NYAYA YEKUDZIDZA 17
RWIYO 99 Zviuru Zvehama
Hatisi Tega
“Ndichakubatsira.”—ISA. 41:10.
ZVATICHADZIDZA
Tichadzidza zvinhu 4 zvinoratidza kuti Jehovha ane hanya nesu.
1-2. (a) Nei tiine chokwadi chekuti patinenge tichisangana nematambudziko hatisi tega? (b) Tichakurukurei munyaya ino?
PATINOSANGANA nematambudziko, tinogona kunzwa sekuti tiri tega pakati pesango tichishaya kuti toenda nekupi. Asi hatisi tega. Baba vedu vekudenga vane rudo vanoona matambudziko atinosangana nawo uye vanotivimbisa kuti vachatibatsira. Jehovha anovimbisa vashumiri vake vakavimbika kuti: “Ndichakubatsira.”—Isa. 41:10.
2 Nyaya ino ichakurukura zvinhu zvinotevera zvinoitwa naJehovha kuti atibatsire: (1) anotitungamirira, (2) anotipa zvatinoda pakurarama, (3) anotidzivirira, uye (4) anotinyaradza. Jehovha anotivimbisa kuti pasinei nematambudziko atinosangana nawo muupenyu, haazombofa akatikanganwa. Haazombotisiyi. Saka hatisi tega.
JEHOVHA ANOTITUNGAMIRIRA
3-4. Jehovha anotitungamirira sei? (Pisarema 48:14)
3 Verenga Pisarema 48:14. Jehovha haatarisiri kuti tizvitungamirire tega. Saka anotungamirira sei vashumiri vake vakavimbika mazuva ano? Chimwe chinhu chaanoshandisa iShoko rake Bhaibheri. (Pis. 119:105) Achishandisa Shoko rake rakafemerwa, Jehovha anotibatsira kuti tiite zvisarudzo zvakanaka uye tive neunhu hwakanaka huchatibatsira kuti tive nemufaro iye zvino uye tizorarama nekusingaperi mune ramangwana.a Semuenzaniso, anotidzidzisa kuti tisachengeta chigumbu, tive vanhu vakatendeseka pazvese zvatinoita, uye kuti tide vamwe zvinobva pamwoyo. (Pis. 37:8; VaH. 13:18; 1 Pet. 1:22) Patinoratidza unhu uhwu tinova vabereki vakanaka, murume kana mudzimai akanaka uye tinova shamwari dzakanaka kune vamwe.
4 Uyewo, Jehovha akaita kuti muShoko rake munyorwe nyaya dzevanhu chaivo vakasangana nematambudziko akafanana neatinosangana nawo uye vaivawo nemanzwiro akafanana neatiinawo. (1 VaK. 10:13; Jak. 5:17) Patinoverenga nyaya idzi toshandisa zvidzidzo zvatinowana zvinotibatsira munzira mbiri. Yekutanga, zvinoita kuti tione kuti hatisi tega asi kune vamwewo vakambosangana nemamiriro ezvinhu akafanana neatiri kusangana nawo vakatokwanisa kuatsungirira. (1 Pet. 5:9) Yechipiri, tinodzidza zvatingaita kuti titsungirire matambudziko edu iye zvino.—VaR. 15:4.
5. Jehovha anoshandisa ani kuti atitungamirire munzira yeupenyu?
5 Jehovha akaitawo urongwa hwekuti vamwe vatinonamata navo vatitungamirire.b Semuenzaniso, vatariri vematunhu vanogara vachishanyira ungano kuti vatikurudzire. Hurukuro dzavo dzinosimbisa kutenda kwedu uye dzinotibatsira kuti tirambe takabatana. (Mab. 15:40–16:5) Vakuru veungano vanoshandawo nesimba kuti vabatsire mumwe nemumwe wedu kuti arambe ari pedyo naJehovha. (1 Pet. 5:2, 3) Vabereki vanodzidzisawo vana vavo kuti vade Jehovha, vaite zvisarudzo zvakanaka uye vave netsika dzakanaka. (Zvir. 22:6) Uyewo vakadzi vakuru vanobatsira vakadzi vechidiki kuburikidza nemuenzaniso wavo wakanaka, mazano avanovapa uyewo mashoko anokurudzira avanovaudza.—Tito 2:3-5.
6. Zvii zvatinofanira kuita kuti tibatsirwe nekutungamirirwa kwatinoitwa naJehovha?
6 Jehovha akatipa zvese zvatinoda kuti tiite zvisarudzo zvakanaka uye kuti tifare muupenyu. Tingaite sei kuti tiratidze kuti tinoonga zvese zvaakatiitira? Zvirevo 3:5, 6 inoti: “Vimba naJehovha nemwoyo wako wese urege kuvimba nekunzwisisa kwako.” Kana tikadaro, ‘iye acharuramisa makwara edu,’ kureva kuti, achatibatsira kuti tisazvipinza mumatambudziko akawanda uye kuti tifare muupenyu. Tinotenda chaizvo kuti Jehovha anonyatsotiziva uye anotida zvekuti anopa mumwe nemumwe wedu mazano anonyatsoenderana naye!—Pis. 32:8.
JEHOVHA ANOTIPA ZVATINODA PAKURARAMA
7. Jehovha anoita sei kuti tikwanise kuwana chekurarama nacho? (VaFiripi 4:19)
7 Verenga VaFiripi 4:19. Jehovha haangogumiri pakutipa zvatinoda kuti tikwanise kuramba tichimunamata asi anokomborerawo zvatinoedza kuita kuti tiwane zvekudya, zvekupfeka uye pekugara. (Mat. 6:33; 2 VaT. 3:12) Kunyange zvazvo dzimwe nguva tichimbonetseka pamusoro pezvinhu zvatinoda pakurarama, Jehovha anotikurudzira kuti tisanyanye kuzvidya mwoyo nenyaya idzodzo. (Mat. 6:25) Nei achidaro? Nekuti Baba vedu havazombofa vakarasa vashumiri vavo vakatendeka pavanenge vachida kubatsirwa. (Mat. 6:8; VaH. 13:5) Tinogona kuvimba nemashoko avo ekuti vachatipa zvatinoda pakurarama.
8. Jehovha akabatsira sei Dhavhidhi?
8 Chimbofunga nezvekuti Jehovha akabatsira sei Dhavhidhi. Panguva yaakanga akaomerwa neupenyu achitiza mambo Sauro, Jehovha akabatsira Dhavhidhi nevarume vaaiva navo kuti vawane zvavaida pakurarama. Achifunga nezvekubatsirwa kwaakanga aitwa naJehovha muupenyu hwake, Dhavhidhi akanyora kuti: “Ndaimbova mudiki asi iye zvino ndakwegura. Handina kumboona munhu akarurama achisiyiwa, kana vana vake vachitsvaga zvekudya.” (Pis. 37:25) Pamwe newewo wakazvionera wega kuti Jehovha anobatsira sei vashumiri vake vakavimbika kwaari pavanosangana nematambudziko.
9. Mazuva ano Jehovha anopa sei vanhu vake zvavanoda pakurarama pavanowirwa nenjodzi? (Onawo mifananidzo.)
9 Jehovha anopawo vashumiri vake zvavanoda pakurarama pavanowirwa nenjodzi. Semuenzaniso, vaKristu vekutanga pavakawirwa nenzara, vaKristu vemunzvimbo dzakasiyana-siyana vakatumira zvinhu zvekubatsira hama nehanzvadzi dzavo dzaitambura. (Mab. 11:27-30; VaR. 15:25, 26) Mazuva ano, vanhu vaMwari vanobatsirawo hama nehanzvadzi dzavo padzinenge dzichitambura. Panoitika njodzi, Jehovha anoita kuti vanhu vake vape zvinhu zvakadai sezvekudya, mvura, zvekupfeka, uye mishonga yekurapa kune vaya vanenge vawirwa nenjodzi. Mapoka ekuvaka anoshandawo kugadzirisa dzimba dzavo dzinenge dzaparara uyewo Dzimba dzeUmambo. Uyewo vashumiri vaJehovha vanoshandisa Bhaibheri kunyaradza uye kukurudzira vaya vanenge vaparadzirwa dzimba dzavo kana kuti varasikirwa nehama dzavo.c
Jehovha anotinyaradza sei panoitika njodzi? (Ona ndima 9)e
10-11. Unodzidzei kubva pane zvakaitika kuna Borys?
10 Jehovha anopawo zvekurarama nazvo vaya vasati vava kumunamata. Saizvozvowo, tinotsvaga nzira dzekubatsira vaya vatisinganamati navo. (VaG. 6:10) Patinoita izvozvo zvinogona kuita kuti vawedzere kutiziva uye kuziva nezvaJehovha. Funga zvakaitika kuna Borys, mumwe mukuru wechikoro anogara kuUkraine. Kunyange zvazvo Borys asiri Chapupu chaJehovha, aigara achibata zvakanaka vana vechikoro vakanga vari Zvapupu uye airemekedza zvavanotenda. Borys paakasarudza kutiza munharaunda yaaigara nemhaka yehondo achienda kune imwe nharaunda yakanga yakachengeteka munyika iyoyo hama dzedu dzakamubatsira. Pava paya Borys akazopinda Chirangaridzo cherufu rwaKristu. Achifunga zvakaitika zvese izvi Borys anoti: “Zvapupu zvaJehovha zvakandibata zvakanaka uye zvaiva nehanya neni. Ndinotenda Zvapupu zvaJehovha.”
11 Nesuwo tinogona kutevedzera Baba vedu vekudenga vane tsitsi nekuratidza rudo kune vaya vanenge vachida kubatsirwa pasinei nekuti Zvapupu here kana kuti havasi. (Ruka 6:31, 36) Tine chivimbo chekuti patinoratidza kuti tinovada zvinogona kuvabatsira kuti vave vadzidzi vaKristu. (1 Pet. 2:12) Asi pasinei nekuti vachasarudza kushumira Jehovha here kana kuti kwete, tinofara nekuti “kupa kune mufaro kupfuura kugamuchira.”—Mab. 20:35.
JEHOVHA ANOTIDZIVIRIRA
12. Jehovha anovimbisa kuti achadzivirira sei vashumiri vake seboka? (Pisarema 91:1, 2, 14)
12 Verenga Pisarema 91:1, 2, 14. Mazuva ano, Jehovha anotivimbisa kuti achatidzivirira pane zvekunamata. Haazomboregi Satani achikanganisa kunamata kwechokwadi. (Joh. 17:15) Uye pachatanga “kutambudzika kukuru,” tine chivimbo chakazara chekuti Jehovha achazadzisa zvaakavimbisa zvekuti achabatsira vanhu vake kuti varambe vaine kutenda kwakasimba uye achavanunura.—Zvak. 7:9, 14.
13. Jehovha anotidzivirira sei semunhu mumwe nemumwe?
13 Jehovha anodzivirira sei mumwe nemumwe wedu? Achishandisa Magwaro, Jehovha anotibatsira kuti tisiyanise zvakanaka nezvakaipa. (VaH. 5:14) Patinorarama tichitevedzera zviri muBhaibheri tinochengetedza ushamwari hwedu naye uye tinoita zvisarudzo zvichatibatsira kuti tifare uye tive neutano hwakanaka. (Pis. 91:4) Uyewo Jehovha anotidzivirira achishandisa ungano. (Isa. 32:1, 2) Kana tikagara tiine vanhu vanoda Jehovha uye vanorarama vachitevedzera zvaanotaura, vachatikurudzira uye vachatibatsira kuti tisaite zvakaipa.—Zvir. 13:20.
14. (a) Nei Jehovha asingatidzivirire pamiedzo yese yatinosangana nayo? (b) Pisarema 9:10 inotivimbisei? (Onawo mashoko emuzasi.)
14 Kare Jehovha aimbodzivirira vashumiri vake kuti vasakuvadzwa kana kuti vasaurayiwa. Asi hapasi pese paaidaro. Dzimwe nguva tinosangana ‘nezvinhu zvatisingatarisiri.’ (Mup. 9:11) Uyewo Jehovha akabvumira vamwe vashumiri vake kuti vatambudzwe kana kuti kutourayiwa achiitira kuti zvibude pachena kuti Satani anoreva nhema. (Job. 2:4-6; Mat. 23:34) Izvi zvinogona kuitikawo mazuva ano. Kunyange zvazvo Jehovha angasabvisa miedzo yatinenge tichisangana nayo, tinogona kuva nechivimbo chekuti haazombosiyi vaya vanomuda.d—Pis. 9:10.
JEHOVHA ANOTINYARADZA
15. Tinonyaradzwa sei nemunyengetero, Shoko raMwari, uye hama nehanzvadzi dzedu? (2 VaKorinde 1:3, 4)
15 Verenga 2 VaKorinde 1:3, 4. Dzimwe nguva tinombonzwa kusuwa, kuzvidya mwoyo, uye tinomboshungurudzika. Pamwe une zvimwe zvinhu zviri kuita kuti ushungurudzike iye zvino zvekuti unonzwa sekuti uri wega. Pane here anonyatsonzwisisa manzwiro auri kuita? Jehovha anokunzwisisa. Haangogumiri pakunzwisisa manzwiro atinenge tichiita asi ‘anotinyaradzawo pamatambudziko edu ese.’ Anozviita sei? Patinoteterera kuna Jehovha anotipa “rugare rwaMwari runopfuura kunzwisisa kwese.” (VaF. 4:6, 7) Tinogona kunyaradzwawo patinoverenga mashoko aJehovha ari muBhaibheri. MuBhaibheri Jehovha anotiudza kuti anotida zvakadzama sei, anotidzidzisa zvatingaita kuti tive vakachenjera uye anotipa tariro. Tinonyaradzwawo patinoenda kumisangano uko kwatinodzidza zvinhu zvinokurudzira kubva muBhaibheri uye kwatinoonana nehama nehanzvadzi dzedu dzinotida.
16. Unodzidzei kubva pane zvakaitika kuna Nathan naPriscilla?
16 Kuti tiwedzere kunzwisisa kuti Jehovha anotinyaradza sei uye anotikurudzira sei achishandisa Shoko rake, ngatimboonai zvakaitika kuna Nathan naPriscilla, avo vanogara kuUnited States. Makore apfuura, vakasarudza kuenda kundima yaidiwa vaparidzi vakawanda. “Taivimba kuti Jehovha aizokomborera zvataiedza kuita,” anodaro Nathan. Asi pavakasvika kundima yacho itsva vakasangana nematambudziko avakanga vasingatarisire eutano uye ekushaya mari. Saka vakazosarudza kudzokera kumba asi dambudziko rekushaya mari harina kupera. Nathan anoti: “Ndainetseka kuti nei Mwari asina kutikomborera sezvandaifunga. Ndakatotanga kufunga kuti pamwe ndine chimwe chinhu chandakatadza.” Asi nekufamba kwenguva, Nathan naPriscilla vakazoona kuti Mwari akanga asina kumbovasiya panguva yavaida kubatsirwa. “Panguva iyoyo yakanga yakaoma, Bhaibheri rakaita seshamwari yedu yaitikurudzira uye yaititungamirira,” anodaro Nathan. “Kuisa pfungwa pakubatsirwa kwatakaitwa naJehovha kuti titsungirire nguva yakaoma pane kuisa pfungwa dzedu pamatambudziko kwakaita kuti tive nechivimbo chekuti Jehovha aizotibatsira mune ramangwana.”
17. Imwe hanzvadzi inonzi Helga yakanyaradzwa sei? (Onawo mufananidzo.)
17 Hama nehanzvadzi dzedu dzinogona kutinyaradzawo. Dzinozviita sei? Chimbofunga muenzaniso waHelga, uyo anogara kuHungary. Kwemakore akawanda aisangana nematambudziko aimusiya asisina simba uye achinzwa sekuti haabatsiri. Asi paanofunga zvakaitika, anoona kunyaradzwa kwaakaitwa naJehovha achishandisa ungano. Akanyora kuti: “Pese pandainzwa ndisina simba nemhaka yebasa rangu, kuchengeta mwana wangu airwara, uye pandaisangana nemiedzo, Jehovha aigara achindibatsira. Hapana kana zuva rimwe chete mumakore 30 adarika raakatadza kuzadzisa zvaakavimbisa kuti achandinyaradza. Anondisimbisa achishandisa mashoko anokurudzira anotaurwa nevamwe. Ndinogara ndichitumirwa mameseji, makadhi uye kuudzwa mashoko anokurudzira panguva chaiyo yandinenge ndichizvida.”
Jehovha anogona kukushandisa sei kuti unyaradze vamwe? (Ona ndima 17)
18. Tinganyaradza sei vamwe?
18 Tine ropafadzo yekutevedzera Mwari wedu kuburikidza nekunyaradza vamwe. Asi tingazviita sei izvozvo? Tinogona kuvateerera pavanenge vachitiudza zviri kuvanetsa, kuvataurira mashoko anonyaradza, uye kuvabatsira nenzira dzakasiyana-siyana. (Zvir. 3:27) Tinoshandawo nesimba kunyaradza vese vanenge vachitambudzika kusanganisira vaya vasati vava kushumira Mwari. Vavakidzani vedu pavanenge vakasuwa, vachirwara kana kuti vachizvidya mwoyo tinovashanyira, tinovateerera uye tinovaudza mashoko anokurudzira ari muBhaibheri. Patinotevedzera Jehovha, “Mwari wekunyaradza kwese,” tinogona kubatsira vaya vatinonamata navo kuti vatsungirire miedzo uye tinogona kubatsirawo vaya vasati vava Zvapupu kuti vatange kufarira kunamata kwakachena.—Mat. 5:16.
JEHOVHA ACHARAMBA AINESU
19. Jehovha achatiitirei uye tingamutevedzerawo sei?
19 Jehovha ane hanya chaizvo nevaya vanomuda. Haazombovasiyi pavanenge vachitambura. Kungofanana nemubereki ane hanya nemwana wake, Jehovha ane hanya nevashumiri vake vakatendeka. Anotitungamirira, anotipa zvatinoda pakurarama, anotidzivirira, uye anotinyaradza. Tinotevedzera Baba vedu vekudenga vane rudo patinotsigira uye patinokurudzira vamwe pavanenge vari mumatambudziko. Kunyange zvazvo tingasangana nematambudziko muupenyu, tinogona kuva nechivimbo chekuti Jehovha anesu. Akavimbisa kuti: “Usatya nekuti ndinewe.” (Isa. 41:10) Izvi zvinoita kuti tive nechivimbo chekuti hatisi tega!
RWIYO 100 Vagamuchirei Nerudo
a Ona nyaya yakanzi “Ita Zvisarudzo Zvinokudza Mwari” iri muNharireyomurindi yaApril 15, 2011.
b Ona nyaya yakanzi “Ramba Uchibvuma Kutungamirirwa naJehovha” iri muNharireyomurindi yaFebruary 2024 ndima 11-14.
c Kuti unzwe zvimwe nezvekubatsirwa kwakaitwa vamwe munguva ichangopfuura enda pajw.org wonyora kuti “kuyamura njodzi.”
d Ona “Mibvunzo Inobva Kuvaverengi” muNharireyomurindi yaFebruary 2017.
e KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Pashure pekunge paitika mafashamo kuMalawi hama dziri kugamuchira zvekudya nezvimwewo zvekushandisa uye vari kunyaradzwawo nehama dzavashanyira.