Purogiramu Yevhiki yaJune 28
VHIKI INOTANGA NAJUNE 28
□ Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano:
cf-CA chits. 6 ¶19-25, bhokisi riri pap. 65
□ Chikoro chaMwari Choushumiri:
Kuverenga Bhaibheri: 1 Madzimambo 3-6
Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri
□ Musangano Webasa:
5 min: Zviziviso.
15 min: Gadzirira Kugovera Magazini Muna July. Kukurukurirana nevateereri. Shandisai miniti imwe chete kana maviri kukurukura zviri mumagazini acho. Zvadaro, sarudzai nyaya mbiri kana nhatu, mokumbira vateereri kuti vataure mibvunzo nemagwaro zvingashandiswa mumharidzo. Enzanisirai kugoverwa kungaitwa magazini imwe neimwe. Gumisai nemumwe muenzaniso unenge uchiratidza kutangwa kungaitwa chidzidzo cheBhaibheri pakudzokerera.—Onai km-CA 8/07 p. 3.
15 min: Akadzidziswa Kubva Paucheche. Kukurukurirana nevateereri. Timoti aizivikanwa somuevhangeri aishingaira uye aiva neunyanzvi. (VaF. 2:20-22) Zvimwe zvingave zvakaitawo kuti ave saizvozvo kwaiva kudzidziswa zvine chokuita nokunamata kwaakaitwa naamai vake naambuya vake kubvira panguva yaaiva mucheche. (2 Tim. 1:5; 3:15) Mazano anotevera anobva muMagwaro achabatsira vabereki kudzidzisa vana vavo kuva vaevhangeri vakanaka. (1) Endai nemwana wenyu muushumiri pazvinongotanga kuita chete; mudzidzisei kuitawo chimwe chinhu chinoenderana nezera rake uye zvaanokwanisa. (Zvir. 22:6) (2) Ratidzai muenzaniso wakanaka pakuita kuti ushumiri huve munzvimbo yokutanga. (VaF. 1:9, 10) (3) Pamunenge Muchinamata Semhuri uye pane dzimwe nguva, itai kuti mwana wenyu ade uye akoshese basa rokuparidza. (Dheut. 6:6, 7) (4) Ivai nemaonero akanaka uye taurai zvakanaka nezvoushumiri. (VaF. 3:8; 4:8; 1 Tim. 1:12) (5) Garai muchienda muushumiri semhuri, uye ngaive tsika yenyu. (Mab. 5:41, 42) (6) Shamwaridzanai nevashumiri vanoshingaira. (Zvir. 13:20) Kumbirai vateereri kuti vataure zvinhu chaizvo zvakaitwa nevabereki vavo kuvabatsira kuti vave noushumiri hunonakidza uye hunobudirira.