RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w26 May pp. 26-31
  • Remekedza Zvinosarudzwa Nevamwe

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Remekedza Zvinosarudzwa Nevamwe
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2026
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • ZVII ZVINOGONA KUITA KUTI TISHORE ZVINENGE ZVASARUDZWA NEVAMWE?
  • NEI TICHIFANIRA KUREMEKEDZA ZVINENGE ZVASARUDZWA NEVAMWE?
  • ZVAUNGAITA KUTI UREMEKEDZE MAONERO EVAMWE
  • Ita Zvisarudzo Zvinofadza Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
  • Tingaita Sei Zvisarudzo Zvinoratidza Kuti Tinovimba naJehovha?
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2023
  • Ratidza Kutenda—Ita Zvisarudzo Nekuchenjera
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2017
  • Ita Zvisarudzo Zvinokudza Mwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2026
w26 May pp. 26-31

AUGUST 3-9, 2026

RWIYO 113 Rugare Rwedu

Remekedza Zvinosarudzwa Nevamwe

“Musatonga [munhu] pamusoro pemaonero aanoita zvinhu.”—VAR. 14:1.

ZVATICHADZIDZA

Vatinonamata navo vanogona kusarudza zvakasiyana nezvataizoita. Saka nyaya ino ichatibatsira kuona kuti zvii zvatingaita kuti tiremekedze zvavanosarudza.

1-2. Nei dzimwe nguva tichisarudza zvakasiyana nevamwe?

VAKAWANDA vedu takamboshorwa nemhaka yechisarudzo chatakanga taita. Kana kuti pamwe ndisu takatomboshora vamwe nemhaka yechisarudzo chavakanga vaita.

2 Dzimwe nguva zvinhu zvatinosarudza sevaKristu zvinosiyana. Izvi hazvifaniri kutishamisa nekuti vanhu havafanani. Mafungiro edu akatosiyana zvichibva pakuti takakurira kupi, takakurira mumhuri yakaita sei uye kuti zvii zvatakasangana nazvo muupenyu. Asi hatifaniri kurega maonero edu akasiyana achikanganisa rugare uye kubatana kwatakaita muungano.—VaEf. 4:3.

3. Zvii zvinogona kuita kuti titonge hama dzedu nemhaka yezvavanenge vasarudza?

3 Kana mumwe muKristu akaita chisarudzo chatinenge tisingabvumirani nacho, dzimwe nguva tinogona kunzwa kuda kunotaura naye kuti timubatsire kuchinja zvaakasarudza. Kana kuti tinogona kutofamba tichiudza vamwe kuti zvaakasarudza hazvina kunaka. Pamwe chinogona kuita kuti tidaro inyaya yekuti tinenge tichida kumubatsira. Tinoda hama nehanzvadzi dzedu uye tinoda kuti zvinhu zvivafambire zvakanaka. (Zvir. 17:17) Saka hatidi kuvaona vachiita chisarudzo chekuti vanozozvidemba kana kuti chisarudzo chinogona kukanganisa ushamwari hwavo naJehovha.

4-5. Zvii zvatinofanira kuita kana mumwe muKristu akasarudza kuita zvinhu zvatisingabvumirani nazvo?

4 Kana hama yedu ikasarudza kuita zvinhu zvatisingabvumirani nazvo, tinofanira kutaura nayo here? Dzimwe nguva tinenge tichifanira kutaura nayo asi dzimwe nguva hatifaniri kudaro. Ngatitii ari kufunga kuita chimwe chinhu chisingaenderani nezvinotaurwa neBhaibheri. Pakadaro, tinoedza kumubatsira kuti agadzirise mafungiro ake nekuti tinomuda. (Zvir. 27:​5, 6) Asi ngatitii asarudza kuita chimwe chinhu chatisingabvumirani nacho asi chisingarambidzwi hacho neBhaibheri, pakadaro tinoita sei? Mhinduro yacho iri murugwaro rwuri kutungamirira nyaya ino. Hatimutongi “pamusoro pemaonero aanoita zvinhu.”—VaR. 14:1.

5 Asi dzimwe nguva zvinogona kutiomera kuremekedza zvaanenge asarudza. Munyaya ino tichakurukura kuti nei zvichikosha kuti tiremekedze zvisarudzo zvinoitwa nevamwe uye kuti tingazviita sei. Asi ngatitangei nekumboona kuti zvii zvinogona kuita kuti tishore zvinenge zvasarudzwa nevamwe. Regai tikurukure mienzaniso inotevera.

ZVII ZVINOGONA KUITA KUTI TISHORE ZVINENGE ZVASARUDZWA NEVAMWE?

6-7. Ndepapi patinogona kufunga kuti zvisarudzo zvaitwa nevamwe hazvina kunaka?

6 Sezvatambokurukura, makuriro atakaita kana kuti zvinhu zvatakasangana nazvo muupenyu ndizvo zvinowanzoita kuti tive nemamwe maonero pane imwe nyaya. Uye tinogona kutofunga kuti vamwe ndiwo maonero avanoitawo nyaya iyoyo. Asi vanogona kunge vasina maonero iwayo. Ngatimboonai mienzaniso inotevera. Muenzaniso 1: Mumwe murume akarerwa nababa vaidhakwa uye akazowana chokwadi. Paanenge achitandara nedzimwe hama nehanzvadzi, anoona vamwe vavo vachinwa doro. Anogumburwa nazvo uye anovaudza kuti zvavari kuita zvakaipa. Muenzaniso 2: Imwe hanzvadzi yairwara zvakaipisisa asi yakazopora. Inobva yazonzwa nezveimwe hanzvadzi iri kurwara nechirwere chakafanana nechayaiva nacho. Nemhaka yekuti inoda kubatsira hanzvadzi iyi, inoenda kwairi yonoiudza kuti irapwe semarapirwe ayakaitwa. Pamwe inogona kuiudza kuti ine zvekudya zvainofanira kudya kana kuti mishonga yainofanira kushandisa. Muenzaniso 3: Imwe hama ine chechi yayaimbopinda. Haitombodi kunzwa nezvechechi iyoyo. Saka painonzwa nezvemumwe muKristu akaenda kumariro aiitirwa muchechi zvinoigumbura zvisingaiti.a

7 Onawo mimwe mienzaniso iyi. Muenzaniso 4: Imwe hama inogona kunge yakakura panguva yekuti vanhu vakawanda vaiona sekuti hazviiti kuti murume achengete ndebvu kana kuti vakadzi vapfeke matirauzi pazviitiko zvinokosha. Asi kunyange zvazvo ichiziva mirayiridzo yatakagamuchira kubva kumuranda akatendeka panyaya idzi, inogona kuramba ichiudza vamwe kuti hama hadzifaniri kuchengeta ndebvu uye kuti hanzvadzi dzinongofanira kungopfeka madhirezi chete padzinenge dziri kumisangano, kumagungano uye muushumiri. Muenzaniso 5: Mumwe mukuru anoziva nezveimwe hama yakaenda kuyunivhesiti ikazopedzisira yasiya chokwadi. Anobva anzwa nezveimwe hama yechidiki yemuungano make inoda kuenda kunowedzera dzidzo. Mukuru uyu anonetseka, saka anoedza kuita kuti hama iyi yechidiki uye vabereki vayo vachinje zvavakasarudza.

8. (a) Chii chinogona kuita kuti mubereki atange kushora vamwe vabereki? (b) Chii chinogona kuitika kana tikatanga kushora zvinoitwa nevamwe muungano?

8 Ngatimboonai muenzaniso unobata-bata vabereki. Muenzaniso 6: Semubereki uri kushanda nesimba kurera vana vako ‘uchivaranga uye uchivarayira sezvinodiwa naJehovha.’ (VaEf. 6:4) Asi vamwe vabereki vechiKristu vanobvumidza vana vavo kuita zvimwe zvinhu zvaunorambidza vana vako kuti vaite. Semuenzaniso, vamwe vanogona kunge vachibvumira vana vavo kuti vanonoke kudzoka pamba, vanogona kunge vachivabvumira kutamba mavhidhiyo gemu asina zvekurwisana kana kuti vanogona kutopa vana vavo mafoni vachiri vadiki. Izvi zvinogona kuita kuti mwana wako aone sekuti uri kunyanya kumuomesera. Anenge achiti, “Nei musingaitiwo zvinoitwa nevabereki veshamwari yangu?” Izvi zvinogona kuita kuti utange kushora zvinoitwa nevamwe vabereki. Chokwadi chiripo ndechekuti kana mumwe muKristu akasarudza zvakasiyana nezvataizoita isusu, izvozvo zvinogona kutoita kuti tigumbuke tototanga kumufungira zvisiri izvo. Semuenzaniso, tinogona kurwadziwa nekuti mumwe munhu anogara achivhakacha kakawanda sei, anosarudza kuzvivaraidza nezvinhu zvakaita sei kana kuti anoshandisa mari yake sei. Asi maonero atinoita zvinhu haafaniri kuita kuti tipedzisire tava kufungira hama nehanzvadzi dzedu zvakaipa zvekuti tinokanganisa rugare rweungano.

9. Tese tine chinangwa chei uye ndezvipi zvatisingafaniri kuita? (Onawo mufananidzo.)

9 Tinogona kusarudza zvakasiyana nemumwe muKristu asi hazvirevi kuti mumwe agona kana kuti mumwe akanganisa. (VaR. 14:5) Bhaibheri rinotiudza kuti tinofanira ‘kubvumirana pakufunga.’ Izvi zvinoreva kuti tese tinofanira kuteerera mitemo yaJehovha. Asi hazvirevi kuti tinofanira kuva nemafungiro akafanana pakanhu kese katinoita muupenyu. (2 VaK. 13:11) Tinogona kuzvifananidza neizvi: Ngatitii tiri kuda kuenda kune imwe nzvimbo. Tinogona kusarudza nzira dzakasiyana-siyana dzekuti tichaenda sei ikoko zvichienderana nekuti ndezvipi zvatinoda uye kuti ndezvipi zvatinokwanisa. Ndizvo zvazvakaitawo panyaya yekusarudza. Tese tinogona kusarudza zvakasiyana-siyana, asi chinangwa chedu ndechekufadza Jehovha. Saka hatitongi vamwe pavanoita zvisarudzo zvavo.—Mat. 7:1; 1 VaT. 4:11.

Mepu iri pafoni iri kuratidza nzira nezvifambiso zvakasiyana-siyana zvinogona kushandiswa kuenda kune imwe nzvimbo.

Vanhu vanogona kusarudza nzira dzakasiyana-siyana dzekuti vasvike kune imwe nzvimbo. Ndizvo zvinoitawo vaKristu; vanogona kusarudza zvakasiyana-siyana pakushumira kwavari kuita Jehovha (Ona ndima 9)


NEI TICHIFANIRA KUREMEKEDZA ZVINENGE ZVASARUDZWA NEVAMWE?

10. Maererano naJakobho 4:​12, hatina kodzero yekuita sei uye nei tisina?

10 Bhaibheri rinotaura zvikonzero zvakawanda zvinofanira kuita kuti tiremekedze zvinosarudzwa nevamwe. Ngatimboonai zvimwe zvacho. Hatina kodzero yekutonga vamwe panyaya dzavanenge vachifanira kuzvisarudzira vega. (Verenga Jakobho 4:12.) Jehovha chete ndiye ane kodzero yekutiudza zvatinofanira kuita uye zvatisingafaniri kuita muupenyu. Saka kana hama nehanzvadzi dzedu dzikasarudza zvadzinenge dzasarudza, inyaya yavo naJehovha, haisi nyaya yedu. (VaR. 14:10) Hatina kodzero yekutonga vamwe kana kuvashora kana vakasarudza zvakasiyana nezvataizosarudza isusu.b

11. Zvii zvatingaita kuti muungano muve nekubatana? (Onawo mufananidzo.)

11 Jehovha anoda kuti vashumiri vake vabatane kwete kuti vangoita zvinhu zvakangofanana. Anotofarira kusiyana kwatakaita. Tinoonawo kuti Jehovha anotoda zvinhu zvakasiyana-siyana kana tikatarisa zvinhu zvaakasika. Semuenzaniso hakuna mashizha maviri emuti mumwe chete akafanana. Ko kuzoti vanhu? Panyika pane vanhu vanopfuura 8 bhiriyoni asi hapana vanhu vaviri vakanyatsofanana pazvese. Jehovha akatisika takasiyana. Haadi kuti tese tingoita zvakafanana. Asi anoda kuti tibatane. Saka hatirwadziwi vamwe pavanosarudza kuita zvakasiyana nezvataizoita asi tinoita kuti pave nerugare. Chatinonyanya kukoshesa kubatana kwevanhu muungano kwete mafungiro edu kana kuti zvinhu zvatinoda kuti zviitwe.—VaR. 14:19.

Zvapupu zvemazera akasiyana-siyana uye zvinobva kwakasiyana-siyana zviri kudya pamwe chete zvichifara. Vamwe vari kunwa doro, vamwe havasi. Uye vamwe vane ndebvu, vamwe havana.

Jehovha akatisika takasiyana asi anoda kuti tibatane (Ona ndima 11)


ZVAUNGAITA KUTI UREMEKEDZE MAONERO EVAMWE

12-13. Tinofanira kuita sei kana tichiona sekuti mumwe munhu asarudza zvinopesana nemutemo waMwari? (VaGaratiya 6:1; onawo bhokisi rakanzi “Kana Uchiona Sekuti Zvasarudzwa Nemumwe Munhu Zvakaipa.”)

12 Vamwe pavanoita zvisarudzo zvavo. Unogona kuzvibvunza kuti, ‘Zvasarudzwa kuitwa nemunhu uyu zvinopesana nemutemo waMwari here kana kuti angosarudza kuita zvakasiyana nezvandaizoita kudai ndiri ini?’ Kana asarudza kuita zvinopesana nemutemo waMwari zvibvunze kuti, ‘Ndini here ndine kodzero yekumururamisa kana kuti pane mumwe munhu akadai semukuru anofanira kumubatsira?’ Kana uine kodzero yekumubatsira, unofanira kuzviita neunyoro. (Verenga VaGaratiya 6:1.) Asi kazhinji unogona kuona kuti zvasarudzwa nemunhu uyu hazvipesani nemutemo waMwari asi inyaya yekuti zvakangosiyana nezvawaizoita dai uri iwe. Saka haufaniri kumufungira zvisiri izvo kana kufamba uchitaura kuti zvaasarudza hazviiti. Remekedza kodzero yake yekusarudza zvaanoda uye usamutonge.—VaR. 14:​2-4.

13 Tinogona kuzvienzanisa neizvi: Ngatitii maenda kunotenga zvekudya neshamwari yako. Unomumanikidza here kuti atenge zvekudya zvakafanana nezvaunenge uchida kutenga iwewe? Aiwa. Hauite izvozvo nekuti ane kodzero yekusarudza zvaanoda kudya. Kunyange usiri kufarira zvaasarudza, haunetseki nazvo nekuti hausiriwe uchazvidya. Uye haungambodi kuti shamwari yako ikurambidze kudya zvaunoda yokumanikidza kusarudza zvainoda iyo. Muenzaniso uyu unoratidza kuti patinosiya vamwe vanhu vachiita zvisarudzo zvavo vega tisingavamanikidze kuita zvatinoda isusu, tinenge tichiratidza kuti tinovaremekedza.

Kana Uchiona Sekuti Zvasarudzwa Nemumwe Munhu Zvakaipa

Kana uchiona sekuti zvasarudzwa nemumwe muKristu zvakaipa, unogona kuzvibvunza mibvunzo iri pasi apa. Izvi zvinogona kukubatsira kuti usanetseka nezvinhu zvausingafaniri kunetseka nazvo.—VaG. 6:5.

  • Zvaasarudza kuita zvinopesana nemutemo waMwari here?

  • Aita chisarudzo chakasiyana nechandaizoita nemhaka yemakuriro aakaita here? Kana zvirizvo, zvakaipa here zvaasarudza?

  • Zvaasarudza zvichamukanganisa here kana kuti ndini ndiri kungofungidzirawo zvinhu zvinogona kusatomboitika?

  • Zvaasarudza izvi zvinogona kunge zvakanakirei?

  • Ari kusarudza kuita zvinopesana nemutemo waMwari here kana kuti inyaya yekuti ari kusarudza zvakasiyana nezvandaizosarudza kudai ndiri ini?

  • Kana asarudza kuita zvinopesana nemutemo waMwari ndini here ndine kodzero yekumururamisa kana kuti pane mumwe munhu akadai semukuru anofanira kumubatsira?

14. Zvii zvatingaita kuti tiite zvisarudzo zvisingakanganisi rugare rweungano? (1 VaKorinde 8:​12, 13)

14 Iwewe paunoita zvisarudzo zvako unogona kuita kuti ungano irambe yakabatana kana ukaedza kuita zvisarudzo zvisingagumburi vamwe. (Verenga 1 VaKorinde 8:​12, 13.) Dzimwe nguva tinogona kuziva kuti zvatiri kuda kusarudza kuita “zvinobvumirwa.” Asi kana zvichizogumbura hama yako, zvinenge zvichiri ‘kubatsira’ here?c (1 VaK. 10:​23, 24) Pane kuti ungosimbirira pakuita zvaunoda, zviri nani kuti ufunge kuti vamwe vanonzwa sei kana ukazviita. (VaR. 15:1) Asi hatina kumbotaura here kumashure uko kuti vamwe vanofanira kuremekedza zvatinenge tasarudza? Ehe, ndizvo zvatataura. Vamwe vanofanira kuremekedza zvatinosarudza uye isusu tinofanira kuremekedzawo zvavanosarudza. Saka toti kudii? Tinofanira kuyeukawo zvinotaurwa neBhaibheri pana VaRoma 12:​18, zvekuti: “Itai zvese zvamunogona kuti muve nerugare nevanhu vese.” Saka izvi zvinoreva kuti tinoshanda nesimba kuti tive nerugare nevamwe. Uye kana tikaziva kuti zvimwe zvinhu zvinovagumbura, tinogona kurega kuzviita.

15. Vakuru vanoita sei kuti ungano irambe yakabatana? (1 VaKorinde 4:6)

15 Vakuru vanoremekedza zvisarudzo zvevamwe. Kuti muungano murambe muine rugare vakuru havaisi mitemo panyaya dzekuti munhu anenge achifanira kuzvisarudzira ega uye ‘havapfuure zvakanyorwa’ muBhaibheri. (Verenga 1 VaKorinde 4:6.) Izvi zvinorevawo kuti havatauri zvinhu zvisingaenderani nezvakanyorwa mumabhuku edu. Uye kana imwe hama kana hanzvadzi ikauya ichitsvaga mazano, vakuru havataure zvemusoro wavo. Asi vanongomupa mazano ari muShoko raMwari.—Isa. 48:​17, 18.

16. Mukuru anoratidza sei kuti anoremekedza zvisarudzo zvinoitwa nedare revakuru?

16 Mukuru anofanira kuremekedza zvisarudzo zvinoitwa nedare revakuru. Kana vakuru vakanyengetera vachikumbira mweya mutsvene, voongorora zvinotaurwa neBhaibheri uye voita chisarudzo pamwe chete, mukuru mumwe nemumwe anofanira kutsigira zvinenge zvasarudzwa nedare kunyange kana iye aine maonero akasiyana neevamwe. (VaEf. 5:17) Vakuru vanonyatsotevedzera mirayiridzo iri muBhaibheri uye mumabhuku edu. Uye havati kana vaine maonero avo, voita kutsvagiridza zvinhu zvinotsigira maonero iwayo. Semuenzaniso, mukuru haazoendi kungonotora mutsara mumwe chete munyaya iri mumabhuku edu kuitira kuti atsigire maonero aanenge ainawo achirega kutarisa kuti nyaya yacho yese iri kutaura nezvei.

17. Zvii zvichaitika kana tikaremekedza zvisarudzo zvinoitwa nevamwe vari muungano?

17 Sezvatadzidza munyaya ino, vanhu havana kufanana. Tinofarira zvinhu zvakasiyana uye maonero atinoita zvinhu akasiyana. Asi izvozvo zvinhu zvakatonaka. Kusiyana kwatakaita ikoko ndiko kunoita kuti zvinhu zvitonakidza muungano. Saka pane kurega kusiyana kwatakaita ikoko kuchiita kuti tipesane, tinoita zvinhu zvinoita kuti pave nerugare. Hatiiti zvinhu zvinogumbura vamwe. Tinoremekedza zvinhu zvavanosarudza. Kana tikaita izvozvo, muungano munova nemufaro uye vanhu vanobatana.—Pis. 133:1; Mat. 5:9.

KUSHANDISA MAVHESI ANOTEVERA KUNOTIBATSIRA SEI KUTI TIREMEKEDZE MAONERO EVAMWE UYE ZVISARUDZO ZVAVANOITA?

  • Jakobho 4:12

  • VaGaratiya 6:1

  • 1 VaKorinde 4:6; 8:​12, 13

RWIYO 89 Teerera, Uzviite, Ukomborerwe

a Kana munhu achifunga kuenda kumariro kana kuti kumuchato uchaitirwa muchechi, ane zvakawanda zvaanofanira kufunga nezvazvo. Ona nyaya yakanzi, “Mibvunzo Inobva Kuvaverengi” iri muNharireyomurindi yaMay 15, 2002.

b Dzimwe nguva vakuru vanenge vachifanira kutonga munhu anenge aita chivi chakakura. Asi vanofanira kuyeuka kuti Jehovha akavapa basa rekutonga maererano nezvaanotaura muShoko rake kwete maererano nezvavanofunga ivo.—Enzanisa na2 Makoronike 19:6.

c Kuti uone mimwe mienzaniso yepaunogona kushandisa izvi, ona pfungwa 5 iri pachidzidzo 35, mubhuku raRarama Nekusingaperi Uchifara!

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe