RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w26 March p. 32
  • Iva Neushingi Uye Ramba Wakavimbika saBhenaya

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Iva Neushingi Uye Ramba Wakavimbika saBhenaya
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2026
  • Mashoko Akafanana
  • Dzidza Kuvashumiri vaJehovha Vainge Vakavimbika
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
  • “Ndidzidzisei Kuita Kuda Kwenyu”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Iva Neushingi saZadhoki
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2024
  • “Muchava Akavimbika”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2026
w26 March p. 32

MUNHU WEMUBHAIBHERI

Iva Neushingi Uye Ramba Wakavimbika saBhenaya

Bhenaya aiva musoja akashinga. Aiva muuto raMambo Dhavhidhi uye akazoshandawo muuto raMambo Soromoni. Bhenaya aiva mwana wemupristi. Kazhinji vapristi nevaRevhi vaisarwa hondo kana kushandisa zvombo asi Bhenaya airwa hondo achidzivirira vanhu vaJehovha. Akaratidza kuti aiva neushingi. Pamwe pacho akatombopinda mugomba maiva neshumba akaiuraya. Akaurayawo rimwe zirume rakanga rakakura raiva rakapakata zvombo. Dhavhidhi aivimba naBhenaya zvekuti akatomuita mukuru wevarindi vake.—2 Sam. 23:​20-23.

Absaromu naAdhonija pavakapandukira Dhavhidhi, Bhenaya akaramba akavimbika kuna Dhavhidhi. (2 Sam. 8:18; 15:18; 1 Madz. 1:8) Dhavhidhi paakanga akwegura, Bhenaya akaramba achimutsigira uye akabatsira kuti Soromoni agadzwe samambo. (1 Madz. 1:​32-40) Bhenaya akaramba akavimbika kuna Jehovha uye kumadzimambo akagadzwa naMwari kunyange vamwe pavaipanduka.

Nesuwo tinofanira kuva neushingi kuti tirambe tichirwisa muvengi wedu ane simba, Satani, nevaya vanomutsigira. Uye tinofanira kuita zvese zvatinogona kuti tirambe tichiteerera mitemo yaJehovha. (VaEf. 6:11; 1 Pet. 5:​8, 9) Kunyange kana vamwe vakasiya Jehovha, isu tinoramba takavimbika kwaari tichiziva kuti achatipa mubayiro.—2 Sam. 22:26.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe