RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 6/13 p. 2
  • Mikana Yakawedzerwa Yokurumbidza Jehovha

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mikana Yakawedzerwa Yokurumbidza Jehovha
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2013
  • Mashoko Akafanana
  • Tanga Kuronga Iye Zvino Kuti Uwedzere Ushumiri Hwako
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2012
  • Zivisai Kwose Kwose Kunaka kwaJehovha
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
  • Ari Kudikanwa—Mapiyona Ebetsero 4 000
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
  • Uchaita Upiyona Hwebetsero Here?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2013
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2013
km 6/13 p. 2

Mikana Yakawedzerwa Yokurumbidza Jehovha

1. Urongwa hupi hutsva huchaita kuti ‘tirumbidze Jehovha kwazvo?’

1 Muna March wegore rino, takava neurongwa hutsva hunopa vaparidzi mukana wokuita upiyona hwebetsero hwemaawa 30 muna March naApril gore roga roga uye mumwedzi wekushanya kwemutariri wedunhu. Kana vhiki inoshanya mutariri wedunhu ichiyambukira kune mumwe mwedzi, vaparidzi vanoda kuita upiyona hwebetsero hwemaawa 30 vanogona kusarudza mwedzi wavanoda kupayona pamiviri yacho. Mapiyona ose ebetsero anogona kupinda musangano waanoita nemapiyona enguva dzose uye mapiyona chaiwo kusvikira wapera. Izvi zvinoreva kuti kana tisingakwanisi kupayona kwemaawa 50, tinogona ‘kurumbidza Jehovha kwazvo,’ semapiyona ebetsero kanosvika kana pagore tichishandisa urongwa hwemaawa 30!—Pis. 109:30; 119:171.

2. Vaya vanoita upiyona hwebetsero panoshanya mutariri wedunhu vanonakidzwa nei?

2 Panoshanya Mutariri Wedunhu: Iye zvino vakawanda vanogona kuita upiyona hwebetsero panoshanya mutariri wedunhu, zvoita kuti vanakidzwe nokukurudzirana pavanoshanda naye muushumiri. (VaR. 1:11, 12) Mapiyona ebetsero akawanda angaronga kukumbira zuva rimwe chete kubasa mukati mevhiki kuti vashande nemutariri wedunhu. Vaya vanoenda kubasa mukati mevhiki vanogona kumukumbira kana achikwanisa kushanda navo musi woMugovera kana kuti Svondo. Zvinokurudzirawo chaizvo kana mapiyona ebetsero akapinda musangano unoitwa nemapiyona enguva dzose uye mapiyona chaiwo!

3. Nei mwaka weChirangaridzo iri nguva yakanakisisa yokuita upiyona hwebetsero?

3 Muna March naApril: Vaya vakamboshandisa urongwa hwekare hwekuita upiyona hwebetsero hwemaawa 30 kwemwedzi mumwe chete mumwaka weChirangaridzo, vava kukwanisa kupa “chibayiro chokurumbidza” kakapetwa kaviri! (VaH. 13:15) Mwedzi yaMarch naApril yakanakisisa chaizvo kuti tiwedzere ushumiri hwedu semapiyona ebetsero. Gore roga roga, mwedzi iyi inotipa mukana wokuita mushandirapamwe unonakidza wokukoka vamwe kuti vapinde Chirangaridzo. Uyewo, sezvo vakawanda vachiwedzera ushumiri hwavo mumwaka weChirangaridzo, tinogona kushanda nevaparidzi vakasiyana-siyana. Pashure peChirangaridzo, tinoshanyira vakapinda musangano uyu uye vakaratidza kufarira, tovakurudzira kuti vauye kuhurukuro yavose inokosha. Mwoyo wako uchakuita kuti ushandise mikana iyi yakawedzerwa kuita upiyona hwebetsero here?—Ruka 6:45.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe