RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • wcg chits. 7 pp. 40-43
  • Akaratidza Ushingi Kuti Adzivirire Mhuri Yake

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Akaratidza Ushingi Kuti Adzivirire Mhuri Yake
  • Famba naMwari Neushingi
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Wedzera Kuongorora
  • Zvidzidzo Zvatinowana
  • Mibvunzo Yekufunga Nezvayo
  • Dzidza Zvimwe
  • Jakobho naIsau Vanotangazve Kuwirirana
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Jakobho Aikoshesa Zvinhu Zvinokosha Pakunamata
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • Manyambiri Akanga Akasiana
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Jakobho Anowana Nhaka
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
Ona Zvimwe
Famba naMwari Neushingi
wcg chits. 7 pp. 40-43

7 JAKOBHO

Akaratidza Ushingi Kuti Adzivirire Mhuri Yake

Rakaprindwa
Rakaprindwa

PAAKANGA ava pedyo nekufa, Jakobho akataura nezvemakore aakararama achiti aiva “mashoma” uye “akazara nematambudziko.” (Gen. 47:9) Upenyu hwake hwaisava mutserendende! Paakanga achiri mudiki, akatiza achienda kuHarani, nzvimbo yaiva kure nekwaaigara, nekuti mukoma wake aida kumuuraya. Paakanga ava kuHarani, Jakobho akatanga kuda Rakeri, asi Rabhani baba vaRakeri, vakamunyengera vakabva vaita kuti atange aroora Reya sisi vaRakeri. Saka Jakobho akazova nevakadzi vaviri, asi vakanga vasingatombowirirani. Kwemakumi emakore, Rabhani akaramba achishandisa Jakobho uye akarambawo achimubiridzira. Asi zvinoshamisa kuti Jakobho akaramba aine ushingi, aine kutenda uye achitsungirira.

Rimwe zuva, Jehovha akaudza Jakobho kuti akanga ava kufanira kubva kuHarani, odzokera kumba kwavo kuKenani. Asi izvozvo zvaigona kumutsa mutauro nekuti Rabhani aiva neudyire uye aiona sekuti zvinhu zvese zvakanga zvava naJakobho zvaiva zvake iye Rabhani. Jakobho akabva aronga nemhuri yake kuti vaende, ndokubva vatiza vasina kumboudza Rabhani. Rabhani paakazozviziva kuti vanhu vakanga vaenda, akabva avatevera aine vamwe varume. Paakazovabata, akapopotera Jakobho achiti vakanga vabva vasina kuoneka. Rabhani akataura naye achitomutyisidzira, achiti: “Ndine simba rekukukuvadza.” Asi Jakobho akaratidza ushingi akapindura Rabhani achizvidzivirira. Akaudza Rabhani kuti akanga amubatirira uye amutsotsa kwemakore akawanda. Asi Jakobho aida kuti vave nerugare. Saka vakataurirana vakabva vaparadzana mune zvakanaka.

Chii chakaita kuti Jakobho akwanise kuyanana nehama dzake uyewo kutoita mutsimba nengirozi yaiva nesimba?

Asi Jakobho akanga asati azvipedza, nekuti akanga achiri kufanira kuonana nemukoma wake Isau. Makore akawanda akanga adarika, amai vavo, Ribheka, vakanga vayambira Jakobho kuti Isau aida kumuuraya. Isau aiona sekuti Jakobho akanga amutsotsa, akamutorera chikomborero chaaifanira kupiwa nababa vake. Asi iye zvino Jakobho akanga ava kuda kuti vayanane. Akanzwa kuti Isau aiuya kuzosangana naye nemhuri yake aine varume 400. Jakobho akafanotumira vashandi vake kuti vanosangana naIsau vaine zvipo zvinodhura zvekuti vamupe. Asi izvozvo zvaizoita kuti hasha dzaIsau dziserere here? Bhaibheri rinoti: “Jakobho akatya kwazvo, akanetseka.” Asi pane chimwe chinhu chaakanga asiri kutombotarisira chakabva chaitika.

Huchiri usiku, Jakobho akaona mumwe munhu, asi akatadza kuziva kuti aiva ani. Yakanga iri ngirozi yaJehovha, uye ngirozi yacho yakatanga kuita mutsimba naJakobho. Jakobho akazviona kuti ngirozi yacho yaigona kuzomukomborera, saka akashinga kukikiritsana nayo kwemaawa akawanda. Jakobho akaramba achirwisa, kunyange zvazvo akanga ava nemakore 97 uye zvaiva pachena kuti aisambokwanisa kumirisana nengirozi iyoyo. Akarwisa. Akatosvika pakuchema. (Hos. 12:4) Jakobho ainyatsoziva kuti kurwira makomborero anobva kuna Jehovha kushandira zviripo. Pakwakanga kwava kuda kuedza, ngirozi yacho yakangobata Jakobho nechemuhudyu achibva aminyuka. Asi ngirozi yacho yakaudzawo Jakobho mashoko anofadza, ekuti zita rake rakanga rava kunzi Israeri. Zita racho rine zvarinoreva. Rinoreva munhu anokwikwidzana naMwari. Jakobho haana kukanda mapfumo pasi, asi akatorwisa nesimba rake rese kuti awane chikomborero ichocho kubva kuna Jehovha.

