MUNHU WEMUBHAIBHERI
Manaeni Aikoshesa Zvekunamata Kupfuura Zvimwe Zvinhu Zvese
Manaeni aiva mumwe wevanhu vaitungamirira muungano yemuAndiyoki uye “akadzidza pamwe chete naHerodhi mutongi weruwa.” (Mab. 13:1) Saka Manaeni anofanira kunge akakurira mumhuri yakanga yakapfuma uye akanga akadzidza chaizvo.
Kunyange zvakadaro, Manaeni akasarudza kuva muKristu uye aishanda nesimba muungano. Haana kushandisa dzidzo yake kana kuti kuzivana kwaaiita nevanhu vane masimba kuti azvitsvagire mukurumbira kana pfuma. Asi aishanda nesimba kubatsira hama nehanzvadzi dzake.
Zvakaitwa naManaeni zvinoratidza kuti kushumira Jehovha kunokosha kupfuura kuzvitsvagira mukurumbira kana pfuma. Tinodzidzei? Tinodzidza kuti tinofanira kukoshesa zvekunamata kupfuura zvimwe zvinhu zvese. (Mat. 6:33) Uyewo kunyange zvazvo tichikoshesa dzidzo, tinova “nechokwadi chekuti ndezvipi zvinokosha kupfuura zvimwe” uye hatiregi zvimwe zvinhu zvichititadzisa kunamata Jehovha.—VaF. 1:9, 10.