NYAYA YEKUDZIDZA 25
RWIYO 96 Bhuku raMwari—Ipfuma Chaiyo
Zvatinodzidza Pane Zvakaprofitwa naJakobho Ava Kufa—Chikamu 2
“Akapa mumwe nemumwe wavo chikomborero chakakodzerana naye.”—GEN. 49:28.
ZVATICHADZIDZA
Tichawana zvidzidzo kubva pane zvakaprofitwa naJakobho ava pedyo nekufa achiudza vamwe vanakomana vake 8.
1. Tichakurukurei munyaya ino?
VANAKOMANA vaJakobho vakamuunganira, vachinyatsoteerera kuti vanzwe zvichataurwa nababa vavo kune mumwe nemumwe wavo. Sezvatakakurukura munyaya yakapfuura, mashoko akataurwa naJakobho kuna Rubheni, Simiyoni, Revhi, naJudha, anogona kunge akashamisa vanakomana vake. Saka vanofanira kunge vari kunetseka kuti Jakobho achati kudii kune vamwe vanakomana vake 8 vasara. Ngationei zvatinodzidza kubva pane zvaakataura kuna Zebhuroni, Isakari, Dhani, Gadhi, Asheri, Naftari, Josefa, uye Bhenjamini.a
ZEBHURONI
2. Jakobho akaudza Zebhuroni kuti kudii uye mashoko iwayo akazadziswa sei? (Genesisi 49:13) (Onawo bhokisi.)
2 Verenga Genesisi 49:13. Jakobho anotaura kuti vazukuru vaZebhuroni vaizogara pedyo nemhenderekedzo yegungwa, nechekuchamhembe kweNyika Yakapikirwa. Papera makore anopfuura 200, dzinza raZebhuroni rakawana nhaka yaro. Yaiva pakati peGungwa reGarireya neGungwa reMedhitereniyeni. Mozisi akaprofita kuti: “Fara, haiwa iwe Zebhuroni, paunobuda.” (Dheut. 33:18) Anogona kunge aireva kuti zvaizova nyore kuti vanhu vedzinza raZebhuroni vatengeserane nevanhu vaibva kwakasiyana-siyana sezvo nharaunda yavo yaiva pakati pemakungwa maviri aya. Pasinei nekuti ndizvo zvaaireva here kana kuti kwete, vanhu vedzinza raZebhuroni vaifanira kufara.
3. Chii chinogona kutibatsira kuti tigutsikane nezvatiinazvo?
3 Tinodzidzei? Tinofanira kufara pasinei nekuti tinogara kupi kana kuti zvinhu zvakatimirira sei muupenyu. Kuti tikwanise kuramba tichifara, tinofanira kugutsikana nezvatiinazvo. (Pis. 16:6; 24:5) Kazhinji tinogona kutanga kunetseka tichifunga nezvezvinhu zvatisina, totadza kufara nezvinhu zvatiinazvo. Saka pasinei nemamiriro ako ezvinhu, edza kuisa pfungwa pane zvinhu zvakanaka zvauinazvo muupenyu.—VaG. 6:4.
ISAKARI
4. Jakobho akaudza Isakari kuti kudii uye mashoko iwayo akazadziswa sei? (Genesisi 49:14, 15) (Onawo bhokisi.)
4 Verenga Genesisi 49:14, 15. Jakobho anorumbidza Isakari nekushanda kwaaiita nesimba, achimuenzanisa nedhongi rine mapfupa akasimba iro rinokwanisa kutakura mitoro inorema. Jakobho anotaurawo kuti Isakari aizowana nyika yakanaka. Zvakataurwa naJakobho zvakazadziswa. Vazukuru vaIsakari vakawana nyika yakanga yakaorera pedyo neRwizi rwaJodhani. (Josh. 19:22) Zviri pachena kuti vakashanda nesimba vachirima munharaunda yavakanga vapiwa asi vaishandawo nesimba kuti vabatsire vamwe. (1 Madz. 4:7, 17) Semuenzaniso, dzinza raIsakari rakanga rakagadzirira kubatana nevamwe pakurwisa vavengi, sezvavakaita panguva yeMutongi Bheraki nemuprofitakadzi Dhibhora.—VaT. 5:15
5. Nei tichifanira kushanda nesimba?
5 Tinodzidzei? Jehovha anokoshesa kushanda nesimba kwatinoita mubasa rake sekukoshesa kwaaiita kushanda nesimba kwaiita vanhu vedzinza raIsakari. (Mup. 2:24) Chimbofunga nezvehama dzinoshanda nesimba muungano. (1 Tim. 3:1) Hama idzi hadzifaniri hadzo kurwa hondo chaidzo, asi dzinofanira kushanda nesimba kuti dzidzivirire vanhu vaMwari pazvinhu zvinogona kukanganisa ushamwari hwavo naJehovha. (1 VaK. 5:1, 5; Jud. 17-23) Vanoshandawo nesimba pakugadzirira uye pakupa hurukuro dzinokurudzira uye dzinosimbisa ungano.—1 Tim. 5:17.
DHANI
6. Dzinza raDhani rakapiwa basa ripi? (Genesisi 49:17, 18) (Onawo bhokisi.)
6 Verenga Genesisi 49:17, 18. Jakobho anofananidza Dhani nenyoka inoruma mhuka dzakakura chaizvo kuipfuura, dzakadai sebhiza rehondo. Vanhu vedzinza raDhani vaiva neushingi uye vaigara vakagadzirira kurwisa vavengi vevaIsraeri. VaIsraeri pavaifamba vakananga kuNyika Yakapikirwa, dzinza raDhani raifamba “riri kumashure kwemapoka acho ese” richiadzivirira. (Num. 10:25) Kunyange zvazvo vaIsraeri vaisaona zvese zvaiitwa nevanhu vedzinza raDhani vari kumashure ikoko, basa ravaiita raikosha chaizvo.
7. Tinofanira kuyeukei nezvebasa chero ripi zvaro ratinoitira Jehovha?
7 Tinodzidzei? Wakamboita here rimwe basa asi wonzwa sekuti hapana akaonawo zvawakaita? Pamwe wakabatsira kuchenesa uye kugadzirisa zvimwe zvinhu paImba yeUmambo, wakazvipira kushanda pagungano, kana kuitawo rimwe basa. Kana wakadaro, wakaita zvakanaka chaizvo! Yeuka kuti Jehovha anoona uye anokoshesa zvese zvaunomuitira. Anotonyanya kufara paunomushumira nekuti unenge uchida kuratidza kuti unomuda nemwoyo wese kwete nekuti unenge uchitsvaga kurumbidzwa nevamwe.—Mat. 6:1-4.
GADHI
8. Nei zvaiva nyore kuti vavengi vevaIsraeri varwise dzinza raGadhi? (Genesisi 49:19) (Onawo bhokisi.)
8 Verenga Genesisi 49:19. Jakobho akaprofita kuti boka revapambi raizorwisa Gadhi. Papera makore anopfuura 200, dzinza raGadhi rakagara munharaunda yaiva kumabvazuva kweRwizi rwaJodhani, iyo yaiva yakavakidzana nenyika dzevavengi. Izvi zvaiita kuti zvive nyore kuti vavengi varwise vanhu vedzinza raGadhi. Asi vanhu vedzinza raGadhi vaida kugara munzvimbo iyoyo nekuti yaiva nemafuro akanaka ezvipfuwo zvavo. (Num. 32:1, 5) Zviri pachena kuti vanhu vedzinza raGadhi vaiva neushingi uye vaivimba kuti Jehovha aizovabatsira kudzivirira nhaka yavo yaainge avapa kana vakarwiswa nevavengi. Vakaita kuti mauto avo aende kunobatsira mamwe madzinza evaIsraeri kukunda vavengi vaiva mhiri kwaJodhani uye vakazviita kwemakore akawanda. (Num. 32:16-19) Vaivimba kuti Jehovha aizodzivirira madzimai avo nevana vavo, varume pavainge vasipo. Jehovha akavakomborera nemhaka yeushingi hwavo uye kuzvipira kwavakaita kubatsira vamwe.—Josh. 22:1-4.
9. Kuvimba naJehovha kuchaita kuti tiite zvisarudzo zvakaita sei?
9 Tinodzidzei? Kuti tikwanise kushumira Jehovha pasinei nematambudziko, tinofanira kuramba tichivimba naye. (Pis. 37:3) Vanhu vakawanda mazuva ano vanoratidza kuti vanovimba naJehovha pavanozvipira kurasikirwa nezvimwe zvinhu kuti vatsigire mabasa ekuvaka zvivakwa zvesangano, kushumira kunodiwa vaparidzi vakawanda, kana kuitawo mamwe mabasa musangano. Vanoita izvi nekuti vanovimba kuti Jehovha haazomboregi kuvachengeta.—Pis. 23:1.
ASHERI
10. Vanhu vedzinza raAsheri vakakundikana kuitei, uye izvozvo zvakavakanganisa sei? (Genesisi 49:20) (Onawo bhokisi.)
10 Verenga Genesisi 49:20. Jakobho akaprofita kuti dzinza raAsheri raizobudirira, uye ndizvo chaizvo zvakaitika. Dzinza raAsheri rakapiwa nharaunda yakanga yakaorera chaizvo. (Dheut. 33:24) Yaivawo pamhenderekedzo yeGungwa reMedhitereniyeni uye yaivawo nechiteshi chakanga chakabudirira cheSidhoni. Asi vanhu vedzinza raAsheri vakakundikana kubvisa vaKenani munyika yacho. (VaT. 1:31, 32) Kunenge kuti kupfuma kwavakanga vakaita uyewo kukanganiswa kwavakaitwa nevaKenani, ndiko kwakaita kuti vapedzisire vasisanyatsokoshese kunamata kwakachena. Mutongi Bheraki paaida vanhu vaizvipira kuti varwise vaKenani, vanhu vedzinza raAsheri havana kuuyawo kuzobatsira. Saka havana kuona zvinhu zvinoshamisa zvakaitwa naJehovha achibatsira vaIsraeri kukunda vavengi vavo “pedyo nemvura yeMegidho.” (VaT. 5:19-21) Vanofanira kunge vakanyara chaizvo pavakanzwa Bheraki naDhibhora vachiimba kuti: “Asheri akagara pamhenderekedzo yegungwa asina chaari kuita.”—VaT. 5:17.
11. Nei tisingafaniri kufunga kuti kutsvaga mari ndiko kunonyanya kukosha muupenyu?
11 Tinodzidzei? Tinoda kunyatsoshandisa nguva yedu nesimba redu pakushumira Jehovha. Asi kuti tikwanise kuita izvozvo, hatifaniri kuita sevanhu vari munyika vanofunga kuti kuva nemari nezvinhu ndizvo zvinonyanya kukosha muupenyu. (Zvir. 18:11) Kunyange zvazvo tichida mari kuti tirarame, hatifungi kuti kuva nemari yakawanda kunonyanya kukosha kupfuura kushumira Jehovha. (Mup. 7:12; VaH. 13:5) Hatishandisi nguva yedu nesimba tichitsvaga zvinhu zvisingakoshi. Pane kudaro, tinoita zvese zvatinogona kuti tishandise nguva yedu nesimba pakushumira Jehovha tichiziva kuti kana tikaramba takatendeka tichawana upenyu hwakanaka munyika itsva.—Pis. 4:8.
NAFTARI
12. Mashoko akataurwa naJakobho kuna Naftari anogona kunge akazadziswa sei? (Genesisi 49:21) (Onawo bhokisi.)
12 Verenga Genesisi 49:21. “Mashoko akanaka kwazvo” akataurwa nezvawo naJakobho anogona kunge aireva kutaura zvakanaka kwaiita Jesu paaiita ushumiri hwake. Jesu, uyo aizivikanwa nekudzidzisa zvinobaya mwoyo, akaita nguva yakawanda achigara muguta reKapenaume iro raiva munharaunda yaNaftari. Ndosaka guta reKapenaume rainzi “guta rekwake.” (Mat. 4:13; 9:1; Joh. 7:46) Achitaura nezvaJesu, Isaya akaprofita kuti vanhu vedzinza raZebhuroni neraNaftari vaizoona “chiedza chikuru.” (Isa. 9:1, 2) Kudzidzisa kwaiita Jesu kwakaita kuti ave “chiedza chechokwadi, icho chinovhenekera vanhu vemarudzi ese.”—Joh. 1:9.
13. Tingaitei kuti zvatinotaura zvifadze Jehovha?
13 Tinodzidzei? Jehovha ane basa nezvatinotaura uye matauriro atinozviita. Tingataura sei “mashoko akanaka kwazvo” anofadza Jehovha? Tinozviita patinotaura chokwadi. (Pis. 15:1, 2) Tinogonawo kutaura zvinhu zvinokurudzira vamwe zvakadai sekuvarumbidza pavanoita chimwe chinhu chakanaka. Uyewo tinoedza kuti tisataura zvinokanganiswa nevamwe kana kugara tichinyunyuta. (VaEf. 4:29) Tinogonawo kuva nechinangwa chekuwedzera unyanzvi hwedu hwekutanga kukurukura nevanhu, izvo zvinogona kuzotibatsira kuti tivaparidzire.
JOSEFA
14. Uprofita hwakataurwa nezvaJosefa hwakazadziswa sei? (Genesisi 49:22, 26) (Onawo bhokisi.)
14 Verenga Genesisi 49:22, 26. Jakobho anofanira kunge aidada chaizvo naJosefa. Jehovha akasarudza Josefa, “pavana vababa vake” akamupa basa rinokosha. Jakobho akati Josefa aiva “nhungirwa yemuti unobereka michero.” Jakobho ndiye aiva muti wacho uye Josefa aiva nhungirwa yake. Josefa aiva dangwe raRakeri uyo aiva mudzimai waJakobho waaida chaizvo. Jakobho akaratidza kuti Josefa ndiye aizopiwa nhaka yedangwe yaifanira kunge yakapiwa Rubheni, uyo aiva dangwe raJakobho nemudzimai wake Reya. (Gen. 48:5, 6; 1 Mak. 5:1, 2) Uprofita uhwu hwakazadziswa. Vanakomana vaviri vaJosefa, Efremu naManase, vakazova madzinza maviri muIsraeri, vachibva vapiwa nhaka yavo munyika yakapikirwa.—Gen. 49:25; Josh. 14:4.
15. Josefa akaita sei paaibatwa zvisina kunaka?
15 Jakobho akataurawo nezvaJosefa achiti vaya vanopfura neuta nemiseve “vakamupfura, vakaramba vachimuvenga.” (Gen. 49:23) Aireva vakoma vaJosefa avo vaimuitira shanje, vaimubata zvisina kunaka, uye vakaita kuti atambure chaizvo. Asi Josefa haana kutsamwira vakoma vake kana kutsamwira Jehovha. Sezvakataurwa naJakobho: “Uta [hwaJosefa] hwairamba huri munzvimbo yahwo, uye maoko ake akaramba akasimba.” (Gen. 49:24) Josefa aivimba naJehovha paaisangana nematambudziko uye akaregerera vakoma vake akatovabatawo zvakanaka. (Gen. 47:11, 12) Josefa akaita kuti matambudziko aakasangana nawo amunatse. (Pis. 105:17-19) Izvozvo ndizvo zvakaita kuti Jehovha amupe mabasa anokosha.
16. Tingatevedzera sei Josefa patinosangana nematambudziko?
16 Tinodzidzei? Hatifaniri kurega matambudziko achitiparadzanisa naJehovha kana nehama nehanzvadzi dzedu. Yeuka kuti patinoramba tichishumira Jehovha pasinei nematambudziko, tinogona kutodzidza zvimwe zvinhu. (VaH. 12:7, mashoko emuzasi) Jehovha anogona kutidzidzisa kuti tiwedzere kumutevedzera, tova neunhu hwakanaka hwakadai sekunzwira vamwe tsitsi uye kuregerera. (VaH. 12:11) Jehovha achatikomborera kana tikatsungirira sezvakaita Josefa.
BHENJAMINI
17. Mashoko akataurwa naJakobho kuna Bhenjamini akazadziswa sei? (Genesisi 49:27) (Onawo bhokisi.)
17 Verenga Genesisi 49:27. Jakobho akaprofita kuti vanhu vedzinza raBhenjamini vaizova neunyanzvi hwekurwa semhumhi. (VaT. 20:15, 16; 1 Mak. 12:2) Paakanga achiri “mangwanani,” kana kuti vaIsraeri pavakatanga kuva naMambo, Sauro uyo aiva wedzinza raBhenjamini ndiye akava mambo wekutanga. Akarwisa vaFiristiya neushingi. (1 Sam. 9:15-17, 21) Paakanga ava “manheru,” kana kuti pakwakanga kusisina mambo wechiIsraeri aitonga, Mambokadzi Esteri naModhekai, avo vaiva vedzinza raBhenjamini, vakanunura vaIsraeri kuti vasaparadzwa muUmambo hwePezhiya.—Est. 2:5-7; 8:3; 10:3.
18. Tingatevedzera sei kuvimbika kwevaBhenjamini?
18 Tinodzidzei? Vanhu vedzinza raBhenjamini vanofanira kunge vakafara chaizvo pavakaona mumwe wemudzinza ravo achiva mambo, izvo zvakazadzisa uprofita hwakanga hwataurwa naJakobho. Asi Jehovha paakazoita kuti umambo huende kuna Dhavhidhi, uyo aiva wedzinza raJudha, pakupedzisira vaBhenjamini vakatsigira urongwa ihwohwo. (2 Sam. 3:17-19) Papera makumi emakore mamwe madzinza paakapanduka, dzinza raBhenjamini rakaramba rakavimbika kuna Judha uye kuna mambo akanga agadzwa naJehovha. (1 Madz. 11:31, 32; 12:19, 21) Dai tese tikaramba takavimbika tichitsigira vaya vanenge vasarudzwa naJehovha kutungamirira vanhu vake mazuva ano.—1 VaT. 5:12.
19. Uprofita hwakataurwa naJakobho ava pedyo nekufa hunotibatsira sei?
19 Uprofita hwakataurwa naJakobho ava pedyo nekufa hunotibatsira chaizvo. Kuongorora kuzadziswa kwahwakaitwa kunoita kuti tive nechokwadi chekuti humwe uprofita huri muShoko raJehovha huchazadziswawo. Uyewo kuongorora zvakataurwa naJakobho kuvanakomana vake kunotibatsira kunzwisisa zvatingaita kuti tifadze Jehovha.
RWIYO 128 Kutsungirira Kusvika Kumugumo
a Jakobho akakomborera Rubheni, Simiyoni, Revhi naJudha achitanga nemukuru wavo achidzika kuenda kumudiki asi haana kuita izvozvo paakanga ava kukomborera vamwe vanakomana vake 8.