Gara Wakagadzirira Kutanga Chidzidzo cheBhaibheri
1. Kuita basa rakataurwa naJesu pana Mateu 28:19, 20 kunoda kuti tiitei?
1 Jesu akatipa basa rokuita ‘kuti vanhu vave vadzidzi, tichivadzidzisa.’ (Mat. 28:19, 20) Saka, tinoda kugara takagadzirira kutanga zvidzidzo zveBhaibheri nguva dzose, kwete chete pazuva rokupera kwevhiki rimwe chete rinenge rakanzi ndiro rokutsvaka zvidzidzo zveBhaibheri. Mazano anotevera angabatsira.
2. Ndivanaani vaungabvunza kana vangada kudzidza Bhaibheri?
2 Udza Vanhu Kuti Unoda Kudzidza Navo: Kana tikaudza vanhu kakawanda kuti tinoda kudzidza navo Bhaibheri, tichawanawo mikana yakawanda yokutanga zvidzidzo zveBhaibheri. (Mup. 11:6) Wakamboedza here kuudza munhu usingapotereri kuti unoda kudzidza naye Bhaibheri? Imwe ungano iri kuUnited States yakabishaira kuita izvi kwemwedzi wose. Yakafara chaizvo kuti yakatanga zvidzidzo zveBhaibheri zvitsva 42! Usafunga kuti vanhu vanofarira vaunoshanyira vanoziva kuti unodzidza Bhaibheri nevanhu. Pauchavashanyirazve, wadii kuvaudza kuti unoda kudzidza navo? Kana vakaramba, hapana chinetso. Unogona kuramba uchiita kuti kufarira kwavo kuwedzere. Wakambobvunza vavakidzani, hama, vaunoshanda navo, uye vaunodzidza navo here kana vangada kudzidza Bhaibheri newe? Unogonawo kubvunza vaunodzidza navo Bhaibheri kana vaine shamwari kana hama dzingada kudzidza Bhaibheri.
3. Chishandiso chipi chinobatsira kutanga zvidzidzo chatiinacho, uye tingachishandisa papi?
3 Chokushandisa Chinobatsira: Chokushandisa chinobatsira pakutanga zvidzidzo zveBhaibheri iturakiti rinonzi Ungada Here Kuziva Chokwadi? Unogona kuripa vanasaimba pasinei nokuti vanobvuma mabhuku edu kana kuti vanoaramba. Ringashandiswa pakushanda ndima yebhizimisi, pakuita basa romumugwagwa, pakutumira tsamba, uye pakushanyazve. Ringasiyiwawo padzimba dzinenge dzisina vanhu. Unodii kuva naro paunenge uchishandisa zvifambiso zvoruzhinji, paunoenda kunotenga, uye paunenge uri kubasa? Peji yaro yokupedzisira inotsanangura muchidimbu urongwa hwedu hwokudzidza Bhaibheri yobva yataura nezvebhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei.
4. Tingashandisa sei turakiti rinonzi Ziva Chokwadi kutanga kudzidza nemunhu?
4 Watambidza munhu wacho turakiti racho, ungamuratidza mibvunzo iri papeji yokutanga womubvunza kuti, “Pamibvunzo iyi ndoupi wamunonyanya kufarira?” Zvadaro, kurukurai pamwe chete mhinduro iri muturakiti racho, uye verenga kana kuti ingotaura zviri papeji yokupedzisira, iyo inotsanangura nezveurongwa hwedu hwokudzidza Bhaibheri. Ungabva wamuratidza panowanika mashoko akawanda ane chokuita nenyaya yacho mubhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei, womugovera bhuku racho, woita urongwa hwokudzoka kuzoenderera mberi nenyaya yacho.
5. Nei tichifanira kugara takagadzirira kutanga zvidzidzo zveBhaibheri?
5 Ndima yedu ichiine vanhu vanoda kudzidza zvinonyatsodzidziswa neBhaibheri. Kana tikagara takagadzirira kutanga zvidzidzo zveBhaibheri, tichava nemikana yakawanda yokunakidzwa nokubatsira vamwe kuti vapinde mumugwagwa unoenda kuupenyu.—Mat. 7:13, 14.