NYAYA YEKUDZIDZA 24
RWIYO 98 Magwaro Akafemerwa naMwari
Zvatinodzidza Pane Zvakaprofitwa naJakobho Ava Kufa—Chikamu 1
“Unganai kuti ndikuudzei zvichaitika kwamuri mumazuva ekupedzisira.”—GEN. 49:1.
ZVATICHADZIDZA
Tichawana zvidzidzo kubva pane zvakaprofitwa naJakobho ava pedyo nekufa achiudza Rubheni, Simiyoni, Revhi uye Judha.
1-2. Chii chakaitwa naJakobho paakanga ava pedyo nekufa, uye nei akadaro? (Onawo mufananidzo.)
PAVA nemakore anoda kusvika 17 mushumiri waJehovha akatendeka Jakobho atamira kuIjipiti achibva kuKenani nemhuri yake yese. (Gen. 47:28) Mumakore iwayo, aifara chaizvo kuva pamwe chete zvakare nemwanakomana wake waaida Josefa achiona mhuri yake yese iri pamwe chete. Asi iye zvino, Jakobho ava kuziva kuti ava pedyo nekufa. Saka anounganidza mhuri yake yese nekuti ane zvinhu zvinokosha zvaari kuda kuvaudza.—Gen. 49:28.
2 Mumakore iwayo, musoro wemhuri paaiziva kuti akanga ava pedyo nekufa, aiwanzounganidza mhuri yake yese kuti airayire kekupedzisira. (Isa. 38:1) Aigona kutoshandisa mukana iwoyo kuti abva ataurawo kuti ndiani aizosara ari musoro wemhuri pashure pekunge afa.
Jakobho ava pedyo nekufa, achitaura uprofita hwaizozadziswa kuvanakomana vake 12 (Ona ndima 1-2)
3. Maererano naGenesisi 49:1, 2, nei zvakataurwa naJakobho zvaikosha chaizvo?
3 Verenga Genesisi 49:1, 2. Asi kuungana kwakanga kwakaita mhuri iyi kwaikosha chaizvo. Jakobho aiva muprofita. Saka pavakanga vakaungana kudaro, Jehovha akafemera mushumiri wake kuti ataure zvinhu zvinokosha zvaizoitika mune ramangwana kuvana vake nevazukuru vake. Nemhaka yeizvi, zvakataurwa naJakobho kuvanakomana vake hwaitova uprofita.
4. Tichakurukurei munyaya ino? (Onawo bhokisi rakanzi “Mhuri yaJakobho.”)
4 Munyaya ino, tichakurukura zvakataurwa naJakobho kuvanakomana vake 4 vanoti: Rubheni, Simiyoni, Revhi uye Judha. Munyaya inotevera, tichakurukura zvakataurwa naJakobho kune vamwe vanakomana vake 8. Sezvatichaona, zvakataurwa naJakobho zvaishanda kuvanakomana vake uyewo kuvazukuru vavo, avo vakazova rudzi rwevaIsraeri. Kuongorora zvakaitika kurudzi irworwo kunonyatsoratidza zviri pachena kuti zvakataurwa naJakobho zvakazadziswa. Uye patichaongorora zvaakataura, tichawanawo zvidzidzo zvinokosha zvinotibatsira kuti tifadze Baba vedu vekudenga, Jehovha.
RUBHENI
5. Rubheni anogona kunge aitarisira kuwanei kubva kuna baba vake?
5 Jakobho anotanga kutaura naRubheni achiti: “Ndiwe dangwe rangu.” (Gen. 49:3) Rubheni aitarisira kupiwa nhaka yakakura kupfuura vanin’ina vake nekuti ndiye aiva dangwe raJakobho. Aigona kunge aitarisirawo kuti ndiye aizosara ari musoro wemhuri pashure pekufa kwababa vake uye kuti ropafadzo iyoyo yaizoramba iri mumhuri yake.
6. Nei Rubheni asina kuwana nhaka yaifanira kupiwa dangwe? (Genesisi 49:3, 4)
6 Asi Rubheni haana kuwana nhaka yaifanira kupiwa dangwe. (1 Mak. 5:1) Nei asina kuiwana? Makore akanga adarika, Rubheni akanga arara naBhiriha, murongo waJakobho. Bhiriha aiva murandakadzi waRakeri. Rakeri aiva mudzimai waJakobho waaida chaizvo, asi panguva iyi akanga afa. (Gen. 35:19, 22) Rubheni aiva mwanakomana waReya, mumwe mudzimai waJakobho. Zvimwe Rubheni akarara naBhiriha nekuti aimuchiva uye akatadza kuzvidzora. Kana kuti zvimwe akazviita nekuti aida kuti Jakobho asafarira Bhiriha, owedzera kuda amai vake. Pasinei nekuti akazviitirei, zvaakaita hazvina kufadza Jehovha uye baba vake.—Verenga Genesisi 49:3, 4.
7. Chii chakaitika kuna Rubheni uye kuvazukuru vake? (Onawo bhokisi rakanzi “Uprofita Hwakataurwa naJakobho Ava Pedyo Nekufa.”)
7 Jakobho akaudza Rubheni kuti: “Hausi kuzova mukuru.” Zvakataurwa naJakobho zvakaitika. Hapana patinoverenga muBhaibheri kuti mumwe wevazukuru vaRubheni akazova mambo, mupristi kana kuti muprofita. Kunyange zvakadaro, Jakobho haana kurasa mwanakomana wake Rubheni. Vazukuru vaRubheni vakatozova rimwe remadzinza evaIsraeri. (Josh. 12:6) Rubheni ane zvakanaka zvaakaitawo pane dzimwe nguva uye hapana patinoverenga kuti akazomboita upombwe zvakare.—Gen. 37:20-22; 42:37.
8. Tinodzidzei kubva panyaya yaRubheni?
8 Tinodzidzei? Tinofanira kushanda nesimba kuti tive vanhu vanozvidzora uye kuti tisatomboita upombwe. Kana tikava pamuedzo wekuita chivi, tinofanira kumbomira tofunga kuti zvatava kuda kuita zvinorwadzisa sei Jehovha, vemumhuri medu uyewo vamwe. Tinofanirawo kuyeuka kuti “zvinodyarwa nemunhu, ndizvo zvaachakohwa.” (VaG. 6:7) Asiwo zvakaitika kuna Rubheni zvinotiyeuchidza nezvetsitsi dzaJehovha. Kunyange zvazvo Jehovha asiri kuzotidzivirira kuti tisasangane nematambudziko anokonzerwa nekukanganisa kwedu, patinoedza kuita zvakanaka anotiregerera uye anotikomborera.
SIMIYONI naREVHI
9. Chii chakaita kuti Jakobho ataure mashoko airatidza kuti akanga asiri kufara naSimiyoni naRevhi? (Genesisi 49:5-7)
9 Verenga Genesisi 49:5-7. Jakobho anotanga kutaura naSimiyoni naRevhi achiratidza kuti akanga asiri kufara navo. Makore akanga apfuura, mwanasikana waJakobho, Dhina, akanga abatwa chibharo nemumwe murume wechiKenani ainzi Shekemu. Zvinonzwisisika kuti vanakomana vese vaJakobho vakatsamwa nezvakaitika kuhanzvadzi yavo, asi Simiyoni naRevhi vakatadza kudzora hasha dzavo. Vanakomana vaJakobho vakanyengera varume vekuShekemu vachivaudza kuti kana vese vakachecheudzwa, vaizoita rugare navo. Varume vekuShekemu vakabvumirana nazvo. Pavakanga vachiri kurwadziwa nemhaka yekuchecheudzwa kwavakanga vaitwa, Simiyoni naRevhi “vakatora mumwe nemumwe bakatwa rake, vakaenda kuguta racho vanhu vasingafungiri, ndokuuraya vanhurume vese.”—Gen. 34:25-29.
10. Mashoko akaprofitwa naJakobho pamusoro paSimiyoni naRevhi akazadziswa sei? (Onawo bhokisi rakanzi “Uprofita Hwakataurwa naJakobho Ava Pedyo Nekufa.”)
10 Simiyoni naRevhi vakauraya vanhu vakawanda chaizvo uye Jakobho akarwadziwa nazvo. Saka akaprofita kuti nhaka yavo yaizenge yakapararira pakati paIsraeri. Mashoko iwayo akazadziswa pashure pemakore anopfuura 200 pakapinda rudzi rwevaIsraeri muNyika Yakapikirwa. Dzinza raSimiyoni rakawana nhaka yemaguta aiva munharaunda yaJudha. (Josh. 19:1) Uye Revhi akapiwa nhaka yemaguta 48 aiva munzvimbo dzakasiyana-siyana muIsraeri yese.—Josh. 21:41.
11. Ndezvipi zvinhu zvakanaka zvakaitwa nedzinza raSimiyoni uye dzinza raRevhi?
11 Vazukuru vaSimiyoni naRevhi havana kuita zvikanganiso zvakaitwa nemadzibaba avo. Dzinza raRevhi rakatsigira nemwoyo wese kunamata kwakachena. Mozisi paakakwira muGomo reSinai kuti anopiwa Mutemo waJehovha, vaIsraeri vakawanda vakasara vachinamata chimhuru. Asi vaRevhi vakatsigirana naMozisi uye vakamubatsira kuuraya vanhu ivavo vakanga vanamata chimhuru. (Eks. 32:26-29) Jehovha akasarudza dzinza raRevhi, akaripa ropafadzo inokosha yekuva vapristi. (Eks. 40:12-15; Num. 3:11, 12) Pava paya, dzinza raSimiyoni rakabatsira dzinza raJudha kurwisa vaKenani vakanga vari munharaunda yakanga yapiwa vaJudha muNyika Yakapikirwa.—Vat. 1:3, 17.
12. Tinodzidzei panyaya yaSimiyoni naRevhi?
12 Tinodzidzei? Tinofanira kudzora hasha dzedu. Kana iwe kana kuti hama yako ikabatwa zvisina kunaka, unogona kugumbuka. (Pis. 4:4) Asi yeuka kuti Jehovha haafari nazvo kana tikataura kana kuita chimwe chinhu chekurwadzisa munhu anenge atigumbura. (Jak. 1:20) Kana tikabatwa zvisina kunaka nevanhu vemuungano kana kuti vasiri vemuungano, tinofanira kuedza kugadzirisa dambudziko racho tichishandisa zvinotaurwa neBhaibheri. Izvozvo zvichaita kuti tisataura kana kuita chimwe chinhu chinogona kukuvadza vamwe. (VaR. 12:17, 19; 1 Pet. 3:9) Kana vabereki vako vasiri kuita zvinhu zvinofadza Jehovha, yeuka kuti haufaniri hako kutevedzera zvavanoita. Usafunga kuti haufi wakakwanisa kufadza Jehovha. Jehovha achakubatsira kuti uite zvakanaka uye achakukomborera.
JUDHA
13. Nei Judha aigona kunge akanetseka baba vake pavakatanga kutaura naye?
13 Jakobho akabva atanga kutaura naJudha. Judha anogona kunge akanetseka paakanzwa zvakataurwa naJakobho kuvakoma vake nekuti iyewo akanga aita zvikanganiso zvakakura. Zviri pachena kuti akanga abatanidzwawo pakutora zvinhu zvaiva muguta reShekemu. (Gen. 34:27) Akabatanawo nevakoma nevanin’ina vake pakutengesa Josefa semuranda uye pakunyepera baba vake nezvenyaya yacho. (Gen. 37:31-33) Pava paya, akarara nemuroora wake Tamari, achifunga kuti aiva pfambi.—Gen. 38:15-18.
14. Jakobho akati kudii kuna Judha, uye ndezvipi zvinhu zvakanaka zvakaitwa naJudha? (Genesisi 49:8, 9)
14 Asi achifemerwa naMwari, Jakobho haana zvakaipa zvaakataura nezvaJudha. Akangomukomborera uye akamurumbidza. (Verenga Genesisi 49:8, 9.) Judha akaratidza kuti aiva nehanya nababa vake, avo vakanga vakwegura. Uyewo akaratidza kuti aida munin’ina wake Bhenjamini.—Gen. 44:18, 30-34.
15. Judha akakomborerwa sei?
15 Jakobho akaprofita kuti Judha aizotungamirira hama dzake. Asi uprofita ihwohwo hwakatora makore akawanda kuti huzadziswe. Vanhu vedzinza raJudha vakazotanga kutungamirira vamwe vaIsraeri pashure pemakore anoda kusvika 200 uprofita uhwu hwataurwa. Ndivo vaiva pamberi vachitungamirira mamwe madzinza ese, vaIsraeri pavakabuda muIjipiti uye pavaifamba murenje vachienda kuNyika Yakapikirwa. (Num. 10:14) Pashure pemakore akawanda, Jehovha akaita kuti dzinza raJudha ritange kuenda kunorwa nevaKenani kuti vatore Nyika Yakapikirwa. (Vat. 1:1, 2) Uyewo Dhavhidhi, uyo aiva muzukuru waJudha, ndiye aiva mambo wekutanga pamadzimambo akawanda akabva mudzinza iroro. Asi izvozvo handizvo zvega.
16. Uprofita huri pana Genesisi 49:10 hwakazadziswa sei? (Onawo bhokisi rakanzi “Uprofita Hwakataurwa naJakobho Ava Pedyo Nekufa.”)
16 Jakobho akataurawo kuti munhu aizotonga vanhu nekusingaperi aizobva mudzinza raJudha. (Verenga Genesisi 49:10 uye mashoko emuzasi.) Mutongi iyeye ndiJesu Kristu, uye Jakobho akamudana kuti Shiro. Imwe ngirozi ichitaura nezvaJesu yakati: “Jehovha Mwari achamupa chigaro cheumambo chababa vake Dhavhidhi.” (Ruka 1:32, 33) Jesu anonziwo “Shumba yedzinza raJudha.”—Zvak. 5:5.
17. Tingatevedzera sei Jehovha pamaonero atinoita vamwe?
17 Tinodzidzei? Jehovha akakomborera Judha kunyange zvazvo aiva nezvikanganiso zvikuru zvaakaita. Pamwe vakoma nevanin’ina vaJudha vanogona kunge vakanetseka kuti Jehovha aionei maari? Hatizivi hedu kuti ndizvo zvavakaita here, asi tinoziva kuti Jehovha akaona zvakanaka zvaiva muna Judha uye akamukomborera. Tingatevedzera sei Jehovha? Kana mumwe muKristu watinonamata naye akapiwa imwe ropafadzo, pakutanga tinogona kupindwa nemuedzo wekuda kuisa pfungwa dzedu pane zvaanokanganisa. Asi tinofanira kuyeuka kuti Jehovha anotova nezvakanaka zvaanofarira pamunhu iyeye. Jehovha anotsvaga zvakanaka muvanhu vanomunamata. Nesuwo tinofanira kudaro.
18. Nei tichifanira kuva nemwoyo murefu?
18 Nyaya yaJudha inotidzidzisawo nezvekukosha kwekuva nemwoyo murefu. Jehovha anogara achizadzisa zvaakavimbisa asi hapasi pese paanozviita nenzira yatinenge tichitarisira kana kuti panguva yatinenge tichitarisira. Zvakatora nguva kuti vazukuru vaJudha vazotanga kutungamirira vanhu vaMwari. Asi vakatsigira nemwoyo wese vaya vakanga vasarudzwa naMwari kutungamirira, vakadai saMozisi uyo aiva wedzinza raRevhi, Joshua wedzinza raEfremu, kana kuti Mambo Sauro wedzinza raBhenjamini. Nesuwo ngatitsigirei nemwoyo wese chero anenge asarudzwa naJehovha kuti atungamirire mazuva ano.—VaH. 6:12.
19. Tadzidzei nezvaJehovha kubva pakukurukura kwataita uprofita hwakataurwa naJakobho ava pedyo nekufa?
19 Tadzidzei kubva pakukurukura kwataita uprofita hwakataurwa naJakobho ava pedyo nekufa? Zviri pachena kuti “maonero anoita munhu haasi iwo maonero anoita Mwari.” (1 Sam. 16:7) Jehovha ane mwoyo murefu uye anoregerera. Kunyange zvazvo asingapembedzi vanhu vanoita zvivi, haatarisiri kuti vashumiri vake vasatombokanganisa. Anogona kukomborera munhu anenge akaita zvikanganiso zvakakura kana akanyatsopfidza zvechokwadi, otanga kuita zvakanaka. Munyaya inotevera, tichakurukura zvakataurwa naJakobho kune vamwe vanakomana vake 8 vasara.
RWIYO 124 Ngatirambei Takavimbika