“Gadzirira Kuita Mabasa Ose Akanaka”
1 Jesu paakatanga basa idzva rokuparidzira, akazvipa nguva kuti agadzirire vadzidzi vake. (Mat. 10:5-14) Kunyange zvazvo tose takabatikana, kuzvipa kunyange maminitsi mashomanana kuti tigadzirire tisati taenda muushumiri hwepasuo nesuo kuchatibatsira kuti tive nezvakanaka zvatinokohwa.—2 VaK. 9:6.
2 Kugadzirira Kwatingaita: Kugadzirira kwakanaka kunotanga nokuziva mashoko ari mumabhuku atakaronga kugovera. Tinofanirawo kufunga nezvevanhu vari mundima yedu. Vari kunetseka nematambudziko api? Idzidziso dzipi dzechitendero dzatingangosangana nadzo? Kuti tiwane mamwe mazano tinogona kuona mharidzo dzokuenzanisira dziri muUshumiri Hwedu hwoUmambo uye mubhuku rinonzi Kurangarira muMagwaro.
3 Kunyatsoteerera mienzaniso inopiwa paMusangano Webasa kuchatibatsirawo. Patinoshandisa mharidzo yedu kakawanda, tichada nguva shoma yokugadzirira. Zvisinei, nguva dzose tisati taenda muushumiri, kana tikanyatsofunga zvatichataura toramba tichinatsiridza mharidzo yedu, tichabudirira zvikuru. Tinofanirawo kuzvipa nguva yokuona kuti bhegi redu roushumiri rine mabhuku ose atinoda kushandisa.
4 Chii chichatibatsira kuyeuka mharidzo yedu? Kudzidzira tichitaura ndeimwe nzira yokuita kuti zvatinoda kutaura zvigare mupfungwa dzedu. Vamwe vanofarira kudzidzira mharidzo pavanodzidza semhuri. Vamwe vanoona zvichibatsira kunyora muchidimbu mharidzo yavo papepa voitarisa vava pedyo nokusvika pasuo.
5 Nei Zvichibatsira: Kunyatsogadzirira kunowedzera kubudirira uye kufara kwatinoita muushumiri. Kunotibatsira kudzikama torega kunyanyotya kana tiri pasuo. Tinokwanisa kunyanya kufunga nezvasaimba pane kungofunga zvatinoda kutaura. Uyewo, kuziva zviri mumabhuku kuchatibatsira kuti tiwedzere chido patinoagovera.
6 Magwaro anotikurudzira kuti ‘tive vakagadzirira kuita mabasa ose akanaka.’ (Tito 3:1) Ibasa ripi rakanaka kupfuura rokuparidza mashoko akanaka? Kana tikanyatsogadzirira, tinenge tichiremekedza saimba anoteerera, uye Jehovha, Mwari watinomiririra.—Isa. 43:10.