NYAYA YEKUDZIDZA 32
RWIYO 38 Achakusimbisa
Jehovha Anotibatsira Sei Kutsungirira?
“Mwari wenyasha dzese . . . achakutsigisai, achakusimbisai, uye achaita kuti mumire makasimba.”—1 PET. 5:10.
ZVATICHADZIDZA
Tichadzidza nezvezvinhu zvatakapiwa naJehovha kuti tikwanise kutsungirira uye tichaona kuti zvii zvatingaita kuti tibatsirwe nezvinhu izvozvo.
1. Nei tichifanira kutsungirira, uye ndiani anogona kutibatsira kuti tidaro? (1 Petro 5:10)
MUMAZUVA ano ekupedzisira akaoma, vanhu vaJehovha vanofanira kutsungirira. Vamwe vava nenguva refu vachirwara. Vamwe vakafirwa nehama kana shamwari dzavo. Vamwewo vari kupikiswa nevanhu vemumhuri kana kuti nehurumende. (Mat. 10:18, 36, 37) Pasinei nedambudziko rauri kusangana naro, iva nechokwadi chekuti Jehovha anogona kukubatsira kutsungirira.—Verenga 1 Petro 5:10.
2. Ndiani anotibatsira kutsungirira?
2 Kutsungirira zvinoreva kuramba takatendeka kuna Jehovha tichimushumira tichifara kunyange zvinhu pazvinenge zvakaoma, tichitambudzwa, kana kuti tiinewo mimwe miedzo yatiri kusangana nayo. Kuti tikwanise kutsungirira, tinofanirawo kuva netariro yekuti zvinhu zvichanaka. MuKristu haakwanise kutsungirira nesimba rake ega. Anotoda kubatsirwa naJehovha, uyo anogona kutipa “simba rakawedzerwa pane ratagara tiinaro.” (2 VaK. 4:7) Munyaya ino tichakurukura zvinhu zvina zvatakapiwa naJehovha kuti zvitibatsire kutsungirira. Tichadzidzawo kuti zvii zvatingaita kuti tibatsirwe nezvinhu izvozvo.
MUNYENGETERO
3. Nei tichigona kutaura kuti munyengetero chishamiso?
3 Kuti atibatsire kutsungirira, Jehovha ane chimwe chinhu chinoshamisa chaakaita kuti tikwanise kuita. Akaita kuti tikwanise kutaura naye pasinei nekuti tine chivi. (VaH. 4:16) Chimbofunga izvi: Tinokwanisa kunyengetera kuna Jehovha chero nguva uye tichimuudza chero nyaya yatinenge tichida. Anotinzwa pasinei nekuti tataura nemutauro upi. Anotinzwawo pasinei nekuti tataura tiri kupi, tingava tiri kwedu tega kana kuti tiri mujeri. (Jona 2:1, 2; Mab. 16:25, 26) Kana tikanyanya kunetseka zvekuti tinoshaya mashoko ekutsanangura manzwiro atinenge tichiita, Jehovha anokwanisa kunzwisisa zvatinenge tichida kutaura. (VaR. 8:26, 27) Chokwadi munyengetero chishamiso chaicho!
4. Tinoziva sei kuti kana tikanyengetera tichikumbira kuti Jehovha atibatsire kutsungirira achatibatsira?
4 MuShoko rake, Jehovha anotivimbisa kuti “pasinei nezvatinokumbira maererano nekuda kwake, iye anotinzwa.” (1 Joh. 5:14) Ko anotinzwa here kana tikanyengetera kwaari tichikumbira kuti atibatsire kutsungirira? Ehe anotinzwa, nekuti kuita izvozvo kunoenderana nekuda kwake. Nei tichidaro? Nekuti patinotsungirira miedzo, tinoita kuti Jehovha akwanise kupindura Satani Dhiyabhorosi uyo anomushora. (Zvir. 27:11) Uyewo, Bhaibheri rinotaura kuti Jehovha anoda chaizvo ‘kuratidza simba rake achibatsira vaya vane mwoyo wakaperera kwaari.’ (2 Mak. 16:9) Saka tinogona kuva nechokwadi chekuti Jehovha anoda kutibatsira kutsungirira uye ane simba racho.—Isa. 30:18; 41:10; Ruka 11:13.
5. Munyengetero unotibatsira sei kuti tive nerugare rwemupfungwa? (Isaya 26:3)
5 Bhaibheri rinotaura kuti patinonyengetera tichinyatsoudza Jehovha zvinenge zvichitinetsa, ‘rugare rwaMwari runopfuura kunzwisisa kwese runochengetedza mwoyo yedu nepfungwa dzedu.’ (VaF. 4:7) Tinotenda chaizvo kuti tinokwanisa kuva nerugare urwu. Vanhu vasingashumire Jehovha pavanosangana nematambudziko, vanogona kuedza kuita zvinhu zvakasiyana-siyana kuti vawane rugare rwemupfungwa. Asi kunyange kana munhu akanzwa kugadzikana pashure pekunge aita zvinhu izvozvo, anenge asina rugare rwechokwadi runobva kuna Mwari urwo runopfuura nekure kugadzikana kwaanenge ava kunzwa. Patinonyengetera kuna Jehovha, tinoratidza kuti tinonyatsovimba naye uye anoita kuti ‘tirambe tiine rugare.’ (Verenga Isaya 26:3.) Imwe nzira yaanotipa nayo rugare ndeyekutibatsira kuti tiyeuke chokwadi chatakadzidza muShoko rake. Chokwadi ichocho chinoita kuti pfungwa dzedu nemwoyo zvigadzikane nekuti tinoziva kuti Jehovha ane hanya nesu uye anoda kutibatsira.—Pis. 62:1, 2.
6. Zvii zvaunogona kunyengeterera? (Onawo mufananidzo.)
6 Zvaunogona kuita. Paunosangana nematambudziko, “kanda mutoro wako pana Jehovha” uye nyengetera kuti akupe rugare rwake. (Pis. 55:22) Nyengeterawo uchikumbira uchenjeri kuti ukwanise kuziva zvekuita. (Zvir. 2:10, 11) Uye paunenge uchinyengetera kuti Jehovha akubatsire kuti utsungirire, usakanganwe kunyengetera uchitendawo zvaari kukuitira. (VaF. 4:6) Tsvaga zvinhu zvinoratidza kuti Jehovha ari kukutsigira panguva yakaoma yauri uye mutende nekukutsigira kwaari kuita. Usanyanya kuisa pfungwa pamatambudziko ako zvekuti unotadza kuona kukomborerwa kwauri kuitwa naMwari.—Pis. 16:5, 6.
Paunonyengetera, unenge uri kutaura naJehovha. Paunoverenga Bhaibheri, Jehovha anenge ari kutaura newe (Ona ndima 6)b
SHOKO RAMWARI
7. Kudzidza Bhaibheri kunotibatsira sei kutsungirira?
7 Jehovha akatipa Shoko rake kuti ritibatsire kutsungirira. MuBhaibheri mune mavhesi akawanda anotibatsira kuti tive nechivimbo chekuti Jehovha achatitsigira. Rimwe remavhesi iwayo ndiMateu 6:8 iro rinoti: “Baba venyu vanoziva zvamunoda musati matombovakumbira.” Jesu ndiye akataura mashoko iwayo uye anonyatsoziva Jehovha kupfuura chero ani zvake. Saka tinogona kunyatsova nechivimbo chekuti patinenge tichitambura Jehovha anoziva zvatinoda uye achatibatsira. MuBhaibheri mune mavhesi akawanda akafanana neiroro ekuti kana tikaadzidza tinowana simba rekutsungirira matambudziko.—Pis. 94:19.
8. (a) Nderipi rimwe zano remuBhaibheri rinogona kutibatsira kutsungirira? (b) Chii chinogona kutibatsira kuyeuka mazano emuBhaibheri atinogona kushandisa patinenge tiri mudambudziko kana kuti tichida kuita chisarudzo?
8 Bhaibheri rine mazano anogona kutibatsira kutsungirira patinenge tiri mumatambudziko. Mazano iwayo anotibatsira kuti tiite zvisarudzo zvakanaka. (Zvir. 2:6, 7) Semuenzaniso, Bhaibheri rinotikurudzira kuti tisazvidya mwoyo pamusoro pezvinhu zvingangoitika mune ramangwana. (Mat. 6:34) Kana tikagara tichiwana nguva yekuverenga Magwaro uye tichiafungisisa, zvichatiitira nyore kuti tiyeuke mazano anobva muBhaibheri anogona kushanda patinenge tichifanira kuita chisarudzo kana kuti patinosangana nedambudziko.
9. Nyaya dziri muBhaibheri dzinosimbisa sei kutenda kwedu muna Jehovha kuti achatibatsira?
9 MuBhaibheri munewo nyaya dzevanhu vakanga vakafanana nesu vaivimba naJehovha uye vakabatsirwa naye. (VaH. 11:32-34; Jak. 5:17) Patinofungisisa nezvekuti Jehovha akavabatsira sei, tinowedzera kuva nekutenda kwekuti achatibatsirawo. Iye “ndiye nzvimbo yedu yekupotera nesimba redu. Ndiye rubatsiro runowanika zviri nyore munguva yekutambudzika.” (Pis. 46:1) Uye patinofungisisa nezvekuti vashumiri vaJehovha vekare vakaratidza sei kuti vaitenda maari uye kuti vakaramba sei vachimushumira kunyange pazvainge zvakaoma tinonzwa tichida kuvatevedzerawo.—Jak. 5:10, 11.
10. Zvii zvatingaita kuti tinyatsobatsirwa neShoko raMwari?
10 Zvaunogona kuita. Gara uchiverenga Bhaibheri mazuva ese uye nyora pasi mavhesi aunofunga kuti anogona kuzokubatsira. Vanhu vakawanda vanoverenga rugwaro rwezuva mangwanani ega ega. Izvi zvinoita kuti vave nechimwe chinhu chinokurudzira chekuswera vachifunga nezvacho. Izvi ndizvo zvaiitwa neimwe hanzvadzi inonzi Mariea vabereki vayo pavakabatwa chirwere chekenza. Chii chakabatsira Marie kuti atsungirire paaipepa vabereki vake vava pedyo nekufa? Anoti: “Mangwanani ega ega ndaiverenga bhuku raKuongorora Magwaro Zuva Nezuva ndofungisisa nezverugwaro rwezuva iroro. Izvi zvakandibatsira kuti zuva rega rega ndifunge nezvaJehovha uye zvinhu zvakanaka zvaanondidzidzisa zviri muShoko rake pane kuti ndingofunga nezvematambudziko andaisangana nawo.”—Pis. 61:2.
HAMA NEHANZVADZI DZEDU
11. Kuziva kuti hatisi tega tiri kusangana nematambudziko kunotibatsira sei?
11 Jehovha anotibatsira kutsungirira achishandisa hama nehanzvadzi dzedu. Kungoziva ‘kuti matambudziko atiri kusangana nawo ari kusanganawo nehama dzedu dzese’ kunotinyaradza nekuti tinenge tichiziva kuti hatisi tega. (1 Pet. 5:9) Izvi zvinoita kuti tive nechokwadi chekuti pasinei nedambudziko ratinosangana naro, vamwe vakatombosangana nedambudziko rakafanana nairoro uye vakakwanisa kutsungirira. Saka izvi zvinoreva kuti nesuwo tinogona kutsungirira!—Mab. 14:22.
12. Hama nehanzvadzi dzedu dzinotibatsira sei, uye isuwo tingadzibatsira sei? (2 VaKorinde 1:3, 4)
12 Hama nehanzvadzi dzedu dzinogona kutikurudzira kuti tirambe tichitsungirira kuburikidza nezvavanotaura uye zvavanotiitira. Izvi ndizvo zvakaitika kumuapostora Pauro. Aigara achitenda vaya vaimubatsira paakanga akasungwa achitotaura nezvavo nemazita avo. Vaimunyaradza, vaimukurudzira uye vaimupa rubatsiro chairwo rwaaida. (VaF. 2:25, 29, 30; VaK. 4:10, 11) Izvi zvinogona kuitikawo kwatiri. Mazuva ano hama nehanzvadzi dzedu dzinogona kutinyaradza uye kutibatsira kuti titsungirire patinenge tiri panguva yakaoma. Nesuwo tinogona kuvabatsirawo pavanenge vari mumatambudziko.—Verenga 2 VaKorinde 1:3, 4.
13. Chii chakabatsira imwe hanzvadzi inonzi Maya kuti itsungirire?
13 Imwe hanzvadzi yekuRussia inonzi Maya yakakurudzirwa chaizvo nehama nehanzvadzi. Muna 2020, mapurisa akasecha imba yaMaya uye Maya akazomiswa pamberi pedare achipomerwa mhosva yekuudza vamwe zvaanotenda. Maya anoti: “Panguva yandainzwa kunetseka nezvaiitika, hama nehanzvadzi dzaindifonera uye dzaindinyorera mameseji netsamba dzichindiudza kuti dzinondida. Ndagara ndaizviziva kuti ndiri mumhuri yakakura ine vanhu vanondida. Asi kubvira ipapo ndakawedzera kunyatsoona kuti ndinodiwa.”
14. Zvii zvatinogona kuita kuti tibatsirwe nehama nehanzvadzi dzedu kutsungirira matambudziko? (Onawo mufananidzo.)
14 Zvaunogona kuita. Paunenge uri mudambudziko ramba uri pedyo nehama nehanzvadzi dzako. Usatye kukumbira vakuru kuti vakubatsire. Vanogona kuita “senzvimbo yekuhwanda mhepo, nzvimbo yekupotera pamvura ine dutu.” (Isa. 32:2, mashoko emuzasi) Uye yeuka kuti hama nehanzvadzi dzako dzinewo matambudziko adziri kutsungirira. Saka kuvaitirawo chimwe chinhu chekuvabatsira kuchaita kuti ufare uye izvozvo zvichaita kuti ukwanise kutsungirira matambudziko auinawo.—Mab. 20:35.
Ramba uri pedyo nehama nehanzvadzi dzako (Ona ndima 14)c
TARIRO YEDU
15. Tariro yakabatsira sei Jesu, uye inotibatsirawo sei? (VaHebheru 12:2)
15 Jehovha akatipa tariro yatinoziva kuti ichazadziswa uye tariro iyoyo inoita kuti tirambe tichitsungirira kusvikira kumugumo. (VaR. 15:13) Yeuka kuti tariro yakabatsira sei Jesu kutsungirira zvinhu zvakaoma zvaakasangana nazvo musi waakazofa. (Verenga VaHebheru 12:2.) Jesu aiziva kuti kana akaramba akatendeka zvaizoita kuti zita raJehovha rirevererwe. Jesu aitarisirawo kuzova pamwe chete zvakare naBaba vake uye nekufamba kwenguva kuzoshumira pamwe chete nehama dzake muUmambo hwekudenga. Nesuwo tariro yedu yekurarama nekusingaperi munyika itsva yaMwari inotibatsira kuti titsungirire chero matambudziko atingasangana nawo munyika yaSatani.
16. Chii chiri kubatsira imwe hanzvadzi kuti itsungirire, uye unodzidzei kubva pane zvayakataura?
16 Chimboona kuti tariro yekurarama munyika itsva iri kubatsira sei imwe hanzvadzi yekuRussia inonzi Anna. Murume wayo akasungwa ndokuiswa mujeri achimirira kuti nyaya yake izotongwa. Izvi pazvakaitika, Anna akati: “Ndinogara ndichinyengetera kuna Jehovha nezvetariro yandiinayo uye ndinogara ndichifunga kuti upenyu huchange hwakaita sei mune ramangwana. Izvi zvinondibatsira kuti ndisanyanye kunetseka. Ndinoziva kuti zvinhu zvichanaka. Jehovha achakunda vavengi vake uye achatipa mubayiro.”
17. Zvii zvatingaita kuti tiratidze kuti tinokoshesa tariro yatiinayo? (Onawo mufananidzo.)
17 Zvaunogona kuita. Gara uchifunga zvinhu zvakanaka zvichaitwa naJehovha mune ramangwana. Fungidzira kufara kwauchaita uchirarama munyika itsva uine hama neshamwari dzako. Izvi zvichaita kuti uone kuti matambudziko auinawo ‘ndeenguva diki uye akareruka’ kana tichiaenzanisa nekurarama nekusingaperi muParadhiso. (2 VaK. 4:17) Uyewo ita zvaunokwanisa kuti uudze vamwe zvinovimbiswa naMwari nezveramangwana. Funga kuti upenyu hunofanira kunge hwakaomera sei vanhu vasinganamate Jehovha. Vanosangana nematambudziko asi havana tariro nekuti havazive zvinhu zvakanaka zvinovimbiswa naJehovha. Saka unotogona kuvabatsira kuti vade kunzwa zvakawanda nezveUmambo kana ukavaudza kunyange zvinhu zvishoma zvinovimbiswa naJehovha.
Gara uchifunga zvinhu zvakanaka zvichaitwa naJehovha mune ramangwana (Ona ndima 17)d
18. Chii chinoita kuti tivimbe nezvakataurwa naJehovha?
18 Jobho akatsungirira matambudziko akawanda uye akaramba akatendeka. Akazoudza Jehovha kuti: “Iye zvino ndava kuziva kuti munokwanisa kuita zvinhu zvese uye hapana chamunofunga kuita chamungatadza.” (Job. 42:2) Jobho akaona kuti hapana chinotadzisa chinangwa chaJehovha kuti chizadziswe. Kuziva izvi kunogona kutibatsira kuti tirambe tichitsungirira. Ngatitii pane mukadzi ava nenguva yakareba achirwara. Mukadzi uyu akaora mwoyo nekuti akaenda kuna vanachiremba vakawanda asi hapana akakwanisa kumurapa. Asi anobva awana chiremba ane unyanzvi uye chiremba uyu anobva anyatsomuudza chiri kuita kuti arware uye kuti zvii zvaachaita kuti amurape. Mukadzi uyu anotanga kufara kunyange zvazvo achifanira kumirira kuti azorapwa. Ava kukwanisa kutsungirira nekuti ava netariro yekuti achapora. Ndizvo zvinoitikawo kwatiri. Tinokwanisa kuramba tichitsungirira nekuti tine tariro yekuti Paradhiso yakavimbiswa naMwari ichauya.
19. Chii chichatibatsira kuti titsungirire?
19 Sezvatakurukura, Jehovha anoda kutibatsira kuti titsungirire matambudziko. Anotibatsira achishandisa munyengetero, Shoko rake, hama nehanzvadzi dzedu uye tariro yedu. Kana tikanyatsobvuma nemwoyo wese rubatsiro urwu rwaanotipa, zvichaita kuti tikwanise kutsungirira chero matambudziko atingasangana nawo iye zvino. Tichakwanisawo kuramba tichitsungirira kusvikira matambudziko ese ari munyika ino yaSatani asisipo.—VaF. 4:13.
RWIYO 33 Kanda Mutoro Wako Pana Jehovha
a Mamwe mazita ari munyaya ino akachinjwa.
b KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Hama yechikuru iri kuramba yakatendeka makore zvaari kupindana.
c KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Hama yechikuru iri kuramba yakatendeka makore zvaari kupindana.
d KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Hama yechikuru iri kuramba yakatendeka makore zvaari kupindana.