RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w26 March pp. 20-25
  • Ukatanga Wafunga, Uchaita Zvisarudzo Zvakanaka

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ukatanga Wafunga, Uchaita Zvisarudzo Zvakanaka
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2026
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • USAZVIKUDZE ASI ZVININIPISE
  • RAMBA WAKADZIKAMA
  • VIMBA NAJEHOVHA PAUNENGE UCHITYA
  • DZIDZA KUONA ZVINHU SEZVAZVINOITWA NAJEHOVHA
  • Kamusikana Kakanga Katapwa Kakataura Neushingi
    Famba naMwari Neushingi
  • Mukuru Wemasoja Nemusikana Mudiki
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Aida Kubatsira
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Akanga Akaoma Musoro Asi Akazoguma Ava Kuteerera
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2026
w26 March pp. 20-25

MAY 25-31, 2026

RWIYO 135 Chikumbiro chaJehovha Cherudo: “Mwanangu, Iva Akachenjera”

Ukatanga Wafunga, Uchaita Zvisarudzo Zvakanaka

“Munhu anodzamisa pfungwa kana pamuka nyaya achabudirira.”—ZVIR. 16:20.

ZVATICHADZIDZA

Tichadzidza kuti kana tikatanga tanyatsofunga, zvichatibatsira kuti tisarudze zvakanaka patinenge tiri mumamiriro ezvinhu akaoma.

1-2. Kutanga tanyatsofunga kunotibatsira sei?

DZIMWE nguva tinombosangana nemamiriro ezvinhu akaoma. Mumwe munhu anogona kusatiremekedza kana kutitadzira kana kuti tinogona kusangana nezvinhu zvinoita kuti titye. Pakadaro, tingasaziva zvekuita. Asi Jehovha akatipa Shoko rake Bhaibheri kuti ritibatsire kusarudza zvakanaka mumamiriro ezvinhu akadaro.

2 Bhaibheri rinotiudza kuti tinofanira kutanga tafunga tisati taita chimwe chinhu. Saka tinofanira kuedza kunzwisisa kuti chii chinogona kunge chaita kuti zvimwe zvinhu zviitike, kana kuti chikonzero nei mumwe munhu aita zvaaita. Kunzwisisa izvozvo kuchatibatsira kuti tisarudze zvakanaka mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana. Pamwe pacho tinogona kusarudza ‘kuramba takanyarara’ kana kuti kana tikasarudza kupindura, tichangwarira matauriro edu. (Pis. 4:4; Zvir. 10:19) Tinogonawo kusarudza kuramba takadzikama patinogumburwa nemumwe munhu, tosiyana nenyaya yacho. Uye zvichatiitira nyore kuti titeererewo vamwe pavanotipa mazano. (Zvir. 19:20) Saka kana tikatanga tanyatsofunga tisati taita chimwe chinhu, tichafadza Jehovha uye zvichatotibatsirawo isu pachedu pamwe chetewo nevamwe. Uye patinogumburwa nemumwe munhu, hatizotsamwi zvekuti tinoita chimwe chinhu chinozoita kuti tizopedzisira tava kuzvidemba. Saka ngatikurukurei dzimwe nyaya dziri muBhaibheri dzinotiratidza kuti kutanga tafunga kunotibatsira sei kuti tirambe tichizvininipisa, tirambe takadzikama uye tinyatsovimba naJehovha.

USAZVIKUDZE ASI ZVININIPISE

3. Naamani aiva ani?

3 Kuti tikwanise kuita zvisarudzo zvakanaka, tinofanira kuzvininipisa. (1 Pet. 5:5) Kutanga tanyatsofunga tisati taita chimwe chinhu kunotibatsira kuti tisazvikudza. Kunotibatsira sei? Ngatimbotaurei zvakaitika kune mumwe murume ainzi Naamani. Naamani aigara munyika yaiva pedyo neIsraeri yainzi Siriya. Aiva nechinzvimbo chakakosha chaizvo munyika iyoyo nekuti aiva mukuru weuto revaSiriya. Asi airwara nechirwere chakaipisisa chemaperembudzi.—2 Madz. 5:1.

4. Naamani akaratidza sei kuti aizvininipisa?

4 Mudzimai waNaamani aiva nekasikana kechiIsraeri kaimushandira. Kasikana ikako kakamuudza kuti kuIsraeri kwaiva nemuprofita aigona kuporesa Naamani. (2 Madz. 5:​2, 3) Naamani paakangozviziva haana kufunga kuti: ‘Kasikana aka kangandiudzei?’ Asi akaratidza kuti aizvininipisa nekuteerera kwaakaita zvakataurwa nekasikana aka, kunyange zvazvo kaibva kunyika yevavengi vavo. Saka Naamani akakumbira mambo weSiriya kuti aende kuIsraeri kuti anoporeswa ikoko.—2 Madz. 5:​4, 5.

5. Chii chakaitika kuna Naamani paakasvika kuIsraeri?

5 Naamani akazosvika pamuzinda waMambo weIsraeri ainzi Jehoramu, achitarisira kuti ndipo paaizoporeswa. Asi Jehoramu paakaona Naamani achiuya kwaari achida kuporeswa, akafunga kuti ndimambo weSiriya akanga aita izvi achida kungonetsana naye. Muprofita Erisha paakangoziva kuti ndizvo zvakanga zvaitika, akaudza Mambo Jehoramu kuti vaite kuti Naamani auye kumba kwake. (2 Madz. 5:​6-9) Naamani ane zvaaitarisira kuti zvaizoitika paaizoenda kumba kwaErisha, asi izvozvo handizvo zvakaitika. Asvika kumba ikoko, Erisha haana kana kutombobuda mumba make kuti amutambire kana kutombotaura naye. Asi Erisha akatotumira muranda wake kuti angoudza Naamani zvaaifanira kuita kuti azoporeswa.—2 Madz. 5:10.

6. (a) Chii chakaita kuti Naamani asade kuteerera zvaakanga audzwa nemuranda waErisha? (b) Varanda vaNaamani vakamubatsira sei? (2 Madzimambo 5:​13, 14)

6 Pakutanga Naamani haana kufara kuti pakanga patumwa muranda kuti azotaura naye. Uye zvakataurwa nemuranda wacho hazvina kumufadza zvakare. Bhaibheri rinotiudza kuti pashure pekunge anzwa mashoko emuranda uyu, “akabva atendeuka, akaenda akatsamwa chaizvo.” (2 Madz. 5:​11, 12) Nei akadaro? Naamani aiva mukuru weuto revaSiriya, saka pamwe aitarisira kuti Erisha aizomuremekedza, ouya otaura naye pachake. Uyewo Naamani anogona kunge akafunga kuti zvaakaudzwa naErisha kuti aite, zvairatidza kuti Erisha aitarisira Siriya pasi. Pasinei nezvakafungwa naNaamani, Bhaibheri rinoratidza kuti akanga ava kutoda kudzokera kumba asina kuporeswa. Asi varanda vaNaamani vakanzwisisa kuti Erisha aitoda kubatsira Naamani. Saka vakakumbira Naamani kuti ateerere zvaakanga audzwa. Naamani akazvininipisa achibva aita zvakanga zvataurwa naErisha uye akabva aporeswa.—Verenga 2 Madzimambo 5:​13, 14.

7. Tinodzidzei kubva pane zvakaitika kuna Naamani? (Zvirevo 22:4) (Onawo mifananidzo.)

7 Tinodzidzei kubva panyaya yaNaamani? Tinodzidza kuti hatifaniri kukurumidzira zvinhu asi tinofanira kutanga tanyatsofunga. Dzimwe nguva maonero atinoita zvinhu anogona kunge asina kunaka. Ndokusaka tichifanira kutanga tanyatsofunga kuti tiite zvisarudzo zvakanaka. Tinofanirawo kuzvininipisa, tobvuma kuti hatizivi zvese. Dzimwe nguva tinotoda kubatsirwa nevamwe kuti tisarudze zvakanaka. Uye Jehovha anokwanisa kutibatsira kuti tiite zvisarudzo zvakanyatsonaka. Ndizvo zvakaitwa naNaamani. Kunyange zvazvo akanga asati ava kunamata Jehovha, Naamani akazvininipisa akateerera zvaakanga audzwa nemusikana uya wechiIsraeri, varanda vake uye naErisha, muprofita waJehovha. Naamani haana kuramba achizvikudza asi akatoita chisarudzo chakanaka chakazoita kuti apedzisire aporeswa. Saka isuwo tinofanira kutanga tanyatsofunga tisati tataura kana kuita chimwe chinhu. Ngatitii mumwe munhu atipa mazano kubva muBhaibheri atisiri kubvumirana nawo. Zvinokosha kuti titange tanyatsofunga kuti zvatichaita zvinoratidza here kuti tinozvikudza kana kuti tinozvininipisa.—Verenga Zvirevo 22:4.

Mifananidzo: Hama iri kuratidza kuzvininipisa pairi kuteerera zvairi kuudzwa. 1. Ichinyatsoteerera pairi kupiwa zano neimwe hama yechidiki ichishandisa bhurocha rinonzi “Shingairira Kuverenga Nekudzidzisa.” 2. Ichiteerera imwe hanzvadzi yechikuru pairi kutaura nezveurongwa hwekuparidza nechingoro. 3. Ichiona JW Broadcasting patablet yayo.

Naamani akazvininipisa akateerera. Isuwo tinofanira kuteerera patinotsiurwa, vamwe pavanotiudza kuti rimwe dambudziko ringagadziriswa sei kana kuti patinopiwa mirayiridzo nesangano (Ona ndima 7)


RAMBA WAKADZIKAMA

8. Ndepapi pazvingatiomera kuti tirambe takadzikama?

8 Dzimwe nguva pane zvinhu zvinogona kuitika zvinogona kutigumbura. Kutaura chokwadi, hazvisi nyore kuti tirambe takadzikama kana mumwe munhu akatirwadzisa kana kuti akatibata zvisina kunaka. Asi chii chingatibatsira kuti tirambe takadzikama? (VaEf. 4:26) Ngatimboonai zvakaitwa naDhavhidhi naAbhigairi pavakanga vari mumamiriro ezvinhu akaoma.

9. Nabhari akaita sei paakakumbirwa zvekudya naDhavhidhi?

9 Funga zvakaitika kuna Dhavhidhi nevarume vaaifamba navo pavaitiza Sauro vachigara kurenje reParani. (1 Sam. 25:1) Vari ikoko vakadzivirira vafudzi vemumwe murume akanga akapfuma ainzi Nabhari pamwe chete nemakwai ake. (1 Sam. 25:​15, 16) Vashandi vaNabhari pavakazotanga kuveura makwai acho, Dhavhidhi akatuma varume vake kuna Nabhari kuti vamukumbire zvekudya. Saka varume vacho vakaenda kuna Nabhari vakataura naye zvakanaka neruremekedzo vachimukumbira zvinhu izvi. (1 Sam. 25:​6-8) Asi Nabhari haana kana kutomboratidza kuti aiva nebasa nezvaakanga aitirwa naDhavhidhi nevarume vake. Akatotaura navo zvehasha, achivatuka.—1 Sam. 25:​10, 11.

10. Chii chakabatsira Dhavhidhi naAbhigairi kuti vaite zvisarudzo zvakanaka? (1 Samueri 25:​32, 33) (Onawo mufananidzo.)

10 Dhavhidhi akatsamwa chaizvo nezvaakanga aitirwa naNabhari. Pamwe nesuwo taizotsamwa kudai izvozvo zvakaitika kwatiri. Dhavhidhi akatsamwa zvekuti akanga ava kutoda kunouraya Nabhari. (1 Sam. 25:​13, 21, 22) Asi Abhigairi, mudzimai waNabhari, akaratidza uchenjeri. Akamhanya akanoonana naDhavhidhi nevarume vake vasati vasvika kuna Nabhari. Nei Abhigairi akaita izvozvo? Aiziva kuti kunyange zvazvo Dhavhidhi akanga atsamwiswa nezvakanga zvaitika, aiva munhu ainzwisisa. Saka aida kutaura naye kuti amubatsire kuti arambe akadzikama, orega kuita zvinhu zvaizoita kuti azozvidemba. Saka Abhigairi akaunzira Dhavhidhi chipo uye akamupawo mazano aigona kumubatsira kuti asarudze zvakanaka. (1 Sam. 25:​18, 23-31) Dhavhidhi akaratidzawo kuti aiva neuchenjeri pakuti akateerera zvaakaudzwa naAbhigairi uye akakwanisa kuona kuti mukadzi uyu aiva nemafungiro aJehovha. Saka Dhavhidhi akaramba akadzikama uye haana kuita zvinhu zvaizoita kuti azvidembe.—Verenga 1 Samueri 25:​32, 33.

Abhigairi aine varanda vake vakabata zvipo zvakawanda. Abhigairi akapfugama pamberi paDhavhidhi achimuteterera kuti asaita zvaari kuda kuita. Dhavhidhi ari kunyatsoteerera uye varume vaainavo vakamira kumashure kwake vachinyatsotarisa zviri kuitika.

Kudai Abhigairi asina kuratidza uchenjeri uye Dhavhidhi asina kumuteerera, vanhu vakawanda vangadai vakafa (Ona ndima 10)


11. Kutanga tanyatsofunga kunogona kutibatsira sei kana tatsamwiswa? (Zvirevo 19:11)

11 Tinodzidzei panyaya yaAbhigairi naDhavhidhi? Patinotsamwisa nemumwe munhu, tinofanira kufunga kuti toita sei kuti tirambe takadzikama mumamiriro iwayo ezvinhu. Chimwewo chinhu chinogona kutibatsira kuti tirambe takadzikama kufunga kuti kana tikaita zvinhu takatsamwa, zvichaguma nei. (Verenga Zvirevo 19:11.) Izvi ndizvo zvakaitika kuna Dhavhidhi. Paakayeuchidzwa naAbhigairi kuti Jehovha aida kuti aite sei mumamiriro ezvinhu aakanga ari maari, Dhavhidhi akakwanisa kuramba akadzikama. Saka kana ukagumburwa nezvinenge zvaitika, usaita zvinhu usina kufunga. (Jak. 1:19) Nyengetera kuna Jehovha, wofunga kuti anoda kuti uite sei panguva iyoyo. Izvi zvinogona kukubatsira kuti udzikame.

12. Vamwe vanogona kutibatsira sei kuti tirambe takadzikama uye tiite zvisarudzo zvakanaka?

12 Jehovha akashandisa Abhigairi kuti abatsire Dhavhidhi kuti arambe akadzikama uyewo kuti Dhavhidhi azive zvaidiwa naJehovha. Saka Jehovha anogona kushandisawo hama nehanzvadzi dzedu mazuva ano kuti dzitibatsire kuziva zvekuita patinenge tatsamwiswa nemumwe munhu. Saka kana ukagumburwa nezvinenge zvaitika, unogona kusarudza kutaura nemumwe munhu akakura pakunamata. Anogona kukubatsira kuti uzive zvaunofanira kuita kuti ufadze Jehovha mumamiriro ezvinhu iwayo. (Zvir. 12:15; 20:18) Asiwo kana kuri kuti shamwari yako yagumburwa nezvinenge zvaitika, unogona kuita saAbhigairi womubatsira kuziva kuti angafadza sei Jehovha mumamiriro ezvinhu iwayo. Jehovha achakubatsira kuti uzive zvekutaura paunenge uchipa vamwe mazano.

VIMBA NAJEHOVHA PAUNENGE UCHITYA

13. Kutanga tanyatsofunga kunotibatsira sei patinenge tichitya?

13 Dzimwe nguva tinombotya, kunyanya patinosangana nematambudziko atinoona sekuti haagadzirisiki. Asi kana tikatanga tanyatsofunga kuti Jehovha ndiMwari Wemasimbaose, zvichatibatsira kuti tivimbe naye nekuti tinoziva kuti kuna Jehovha hakuna dambudziko risingagadzirisike. (Pis. 27:1) Izvi tinonyatsozviona pane zvakaitika muupenyu hwemuprofita Jona. Aida Jehovha, asi paakapiwa basa raaiona sekuti rakanga rakaoma akatanga kutya.

14. Chii chinogona kunge chakaita kuti Jona atye kuita basa raakanga apiwa naJehovha?

14 Jehovha akapa Jona basa rakanga rakaoma chaizvo. Jona aifanira kuenda kunoudza vaNinivhi kuti Jehovha aida kuvaparadza. (Jona 1:​1, 2) Izvi zvinofanira kunge zvakanga zvakaoma nekuti zvaigona kumutorera mwedzi wese kubva kuIsraeri kuenda kuguta revaAsiriya rainzi Ninivhi. Uyewo vaAsiriya vaizivikanwa sevanhu vaida zvemhirizhonga. Guta reNinivhi raitonzi “guta rekudeura ropa.” (Nah. 3:​1, 7) Saka pane kuti aite zvaakanga audzwa naJehovha, Jona akasarudza kutiza.—Jona 1:3.

15. Chii chakabatsira Jona kuti awedzere kuvimba naJehovha? (Jona 2:​6-9)

15 Jona akakwira chikepe achienda kure nekuNinivhi. Ari munzira, Jona akakandwa mugungwa asi Jehovha akamuponesa. Kuponeswa kwaakaitwa kwakayeuchidza Jona kuti Jehovha ndiMwari Wemasimbaose. (Jona 1:​15, 17) Izvi zvakabatsira Jona kuti aone kuti aisafanira kutya kuenda kuNinivhi nekuti Jehovha aigona kumubatsira chero padambudziko raaizosangana naro. (Verenga Jona 2:​6-9.) Saka paakazopiwa mumwe mukana wekuenda kuNinivhi, Jona haana kutiza. Akaita zvaakanga audzwa kuti aite uye akakwanisa kubatsira vaNinivhi kuti vapfidze.—Jona 3:5.

16. Chii chinogona kutibatsira patinenge tichitya? (Zvirevo 29:25) (Onawo mifananidzo.)

16 Tinodzidzei panyaya yaJona? Hatifaniri kutya vanhu zvekuti zvinotitadzisa kuita zvatinenge taudzwa naJehovha. (Verenga Zvirevo 29:25.) Jona akafunga zvese zvakanga zvaitika mupenyu hwake. Uye akaona kuti pane kuti anyanye kunetseka kuti zvii zvaizoitika kwaari mune ramangwana, aingofanira kuyeuka kuti Jehovha aizomubatsira. Nesuwo tikaisa pfungwa pakuti Jehovha akambotibatsira sei kare, zvinogona kutibatsira kuti tisatye zvinogona kuzoitika mune ramangwana. Uyewo chimwe chinogona kutibatsira kufunga kuti Jehovha akabatsira sei hama nehanzvadzi dzedu dzaivimba naye padzakasangana nezvinhu zvakaoma muupenyu.a (VaH. 13:6) Dai tikaratidza kuti tinovimba naJehovha nekuita zvisarudzo zvakanaka uyewo nekubatsira vamwe kuti vavimbewo naye.

Mifananidzo: 1. Muprofita Jona achifamba akananga kumagedhi eNinivhi. 2. Mukomana ari kuchikoro ari kufamba achipfuura nepari kuitwa zvinhu zvakawanda zvisingadiwi naJehovha. Pakaturikwa mireza yemaRainbow kuratidza kuti vanhu vari pachikoro pacho vanotsigira zveungochani. Nechepadivi pane mumwe mukomana akabatwa kora nemumwe mukomana achimutyisidzira.

Jona paakadzidza kuvimba naJehovha, zvakamubatsira kuti ateerere zvaakanga audzwa (Ona ndima 16)


DZIDZA KUONA ZVINHU SEZVAZVINOITWA NAJEHOVHA

17. Chii chichatibatsira kuti tirambe tichiona zvinhu semaonerwo azvinoitwa naJehovha?

17 Sezvatadzidza munyaya ino, tinofanira kutanga tafunga tisati taita chimwe chinhu. Kana tikadaro, tinoita zvisarudzo zvakanaka. Asi chii chichatibatsira kuti tirambe tichiita zvisarudzo zvakanaka? Tinotoda kubatsirwa naJehovha. Akatipa Shoko rake Bhaibheri uye anotipa mweya wake mutsvene. (Neh. 9:20; Pis. 32:8) Anotipa mazano anotibatsira kuti tisarudze zvakanaka uye kuti tisaite zvinhu zvichingobva pakuti tiri kunzwa sei panguva iyoyo. (Pis. 119:​97-101) Saka tinofanira kuwana nguva yekufungisisa zvinhu zvatinoverenga muBhaibheri, tokumbira Jehovha kuti atipe mweya wake mutsvene. Izvi zvichatibatsira kuti tione zvinhu semaonero aanozviita uyewo zvichaita kuti tiite zvaanoda kuti tiite.—Zvir. 21:​11, mashoko emuzasi.

18. Chii chatinoshuvira?

18 Tinoda kuramba tichikumbira Jehovha kuti atipe uchenjeri. (Pis. 14:2) Izvi zvichatibatsira kuti tiite zvisarudzo zvakanaka. (Zvir. 21:16) Uye chatinoshuvira ndechekuti tigare tichiita zvisarudzo zvakanaka pasinei nemamiriro ezvinhu atinenge tiri. Kana tikadaro, tichafadza Jehovha.

TINODZIDZEI KUBVA PANA . . .

  • Naamani?

  • Dhavhidhi naAbhigairi?

  • Jona?

RWIYO 42 Munyengetero Wemushumiri waMwari

a Semuenzaniso ona nyaya yeupenyu yaGeorgiy Porchulyan iri paJW Library® kana kuti pajw.org pamusoro wakanzi “Nyaya Dzeupenyu dzeZvapupu zvaJehovha.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe