JUNE 22-28, 2026
RWIYO 90 Kurudziranai
Tevedzera “Mwari Wekunyaradza Kwese”
“Nyaradza vamwe . . . nekunyaradzwa kwatinoitwa naMwari.”—2 VAK. 1:4.
ZVATICHADZIDZA
Tichaongorora kuti tingatevedzera sei zvinoitwa naJehovha kuti anyaradze vamwe uye tichaonawo zvatinogona kudzidza pane vaya vanotevedzera Jehovha pakunyaradza vamwe.
1. Nei tichifanira kunyaradza vamwe?
TESE tinosangana ‘nemiedzo kana kuti matambudziko akasiyana-siyana.’ Saka dzimwe nguva tinenge tichida kunyaradzwa. (1 Pet. 1:6) Vamwe pavanotinyaradza zvinoita kuti tifare. Saka patinongoona kuti mumwe munhu ari kuda kunyaradzwa, tinobva tatomunyaradza. (Mat. 7:12) Jehovha ‘ndiMwari wekunyaradza kwese,’ uye anotiratidza zvatingaita “kuti tikwanise kunyaradza vamwe pamatambudziko avo ese.” Tinogona kumutevedzera nekunyaradzawo vamwe. (2 VaK. 1:3, 4; 1 VaT. 4:18) Tinonyaradza hama nehanzvadzi dzedu nekuti tinodzida, kwete nekuti ndizvo zvatinotarisirwa kuita sevaKristu. Saka munyaya ino tichakurukura kuti (1) shoko rekuti kunyaradza rinotsanangurwa sei muBhaibheri, (2) zvii zvatingaita kuti tinyaradze vamwe, uye (3) zvii zvatingaita kana tiri isu tiri kuda kunyaradzwa.
MATSANANGURIRWO ANOITWA SHOKO REKUTI KUNYARADZA MUBHAIBHERI
2. MuBhaibheri shoko rekuti kunyaradza rinorevei?
2 MuBhaibheri, shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti kunyaradza rinogona kureva zvinhu zvakasiyana-siyana. Rinogona kureva kukurudzira mumwe munhu kuti aite chimwe chinhu kana kuti kuudza mumwe munhu zvinhu zvinoita kuti asare achinzwa zviri nani. (VaR. 12:8) Shoko racho rechiGiriki rinorevawo kuti “kumira pedyo nemumwe munhu.” Saka izvi zvinogona kuita kuti tifunge zvinoitika munhu paanosangana nedambudziko kana kuti paanenge akaomerwa, mumwe munhu ouya achimira naye kuti amubatsire. Pasinei nekuti amubatsira sei, munhu anga achinyaradzwa uyu anosara asimbiswa uye achinzwa zviri nani.
3. Tinodzidzei kubva kuna Bhanabhasi? (Onawo mufananidzo.)
3 Tine zvatinodzidza nezvenyaya yekunyaradza kubva pane mumwe muKristu ainzi Josefa anotaurwa muBhaibheri. Murume uyu aigara achikurudzira uye achinyaradza vamwe zvekuti vaapostora vakazomutumidza kuti Bhanabhasi, zvinoreva kuti “Mwanakomana Wekunyaradza.” (Mab. 4:36) Zita iri rainyatsoenderana naye zvekuti muBhaibheri hapana pamwe patinozombonzwa achishevedzwa nezita rake rekuti Josefa. Bhaibheri rinotiudza kuti Bhanabhasi aigara achibatsira hama dzake pese padzaida rubatsiro. Pamwe pacho ndepaya paakabatsira murume akanga achangobva kutendeuka ainzi Sauro. Sauro akauya kuJerusarema uye aida kuonana nevadzidzi, asi vanhu vakawanda vaimutya nemhaka yekuti aimbotambudza vaKristu. Asi Bhanabhasi haana kunyara kubatsira Sauro. Akamutora akaenda naye kuvaapostora.—Mab. 9:26-28.
Bhanabhasi aigara achinyaradza vamwe (Ona ndima 3)
ZVAUNGAITA KUTI UNYARADZE VAMWE
4. Zvii zvatinofanira kuita kuti tinyaradze vamwe? (VaRoma 1:11, 12)
4 Vashanyire kana zvichiita. Jehovha anoshandisa vashumiri vake kuti vanyaradze vamwe. Muprofita Eriya paakanga akaora mwoyo, Jehovha akatuma ngirozi yake kuti imukurudzire. (1 Madz. 19:4-7) Muapostora Pauro aiziva kuti kana akashanyira hama dzake, zvaizovapa mukana wekuti vakurudzirane. (Verenga VaRoma 1:11, 12.) Paunoshanyira mumwe munhu nyatsowana nguva yakakwana yekuti usiye wamunyaradza. (1 VaK. 16:7) Asi kana usingakwanisi kuenda kunomuona, une zvimwe zvaunogona kuita kuti umukurudzire. Unogona kumufonera, kunyora tsamba, kunyora kadhi kana kuti kumunyorera meseji. Kana ukabvuma kubatsira hama nehanzvadzi dzako, Jehovha anenge achitokushandisa kuti udzinyaradze.
5. Chii chinogona kuita kuti zvitiomere kunyaradza hama nehanzvadzi dzedu?
5 Mazuva ano ekupedzisira zvaari kuramba achiwedzera kuoma, zvinogona kutiomerawo kuti tishanyire hama nehanzvadzi dzedu kuti tidzinyaradze. Tinogona kudzidza kubva pane zvakaitwa naOnesiforasi uyo aibva kuEfeso. Pauro paakanga akasungwa muRoma, Onesiforasi aida kuenda kunomunyaradza. Saka Onesiforasi akamutsvaga kunyange zvazvo aiziva kuti zvaigona kuita kuti iye wacho asungwe kana kuti atourayiwa. (2 Tim. 1:16-18) Hama nehanzvadzi dzedu dzekuRussia ndizvo zvadziri kuitawo paya panosungwa vamwe vavo. Kana mumwe muKristu akaendeswa kudare kuti anotongwa, hama nehanzvadzi dzedu dzinoendawo ikoko kuti dzinomutsigira kunyange zvazvo vachiziva kuti zvinogona kutoita kuti ivo vasungwe. Ko iwewe, zvii zvaunofanira kuita kuti uzoziva zvekuita pakunyaradza hama nehanzvadzi dzako? Unogona kuverenga nyaya dzevashumiri vaJehovha vemazuva ano kana kuti vekare, woona kuti zvii zvavakaita kuti varambe vachifara pavaitambudzwa uye kuti zvii zvavaiitawo kuti vanyaradze vamwe vavo.
6. Zvii zvatinogona kuita kuti titevedzere Jehovha pakunyaradza vamwe? (Onawo mufananidzo.)
6 Vateerere. Muprofita Eriya paaitya kuti anogona kuurayiwa, akanyengetera kuna Jehovha achitaura zvaiva pamwoyo pake. Nemhaka yekuti Jehovha ane rudo, akanyatsoteerera Eriya paaitaura zvaimunetsa kunyange zvazvo akanga agara achitozviziva. Jehovha akaramba achingomuteerera kunyange paairamba achingodzokorora zvimwe zvinhu zvaakanga ambotaura. (1 Madz. 19:9, 10, 14) Muprofita Habhakuki paaiudza Jehovha zvaimunetsa uye pamwe pacho achitaura kunge asiri kunyatsoremekedza Jehovha, Jehovha akangoramba achimuteerera. Haana kumbomutsamwira. (Hab. 1:2, 3) Jehovha haana kumbochinja. Mazuva ano anonyatsoteerera minyengetero yedu kunyange zvavo achinyatsoziva zvatinoda. Nesuwo tinogona kutevedzera Jehovha nekunyatsoteerera hama nehanzvadzi dzedu padzinenge dzichitaura zviri kuvanetsa. Tinozviita sei izvozvo? Hatifaniri kuvadimburira pavanenge vachitaura zviri pamwoyo pavo. Kunyange kana vakataura zvisiri izvo, hatifaniri kuvatsamwira. Uye kana vakaramba vachingodzokorora zvavambotaura, tinofanira kungoramba tichivateerera.—Jak. 1:19; Mup. 7:9.
Tevedzera Jehovha nekunyatsoteerera hama nehanzvadzi dzako padzinenge dzichitaura (Ona ndima 6)
7. Zvii zvaungaita kuti uzive kuti ungabatsira sei mumwe munhu anenge asangana nematambudziko?
7 Edza kuona kuti munhu wacho anoda kubatsirwa sei. Jehovha anoona zviri mumwoyo, asi isusu hatikwanisi kudaro. Saka kuti tinyatsoziva kuti tinganyaradza sei mumwe munhu, tinofanira kunyatsomuteerera paanenge achitaura. Haufaniri kufungidzira kuti zvawaizoda kuitirwa iwewe kudai uri mudambudziko raari kusangana naro ndizvo zvaari kuda kuitirwawo. Vanhu havafanani. Saka unofanira kunyatsoteerera munhu wacho paanenge achitaura, womubvunza mibvunzo inokubatsira kuona kuti zvii zvaungaita kuti umubatsire.—Zvir. 20:5.
8. Jesu akanyaradza sei Marita naMariya pavakafirwa naRazaro? (Onawo mifananidzo.)
8 Fungawo zvakaitwa naJesu paainyaradza Marita naMariya pavakafirwa nehanzvadzi yavo Razaro. Vakadzi ava vairwadziwa nekufirwa kwavakanga vaitwa asi Jesu akavanyaradza zvakasiyana. Marita paakauya kuna Jesu, Jesu akataura naye nezvenyaya yekumutswa kwevakafa uye akamubatsira kuti awedzere kutenda kwake muvimbiso iyoyo. Asi Mariya paakazouya achichema, Jesu haana kutombotaura nezvekumutswa kwevakafa, asi akachema naye uye akatobvunza kuti Razaro akanga avigwa kupi. (Joh. 11:20-35) Izvi zvinotidzidzisei? Tinodzidza kuti vanhu havafanani. Zvatinoita pakunyaradza mumwe munhu zvinogona kusiyana nezvatinoita pakunyaradza mumwewo.
Paunenge uchinyaradza vamwe edza kunyatsonzwisisa kuti zvii zvavari kuda kubatsirwa nazvo (Ona ndima 8)a
9. Tinoshandisa sei Bhaibheri pakunyaradza vamwe? (VaRoma 15:4, 5)
9 Shandisa Bhaibheri. Kana tikashandisa Magwaro pakubatsira munhu, zvinogona kuita kuti ave netariro. (Verenga VaRoma 15:4, 5.) Tariro iyoyo inomunyaradza nekuti inoita kuti azive kuti Jehovha anomuda uye kuti achamubatsira. (Isa. 40:31) Asi ungawana kupi mavhesi ekuti ushandise pakunyaradza mumwe munhu? Dzimwe hama nehanzvadzi dzinowanzonyora pasi mavhesi ekuzoshandisa pakunyaradza vamwe. Unogona kutsvaga mavhesi akadaro mubhuku rinonzi Magwaro Anobatsira Pakurarama kwechiKristu pamusoro wakanzi “Kunyaradza.” Uyewo nyengetera kuna Jehovha kuti akubatsire kushandisa Shoko rake zvakanaka paunenge uchida kunyaradza mumwe munhu. Anogona kukupa mweya wake mutsvene kuti ukubatsire kuyeuka mavhesi aunoda pakunyaradza vamwe.—Joh. 14:26.
10. Nei tichifanira kutaura zvakanaka patinenge tichiedza kukurudzira vamwe?
10 Taura zvakanaka. Dzimwe nguva kuti tikwanise kunyaradza vamwe vanhu, tinenge tichifanira kutovabatsira kuti vachinje maonero avari kuita dambudziko ravo. Saka tinofanira kutanga tanyatsofunga tisati tataura navo. Chinangwa chedu ndechekuti vasare vachinzwa zviri nani kwete kuti vatowedzera kuora mwoyo nemhaka yezvatinenge tataura. (Zvir. 12:18) Tinogona kutevedzera zvakaitwa naJehovha paaibatsira Eriya. Eriya aifunga kuti ndiye ega akanga asara achiri kushumira Jehovha. Uye aiona sekuti kushanda kwaaiita nesimba semuprofita hakuna zvakwakanga kwabatsira. Jehovha akabatsira Eriya kuti achinje maonero ake asi haana kuita kuti muprofita wacho asare achinzwa aine mhosva. (1 Madz. 19:15-18) Nesuwo tinogona kutevedzera zvakaitwa naJehovha kana tikataura nehama nehanzvadzi dzedu zvakanaka uye tikatanga tafunga tisati tataura. Paunenge uchipa hurukuro kana kuti uchipindura pamisangano yeungano, gara uchitaura zvinhu zvakanaka uye zvinokurudzira zvinosimbisa hama nehanzvadzi dzako.
11. Zvii zvimwe zvatinogona kuita kuti tibatsire vaya vanenge vari mumatambudziko? (1 Johani 3:18)
11 Batsira vamwe nezvavanenge vachida. Vamwe pavanenge vari mumatambudziko hatifaniri kungogumira pakuvaudza mashoko anonyaradza. Asi pamwe pacho tinenge tichitofanira kuvabatsira nezvavanenge vachida. (Verenga 1 Johani 3:18.) Izvi ndizvo zvakaitwa naBhanabhasi. Akatengesa munda wake akapa mari yacho kuti ibatsire hama nehanzvadzi dzakanga dzichangobva kubhabhatidzwa dzaitambudzika. (Mab. 4:36, 37) VaKristu vakawanda mazuva ano vanotevedzera zvakaitwa naBhanabhasi. Vanoedza kubatsira hama nehanzvadzi dzavo vachidzipa zvavanoda. Mumwe muKristu anonzi Gabriela, wekuPoland, akarwadziwa chaizvo imba yake payakakanganiswa nemafashamo zvekuti yakanga isingachagariki. Akataura kuti: “Ndaigara nevabereki vangu uye tese tainetseka zvisingaiti. Ndaishaya kuti taizogadzirisa sei imba yacho. Asi hama dzemuungano dzepedyo dzakauya dzikaswera dzichigadzirisa imba yedu. Zvakaitika izvi zvakasimbisa kutenda kwandinoita kuti Jehovha ari kutungamirira vanhu vake kuti anyaradze vaya vanenge vari mumatambudziko.”
12. Zvii zvaunogona kuita kuti ubatsire vamwe vaKristu kuti varambe vakatendeka?
12 Ramba uchishumira Jehovha wakatendeka. Pauro akaudza vaTesaronika kuti paakanzwa nezvekuti vari kuramba vachishumira Jehovha vakatendeka zvaitomunyaradza uye zvaimupa simba rekuti arambe achishumira Jehovha. Pauro akanga ashanda nesimba kuti avabatsire. Saka paainzwa kuti vachiri kungoramba vachishumira Jehovha zvaimukurudzira zvikuru. (1 VaT. 3:5-8) Uye Pauro aiziva kuti kana akaramba akatendeka kuna Jehovha pasinei nematambudziko aaisangana nawo, zvaitozokurudzirawo hama nehanzvadzi dzake kuti dzirambe dzakatendeka. (VaK. 2:1, 2) Nesuwo kana vamwe vaKristu vakaona kuti Jehovha ari kutibatsira sei kuti tirambe takatendeka pasinei nematambudziko atiri kusangana nawo, zvinotovakurudzirawo. Zvinoita kuti vazive kuti Jehovha achavabatsirawo kuti vatsungirire.
13. Chii chatinofanira kuyeuka patinenge tichinyaradza vamwe?
13 Iva nemwoyo murefu. Patinonyaradza hama nehanzvadzi dzedu dzinenge dzakaora mwoyo, zvinogona kutora nguva kuti vatange kunzwa zviri nani. Ndokusaka Magwaro achitikurudzira kuti ‘tirambe tichikurudzirana.’ Mashoko ekuti “rambai muchikurudzirana” anoratidza kuti izvi hazvisi zvinhu zvinongoitika kamwe chete. (1 VaT. 5:11) Saka tinofanira kuva nemwoyo murefu patinenge tichiedza kunyaradza vaya vanenge vakaora mwoyo. (1 VaT. 5:14) Asi dzimwe nguva isu vacho tinogona kunge tichidawo kunyaradzwa. Pakadaro zvii zvatinofanira kuita kuti tinyaradzwe?
PAUNENGE UCHIDA KUNYARADZWA
14-15. Zvii zvatinofanira kuita patinenge takaora mwoyo?
14 Nyengetera kuna Jehovha. Kumbira Jehovha kuti akunyaradze paunenge wakaora mwoyo. (Pis. 94:19) Nyengetera kwaari uchinyatsodonongodza zvese zviri kukunetsa. (Pis. 62:8) Jehovha agara hake anoziva kuti uri kudei usati watombonyengetera. Asi paunonyengetera kwaari uchinyatsomuudza kuti uri kunzwa sei, unenge uchimuratidza kuti unonyatsotenda maari. Unoziva kuti anokuda uye kuti anoteerera minyengetero yako. Uye Jehovha achatokubatsira pamwe pacho achishandisa nzira yausiri kutombofungidzira. (Mako 11:24) Pana VaFiripi 4:6, 7 panoti: “Zvikumbiro zvenyu ngazviziviswe Mwari . . . uye rugare rwaMwari runopfuura kunzwisisa kwese ruchachengetedza mwoyo yenyu nepfungwa dzenyu.”
15 Kumbira vamwe kuti vakubatsire. Unogona kutaura neshamwari yako yaunovimba nayo kana kuti mumwe mukuru waunonzwa wakasununguka kutaura naye. Hama nehanzvadzi dzako dzinogona kukunyaradza ndokunge dzichiziva kuti uri kusangana nei muupenyu hwako. Saka pamwe pacho unenge uchifanira kuvaudza kuti uri kunzwa sei kana kuti ndepapi pauri kuda kubatsirwa. (Zvir. 14:10) Unogona kuvakumbira kuti vanyatsokuteerera paunenge uchitaura kuti uri kunzwa sei. Kana kuti unogona kuvakumbira kuti vakuratidze rimwe vhesi kana kuti imwe nyaya yavakambosanganawo nayo inogona kukunyaradza.
16. Chii chinogona kuitika vamwe pavanenge vachiedza kukunyaradza, asi unofanira kuyeukei?
16 Iva nemwoyo murefu uye regerera vamwe. Hama nehanzvadzi dzako dzinogona kukanganisa padzinenge dziri kuedza kukunyaradza kana kuti kukubatsira. Dzinogona kutaura kana kuita chimwe chinhu chinoita kuti uwedzere kurwadziwa. Kana izvozvo zvikaitika, varatidze mwoyo murefu. (1 VaK. 13:4, 7) Uye yeuka mashoko ari pana Jakobho 3:2 ekuti: “Kana munhu asingakanganisi pakutaura, munhu iyeye akakwana.” Hama nehanzvadzi dzako dzinenge dzichida kukunyaradza, asi kungofanana newe vanokanganisawo.—Mat. 26:41.
17. Zvii zvatinofanira kuramba tichiita?
17 Tese tinoda kunyaradzwa nekuti tiri kurarama mumazuva ekupedzisira uye tinoziva kuti upenyu huchatowedzera kuramba huchioma uye vavengi vaMwari vachatowedzera kutibata zvakaipa. Saka ticharamba tichida kunyaradzwa. Dai tese tikaramba tichishanda nesimba kuti tinyaradzane.
RWIYO 130 Kanganwira Vamwe
a KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Mukuru ari kunyatsoteerera imwe hama ichangobva kufirwa nemudzimai wayo. Pave paya mukuru uyu anoshanyira imwe hama yava nenguva yakafirwa nemudzimai uye vari kutaura zvinhu zvakanaka zvavari kuyeuka nezvemudzimai wehama yacho yaari kutaura nayo.