Jakobho akabva atanga kukamhina achienda kwaiva nemhuri yake. Nechekure akaona Isau achiuya aine varume 400. Jakobho akabva asiya vamwe vese kumashure ndokubva atanga kufamba achienda mberi ari ega kunosangana navo. Jakobho paakanga ava kusvika paiva naIsau, akabva amukotamira ka7. Isau akabva atanga kumhanya achienda kwaiva naJakobho. Isau akanga asina chombo chaakanga ainacho mumaoko make. Asi akatotambanudza maoko ake kuti ambundire Jakobho! Vese vari vaviri vakabva vatanga kuchema. Zvipo zvakawanda zvakanga zvatumirwa naJakobho uye kuzvininipisa kwaakaita zvakabva zvaita kuti Isau apfave. Pamwe akatoyemurawo ushingi hwakaratidzwa naJakobho. Jakobho akanga awana nzira yekuyanana nayo nemukoma wake.

Jakobho achikamhina paaifamba achienda kunosangana naIsau nevarume vaaiva navo.

Kweupenyu hwake hwese, Jakobho akanga ava kufamba achikamhina nekuti akanga akuvara hudyu. Uye akazosangana nemamwe matambudziko akawanda muupenyu hwake. Asi Jakobho haana kumbobvira azvidemba nekusarudza kwaakaita kuteerera Jehovha uye kurwisana nengirozi. Nekufamba kwenguva, zvaakanga avimbiswa naJehovha zvakazoitika. Israeri rwakazova rudzi rwukuru. (Gen. 28:14) Uyewo Bhaibheri rinototaura kakawanda nezvaJehovha richimuti “Mwari waJakobho.” (Eks. 3:6) Kunyange Jesu Kristu chaiye akatombotaurawo achidaro. Akatowedzerawo achiti Jehovha “haasi Mwari wevakafa, asi wevapenyu, nekuti kwaari vese vapenyu.” (Ruka 20:​37, 38) Saka hapana mubvunzo kuti Jakobho achatomutswa kuti araramezve. Munyika itsva achararama agorarama, achifara zvekufara zviya!

Verenga nyaya yacho muBhaibheri:

  • Genesisi 27:​41-45; 31:​1-29, 36-55; 32:1–33:16

Mubvunzo wekukurukura:

Jakobho akaratidza sei ushingi?

Wedzera Kuongorora

  1. 1. Nei Jehovha akaita kuti Jakobho awane kodzero yeudangwe panzvimbo paIsau? (w03 10/15 29 ¶2-wcgr)

  2. 2. Jehovha akaita kuti Jakobho arote hope dzakaita sei, uye izvozvo zvakaita kuti Jakobho ave nechivimbo chei? (w03 10/15 28 ¶3–29 ¶1-wcgr) Ona mufananidzo A

    Ngirozi dzichikwidza nekudzika pamanera aibva kudenga achiuya panyika.

    Mufananidzo A

  3. 3. Nei Jakobho aiva nechivimbo chekuti ngirozi yaizomukomborera? (w03 10/15 31 ¶1-wcgr) Ona mufananidzo B

    Jakobho achigadzirira kuita mutsimba nengirozi.

    Mufananidzo B

  4. 4. Matanho api akatorwa naJakobho kuti achengetedze mhuri yake kuti isakanganiswe nevaKenani? (w95 9/15 21 ¶5, mashoko emuzasi-wcgr)

Zvidzidzo Zvatinowana

  • Jakobho aiziva kuti raiva basa rake kuti achengetedze makwai aRabhani. (Gen. 31:​38-40) Vafudzi vechiKristu mazuva ano vangaratidzawo sei kuti vane hanya chaizvo nemakwai aJehovha? Ona mufananidzo C

    Mifananidzo: Mukuru wechidiki ari kuita zvinhu zvinoratidza kuti ane hanya nehama yechikuru yemuungano. Zvinhu zvacho zviri kudzokororwa chimwe nechimwe muchitsauko chino. Mukuru wechidiki ashanyira hama yechikuru kumba kwayo uye ari kunyatsoiteerera pairi kutaura. Pave paya, mukuru wacho anotumira hama yacho yechikuru meseji achiti: “Ndiri kubasa. Ndangofunga kuti ndinzwe kuti muri sei?” Hama yacho yechikuru inopindura kuti: “Waita hako, Sam! Nhasi ndiri kunzwa zviri nani.” Mukuru uya nehama yacho yechikuru vari kuparidza pamwe chete. Hama iya yechikuru iri kukurukura nemumwe murume zviri muBhaibheri vakamira padhoo.

    Mufananidzo C

  • Jakobho paainzwa kutya, ainyengetera kuna Jehovha. (Gen. 32:​6-12) Unodzidzei kubva pana Jakobho panyaya yekunyengetera?

  • Ungatevedzera sei ushingi hwaiva naJakobho?

Mibvunzo Yekufunga Nezvayo

  • Nyaya iyi inondidzidzisei nezvaJehovha?

  • Nyaya iyi inobatana papi nechinangwa chaJehovha chaakasikira nyika nevanhu?

  • Zvinhu zvipi zvandinoda kuzobvunza Jakobho paachamutswa?

Dzidza Zvimwe

Tingatevedzera sei Jakobho kana tikaziva kuti tagumbura munhu watinonamata naye?

“Rambai ‘Muchimuteerera’” (w21.12 25-27 ¶10-18)

Shandisa nyaya iyi yemuBhaibheri iri kutsanangurwa pachishandiswa mifananidzo kuti udzidzise mhuri yako nezvaJakobho.

“Jakobho naIsau” (ijwis nyaya yechi3-wcgr)

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe