Rishandise Nguva Dzose
1. Turakiti rinonzi Ziva Chokwadi rinobatsira pakuitei?
1 Turakiti rinonzi Ungada Here Kuziva Chokwadi? rakagadzirirwa kutibatsira kutanga zvidzidzo zveBhaibheri. Asi rinogona kushandiswawo zvinobudirira pakuparadzira mbeu dzechokwadi. (Mup. 11:6) Heano mamwe mazano angatibatsira kurishandisa zvakanaka.
2. Tingashandisa sei turakiti iri kuti titange kukurukura nemunhu?
2 Kuti Utange Kukurukura Nemunhu: Ungatambidza saimba turakiti racho, womuratidza mibvunzo mitanhatu iri papeji yokutanga womubvunza kuti: “Pamibvunzo yose iri pano, ndoupi wamakambozvibvunza?” Apindura, kurukurai mhinduro yeBhaibheri yomubvunzo waanenge asarudza muchishandisa turakiti racho uye verengai rugwaro rumwe chete pamagwaro akanyorwa. Verenga kana kuti taura muchidimbu zviri papeji yokupedzisira, uye mupe bhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei? Kunyange akasagamuchira bhuku, anenge atova neturakiti racho izvo zvingaita kuti chokwadi chidzike midzi mumwoyo make.—Mat. 13:23.
3. Kana saimba akabatikana, tingaitei?
3 Kana Saimba Akabatikana: Ungati: “Sezvo makabatikana, regai ndikusiyirei turakiti iri. Rine mibvunzo mitanhatu inokosha yakambobvunzwa nevakawanda vedu uye rinoratidza zvakajeka kuti Bhaibheri rinotii pakupindura mubvunzo mumwe nemumwe. Pandichazokuonai zvekare, mozondiudza kuti munofungei.”
4. Tingataura kutii patinenge tichigovera turakiti mumugwagwa?
4 Paunenge Uchipupurira Mumugwagwa: Unogona kuti: “Makadini. Makambozvibvunzawo mumwe wemibvunzo iri pano here? [Murege apindure.] Turakiti rino rinoratidza mhinduro dzakajeka, dzinogutsa dzinowanika muBhaibheri.” Kana munhu wacho asiri kumhanya-mhanya, munogona kukurukura mumwe wemibvunzo yacho kubva muturakiti iri uye kunyange kutomupa bhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei?
5. Tingashandisa sei turakiti iri padzimba dzinenge dzisina vanhu?
5 Dzimba Dzinenge Dzisina Vanhu: Mune dzimwe ndima, vaparidzi vanowanzosiya mabhuku padzimba dzinenge dzisina vanhu pasingaonekwi nevanhu vose vose. Kana zviri izvo zvamunoita muungano yenyu, madii kupota muchisiya turakiti rinonzi Ziva Chokwadi? Pamunoshanyazve mungati: “Patakambouya pano maiva musipo, saka takasiya turakiti iri pasuo renyu. Pamibvunzo iyi ndeupi wamungada kuti upindurwe?”
6. Chii chinoita kuti turakiti rinonzi Ziva Chokwadi rishandisike zvinobudirira pakuparidza?
6 Turakiti rinonzi Ziva Chokwadi rinotaura chokwadi nenzira iri nyore, uye risingaiti zvokupoterera. Rinofarirwa nevanhu vomuzvitendero uye tsika dzakasiyana-siyana. Riri nyore kugovera; kunyange vana nevaparidzi vatsva vanogona kurigovera. Uri kurishandisa nguva dzose pazvinenge zvakakodzera here?