KURARAMA KWECHIKRISTU
Rumbidza Jehovha Nekupayona
VaIsraeri vaiva nezvikonzero zvakawanda zvekurumbidza Jehovha. Akavabudisa muIjipiti uye akavanunura pamauto aFarao! (Eks 15:1, 2) Mazuva ano Jehovha achiri kuitira vanhu vake zvakanaka. Tingaratidza sei kuti tinomutenda?—Pis 116:12.
Unogona kushumira sapiyona webetsero kana wenguva dzese. Nyengetera kuti uve nechido uye simba rekushumira sapiyona. (VaF 2:13) Vakawanda vanotanga nekuita upiyona hwebetsero. Unogona kusarudza kuita maawa 30 kana kuti 50 mumwedzi waMarch naApril uye mumwedzi unoshanya mutariri wedunhu. Pauchaona kunakidza kweupiyona hwebetsero unogona kuzopedzisira wava kushanda sapiyona wenguva dzese. Kune vamwe vanoenda kubasa kana kuti vane matambudziko eutano vari kukwanisa kushanda semapiyona enguva dzese. (mwb16.07 8) Jehovha akakodzera kurumbidzwa, saka tinofanira kuita zvese zvatinogona kuti timurumbidze!—1Mak 16:25.
ONA VHIDHIYO INONZI HANZVADZI NHATU DZEKUMONGOLIA, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:
Hanzvadzi nhatu idzi dzakakurira matambudziko api kuti dzikwanise kupayona?
Makomborero api avakawana?
Kupayona kwakaita kuti vazokwanisa kuita mamwe mabasa api musangano?
Zvavakaita zvakakurudzira sei vamwe?