JUNE 1-7, 2026
RWIYO 111 Zvinoita Kuti Tifare
Nei Tichifara Isu Tichivengwa Nevanhu?
“Munofara imi pese pamunovengwa nevanhu.”—RUKA 6:22.
ZVATICHADZIDZA
Tichadzidza zvikonzero zvinoita kuti tifare kunyange zvazvo vanhu vachitivenga nekuti tinoshumira Jehovha.
1. Zvii zvakataurwa naJesu, uye nei vanhu vaigona kushamisika nezvaakataura?
MUMHARIDZO YEPAGOMO Jesu akati: “Munofara imi pese pamunovengwa nevanhu.” (Ruka 6:22) Vanhu vanofanira kunge vakashamisika pavakanzwa mashoko iwayo akataurwa naJesu nekuti hapana anofarira kuvengwa. Saka nei Jesu akataura mashoko iwayo? Zvinokosha kuti tikurukure mubvunzo iwoyo nekuti mazuvano kune vanhu vakawanda vanovenga vateveri vaJesu. Tichakurukura kuti nei tichivengwa uye zvikonzero zvinoita kuti tirambe tichifara pasinei nekuti vanhu vanotivenga.
NEI TICHIVENGWA?
2-3. Nei vaKristu vechokwadi vachitambudzwa, uye kuziva izvozvo kunofanira kuita kuti tione sei vaya vanotipikisa? (Johani 16:2, 3)
2 Tinovengwa nekuti tinonamata Jehovha. Jesu akataura kuti vamwe vanhu vaizotambudza kunyange kutouraya vamwe vevateveri vake. Achitaura nezvevanhu ivavo akati: “Havasati vava kuziva Baba kana ini.” (Verenga Johani 16:2, 3.) Ndiani anoita kuti vanhu vaMwari vapikiswe? NdiSatani. Ndiye “mwari wenyika ino.” (2 VaK. 4:3, 4) Anoita kuti vanhu vasaziva chokwadi nezvaJehovha uye anofurira vanhu ivavo kuti vapikise vaya vanoziva uye vanoda Mwari. (Joh. 8:42-44) Kuziva izvi kunotibatsira kuti tione sei vaya vanotipikisa? Kunotibatsira kunzwisisa kuti vakatonyengedzwawo naSatani saka hatifaniri kubva tavavenga.
3 Chimbofunga zvakaitika kuna Pavel,a uyo anogara munyika yakabhanwa Zvapupu. Nemhaka yekuti Pavel akaramba achinamata Jehovha akatendeka, akasungwa, akarohwa zveutsinye uye akaita mwedzi yakawanda akavharirwa mujeri ari make ega. Pavel akati: “Iye zvino ndava kunyatsoona kuti Satani nemadhimoni ndivo vanoita kuti titambudzwe vachiitira kuti tirege kunamata Jehovha. Ndinofunga kuti vanhu vakawanda vanoshanda mumajeri havativengi asi vanenge vachingoita basa ravo.” Imwe hama yekuCroatia yaibatwa zvisina kunaka nevabereki vayo vasiri Zvapupu. Yakati: “Iye zvino ndava kunyatsoziva kuti muvengi wangu chaiye ndiani. Satani ndiye muvengi, kwete vabereki vangu.”—VaEf. 6:12.
4. Tinodzidzei kubva pane zvakaitwa naJesu uyewo mudzidzi Stefani? (Onawo mufananidzo.)
4 Hativengi vanhu vanotipikisa. Asi patinonzwisisa kuti nei vachiita zvavanenge vachiita, zvinogona kutoita kuti tide kuvanyengeterera. (Mat. 5:44) Tinogona kudzidza kubva pane zvakaitwa naJesu uyewo mudzidzi Stefani. Masoja eRoma paakaroverera Jesu, Jesu akanyengetera kuti: “Baba, varegererei.” (Ruka 23:34) Jesu aikumbira Jehovha kuti aregerere masoja iwayo akanga apiwa basa rekumuuraya. Anogona kunge aifungawo nezveboka revanhu rakanga rafurirwa nevatungamiriri vezvitendero kuti rishevedzere kuti Jesu aurayiwe. Jesu ainzwisisa kuti vanhu ava vakanga vasiri kuziva zvavaiita. Stefani akanyengeterawo achikumbira Mwari kuti aregerere vanhu vaizomuuraya. (Mab. 7:58-60) Jehovha akapindura munyengetero waJesu uyewo waStefani here? Ehe. Vanhu vakawanda vaitsigira kuti Jesu aurayiwe, vakazochinja uye vakatanga kutenda muna Jesu, vakabhabhatidzwa. (Mab. 2:36-41) Uyewo Sauro wekuTaso uyo aitotsigira vanhu vakauraya Stefani, akazova muKristu uye aizvidemba chaizvo nemhaka yezvinhu zvakaipa zvaakaita mukusaziva.—1 Tim. 1:13.
Jesu uyewo mudzidzi Stefani vakanyengeterera vanhu vaivatambudza; isuwo tinogona kunyengeterera vanhu vanenge vachititambudza (Ona ndima 4)
5. Wadzidzei kubva pane zvakaitika kuna César?
5 Mazuvano patinonyengeterera vanhu vanotipikisa, Jehovha anopindura. Chimbofunga zvakaitika kuna César anogara kuVenezuela. Baba vake vakanga vasingambodi kunzwa chero chii zvacho chine chekuita neZvapupu. César anoti: “Amai vangu vaibata baba vangu zvakanaka uye kana nesuwo vana, vaitibata zvakanaka. Kunyange zvazvo vaikoshesa zvekunamata kupfuura zvimwe zvese muupenyu vaiwana nguva yekuva nababa vangu. Vakadzidzisa inini, vakoma vangu, hanzvadzi dzangu nemunin’ina wangu kuti tiremekedze baba vedu. Vakatidzidzisawo kuti tinofanira kuvateerera kunze kwekunge vatiudza kuti tiite chimwe chinhu chisingadiwi naJehovha.” Nekufamba kwakaita makore, baba vaCésar vakazochinja. César anoti: “Mumwe musi pashure pekunge ndanyengetera, ndakakumbira baba vangu kuti ndidzidze navo Bhaibheri. Ndinoshaya mashoko ekutsanangura manzwiro andakaita pavakabvuma kudzidza neni.” Baba vaCésar vakatozobhabhatidzwa. Havasi vanhu vese vanotipikisa vanochinja sezvakaitwa nababa vaCésar. Asi vamwe vanogona kuchinja maonero avanotiita pavanocherechedza kuti tine unhu hwakanaka uye kuti tinotaura nevamwe zvakanaka. Tinofara chaizvo vanhu ivavo pavanochinja. Tamirira kuona kuti Jehovha, “Mutongi wenyika yese” ane tsitsi, achabatsira sei vanhu vakadaro kuti vadzidze nezvake.—Gen. 18:25.
6. Maererano naMako 13:13, ndechipi chimwe chikonzero chinoita kuti tivengwe?
6 Tinovengwa nekuti tinotsigira Jesu. Jesu akataura kuti vaKristu vechokwadi vaizovengwa nevanhu vese ‘nekuda kwezita rake.’ (Verenga Mako 13:13.) Nei vaKristu vechokwadi vachivengwa nekuda kwezita raJesu? Nemhaka yekuti zita raJesu rinomiririra zvaari uyewo kodzero yake yekuva Mambo weUmambo hwaMwari. Tinovengwa nevanhu vanovimba nevatongi vepanyika, panzvimbo pekuvimba naJesu Kristu, uyo akasarudzwa kuti ave mutongi. Jesu akatanga kutonga saMambo weUmambo hwaMwari muna 1914. Munguva pfupi iri kuuya achaparadza hurumende dzese dzevanhu.
7-8. Nei vamwe vanhu vaJehovha vachibatwa zvisina kunaka? (Johani 15:18-20) (Onawo mifananidzo.)
7 Tinovengwa nekuti hatiite zvinoitwa nevanhu vari munyika yaSatani. Jesu akataura kuti vateveri vake vaizovengwa nekuti ‘havasi venyika.’ (Verenga Johani 15:18-20.) Kungofanana nevaKristu vekutanga, hatitevedzeri mafungiro, maitiro uye matauriro evanhu vari munyika. Izvozvo zvinoita kuti hama nehanzvadzi dzakawanda dzibatwe zvisina kunaka kumabasa uyewo kuzvikoro. (1 Pet. 4:3, 4) Asi tinofara kuti vamwe vanhu vaimbotipikisa vakachinja vakatanga kuyemura zvatinoita.
8 Chimbofunga zvakaitika kuna Ignacio wekuCentral America. Paaiva kuchikoro, mumwe mudzidzisi wake aigara achimunyomba uye achimuseka nekuti aiteerera mitemo yaJehovha. Asi Ignacio asati apedza chikoro, mudzidzisi wacho akamubvunza kuti chii chaimubatsira kuti arambe achiita zvinodiwa naMwari pasinei nekuti vanhu vaimuseka. Ignacio akatsanangura kuti kuteerera mitemo yaMwari kwaimubatsira kuti asapinda mumatambudziko. Akabva akoka mudzidzisi wacho kumusangano. Akashamisika mudzidzisi wacho paakauya kumusangano wacho! Mudzidzisi uyu akabayiwa mwoyo nekugamuchirwa zvakanaka kwaakaitwa nevanhu vemuungano zvekuti akabva aramba achipinda misangano. Papera nguva, mudzidzisi uyu akatotangawo kupikiswa nekuti akanga ava kudzidza Bhaibheri, asi akaramba achidzidza akatozosvika pakubhabhatidzwa.
Pasinei nezera redu, tinogona kuratidza ushingi tichitsigira zvatinotenda (Ona ndima 8)b
9-10. (a) Ndechipi chimwe chikonzero chinosiyanisa vaKristu vechokwadi nevamwe vanhu vari munyika yaSatani? (b) Tinodzidzei kubva pane zvakaitwa nemuapostora Pauro?
9 Chimwe chinhu chinotisiyanisa nevanhu vari munyika yaSatani ndechekuti hatipindiri mune zvematongerwe enyika uye hatirwi hondo. (Joh. 18:36) Tinoteerera murayiro watinopiwa pana VaRoma 13:1 wekuti titeerere mitemo yehurumende. Asi sevaKristu, hatipindiri mune zvematongerwe enyika. Saka hatiedzi kutsvaga kuvhoterwa nevanhu kuti tive nezvinzvimbo muhurumende kana kuvhoterawo vamwe vanenge vachida kuva nezvinzvimbo. Nei tisingaite izvozvo? Nekuti takavimbika kuna Jehovha uye tinotsigira Umambo hwake hunotungamirirwa naKristu. Zvapupu zvaJehovha zvakawanda zvakaiswa mumajeri nemhaka yekutenda kwazvo. Asi hama nehanzvadzi dzedu dziri mumajeri dzinoramba dzichingoparidza. Pavanoita izvozvo, vanenge vachitevedzera zvakaitwa nemuapostora Pauro. Pauro akaita makore akawanda ari mujeri uye pamwe pacho ari musungwa asingabvumidzwi kubva pamba. (Mab. 24:27; 28:16, 30) Asi akaramba achiparidza mashoko akanaka kune vese vaaisangana navo kusanganisira magadhijeri, magavhuna, madzimambo uye anogona kunge akatoparidzirawo makurukota aMambo weRoma ainzi Nero.—Mab. 9:15.
10 Hama nehanzvadzi dzedu dziri mumajeri, dzinoitawo zvakaitwa naPauro. Vanoparidzira vanhu vese vavanokwanisa kutaura navo, kusanganisira vanhu vakadai sevatongi vemumatare uyewo magadhijeri. Imwe hama yakaita makore anopfuura 6 iri mujeri nekuti yakaramba kupindira munyaya dzezvematongerwe enyika. Hama iyi painofunga nezvenguva yese yayakagara mujeri, inotoona sekuti mukana wayakapiwa naJehovha wekuti ibatsire vaya vanoda kuziva nezvake. Tinofara chaizvo kana Jehovha akatishandisa kuti tikwanise kusvitsa mashoko akanaka kuvanhu vanoda kuziva nezvake vanenge vari mumajeri. (VaK. 4:3) Ngatichiongororai zvimwe zvinoita kuti tifare kunyange kana tichivengerwa kushumira Jehovha.
NEI TICHIFARA PATINOVENGWA?
11. Kutambudzwa kunosimbisa sei kutenda kwedu? Taura muenzaniso.
11 Tinoziva kuti kuvengwa kwatinoitwa nevanhu vari munyika kunozadzisa uprofita huri muBhaibheri. Muuprofita hwekutanga hwakanyorwa muBhaibheri, Jehovha akagara ataura kuti Satani nevanhu vanomutsigira vaizovenga vaya vanoshumira Jehovha uye vanomuda. (Gen. 3:15) Jesu aigara achitaurawo kuti vaya vaizoshumira Jehovha vaizovengwa. (Mat. 10:22; Mako 13:9-12; Ruka 6:22, 23; Joh. 15:20) Uye vamwe vanyori veBhaibheri vakanyorawo kuti vashumiri vaJehovha vaizovengwa. (2 Tim. 3:12; Jak. 1:2; 1 Pet. 4:12-14; Jud. 3, 17-19) Saka patinotambudzwa hazvitishamisi. Asi tinotofara nekuti tinenge tichiziva kuti zvakataurwa muBhaibheri zviri kuzadziswa. Izvi zvinonyatsotiratidza kuti tiri kushumira Mwari wechokwadi. Imwe hanzvadzi inogara munyika yatinorambidzwa kuita mamwe mabasa edu echiKristu yakati: “Pandakazvitsaurira kuna Jehovha, ndaiziva kuti ndaizotambudzwa. Saka miedzo payakatanga kuuya handina kutya kana kushamisika.” Murume wehanzvadzi iyi ndemumwe wevanhu vaitoipikisa. Ainyadzisa hanzvadzi iyi pane vanhu uye akatopisa Bhaibheri nemabhuku ayo. Asi pane kuti hanzvadzi iyi itye, kutenda kwayo kwakatowedzera kusimba. (VaH. 10:39) Hanzvadzi yacho inoti: “Zvakagara zvataurwa kuti vanhu vanonamata Jehovha vaizotambudzwa, saka ndaiziva kuti zvaitofanira kuitika. Zvinhu izvi pazvakaitika kwandiri, zvakatondiratidza kuti ndakanga ndawana chokwadi.”
12. Chii chakabatsira imwe hama kuti itsungirire kutambudzwa?
12 Kunyange zvazvo tichiziva kuti tichatambudzwa, dzimwe nguva zvinogona kutiomera kutsungirira kana tava kutambudzwa. Imwe hama yakanyora zvakaitika kwairi payakanga iri mujeri. Yakati: “Dzimwe nguva ndainetseka zvisingaiti, ndobva ndangotanga kuchema.” Chii chakabatsira hama iyi kuti itsungirire? Inoti: “Ndaigara ndichinyengetera. Mangwanani ega ega, ndainyengetera uye zvinhu pazvaioma mukati mezuva ndainyengetera zvakare. Pandaigumbuka nemhaka yekubatwa zvisina kunaka kwandaiitwa, ndaizvivharira muchimbuzi ndonyengetera.” Hama iyi yaifungisisawo nezvevanhu vakararama kare uyewo vemazuvano vakatambudzwa asi vakaramba vakavimbika. Izvozvo zvakabatsira hama iyi kuti itsungirire kutambudzwa kwayakaitwa uyewo kuti ive nerugare rwakavimbiswa naJesu kuti aizopa vateveri vake.—Joh. 14:27; 16:33.
13. Chii chinogona kutibatsira kutsungirira kuvengwa?
13 Kuda kwatinoita Jehovha uyewo hama nehanzvadzi dzedu kunotibatsira kuti titsungirire kuvengwa. Jesu akasvika pakufa achida Baba vake nemwoyo wese uye aidawo shamwari dzake. (Joh. 13:1; 15:13) Patinoda Jehovha uyewo hama nehanzvadzi dzedu zvakadaro, zvichatibatsira kuti titsungirire kuvengwa. Nei tichidaro? Kuti tipindure mubvunzo iwoyo ngatimboongororai zvakaitika kumuapostora Pauro.
14. Chii chakabatsira Pauro kuti arambe akavimbika kuna Jehovha kusvika pakufa?
14 Nguva pfupi asati aurayiwa, Pauro akanyorera shamwari yake yepamwoyo Timoti tsamba. Akati: “Mwari haana kutipa mweya weumbwende, asi wesimba newerudo.” (2 Tim. 1:7) Pauro airevei? Aireva kuti kana muKristu achida Jehovha zvakadzama anogona kutsungirira kunyange zvinhu zvakaoma zvisingaiti. (2 Tim. 1:8) Pauro aiziva kuti aizourayiwa nekuti aishumira Jehovha, asi kuda kwaaiita Jehovha kwakamubatsira kuti arambe aine ushingi uye akavimbika kwaari.—Mab. 20:22-24.
15. Hama nehanzvadzi dzedu dziri kuratidzana sei rudo mazuvano? (Onawo mufananidzo.)
15 Tinoda hama nehanzvadzi dzedu dzinoramba dzakatendeka padzinenge dzichitambudzwa. Mazuvano vamwe vanoita zvinhu zvinoratidza kuti vanoda hama nehanzvadzi dzavo kunyange zvazvo vachitoziva kuti kuita izvozvo kunogona kuita kuti vatambudzwe. Vanoita zvakaitwa naPrisira naAkwira pavakaisa upenyu hwavo pangozi vachiitira Pauro. (VaR. 16:3, 4) Semuenzaniso kuRussia, vanhu vakawanda vanoenda kumatare kuti vanotsigira hama nehanzvadzi dzavo padzinenge dzichitongwa. Imwe hanzvadzi yakanga yasungwa payakaona hama nehanzvadzi dzakawanda dzakauya kuzoitsigira musi wayakatongwa, yakabayiwa mwoyo nezvavakaita zvekuti yakapererwa nemashoko. Rudo rwayakaratidzwa nehama nehanzvadzi dzayo rwakaisimbisa panguva iyoyo yakanga yakaoma. Tinofara nekuti kuda kwatinoita Jehovha uyewo hama nehanzvadzi dzedu kunotibatsira kuti titsungirire kuvengwa!
Kunyange kana dzichigara munyika yakabhanwa Zvapupu kana kuti yatinorambidzwa kuita mamwe mabasa echiKristu, hama nehanzvadzi dzedu dzinoratidzana rudo (Ona ndima 15)c
16. Nei muapostora Petro akataura kuti vaya vanobatwa zvisina kunaka nekuti vanoshumira Mwari vanofanira kufara? (1 Petro 4:14)
16 Tinoziva kuti patinotsungirira kuvengwa zvinoita kuti Mwari atifarire. (Verenga 1 Petro 4:14.) Muapostora Petro akataura kuti vaya vanobatwa zvisina kunaka nekuti vanoshumira Mwari vanofanira kufara. Nei zvakadaro? Nekuti kubatwa zvisina kunaka ikoko kunotoratidza kuti mweya waMwari ‘uri pavari.’ Petro aifara nekuti aiziva kuti Mwari aimufarira uye izvozvo zvakamubatsira kuti atsungirire kubatwa zvisina kunaka. Semuenzaniso pakapera Pendekosti ya33 C.E., varindi vepatemberi vakatumwa kuti vanosunga Petro nevamwe vaapostora nekuti vaiparidza. Asi Petro akataura neushingi kuti aizoramba achiparidza. (Mab. 5:24-29) Kunyange pashure pekunge varohwa, Petro nevamwe vaapostora vakaramba vachiparidza. Uye vaifara nekuti “vakanga vanzi vakakodzera kuzvidzirwa zita [raJesu].” Nesuwo tinogona kufara patinenge tichitsungirira miedzo.—Mab. 5:40-42.
17. Jesu akaudzei vadzidzi vake usiku hwekupedzisira asati afa?
17 Usiku hwekupedzisira asati afa, Jesu akaudza vadzidzi vake kuti: “Munhu wese anondida achadiwawo naBaba vangu, uye ini ndichamuda.” (Joh. 14:21) Tatononokerwa kuti nguva isvike yekuti hatizombovengerwi kushumira Jehovha! (2 VaT. 1:6-8) Asi iye zvino dai tikanyaradzwa uye tikasimbiswa nekuziva zvikonzero zvakawanda zvinoita kuti tifare patinovengwa.
RWIYO 149 Rwiyo Rwekukunda
a Mamwe mazita akachinjwa.
b KUTSANANGURWA KWEMIFANANIDZO: Mufananidzo uri kuenzanisira Ignacio achiparidzira mudzidzisi wake.
c KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Mufananidzo uri kuenzanisira hama nehanzvadzi dzichitsigira imwe hanzvadzi yasungirwa kutenda kwayo.