RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 5/08 p. 1
  • “Takurai Joko Rangu”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Takurai Joko Rangu”
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
  • Mashoko Akafanana
  • ‘Kuwana Zororo Remweya Yenyu’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
  • “Joko Rangu Inyoro Uye Mutoro Wangu Wakareruka”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Jesu Akazorodza Vanhu
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2018
  • “Uyai Kwandiri, . . . Uye Ini Ndichakuzorodzai”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2019
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
km 5/08 p. 1

“Takurai Joko Rangu”

1 Munyika yakazara matambudziko uye kuzvidya mwoyo, takazorodzwa zvechokwadi nokuti takabvuma kukokwa naJesu noushamwari kuti tiwane zororo raanopa pasi pejoko rake. (Mat. 11:29, 30) Kubvuma joko rokuva mudzidzi kunosanganisira basa rakaoma asi richizorodza. Kunosanganisira kuparidza mashoko akanaka oUmambo uye kubatsira vamwe kuwana zororo pamwe chete nesu pasi pejoko raJesu romutsa.—Mat. 24:14; 28:19, 20.

2 Ushumiri Hunotizorodza: Jesu haana kukumbira vateveri vake kuti vawedzere mutoro wake pane wavakanga vakatotakura nechekare. Akavakumbira kuti vachinje mutoro wavo wairema vachitora wake wakareruka. Haticharemerwi nokuzvidya mwoyo uye nokusava netariro kwemamiriro ezvinhu epanguva ino; uyewo hatishandiri pfuma isingagoni kuvimbwa nayo. (Ruka 21:34; 1 Tim. 6:17) Kunyange zvazvo tiine zvakawanda zvokuita uye tichifanira kushanda kuti tiwane zvatinoda zuva nezuva, tinokoshesa kunamata Mwari muupenyu hwedu. (Mat. 6:33) Kana tikaramba tiine maonero akanaka ezvinhu zvinonyanya kukosha, nguva dzose tichaona ushumiri huchizorodza, husiri mutoro.—VaF. 1:10.

3 Tagara tinofarira kutaura chero chinhu chipi zvacho chiri pamwoyo. (Ruka 6:45) VaKristu vose vanoda zvikuru Jehovha nezvikomborero zvoUmambo zvaakapikira. Saka patinenge tiri muushumiri zvinozorodza zvikuru kutaura nezve“mashoko akanaka ezvinhu zvakanaka” tombosiya zvinotinetsa zuva nezuva! (VaR. 10:15) Chokwadi, patinoita chimwe chinhu kakawanda, tinowedzera kuva nounyanzvi uye tinowana mufaro mukuru. Nokudaro, kuwedzera nguva youshumiri kana tichikwanisa kuchatizorodza kwazvo. Uye zvinozorodza zvikuru kana vanhu vakateerera zvatinoparidza! (Mab. 15:3) Kunyange kana vanhu vakasatifarira kana kuti vakatishora, ushumiri huchatizorodza mune zvokunamata kana tikayeuka kuti zvatinoita zvinofadza Jehovha uye kuti zvinhu zvose zvakanaka zvinovapo zvinobva pakukomborera kwake.—Mab. 5:41; 1 VaK. 3:9.

4 Nokuti takabvuma kukokwa naJesu, tine ropafadzo yokushanda pamwe chete naye seZvapupu zvaJehovha. (Isa. 43:10; Zvak. 1:5) Hapana chingazorodza kupfuura izvozvo!

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe