Mharidzo Dzokuenzanisira
Kutanga Zvidzidzo zveBhaibheri paMugovera Wokutanga Muna January
“Vanhu vakawanda vanofunga zvakasiyana-siyana nezvaMwari. Vamwe vanofunga kuti Mwari isimba risinganzwisisiki. Vamwe vanomuona saBaba vokudenga vane rudo. Munofunga kuti Mwari akaita sei?” Rega apindure. Muratidze peji yokupedzisira yeNharireyomurindi yaJanuary 1, uye kurukurai mashoko ari pasi pomubvunzo wokutanga, moverenga rugwaro rumwe chete kana kupfuura pane aripo. Mupe magazini acho, uye ronga kuzodzoka kuti muzokurukura mubvunzo unotevera.
Nharireyomurindi January 1
“Tiri kutaura nevanhu kwenguva pfupi nezvechimwe chinhu chinosangana nemunhu wose, kufirwa. Munobvumawo here kuti kufirwa nehama kana shamwari kunorwadza chaizvo? [Rega apindure.] Vakawanda vakanyaradzwa nendima iyi yomuBhaibheri. [Verenga Isaya 25:8.] Magazini ino inotaura nezvevimbiso yemuBhaibheri inokurudzira yokuti rufu ruchapera uye kuti hama dzedu dzichamutswa.”
Awake! January
“Munobvumawo here kuti mhuri dziri kusangana nematambudziko akawanda mazuva ano? [Rega apindure.] Rugwaro urwu rweBhaibheri rwunotiudza zvinofanira kuitwa pakuvaka mhuri uye kuisimbisa. [Verenga Zvirevo 24:3.] Vakawanda vakaona kuti Bhaibheri rine uchenjeri hwatinogona kuvimba nahwo. Magazini ino inotaura nezveimwe nzvimbo yepaIndaneti ine nyaya dzakasiyana-siyana dzisingatengeswi dzokubatsira mhuri.”