Purogiramu Yomusangano Webasa
Vhiki Inotanga naMay 12
10 min: Zviziviso zveungano. Zviziviso zvinosarudzwa pane zviri muUshumiri Hwedu hwoUmambo. Uchishandisa mazano ari papeji 4 kana kuti dzimwe mharidzo dzinokodzera ndima yenyu, enzanisira kugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaMay 1 uye Awake! yaMay.
15 min: Tinogona Kutsungirira Muedzo Chero Upi Zvawo! Hurukuro inobva muNharireyomurindi yaJune 15, 2005, mapeji 30-1. Kumbira vaparidzi vawakasarudza kuti vataure kuti Jehovha akavabatsira sei kutsungirira muedzo.
20 min: Ungaita Upiyona Hwebetsero Here Mumwedzi Iri Kuuya? Kukurukurirana nevateereri. Kurukura zviri pamapeji 112-13 mubhuku rinonzi Takarongwa, uchitaura zvinodiwa zvacho. Kumbira vaya vakaita upiyona hwebetsero pavakanga vari pazororo rokubasa kuti vataure zvikomborero zvavakawana. Kumbira vaya vakaita upiyona hwebetsero pavaiva pazororo rechikoro kuti vataure kukurudzirwa uye kubatsirwa kwavakaitwa nevamwe. Kuita upiyona hwebetsero kwakavabatsira sei kufambira mberi mune zvokunamata? Vakawana mufaro wei? Kurudzira vose vanokodzera kuti vafunge kuita upiyona mumwedzi iri kuuya.
Vhiki Inotanga naMay 19
10 min: Zviziviso zveungano. Kurukura Bhokisi Remibvunzo.
15 min: Zvinodiwa muungano.
20 min: “Pfuma Inogona Kuva Yako!”a Taura zvinodiwa kuti munhu akwanise kuva piyona wenguva dzose zviri pamapeji 113-14 ebhuku rinonzi Takarongwa. Vaya vanoda kutanga kupayona musi waSeptember 1 vanofanira kuendesa mafomu avo nokukurumidza sezvavangagona.
Vhiki Inotanga naMay 26
10 min: Zviziviso zveungano. Verenga mushumo weakaunzi uye tsamba yokutenda mari yakatumirwa. Yeuchidza vaparidzi kuti vaendese mishumo yebasa romumunda yaMay. Uchishandisa mazano ari papeji 4 kana kuti dzimwe mharidzo dzakakodzera ndima yenyu, enzanisira kugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaJune 1 uye Awake! yaJune.
15 min: “Takurai Joko Rangu.”b Kana nguva iripo, kumbira vateereri kuti vatsinhire magwaro arimo.
20 min: Govera bhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei? muna June. Hurukuro nemienzaniso. Dzokorora dzimwe mharidzo dzokuenzanisira dziri muwedzero yoUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaJanuary 2006. Iva nomuenzaniso une zvikamu zviviri. Ratidza kugoverwa kungaitwa bhuku racho uye kuti munhu angashanyazve aine chinangwa chokutanga chidzidzo cheBhaibheri.
Vhiki Inotanga naJune 2
10 min: Zviziviso zveungano.
20 min: Vanoita Nokutendeka Vachawana Zvikomborero Zvizhinji. (Zvir. 28:20) Hurukuro uye kukurukurirana nevateereri kunoitwa nomunyori. Taura muchidimbu kuti Jehovha akakomborera sei zvakaitwa neungano kuti iwedzere basa rayo muna March, April, naMay, uye irumbidze. Zivisa nhamba yevakaita upiyona hwebetsero, yezvidzidzo zveBhaibheri zvitsva zvakatangwa, uye zvimwe zvinhu zvakanaka zvakaitwa muushumiri. Kumbira vateereri kuti varondedzere zvakaitika zvine chokuita neChirangaridzo uye mushandirapamwe wokuparadzira mapepa okukokera Chirangaridzo. Zvakaitika mubasa romumunda zvinonakidza zvingaenzanisirwa semaitikiro azvakaita. Bvunzurudza muchidimbu vaparidzi vaviri kana kuti vatatu kuti vakawana zvikomborero zvei pavakaita upiyona hwebetsero.
15 min: “Gadzirira Kuita Mabasa Ose Akanaka.”c Kumbira vateereri kuti varondedzere kuti vanogadzirira ushumiri hwepasuo nesuo sei uye rini.
[Footnotes]
a Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe chete, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
b Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe chete, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
c Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe chete, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.