Mharidzo Dzokuenzanisira
Nharireyomurindi January 1
“Munofunga kuti zvinhu zvaizova nani here panyika kudai munhu wose aiita zvinotaurwa nevhesi iyi yeBhaibheri? [Verenga VaHebheru 13:18, womurega apindure.] Bhaibheri rinotikurudzira kuti tive vakatendeseka muzvinhu zvose. Nharireyomurindi iyi yemwedzi uno inotaura kuti kutendeseka kunotibatsira sei pane zvose zvatinoita muupenyu hwedu.”
Awake! January
“Ndauya pano kuti ndizokupai Awake! yemwedzi uno. [Mutambidze magazini acho.] Onai mubvunzo uri papeji 2 uye dzimwe mhinduro dzinopiwa nevamwe. Ko imi munotiwo chii? [Murege apindure.] Nyaya ino inotaura nezvemazano emuBhaibheri anogona kutibatsira kuvandudza maonero atinoita zvinhu muupenyu.”