JUNE 29–JULY 5, 2026
RWIYO 131 “Zvasungwa Pamwe Chete Pajoko naMwari”
Ramba Uchisimbisa Ushamwari Hwako Newawakaroorana Naye
“Kune shamwari iri pedyo kupfuura mukoma.”—ZVIR. 18:24.
ZVATICHADZIDZA
Tichadzidza kuti murume nemudzimai vanofanira kuva shamwari dzepedyo kuti vafare muwanano yavo uye kuti vanofanirawo kuda Jehovha.
1. Nei tichiti shamwari dzepedyo dzatiinadzo zvipo zvinobva kuna Jehovha?
ZVIPO zvese zvakanaka zvinobva kuna Jehovha uye chimwe chezvipo izvi ishamwari dzepedyo dzatiinadzo. (Jak. 1:17) Dzinoda Mwari uye dzinotidawo. Dzinofara nesu patinenge tichifara, dzinotinyaradza patinenge tichinetseka uye dzinotiudza patinenge tichifanira kugadzirisa. Dzinogara dzichitibatsira uye tinovimba nadzo. Shamwari dzakadaro dzinoita kuti ‘mwoyo yedu ifare.’—Zvir. 27:9.
2. Nei vakaroorana vachifanira kuramba vachisimbisa ushamwari hwavo? (Mateu 19:6)
2 Murume nemudzimai vanofanira kuva shamwari dzepedyo. Vanofanira kuramba vachiita zvinhu zvichaita kuti ushamwari hwavo huwedzere kusimba. Kana vakasadaro vanogona kutanga kusurukirwa, kushaya mufaro, kunyange kutogara vakangogumbuka. Asi kana vakaramba vachisimbisa ushamwari hwavo, vanogona kusvika pakuwirirana zvisingaiti zvekuti hapana kana chinovaparadzanisa. (Verenga Mateu 19:6.) Munyaya ino tichakurukura kuti zvii zvingaitwa nevari muwanano kuti varambe vachisimbisa ushamwari hwavo. Asi ngatitangei nekuona zvingaitwa nevaKristu vasati vapinda muwanano pakusarudza munhu achazova shamwari yavo kweupenyu hwese.
KUSARUDZA MUNHU ACHAZOVA SHAMWARI YAKO KWEUPENYU HWESE
3-4. Chii chinogona kubatsira munhu kuti awane munhu wekuroorana naye anonyatsopindirana naye? (Zvirevo 18:22)
3 Tisati taita zvisarudzo zvinokosha, tinofanira kutanga tanyatsofunga kuti zvatiri kuda kusarudza zvakanakirei uye zvakaipirei. Zvinhu zvatinosarudza zvinogona kuita kuti tive neupenyu hwakanaka kana kutokanganisa upenyu hwedu. Saka tinofanira kutanga tanyatsofunga tisati taita zvisarudzo zvinokosha.
4 Nyaya yekusarudza wekuroorana naye inyaya inokosha chaizvo nekuti unenge uchisarudza munhu achazova shamwari yako kweupenyu hwako hwese. Kuti uzive zvekutarisa paunenge uchitsvaga wekuroorana naye, unotofanira kubatsirwa naJehovha nekuti ndiye akatanga wanano. Anoda kuti murume awane mudzimai akanaka uyewo kuti mudzimai awane murume akanaka. Jehovha anoziva zvakatinakira. (Verenga Zvirevo 18:22; Isa. 48:17, 18) Kana muKristu akashandisa mazano ari muShoko raMwari paanenge achitsvaga wekuroorana naye, zvinogona kumubatsira kuti anyatsosarudza munhu anonyatsopindirana naye.
5. Nei zvichikosha kuti usarudze munhu wekuroorana naye pakati pevashumiri vaJehovha vakabhabhatidzwa?
5 Munhu paanobhabhatidzwa, anova shamwari yaMwari. (Pis. 25:14) Sezvo iwewe wakatobhabhatidzwa, utori shamwari yaMwari. Saka kana wava kuda kupinda muwanano, unofanira kusarudza pakati pevanhu vatori shamwari dzaJehovha. (1 VaK. 7:39) Kana ukaita izvozvo, unenge uchiratidza kuti unoremekedza mitemo yaMwari uye uchasvika pakubvuma kuti mumwe wako wakamupiwa naJehovha. (Zvir. 19:14) Uyewo hauzovi nematambudziko anokonzerwa nekuroorana nemunhu asingadi Jehovha. (2 VaK. 6:14) Kunyange kana uchiona sekuti pakati pevashumiri vaJehovha hapana munhu waunogona kunyatsopindirana naye, usapindwa nepfungwa yekuda kuroorana nemunhu asingadi Jehovha, kana kupindwa nepfungwa yekuti kana ukadanana nemunhu iyeye anogona kuzoita Chapupu.
6-7. Kana uine munhu wauri kudanana naye, unofanira kuzvibvunza mibvunzo ipi?
6 Asi izvi hazvirevi kuti unokwanisa kudanana nemunhu wese wese, chero bedzi ari Chapupu. Kana uine munhu wauri kuda, unofanira kumbomuongorora kuti munhu akaita sei. Unogona kuzvibvunza kuti: ‘Anobata sei vanhu vekumba kwavo? Anofungawo vamwe here? Anoremekedza vamwe here? Anoshamwaridzana nevanhu vakaita sei? Kana vamwe vaine maonero akasiyana neake pane imwe nyaya, anoita sei? Anongosimbirira kuti zvaari kuda iye zviitwe here, kana kuti anobvumawo zvinodiwa nevamwe kana zvisingapesani nezvinodzidziswa neBhaibheri? Anonyanya kuda mari here?’
7 Unogonawo kuzvibvunza kuti: ‘Munhu wandiri kudanana naye uyu anonyatsoratidza kuti anoda Jehovha here? Ari kuedza kuti ave neunhu unodiwa naJehovha here? Achandibatsira kuti ndirambe ndichinyatsoshumira Jehovha here? Tine zvinangwa zvekunamata zvakafanana here? Kana ndichimutarisa ndinoona tichikwanisa kuzova shamwari dzepedyo here?’ (VaK. 3:9, 10) Kana uri hanzvadzi, unogona kuzvibvunza kuti: ‘Mukomana wandiri kudanana naye uyu achakwanisa kuva shamwari yangu yepedyo here uyewo kutungamirira mhuri yedu zvakanaka?’ (1 VaK. 11:3) Kana uri hama, unogona kuzvibvunza kuti: ‘Musikana wandiri kudanana naye uyu achakwanisa kunditsigira uye kuremekedza zvisarudzo zvandinoita here, pasinei nekuti ndiri munhu anokanganisa?’ Zvinotora nguva kuti ukwanise kuwana mhinduro dzemibvunzo iyi. Saka shandisa nguva yamuri kudanana kuti unyatsozivana nemumwe wako.
8-9. Zvii zvinogona kubatsira munhu ane waari kudanana naye kuti osarudza kuti opinda muwanano naye here kana kuti orega? (Onawo mufananidzo.)
8 Kuti ukwanise kusarudza kuti wopinda muwanano nemunhu wauri kudanana naye here kana kuti worega, zvinokosha kuti unyatsoziva kuti munhu wacho munhu akaita sei. Unozviita sei? Unogona kubvunza vamwe kuti vanoona sei munhu iyeye wauri kudanana naye. Unogona kuvabvunza kuti ane unhu hwakaita sei uye kubvunzawo vaya vari muungano make kuti vanomuona sei? Vanomuona semunhu anozvininipisa here? Anobata vamwe zvakanaka here? Anonzwisisa here? Imwe hanzvadzi inonzi Sarah, yekuFrench Guiana yakaroorwa neimwe hama inonzi Daniel, yakati: “Kuti ndinyatsoziva kuti Daniel munhu akaita sei, ndakabvunza imwe hama yaaigara nayo uye yaaipayona nayo, mumwe mukuru aiva muungano yaaipinda, shamwari dzedu uyewo hanzvadzi dzemuungano make.” Zvinokoshawo kuti ubvunze munhu wauri kudanana naye kuti pane zvimwe zvinhu zvakamboitika kare here kana kuti zviri kutoitika muupenyu hwake zvaunofanira kuziva nezvazvo. Zvinokosha kuti uzive zvinhu izvozvo nekuti zvimwe zvacho zvinogona kuzokonzera matambudziko akakura kana mava kugara mese.
9 Kana paine zvimwe zvinhu zvausiri kugutsikana nazvo, kana kuti dzimwe hama nehanzvadzi dzaunenge wabvunza dzikakuudza zvinhu zvisina kunaka nezvemunhu iyeye wauri kuda kuroorana naye, nyatsofunga nezvazvo kwete kungosiya zvakadaro. Kana ukaita izvozvo, zvichakubatsira kuti usarudze kuti woramba uchidanana nemunhu wacho here kana kuti mosiyana.a Iye zvino ngatichitaurei nezvevaya vatori muwanano.
Pamunenge muchidanana, edza kunyatsoziva kuti mumwe wako munhu akaita sei (Ona ndima 8-9)
WANAI NGUVA YEKUVA PAMWE CHETE
10. Zvakanakirei kuti murume nemudzimai vawane nguva yekuva pamwe chete?
10 Murume nemudzimai vanogona kuita kuti ushamwari hwavo uye wanano yavo irambe yakasimba kana vachiwana nguva yekuva pamwe chete. Vanofanira kuita izvi pasinei nekuti vakawandirwa nezvekuita. Kana vakawana nguva yekuva pamwe chete, zvinovapa mukana wekuti vataurirane zvinenge zvaswera zvichiitika, vabudirane pachena vachinyatsoudzana zviri pamwoyo, varatidzane rudo uye vaitewo zvimwe zvinhu zvinovanakidza vari pamwe chete.
11. Zvii zvinogona kukanganisa ushamwari hwemurume nemudzimai?
11 Kana murume nemudzimai vari shamwari dzepedyo havawanzodi kusiyana. Asi muupenyu munogona kuitika zvimwe zvinhu zvinoita kuti vasava pamwe chete. Kunyange zvakadaro, kana murume nemudzimai vakaita nguva yakareba mumwe achigara kwake mumwe kwake, zvinogona kukonzera matambudziko akawanda. Vamwe vakaenda kumabasa kune dzimwe nyika, izvo zvinoita kuti vaite nguva yakareba vari kure nemhuri dzavo. Kunyange izvozvo zvichigona kubatsira kuti vawane mari yakawanda, kana murume nemudzimai vakaita nguva yakareba vasingagari vese zvinogona kuparadza wanano yavo.
12-13. (a) Zvii zvakaitwa nevamwe vari muwanano kuti vawane nguva yekuva pamwe chete? (Onawo mufananidzo.) (b) Mumwe wako akakosha zvakadini muupenyu hwako? (Ona bhokisi rakanzi “Kukosha Kunoita Mumwe Wako Muupenyu Hwako.”)
12 Ona zvakaitwa nevamwe vakaroorana kuti vawane nguva yekuva pamwe chete. Imwe hanzvadzi inonzi Leah, inogara kuchitsuwa chinonzi Guam yakati: “Ini nemurume wangu tinofarira kuita zvinhu zvakasiyana-siyana tiri pamwe chete. Kashoma kuti tiende kune dzimwe nzvimbo kana kuti kwatinenge takokwa tisiri tese.” Imwewo hanzvadzi yekuUnited States inonzi Roxanne yakati: “Tine zvinhu zvakawanda zvekuita muupenyu, saka tinogara taronga nguva yatichaita zvinhu zvinokosha, kusanganisirawo nguva yatichange tiri pamwe chete tiri tega.” (Enzanisa naAmosi 3:3.) Imwe hama yekuFrance inonzi Damien yakati: “Takaona kuti zvinokosha kuti mumwe nemumwe wedu adzidze kufarira zvinofarirwawo nemumwe. Nekufamba kwaiita nguva takasvika pakutonakidzwa nezvinhu izvozvo.” (Mat. 7:12) Uye imwe hanzvadzi inonzi Katie yekuUnited States yakati: “Dzimwe nguva tinotoisa mafoni edu kure kuti asativhiringidza patinenge tiri tese.”
13 Zvinotonyanyawo kukosha kuti muwane nguva yekuita zvinhu zvekunamata muri pamwe chete. Imwe hanzvadzi yekuFrance inonzi Myriam yakati: “Mangwanani ega ega mumwe nemumwe wedu anoverenga Bhaibheri uye tinobva tazokurukura zvatinenge tafarira, toona kuti ndezvipi zvatingashandisa muupenyu hwedu. Izvozvo zvinondinakidza chaizvo.” Myriam akatiwo: “Ndinofarira chaizvo kunzwa murume wangu achinyengetera nekuti izvozvo zvinoita kuti ndinyatsoona kuti anoda Jehovha.” Katie ambotaurwa nezvake akati: “Chandinonyanyofarira kuparidza nemurume wangu. Pandinomunzwa achiuudza vamwe nezvaJehovha, zvinoita kuti ndiwedzere kumuda uye nditodzidzawo kwaari. Iyewo paanondinzwa ndichiudza vamwe nezvaJehovha, zvinoita kuti awedzere kundida uye atodzidzawo chimwe chinhu kwandiri.”—Zvir. 27:17.
Garai muchiwana nguva yekuva pamwe chete kuti musimbise ushamwari hwenyu (Ona ndima 12-13)
RAMBAI MURI MESE MUMATAMBUDZIKO
14-15. Nei vari muwanano vachifanira kushanda nesimba kuti vagadzirise matambudziko anomuka muwanano yavo? Taura muenzaniso.
14 Hazviite kuti murume nemudzimai vagare vachifara nguva dzese nekuti vese vanhu vanotadza. Bhaibheri rinototaura kuti vanhu vari muwanano “vachava nedambudziko munyama yavo.” (1 VaK. 7:28) Mashoko iwayo anoreva matambudziko anowanzosangana nevanhu vari muwanano. Kana matambudziko iwayo akamuka, havafaniri kuita kuti akanganise ushamwari hwavo. Asi vanofanira kuramba vari vese, voshanda pamwe chete kuti vaagadzirise. Nei vachifanira kudaro?
15 Ngatitii pane chimwe chinhu chinokosha chaizvo, asi chinhu chacho hachicharatidzike zvakanaka. Varidzi vacho vanoita zvese zvavanogona kuti vachigadzirise. Vanogona kushandisa mari yakawanda nezvinhu zvakawanda kuti vachigadzirise. Uye zvinogona kutotora makore kuti vaite izvozvo. Vanoita zvese zvavanogona kuti vagadzirise chinhu ichocho nekuti chakavakoshera. Ndizvo zvakaitawo wanano. Wanano inokosha, asi dzimwe nguva kunyange murume nemudzimai vanonyatsowirirana vanogona kuva nematambudziko muwanano yavo. Izvozvo hazvirevi hazvo kuti matambudziko iwayo haachagadzirisiki. Zvinogona kutora nguva uye zvingatoda kushanda nesimba kuti vagadzirise matambudziko avo. Asi Jehovha anofara paanoona vachishanda nesimba kuti vasimbise wanano yavo uye kuti varambe vari pamwe chete. (Mar. 2:16) Pavanoita izvozvo, vanenge vachiratidza kuti vanodanana uye vanoremekedzana. Vanenge vachiratidzawo kuti vanoda uye vanoremekedza Jehovha, uyo akatanga wanano.
16. Maererano na1 VaKorinde 13:4-8a, murume nemudzimai vanofanira kuita sei kana vakasangana nematambudziko akakura muwanano yavo? (Onawo mufananidzo uye bhokisi rakanzi “Zvamungaita Kuti Musimbise Ushamwari Hwenyu.”)
16 Kana dambudziko rikamuka muwanano yenyu, usakurumidza kufunga kuti kuparadzana ndiko kucharigadzirisa. (1 VaK. 7:10, 11) Asi funga kuti zvii zvaungaita kuti usimbise ushamwari hwako nemumwe wako. Dzidza zvinotaurwa neBhaibheri nezvekuratidza rudo, sezviri pana 1 VaKorinde 13:4-8a, woongorora kuti ndepapi paunofanira kugadzirisa. (Verenga.) Pane kungokurumidza kubva wafunga kuparadzana nemumwe wako, ita zvese zvaunogona kuita kuti mutangezve kuwirirana. Pane kungofunga kuti mumwe wako anofanira kugadzirisa papi kuti muwirirane, isa pfungwa pane zvaunofanira kugadzirisa kuti mutangezve kufara muwanano yenyu. Nyengetera kuti Jehovha akubatsire. Tsvaga mabhuku nemavhidhiyo zvinogona kukubatsira kuziva kuti woita sei. Unogonawo kukumbira mazano kuvakuru uyewo kuhama nehanzvadzi dzinoshandisa zvinotaurwa neBhaibheri muwanano dzavo. Bhaibheri rinotaura kuti: “Tambo yakakoswa netambo nhatu haikurumidzi kudambuka.” (Mup. 4:12) Saka kuti wanano yenyu isimbe, Jehovha anofanira kunge ari muwanano yenyu. Jehovha anova muwanano yenyu kana mukateerera zvaanokuudzai kuti muite muwanano yenyu.
Rambai muri mese pamunosangana nematambudziko (Ona ndima 16)
17. Vaya vari kufunga kupinda muwanano nevaya vatorimo nechekare vanofanira kuitei kuti vafare?
17 Jehovha anoda kuti vanhu vese vanomunamata vafare, vangava vaya vari kufunga kupinda muwanano kana kuti vatori muwanano nechekare. Saka kana uri kufunga kupinda muwanano, sarudza zvakanaka munhu achazova shamwari yako kweupenyu hwese. Uye kana utori muwanano, ramba uchisimbisa ushamwari hwako nemumwe wako. Shandai pamwe chete kuti mugadzirise matambudziko anomuka muwanano yenyu. Uye tsvagai kubatsirwa naJehovha. Kana ukaita izvozvo, ‘uchanakidzwa neupenyu’ nemumwe wako!—Mup. 9:9.
RWIYO 132 Tava Nyama Imwe
a Kuti uwane mamwe mashoko anogona kukubatsira paunenge uchiedza kuzivana nemumwe wako, ona nyaya yakanzi “Zvamungaita Kuti Kufambidzana Kwenyu Kukubatsirei Kuita Chisarudzo Chakanaka” iri muNharireyomurindi yaMay 2024, pamusoro wakanzi “Nyatsozivanai.”