RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w26 May pp. 20-25
  • Ramba Uri Pedyo naJehovha Paunenge Uchiwedzera Dzidzo Yako

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ramba Uri Pedyo naJehovha Paunenge Uchiwedzera Dzidzo Yako
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2026
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • RAMBA UCHIITA ZVINHU ZVEKUNAMATA
  • ‘CHENGETEDZA MAFUNGIRO AKO’
  • SHANDISA NGUVA YAKO ZVAKANAKA
  • RAMBA UCHIFAMBA “NEVANHU VAKACHENJERA”
  • NYATSOGADZIRIRA
  • Kuita Zvisarudzo Zvakanaka Panyaya Yekuwedzera Dzidzo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2026
  • Teerera Mhinduro Dzemibvunzo Iyi
    Purogiramu yeGungano Redunhu reZvapupu zvaJehovha Nemutariri Wedunhu ra2025-2026
  • Zvininipise Uchibvuma Kuti Pane Zvimwe Zvinhu Zvausingazivi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
  • ‘Ramba Uchitevera’ Jesu Pashure Pekubhabhatidzwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2024
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2026
w26 May pp. 20-25

JULY 27–AUGUST 2, 2026

RWIYO 56 Ita Kuti Chokwadi Chive Chako

Ramba Uri Pedyo naJehovha Paunenge Uchiwedzera Dzidzo Yako

“Kusvikira patasvika tichienda mberi, ngatirambei tichifamba zvakanaka nenzira iyi.”—VAF. 3:16.

ZVATICHADZIDZA

Tichakurukura mazano 4 anobva muBhaibheri achakubatsira kuti urambe uri pedyo naJehovha kana ukasarudza kuwedzera dzidzo yako.

1-2. (a) Chii chaunofanira kuita kana ukasarudza kuwedzera dzidzo yako? (b) Mashoko ekuti ‘kuramba tichifamba zvakanaka nenzira iyi’ anorevei? (VaFiripi 3:16)

PAVANOPEDZA chikoro chinotarisirwa kuti munhu wese aite nehurumende, vamwe vashumiri vaJehovha vanosarudza kuwedzera dzidzo yavo. Vanoita izvozvo vachiitira kuti vakwanise kuwana basa rinovararamisa pavanenge vachishumira Jehovha. Kana wasarudza kuwedzera dzidzo yako, zvii zvaungaita kuti urambe uri pedyo naJehovha? (Jak. 4:8a) Kare pawaienda kuchikoro, wakatosangana nezvimwe zvinhu zvaigona kuita kuti utadze kuramba wakavimbika kuna Jehovha, asi wakazvikunda. Iye zvino pawava kuwedzera dzidzo yako, wava kufanira ‘kuramba uchifamba zvakanaka nenzira iyoyo,’ izvo zvinoreva kuti unofanira kuramba uchishumira Jehovha wakatendeka sezvawagara uchitoita.—Verenga VaFiripi 3:16.

2 Mashoko akashandurwa kuti ‘kuramba tichifamba zvakanaka nenzira iyi,’ aiwanzoshandiswa kureva masoja anenge achimacha pamwe chete akananga kwaari kuenda, asingamiri uyewo asingadzoke shure. Izvi ndizvo zvaunofanirawo kuita kana ukasarudza kuwedzera dzidzo yako. Uchafanira kuramba uchishumira Jehovha wakatendeka, usingamiri kana kudzoka shure. Nyaya ino ichakurukura mazano 4 anogona kukubatsira. Mazano aya wagara unotoaziva. Wakatomboashandisa uye uchafanira kuramba uchiashandisa paunenge uchiwedzera dzidzo yako uyewo pauchapedza chikoro.

RAMBA UCHIITA ZVINHU ZVEKUNAMATA

3. Chii chinogona kuitika paunenge uchiwedzera dzidzo yako?

3 Chinoita kuti zviome. Paunenge uchiwedzera dzidzo yako, unogona kuwandirwa nezvekuita. Nemhaka yekuti unenge uchida kupasa kuchikoro, unogona kutanga kusanyatsokoshesa kunamata Jehovha. Unogona kupedzisira usingachapindi misangano yese, usingachashingairi pakuparidza, usingachaverengi Bhaibheri mazuva ese uyewo usingachanyengeteri kakawanda.—Zvak. 2:4.

4. Chii chinogona kukubatsira kuti urambe uine “zvizhinji zvekuita mubasa raShe”? (1 VaKorinde 15:58)

4 Verenga 1 VaKorinde 15:58. Kuti bhasikoro rikwanise kuramba richienda kumberi, unotofanira kuramba uchirichovha. Ndizvo zvazvakaitawo panyaya yeushamwari hwedu naJehovha. Kuti tirambe tiine ushamwari hwakasimba naJehovha, tinotofanira kugara tichiita zvakawanda mubasa rake. Ndosaka Bhaibheri richitiudza kuti tigare tiine “zvizhinji zvekuita mubasa raShe.” Asi nyaya haisi pakuti taita nguva yakawanda sei tichiita mabasa iwayo. Iri pakuti tinoita mabasa iwayo nekuti ndiwo anonyanya kukosha muupenyu hwedu. Yeuka kuti kushumira Jehovha ndiko kunofanira kuva pekutanga muupenyu, kwete kuwedzera dzidzo. (Mat. 22:37) Imwe hanzvadzi inonzi Samantha yakati: “Ndakazviudza kuti kana zvechikoro zvikatanga kukanganisa kushumira kwandinoita Jehovha, ndaizosiyana nazvo.”

5. Zvii zvaungaita kuti urambe uchiita zvekunamata?

5 Zvaunogona kuita usati watanga kuwedzera dzidzo yako. Ziva kuti Jehovha ndiye anofanira kukosha kupfuura zvimwe zvese muupenyu hwako. Kuti Jehovha arambe ari pekutanga muupenyu hwako zvibvunze kuti, ‘Zvii zvandakaronga kuti ndizokwanisa kugara ndichigadzirira misangano uye kuipinda, kuparidza uyewo kuverenga Bhaibheri mazuva ese?’ (Josh. 1:8; Mat. 28:​19, 20; VaH. 10:25) Fungawo zvawaiita pawaienda kuchikoro. Zvii zvawakaita kuti ukwanise kuramba uchiita zvinhu izvi? Kana uchiona sekuti pane paunofanira kugadzirisa, ndezvipi zvaungagadzirisa iye zvino? Gara wazviudza kuti ucharamba uchiita zvekunamata paunenge uchiwedzera dzidzo yako. Zvinokosha kuti ubudirire pakudzidza kwauri kuita asi haufaniri kuzosvika pekuti unenge usisina nguva kana kuti simba rekushumira Jehovha.a—Mat. 6:24.

6. Zvii zvaunofanira kufunga nezvazvo paunenge uchizviongorora? (Onawo mufananidzo.)

6 Paunenge watanga kuwedzera dzidzo yako, zvipe nguva yekuzviongorora mwedzi wega wega kuti Jehovha achiri kukosha kupfuura zvimwe zvese muupenyu hwako here. Pane zvimwe zvinhu zvinogona kukuratidza kuti zvinhu hazvisisina kumira zvakanaka. Semuenzaniso, unogona kunge wava kurovha misangano kana kuti uchinonoka kusvika, kana kuti panenge pachiitwa misangano pfungwa dzako dzinenge dzitori pazvinhu zvekuchikoro kana kuti unogona kunge wava kungopindira misangano pafoni. Unogonawo kuzvibvunza kuti: ‘Ndichiri kunyengetera kakawanda sezvandaimboita here? Ndichiri kuverenga Bhaibheri mazuva ese here? Pandinoenda kunoparidza, ndinongoenda nekuti ndizvo zvandinofanira kuita here? Uye pandinoenda pacho, ndinongoenda nguva diki diki ndobva ndatodzoka here?’ Kana ukaona kuti hauchanyatsoiti zvakanaka panyaya idzi, kurumidza kugadzirisa. Usarega kuwedzera dzidzo kwauri kuita kuchikutadzisa kuramba uchikoshesa Jehovha kupfuura zvimwe zvinhu zvese muupenyu hwako.

Imwe hama iri kunyatsodzidza imwe nyaya iri muNharireyomurindi. Iri kuvhura mavhesi arimo ichiaverenga.

Usarega kuwedzera dzidzo kwauri kuita kuchikutadzisa kuramba uchikoshesa Jehovha kupfuura zvimwe zvinhu zvese muupenyu hwako (Ona ndima 6)


‘CHENGETEDZA MAFUNGIRO AKO’

7. Mafungiro ako anogona kukanganiswa sei paunenge uchiwedzera dzidzo yako?

7 Chinoita kuti zviome. Zvichienderana nekuti uri kuita kosi ipi, dzimwe nguva unogona kudzidziswa “uchenjeri hwenyika neunyengeri husina zvahunobatsira.” (VaK. 2:8) Izvi zvinoreva kuti unogona kudzidziswa zvinhu zvisingapindirani nezvinotaurwa neBhaibheri zvakadai sezviya zvekuti hakuna Mwari kana kuti vanhu havana kusikwa. Unogonawo kudzidziswa kuzvivimba pane kuti uvimbe naJehovha. Imwe hama yechidiki yakawedzera dzidzo yayo yakati: “Takadzidziswa maitirwo ebasa racho. Asi pavaitidzidzisa pacho, zvimwe zvinhu zvavaitaura zvaiita kuti tipedzisire tava nemafungiro asingaenderani neaJehovha. Semuenzaniso, takadzidziswa kuti kana tichida kubudirira muupenyu, zvinobva pakushanda nesimba kwako iwe pachako semunhu. Izvi zvakaita kuti ndipedzisire ndava kuona sekuti ndinogona kufara muupenyu pasina Jehovha uye zvakaita kuti zvindiomere kuvimba naye.”

8. Nei zvichikosha kuti “uchengetedze mafungiro ako”? (Zvirevo 5:​1, 2)

8 Verenga Zvirevo 5:​1, 2. Bhaibheri rinotaura kuti unofanira ‘kuchengetedza mafungiro ako.’ Kazhinji kana chimwe chinhu chichichengetedzwa, panenge paine mumwe munhu ari kuda kuchiba kana kuchikanganisa. Izvi ndizvo zviri kuitwa naSatani nenyika yake. Anogara achiedza kukanganisa mafungiro ako. (1 Pet. 5:8) Vanhu vari munyika vane maonero avanoita zvinhu. Asi maonero iwayo haaenderani nezvinodzidziswa naJehovha muBhaibheri. Semuenzaniso, zvinhu zvinonzi naJehovha zvakaipa, ivo vanozviti zvakanaka. Jehovha anotiudza kuti zvinhu zvakasikwa, asi ivo vanoti hazvina. Vamwe vanotosvika pakutaura kuti hakuna Mwari. Saka kana ukasachengetedza mafungiro ako, unopedzisira watova nemafungiro akafanana neevanhu vari munyika. Vanhu vanogonawo kuita kuti ufunge kuti kana ukava nemaonero avo, unenge wakachenjera. Asi chokwadi ndechekuti, “uchenjeri hwenyika ino upenzi kuna Mwari.”—1 VaK. 3:​18-20.

9. Zvii zvaungaita kuti uchengetedze mafungiro ako?

9 Zvaunogona kuita usati watanga kuwedzera dzidzo yako. Kuti uchengetedze mafungiro ako, nyatsodzika midzi pane zvaunotenda usati watanga kuwedzera dzidzo yako. Unogona kuzvibvunza mibvunzo yakadai seyekuti: ‘Nei ndichitenda kuti Mwari ariko? Ndinoziva sei kuti Bhaibheri iShoko rake? Chii chinoita kuti ndinyatsobvuma kuti zvinodzidziswa neBhaibheri zvakanaka uye zvinobatsira kupfuura zvinodzidziswa nevanhu?’ Uyewo funga pawaienda kuchikoro. Pawaidzidziswa zvinhu zvinopesana nemafungiro aMwari waiita sei? Pawaiona vamwe vachibvuma kuti zvinhu hazvina kuita zvekusikwa, zvakakukanganisa here? Pawaiona vawaidzidza navo vachiita zvakaipa, zvaikuomera here kuti usabatane navo? Kana uchiona sekuti pane paunofanira kugadzirisa pane zvawakaita kare, zvii zvaungaita iye zvino kuti unyatsosvika pakubvuma kuti zvinodzidziswa neBhaibheri ndezvechokwadi uye zvakakunakira? Gara wazviudza kuti hausi kuzorega chero chii zvacho chichikanganisa mafungiro ako paunenge uchiwedzera dzidzo yako.—2 Tim. 2:​16-18.b

10. Paunenge wava kuwedzera dzidzo yako, zvii zvaungaita kuti urambe uchichengetedza mafungiro ako?

10 Paunenge wava kuwedzera dzidzo yako, gara uchizviongorora. Unogona kuzvibvunza kuti: ‘Ndinoita sei pandinoona vanhu vachiita zvinhu zvandinoziva kuti zvakaipa? Ndava kutanga here kuona sekuti hazvina hazvo kunyanya kuipa nekuti ndizvo zvinongoitwa nemunhu wese? Pandinodzidziswa zvimwe zvinhu zvisingapindirani nezvinodzidziswa neBhaibheri, ndinokwanisa kunyatsozviona here kuti apa ndava kunyeperwa? Ndinonyatsobvuma here kuti Umambo hwaMwari chete ndihwo huchagadzirisa matambudziko ese ari panyika?’ Kuti ukwanise kuchengetedza mafungiro ako, unofanira kuramba uchidzidza Bhaibheri, wofunga kuti zvauri kudzidza ungazvishandisa sei muupenyu hwako uye wobva wazvishandisa. Izvozvo zvichakubatsira kuti unyatsova nechokwadi chekuti zvinhu zvinodzidziswa neBhaibheri ndezvechokwadi.—1 Tim. 4:15.

SHANDISA NGUVA YAKO ZVAKANAKA

11. Paunenge uchiwedzera dzidzo yako, chii chinogona kuita kuti zviome kushandisa nguva yako zvakanaka?

11 Chinoita kuti zviome. Paunenge uchiita zvinhu zvekuchikoro zvinogona kukutorera nguva yako yakawanda. Unogona kugara wakabatikana kunyanya paya paunenge uine bvunzo kana kuti paunenge uine zvimwe zvekuchikoro zvinoda kuitwa nenguva. Kana ukasaronga nguva yako zvakanaka, pfungwa dzako dzinogona kugara dzisina kugadzikana uye unogona kugara wakangoparara nekuneta. Ndosaka zvichikosha kuti uzvipewo nguva yekuita zvinhu zvinochengetedza utano hwako.

12. Zvinhu zvipi zvauchafanira kuwanira nguva? (VaEfeso 5:​15, 16)

12 Verenga VaEfeso 5:​15, 16. Zvinogona kukuomera kuti ‘ushandise nguva yako nekuchenjera’ nekuti unenge uine zvinhu zvakawanda zvekuita. Semuenzaniso, unenge uchida nguva yekuti uite zvekuchikoro asi chinotonyanya kukosha kupfuura zvimwe zvese, kuwana nguva yekuita zvinhu zvichaita kuti urambe uri pedyo naJehovha. (Mat. 6:33) Zvinokoshawo kuti uwane nguva yekuva pamwe chete nehama nehanzvadzi dzako uyewo vanhu vemumhuri mako. (Pis. 133:1; Zvir. 18:1) Unogonawo kunge uine mamwe mabasa aunotarisirwa kuti uite pamba uye pamwe pacho unenge uchitoenda kubasa. Uye unodawo nguva yekuita zvinhu zvinochengetedza utano hwako, zvakadai sekuzorora zvakakwana uyewo kuita maekisesaizi. (Mup. 4:6; 1 Tim. 4:8) Zvese izvozvo zvinoda kuti uronge nguva yako zvakanaka.

13. Zvii zvaungaita kuti ushandise nguva yako zvakanaka?

13 Zvaunogona kuita usati watanga kuwedzera dzidzo yako. Bhaibheri rinotaura kuti kana munhu akaronga zvinhu zvake zvakanaka anobudirira. (Zvir. 21:5) Saka usati watanga kuwedzera dzidzo yako, gara wanyatsoronga zvakanaka kuti uchashandisa sei nguva yako. Kuti ukwanise kuita izvozvo, funga zvawaiita pawaienda kuchikoro. Unogona kuzvibvunza kuti: Ndaikwanisa kunyatsoronga nguva yangu zvakanaka here zvekuti ndaikwanisa kuita zvinhu zvese zvinokosha? Kana uchiona sekuti pane paunofanira kugadzirisa pane zvawaiita kare, zvii zvaungagadzirisa iye zvino? Gara wanyatsoronga nguva yako zvakanaka kuitira kuti usazoona sekuti unongogara wakawandirwa nezvekuita nguva dzese.c

14. Mibvunzo ipi yaunogona kuzvibvunza paunenge uchizviongorora?

14 Paunenge uchiwedzera dzidzo yako, gara uchizviongorora kuti uri kushandisa nguva yako zvakanaka here. Unogona kuzvibvunza kuti: ‘Ndakaronga nguva yangu zvekuti ndinokwanisa kuwana nguva yakakwana yekuzorora uyewo kuita maekisesaizi here? Ndichiri kukwanisa kuwana nguva yekutandara nehama nehanzvadzi dzangu dzemuungano here? Ndiri kukwanisa kupedza nenguva zvinhu zvekuchikoro zvandinenge ndanzi ndiite here? Kana ndiri kutadza kuita zvinhu izvi, inyaya here yekuti ndiri kuwandirwa nezvekuita kana kuti ndinoverengera kuita zvinhu? Hama neshamwari dzangu dzinoona sekuti pane pandinofanira kugadzirisa here pamashandisiro andiri kuita nguva yangu?’ Kana ukaona kuti pane paunofanira kugadzirisa pamarongero auri kuita nguva yako kana kuti ukaona kuti unofanira kuwedzera kushanda nesimba kuti uite zvaunenge wakaronga, kurumidza kugadzirisa. Unogonawo kutaura nevamwe vanoshandisa nguva yavo zvakanaka kuti vakupewo mazano.—Zvir. 11:14.

RAMBA UCHIFAMBA “NEVANHU VAKACHENJERA”

15. Paunenge uchiwedzera dzidzo yako, idambudziko ripi raunogona kusangana naro?

15 Chinoita kuti zviome. Paunenge uchiwedzera dzidzo yako, vanhu vaunodzidza navo vanogona kuda kuti mumbopota muchitandara mese. Unogona kunzwa uchida kubatana navo nekuti unoswera navo kuchikoro uye munogona kunge muri vezera rimwe chete uye muchifarira zvinhu zvakafanana. Unogona kutoona sekuti unonyanya kunzwanana nevanhu vaunodzidza navo kupfuura dzimwe hama nehanzvadzi dziri muungano mako. Asi unofanira kungwarira. Kunyange zvazvo muine zvakawanda zvamunonzwanana nevanhu vaunodzidza navo, unofanira kuziva kuti makasiyana nekuti iwewe unoda kufadza Jehovha asi ivo havadi. Saka kana ukaita nguva yakawanda uinavo, mafungiro avo anogona kukukanganisa. (1 VaK. 15:33) Imwe hama inonzi Michael yakaita makore 4 ichidzidzira zvemagetsi pane imwe kambani. Yakati: “Vhiki rega rega ndaifanira kushanda nevanhu vaitaura mashoko asingaiti, vaiteerera mimhanzi isina kukodzera kuti vaKristu vateerere uye vaisaremekedza vanhukadzi. Nekufamba kwaiita nguva, ndakatanga kuona sekuti zvavaiita zvakanga zvisina hazvo kunyanya kuipa.”

16. Mashoko ekuti ‘kufamba nevanhu vakachenjera’ anorevei? (Zvirevo 13:20)

16 Verenga Zvirevo 13:20. Bhaibheri rinotiyambira kuti kana tikashamwaridzana nevanhu vakaipa, zvinhu hazvitifambiri zvakanaka. Asiwo rinotiudza kuti: “Munhu anofamba nevanhu vakachenjera achava akachenjera.” Izvi zvinotidzidzisa kuti vanhu vatinosarudza kushamwaridzana navo, vanogona kuita kuti zvinhu zvitifambire zvakanaka kana kuti vanogona kutotikanganisa. Saka shamwaridzana nevanhu vanoda Jehovha nemwoyo wese sezvaunoita uye vanoda kuti zvinhu zvikufambire zvakanaka.—Pis. 101:​6, 7; 119:63.

17. Zvii zvaungaita kuti usashamwaridzana nevanhu vakaipa?

17 Zvaunogona kuita usati watanga kuwedzera dzidzo yako. Gara wasarudza kuti ushamwari hwako nevanhu vaunodzidza navo huchagumira papi. Imwe hama inonzi Trenton yakati: “Ndinotaura zvakanaka nevanhu vandinodzidza navo uye ndinovabata zvakanaka, asi ushamwari hwedu hunoperera kuchikoro ikoko. Ndinongovaona sevanhu vandinodzidza navo, kwete seshamwari dzangu dzepedyo.” Ko iwe zvii zvauchaita kuti usazoita nguva yakawanda uine vanhu vaunodzidza navo kana kuva neushamwari hwepedyo navo? Kuti ukwanise kupindura mubvunzo iwoyo, funga kuti wakazvigona sei pawaienda kuchikoro. Kana uchiona sekuti pane paunofanira kugadzirisa pane zvawakaita kare, zvii zvaunofanira kugadzirisa iye zvino? Gara wazviudza kuti ucharamba ‘uchifamba nevanhu vakachenjera’ uye kuti hausi kuzomboshamwaridzana nevanhu vasingadi Jehovha.d

18. Mibvunzo ipi yaunogona kuzvibvunza paunenge uchizviongorora? (Onawo mufananidzo.)

18 Paunenge uchienda kuchikoro, pota uchizviongorora. Unogona kuzvibvunza kuti: ‘Ndava kunyanya kushamwaridzana nevanhu vandinodzidza navo here? Ndava kutevedzera matauriro avo, maitiro avo nemafungiro avo here? Jehovha nekundiziva kwaanoita uye nezvaari kuona, anobvumirana here nemhinduro dzandapa?’ (Pis. 1:1) Kana ukaona kuti pane paunofanira kugadzirisa, kurumidza kugadzirisa. Ingoshamwaridzana nevanhu vanoda Jehovha sezvaunoita. Uyewo usazeza kuparidzira vanhu vaunodzidza navo. Sezvo vachitokuziva uye uchiswera navo kuchikoro, une mukana wekuti uvaudze nezvaJehovha uyewo zvinodzidziswa neBhaibheri.

Imwe hanzvadzi iri kuratidza mumwe wainodzidza nayo turakiti rakanzi “Mwari Anofadzwa Nezvitendero Zvese Here?”

Usazeza kuparidzira vanhu vaunodzidza navo (Ona ndima 18)e


NYATSOGADZIRIRA

19. Zvii zvaungaita kuti usakanganisa ushamwari hwako naJehovha paunenge uchiwedzera dzidzo yako? Taura muenzaniso.

19 Ngatitii munhu ari kuda kuita rwendo rwakareba netsoka asi achipfuura nemusango. Kunyange zvazvo asingazivi zvese zvaachasangana nazvo parwendo rwake, anonyatsogadzirira. Anotanga anyatsoona kuti ane simba rekufamba rwendo rwacho here, akapfeka zvakakodzera here uye anofanira kunge achinyatsoziva kwaari kuenda. Izvi ndizvo zvaunofanirawo kuita paunenge uchiwedzera dzidzo yako. Ita kuti ushamwari hwako naJehovha hurambe hwakasimba. Pfeka “zvipfeko zvakakwana zvemurwi zvinobva kuna Mwari,” uye yeuka chikonzero nei uri kuda kuwedzera dzidzo yako. Chinangwa chako hachisi chekuti uite mari yakawanda kana kuti uve nemukurumbira munyika asi ndechekuti ufadze Jehovha pane zvese zvaunoita.—VaEf. 6:​11-13; 1 VaK. 9:​26, 27; 10:31.

20. Unoramba ‘uchizviedza sei kuti uone kana uri pakutenda’?

20 Bhaibheri rinotikurudzira kuti: “Rambai muchizviedza kuti muone kana muri pakutenda; rambai muchizviedza kuti makamira sei.” (2 VaK. 13:5) Unozviita sei izvozvo paunenge uchiwedzera dzidzo yako? Unogona kugara uchizviongorora pazvinhu zvatakurukura munyaya ino. Uri kuramba uchiita zvinhu zvekunamata here? Uri kuchengetedza mafungiro ako kuti asakanganiswa nemafungiro enyika here? Uri kushandisa nguva yako nekuchenjera here? Uri kushamwaridzana nevanhu vanoda Jehovha here? Uri kungwarira kuti usashamwaridzana nevanhu vakaipa here? Unofanira kuzvibvunza mibvunzo iyi pasinei nekuti uri kuenda kuchikoro, kubasa kana kuti une zvimwewo zvauri kuita muupenyu. Pasinei nemamiriro ako ezvinhu, ita kuti urambe uri pedyo naJehovha. Kana ukaita izvozvo Jehovha achaita kuti zvinhu zvikufambire zvakanaka.—Zvir. 3:​5, 6.

USATI WATANGA KUWEDZERA DZIDZO YAKO, ZVII ZVAUNGAITA KUTI UZOKWANISA . . .

  • kuramba uchiita zvinhu zvekunamata?

  • ‘kuchengetedza mafungiro ako’?

  • kushandisa nguva yako zvakanaka uyewo kuti usashamwaridzana nevanhu vakaipa?

RWIYO 87 Uyai Muzorodzwe!

a Kuti uone mamwe mazano anogona kukubatsira kuti urambe uchishumira Jehovha, ona nyaya iri pajw.org yakanzi “Vechidiki Vanobvunza Kuti . . . Zvii Zvandinofanira Kuzoita Kana Ndabhabhatidzwa?—Chikamu 1: Ramba Uchiita Zvakanaka.”

b Kuti uwane mamwe mazano anogona kukubatsira kuti uchengetedze pfungwa dzako, ona nyaya yakanzi “Usanyengerwa ‘Neuchenjeri Hwenyika Ino’” iri muNharireyomurindi yaMay 2019.

c Kuti uwane mamwe mazano anogona kukubatsira kuti uronge nguva yako zvakanaka, ona nyaya iri pajw.org yakanzi “Vechidiki Vanobvunza Kuti . . . Ndingashandisa Sei Nguva Yangu Zvakanaka?”

d Kuti uwane mamwe mazano anogona kukubatsira kuti usarudze shamwari zvakanaka, ona chidzidzo 48 mubhuku raRarama Nekusingaperi Uchifara! chine musoro wakanzi “Sarudza Shamwari Nekuchenjera.”

e KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Imwe hanzvadzi iri kuita kosi yekudzidzira kugadzira musoro. Iri kuparidzira mumwe wainodzidza nayo.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe