kunyanya hondo payaitsva apo vamwe vaifa kumativi kwangu uye ndichiramba kunhonga pfuti dzavo. Asi, handina kumuvenga, uye handina kutya, nokuti Jehovha akandipa ushingi.
“Mamwe mangwanani muna March 1985, ini nedzimwe hama takaburutswa mumakomo tichiendeswa panzvimbo apo mhuri dzedu dzakabvumirwa kutishanyira pedyo neMulukukú, makiromita anenge 300 kumusoro kwakadziva kumabvazuva kweManagua. Pandaidya uye ndichikurukura nevemhuri yangu, ndakaona mukuru mukuru uya akagara pake oga. Ndakamuendesera ndiro yaiva nezvokudya. Paakapedza kudya, akandidaidza. Ndichizvigadzirira kuti zvinhu zvingangoipa, ndakashamiswa paakakumbira ruregerero nokuda kwenzira yaakanga andibata nayo. Akatondibvunza zvandinotenda. Ndopandakapedzisira kumuona; akafa nguva pfupi pashure pacho mutsaona yemotokari yemauto.”
[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 116-118]
Nhengo Mbiri Dzedare Renyika Dzinoyeuka Zvakaitika
Panguva yairambidzwa basa muNicaragua, basa rakanga rava kutarisirwa nebazi reCosta Rica. Dare renyika rakagadzwa muNicaragua kuti ritungamirire hama munyika iyoyo. Hama mbiri dzakashanda mudare iroro, Alfonso Joya naAgustín Sequeira, dzinoyeuka zvakaitika panguva iyoyo yokuedzwa.
Alfonso Joya: “Ndaishanda somukuru muManagua pandakakumbirwa kushanda mudare renyika muna 1985. Kubasa rangu rokunyika, ndakanga ndiri maneja pabazi gurusa rerimwe bhengi rinozivikanwa zvikuru. Ruzivo rwangu rwezvemabhengi rwakandibatsira kuva nechokwadi chokuti mari yesangano raJehovha yanyatsoshandiswa zvinobatsira panguva apo mari yeNicaragua yakanga iri kuderera simba nokukurumidza, ichikanganisa upfumi hwenyika. Kunyange shangu, dzakanga dzichimbotengeswa ne250 cordobas, pasina nguva dzakanga dzava kutengeswa nemacordobas mamiriyoni maviri!
“Panguva iyi yainetsa mune zvoupfumi, nyika yakashomekerwawo nemafuta emotokari, izvo zvakaita kuti zviomere hama kuendesa mabhuku kuungano dzaiva kure. Jehovha akatibatsira nokuita kuti zvibvire kuti ndiyamure hama nemafuta aidiwa.
“Mhuri yangu chaiyo yakanga isingazivi kuti ndaiva nhengo yedare renyika. Panguva iyoyo, ndaiva nemakore 35 uye zvichibvira kuti ndipinzwe muuto rinoshanda apo neapo. Pazviitiko zvina, mauto akaedza kundinyoresa, imwe nguva yacho achitoedza kundinyoresa ndiri mumba mangu. Ndinonyatsoyeuka chiitiko chacho, nokuti mudzimai wangu nevana vaduku vatatu vaiva padivi pangu pandakanga ndakatarisa muromo wepfuti. Zvinoshamisa kuti handina kurasikirwa nebasa rangu kubhengi.”
Agustín Sequeira: “Ndaishanda sapiyona chaiye muguta duku reBoaco apo mamishinari akadzingwa munyika muna 1982. Gare gare, ndakava neropafadzo yokugadzwa mudare renyika. Hama dzomuungano mangu dzakanga dzisingazivi nezvokugadzwa uku. Ndaimuka na4:00 mangwanani, ndoita basa rangu, ndozobuda neungano mubasa romumunda.
“Nhengo dzose dzedare renyika dzaishandisa mamwe mazita sezvataiita mabasa edu, uye takabvumirana kuti tisaudzana mashoko akawanda nezvemabasa edu. Izvi zvaishanda kudzivirira kana mumwe akasungwa. Taisava nehofisi asi taishandira mudzimba dzakasiyana. Sezvo bhegi remabhuku raigona kuita kuti munhu ave neshungu dzokuziva zvirimo, dzimwe nguva ndaiisa mapepa angu ebasa mubhegi raiva riine hanyanisi pamusoro mashizha adzo achioneka. Ndakapona nepaburi retsono kanoverengeka asi handina kumbosungwa.
“Nhengo dzeDare Rebazi reCosta Rica dzakatishanyira kakawanda kuti dzitikurudzire nokutitungamirira. Chiitiko chandinonyanya kuyeuka uye chinondikurudzira zvikuru kwaiva kutsaurirwa kwebazi reCosta Rica muna January 1987, nokuti pachiitiko ichocho ini neimwe nhengo yedare renyika takafara kusangana nenhengo mbiri dzeDare Rinodzora.”
Hama Sequeira vakashaya nguva pfupi nyaya ino yava kuda kunodhindwa. Vakanga vava nemakore 86 uye vakanga vari mubasa renguva yakazara kwemakore anopfuura 22. Vaiva nhengo yeDare Rebazi muNicaragua.
[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 122, 123]
Takawana Rusununguko Rwechokwadi Tiri Mujeri
Pakati pa1979 na1980, Cárcel Modelo yakanga yakazara nevasungwa vehondo nevezvematongerwe enyika vakanga vashandira hurumende yaimbovapo. Shoko roUmambo rakapinda nomumidhuri iyi, rikazadza mwoyo nepfungwa dzevanhu vakatendeseka, rikaita kuti vave nounhu hwakaita sohwaKristu. (VaK. 3:5-10) Hezvino zvishomanana zvakataurwa nevamwe vaimbova vasungwa.
José de la Cruz López: “Pandakaiswa mujeri, ndakanzwa hasha uye ndakanga ndisina tariro, ndisina nguva yemberi. Ipapo ndakasangana nevamwe vasungwa vakanga vava Zvapupu zvaJehovha. Ndakafadzwa zvikuru nematsananguriro avakaita Bhaibheri uye mufambiro wavo wakanaka kwazvo. Pakupedzisira, nzara yangu yokunamata yakagutswa uye ndakanga ndava netariro. Ndakafunga kuti sezvo ndakanga ndichida kupa upenyu hwangu nokuda kwehurumende yevanhu yaisagona kupa tariro yechokwadi, ndinotofanira kuva akavimbika zvikuru kune Uyo akapa Mwanakomana wake nokuda kwangu! Pandakabudiswa, mudzimai wangu nevanasikana nedzimwe nhengo nhatu dzemhuri vakadzidzawo chokwadi. Chokwadi, handifi ndakagona kubhadhara Jehovha nokuda kwezvaakandiitira.”
Hama López mukuru muManagua.
Omar Antonio Espinoza: “Pandaiva nemakore 18, ndakapiwa mutongo wemakore 30 ndikapika makore 10 ndokubva ndazoregererwa. Kunyange ndichidemba kuti ndakarasikirwa norusununguko rwangu, mujeri imomo ndimo mandakasvika pakuziva Jehovha norusununguko rwechokwadi. Izvi zvisati zvaitika, ndakanga ndararama upenyu hwounzenza, asi iye zvino ndatendeuka zvachose. Ndinoonga Jehovha kuti mukombe wangu wazara kana ndichitaura nezvokunamata. Shungu dzangu dzakafanana nedzaJoshua, dzokuti: ‘Kana ndirini naveimba yangu tichashumira Jehovha.’—Josh. 24:15.”
Hama Espinoza mukuru muguta reRivas.
Anastasio Ramón Mendoza: “Mumwedzi mishomanana yokupfigirwa, ndakatanga kuverenga Bhaibheri ndoga. Zvadaro ndakatanga kuridzidza nomumwewo musungwa aiva mumwe weZvapupu zvaJehovha. Pasina nguva ndakagutsikana kuti ndakanga ndawana chokwadi. Asi, ndaiverengera kubhabhatidzwa nokuti ndakanga ndichivenga zvikuru vakanga vandisunga—pfungwa dzandaiziva kuti dzakanga dzisingatenderwi naJehovha.
“Ndakanyengetera zvikuru, kuti ndikanganwirwe uye kuti ndibatsirwe kukunda ruvengo rwangu. Jehovha akanzwa kuteterera kwangu, nokuti akandidzidzisa nokushivirira kuti ndisavenge vanhu asi pfungwa nezviito zvakashata. Ndakabhabhatidzwa muna 1982. Kubva zvandakabudiswa muna 1989, ndadzidza Bhaibheri nevazhinji vaimbova varwi nevamwewo vaiva mumamiriro ezvinhu akafanana neangu. Vamwe vacho dzava hama dzangu dzandinonamata nadzo.”
Hama Mendoza mushumiri anoshumira muManagua.
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 141-145]
Minyengetero yoMufundisi Inopindurwa
Teodosio Gurdián
Akabhabhatidzwa: muna 1986
Nhoroondo: Hama Gurdián vari kushanda somukuru muUngano yeWamblán.
Muna 1986, hondo yebato reSandinista yava kupisa, vaparidzi vaviri vakabva kuungano duku yeSan Juan del Río Coco vakafamba rwendo rwemakiromita 100 kuenda kuchamhembe kweWamblán, taundi riri munzvimbo yezvikomo zvine miti mishoma shoma pedyo nomuganhu neHonduras. Boka duku reZvapupu rakanga ragara ikoko rakabva muWamblán makore maviri akanga adarika nemhaka yokurwisana kwacho. Hama mbiri idzi dzakanga dziri kutsvaka murume anonzi Teodosio Gurdián. Teodosio anotsanangura chikonzero chacho.
“Ndakanga ndambova mufundisi weimwe chechi muWamblán. Vakuru vechechi yedu vaiva nhengo dzeNational Association of Nicaraguan Pastors (ANPEN muchiSpanish), sangano revafundisi vose vezvitendero zvechiPurotesitendi vomuManagua. Nguva pfupi bato reSandinista rava kutonga, ANPEN yakasaina chibvumirano chokubvuma kuti vafundisi nevapindi vechechi vabatanidzwe muSandinista Defense Committees uyewo mamwe masangano, kusanganisira chiuto. Asi izvi zvakandinetsa, nokuti ndakazvibvunza kuti, ‘Mushumiri waMwari angatakura zvombo sei?’
“Zvadaro ndakagamuchira bhuku raRugare rweChokwadi neChengeteko—zvinoBva muManyukoi? kubva kune imwe mhuri yeZvapupu yaigara muWamblán panguva iyoyo. Ndakariverenga kusvika pakati pousiku. Ndakatangawo kuverenga magazini eNharireyomurindi uye Mukai! nguva dzose. Izvi, pakupedzisira, zvakanga zviri zvokudya zvomudzimu chaizvo. Ndingati, ndakatoshandisa mashoko aivamo mumharidzo dzangu. Apo vakuru vechechi vakaudzwa izvi, vakandidaidza kumahofisi avo muManagua.
“Vachifunga kuti ndakanga ndava kutsauswa pamusana pokutsvaka zivo somufundisi, vakuru ava vakandipa mari yokuti ndinodzidza muManagua kwemwedzi misere. Zvisinei, zvinhu zvandakanga ndadzidza kubva kuZvapupu zvakanga zvichibva muBhaibheri chaimo. Saka ndakabvunza vakuru vechechi mibvunzo yakawanda yakadai seyokuti, ‘Nei tisiri kuparidza pamba nemba sezvaiitwa nevaKristu vepakutanga? Nei tichibvisa chegumi kana vaapostora vasina kuti chibviswe?’ Mibvunzo yangu haina kupindurwa zvinogutsa, uye pasina nguva refu vanhu ava vakatanga kundidana kuti Chapupu.
“Pashure pechiitiko ichi, ndakarega kuenda kuchechi kwacho uye ndakaenda kunotsvaka Zvapupu zvaJehovha kuManagua. Asi makanga muri muna 1984, uye Zvapupu zvakanga zvichiungana muchivande. Naizvozvo pashure pevhiki mbiri dzokutsvaka pasina chimuko, ndakadzokera kuWamblán ndokuriritira mhuri yangu ndichirima chibage nebhinzi mumunda muduku.
“Zvapupu zvakanga zvagara muWamblán zvakanga zvagovera mabhuku azvo akawanda zvisati zvabva munharaunda yacho. Saka pose pandaiwana mabhuku aya mumisha yandaishanyira, ndaibva ndabvunza kuti, ‘Muri kuverenga bhuku iri here? Munganditengesera here?’ Vazhinji vaindipa, saka nokufamba kwenguva ndakanga ndava neraibhurari yakati kurei yemabhuku esangano.
“Kunyange zvazvo ndakanga ndisina kuzvitaura pachena kuti ndiri Chapupu, vanhu vomuWamblán vakatangawo kundidana kudaro. Naizvozvo, hapana kupera nguva Mapurisa Epachivande asati atanga kundibvunza maererano nemabasa angu. Vakatondiudza kuti ndinogona kuparidza mumisha iri pedyo, chero bedzi ndichizodzoka nemazita evanhu vakanga vachitsigira mapato anopikisa. ‘Kana ndikaita zvamuri kukumbira,’ ndakapindura kudaro, ‘ndinenge ndichiramba Mwari wangu, uye handikwanisi kudaro. Jehovha anoda kuti ndizvipire kwaari zvakakwana.’
“Pane imwe nguva, mumwe mukuru wechiuto akandikumbira kuti ndisaine rimwe gwaro rairatidza kuti ndinotsigira bato reSandinista. Ndakaramba. Akabva abudisa chivhorovhoro ndokutyisidzira achiti: ‘Hauzivi here kuti tinokwanisa kuuraya zvimbwasungata zvisingadi kutsigira hurumende itsva?’ Asi pane kuti andipfure, akandipa nguva yokufunga nezvazvo zvekare. Manheru iwayo ndakaonekana nomudzimai wangu. ‘Kana ndikasaina gwaro iroro, ndichangofa zvakadaro,’ ndakamuudza. ‘Asi kana ndikafa ndisina kusaina, Jehovha angangondiyeuka murumuko. Uchengete vana, uye vimba naJehovha. Achatibatsira.’ Mangwanani akatevera ndakaudza mukuru uya kuti: ‘Ndauya. Itai zvamunoda, asi handisi kuzosaina.’ Akagutsurira ndokuti: ‘Makorokoto. Ndaiziva kuti uchapindura uchidaro. Zvapupu zvaJehovha ndinozviziva.’ Akabva arega ndichienda.
“Zvadaro, ndakaparidza pachena, ndichienda kumisha yakawanda iri kure uye kukoka vanofarira kuti vaungane. Mumwe murume nomudzimai vechikuru vakanga vari vamwe vevakatanga kubvuma; dzimwe mhuri dzikatevera. Nenguva isipi 30 vedu vakanga vava kuungana nguva dzose. Ndaishandisa magazini ekare eNharireyomurindi, ndichiita zvokukurukura mashoko acho, sezvo takanga tichingova nemagazini imwe chete. Ndakatodzidza Bhaibheri nemamwe masoja, mumwe wacho akazova Chapupu.
“Muna 1985 mumwe musoja akanga achidarika akandiudza nezveungano yeZvapupu zvaJehovha muJinotega, anenge makiromita 110 kumaodzanyemba kweWamblán. Ndakakumbira mumwe mudzidzi weBhaibheri muWamblán kundiperekedza. Tabvunza mumusika waiva muJinotega, takazowana musha weimwe mhuri yeZvapupu. Mudzimai wacho ndiye akavhura musuo. Patakati tiri Zvapupu zvaJehovha, akabvunza kana takanga tauya kuChirangaridzo. ‘Chirangaridzo chii?’ takabvunza kudaro. Akabva adaidza murume wake. Vagutsikana kuti takanga tiri kutaura chokwadi, vakatipinza mumba. Zvinosuruvarisa kuti Chirangaridzo chakanga chatoitwa manheru akanga apfuura, asi takagara pamba pavo kwemazuva matatu tikapinda Chidzidzo Chebhuku Cheungano kokutanga.
“Tadzokera kuWamblán, ndakaenderera mberi nokuparidza uye kuitisa misangano ndiri ndoga. Zvadaro, tichiti mangwana kune Chirangaridzo cha1986, hama mbiri dzataurwa pokutanga dzakasvika. Boka redu duku revadzidzi veBhaibheri rakakurumidza kuudza vamwe vose vanofarira vaiva mumisha iri pedyo, uye 85 vakapinda Chirangaridzo chedu chokutanga.
“Ndakabhabhatidzwa muna October wegore iroro, pamwe chete nevadzidzi vangu veBhaibheri vokutanga—murume nomudzimai vechikuru vambotaurwa, avo vakanga vava nemakore okuma80. Nhasi Ungano yeWamblán ine vaparidzi 74 uye mapiyona enguva dzose 3. Ndine ropafadzo yokushanda somumwe wevakuru. Muna 2001, takaita Chirangaridzo mumimwe misha mitatu isiri Wamblán, uye vose vakapinda vaiva 452.”
[Chati/Mifananidzo iri papeji 80]
NICARAGUA—ZVIITIKO ZVINOKOSHA
1925
1934: Imwe hanzvadzi piyona yakanga yashanya yakagovera mabhuku munyika muno.
1937: Somoza anovamba kutonga.
1945: Vadzidzi veGiriyedhi vokutanga vanosvika.
1946: N. H. Knorr naF. W. Franz vanoshanyira Managua. Bazi rinovhurwa.
1950
1952: Zvichikonzerwa nevafundisi vechiKaturike, basa rinorambidzwa.
1953: Dare Repamusorosoro rinobvisa chirambidzo.
1972: Kudengenyeka kwepasi kunoparadza Managua.
1974: Hofisi itsva yebazi uye musha wemamishinari zvinopedza kuvakwa.
1975
1979: Bato reSandinista rinokunda hurumende yaSomoza. Vanhu vanosvika 50 000 vanofa pakumukira kwacho.
1981: Kuzivikanwa kwepamutemo kweZvapupu zvaJehovha kunobviswa.
1990: Zvapupu zvaJehovha zvinozivikanwa zviri pamutemo zvekare.
1994: Mapiyona chaiwo zana enguva pfupi anogadzwa. Dzimwe nhimbe dzakaita seiyi dzinotevera.
1998: Hurricane Mitch inotsvaira Central America, ichiuraya vanhu 4 000 muNicaragua.
2000
2002: Vaparidzi 16 676 vari kushingaira muNicaragua.
[Girafu]
(Ona bhuku racho)
Nhamba Yevaparidzi
Nhamba Yemapiyona
20 000
15 000
10 000
5 000
1950 1975 2000
[Mepu dziri papeji 73]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
HONDURAS
NICARAGUA
Matagalpa
León
MANAGUA
Masaya
Jinotepe
Granada
Gungwa reNicaragua
Chitsuwa cheOmetepe
Isthmus of Rivas
Rwizi rweSan Juan
Bluefields
COSTA RICA
[Mufananidzo unozadza peji yose uri papeji 66]
[Mufananidzo uri papeji 70]
Pamusoro: Francis (kuruboshwe) naWilliam Wallace nehanzvadzi yavo Jane
[Mufananidzo uri papeji 70]
Pazasi (kumashure, kubva kumusoro zvichidzika zasi): Wilbert Geiselman, Harold Duncan, naFrancis Wallace; (kumberi, kubva kumusoro zvichidzika zasi): Blanche Casey, Eugene Call, Ann Geiselman, Jane Wallace, naEvelyn Duncan
[Mifananidzo iri papeji 71]
Pamusoro: Adelina naArnoldo Castro
Kurudyi: Dora naEvaristo Sánchez
[Mufananidzo uri papeji 76]
Doris Niehoff
[Mufananidzo uri papeji 76]
Sydney naPhyllis Porter
[Mufananidzo uri papeji 79]
Agustín Sequeira ndiye akanga ari muparidzi wokutanga muMatagalpa
[Mufananidzo uri papeji 82]
María Elsa
[Mufananidzo uri papeji 82]
Gilberto Solís nomudzimai wake, María Cecilia
[Mifananidzo iri papeji 87]
Kudengenyeka kwepasi kwakaitika muna 1972 kwakaparadza Managua
[Mufananidzo uri papeji 90]
Andrew naMiriam Reed
[Mufananidzo uri papeji 90]
Ruby naKevin Block
[Mufananidzo uri papeji 92]
Purazi rakashandiswa nokuda kweKokorodzano Yoruwa ye“Kuvimbika kuUmambo”
[Mifananidzo iri papeji 95]
Mamishinari akadzingwa muNicaragua muna 1982
[Mufananidzo uri papeji 109]
Hama dzaidhinda mabhuku panguva yokurambidzwa kwebasa, nemichina yadzo yokuitisa makopi inonzi Jongwe, Sheche, uye Nhiyo
[Mufananidzo uri papeji 110]
Elda Sánchez anotaipa mabhii pamapepa asingatyi
[Mufananidzo uri papeji 115]
Hanzvadzi idzi dzaigadzira zvokudya nokurinda apo hama dzaidhinda mabhuku
[Mufananidzo uri papeji 126]
Kumberi: Dzimwe hama dzakadzidza chokwadi mujeri, kubva kuruboshwe kuenda kurudyi: J. López, A. Mendoza, naO. Espinoza; kumashure: Carlos Ayala naJulio Núñez, vakuru vaishanyira jeri kunobatsira hama mumudzimu
[Mufananidzo uri papeji 133]
Basa reZvapupu zvaJehovha rava kubvumidzwa zvekare, imba ino yakashandiswa sehofisi yebazi
[Mifananidzo iri papeji 134]
Pashure peHurricane Mitch, vamwe vazvipiri vakashandisa mabhasikoro kuendesa zvokudya nezvinhu zvokuyamura. Vamwe vakashanda kugadzirisa Dzimba dzoUmambo nedzimba dzehama
[Mufananidzo uri papeji 139]
Banacruz, musha uri muRAAN uko mashoko akanaka ari kuparidzwa pasinei nezvinetso
[Mifananidzo iri papeji 147]
Kokorodzano Yoruwa ye“Shoko raMwari Rouprofita” ya1999, kokorodzano yokutanga yenyika yose yakaitwa kubva pane yakapedzisira kuitwa muna 1978, yakapindwa nevanhu 28 356
[Mufananidzo uri papeji 147]
Vakapinda vakaona vanhu 784 vachibhabhatidzwa—vazhinji zvikuru vakabhabhatidzwa panguva imwe chete munhoroondo yeNicaragua
[Mufananidzo uri papeji 148]
Dare Rebazi kumavambo kwa2002, kubva kuruboshwe kuenda kurudyi: Ian Hunter, Agustín Sequeira, Luis Antonio González, naLothar Mihank