Kushandisa Kwatingaita Mharidzo Dzomuenzaniso
1. Tinofanira kuona sei mharidzo dzomuenzaniso dzakapiwa?
1 Ushumiri Hwedu hwoUmambo hunogara huchibudisa mharidzo dzomuenzaniso dzokugovera magazini edu nemamwe mabhuku. Patinenge tiri muushumiri, hatifaniri hedu kudzokorora mharidzo idzi sokunyorwa kwadzakaitwa chaiko. Dzinopiwa kuti tive nepfungwa yezvatingataura. Kazhinji tichabudirira zvikuru kana tikataura mharidzo dzacho nemashoko edu. Kutaura sezvatinoita mazuva ose kunobatsira kuti saimba anzwe akasununguka uye kunoratidza kuti tine chokwadi uye tine chivimbo nezvatinotaura.—2 VaK. 2:17; 1 VaT. 1:5.
2. Nei tichifanira kufunga tsika dzomunharaunda patinenge tichigadzirira mharidzo?
2 Chinja Mharidzo Yako: Nzira yatinoparidza nayo mashoko akanaka inonyanya kuenderana nokuziva tsika dzomunharaunda yacho. Ungakwazisana nasaimba wobva wazopinza mharidzo yako pakukurukurirana kwacho here, kana kuti vanhu vari mundima yenyu vanotarisira kuti mubve mangotaura zvamafambira pakarepo? Izvozvo zvinosiyana nzvimbo nenzvimbo uye dzimwe nguva kunyange kusiyana vanhu nevanhu. Zvinodawo kunzwisisa pakushandisa mibvunzo. Mibvunzo yakakodzera mune dzimwe nzvimbo ingaita kuti vanhu vasanzwa zvakanaka mune dzimwe nzvimbo. Saka, tinofanira kusarudza zvakanaka uye kuchinja mharidzo dzedu maererano nezvinogamuchirwa munharaunda yacho.
3. Nei tichifanira kufunga mamiriro ezvinhu nemafungiro zvevaya vatinotaura navo?
3 Uyezve, tinofanira kufunga mamiriro ezvinhu nemafungiro zvevanhu vomundima yedu patinenge tichigadzirira basa romumunda. Somuenzaniso, waizokurukura Mateu 6:9, 10 nomuKaturike chaiye nenzira yakasiyana neyawaizokurukura nayo nomunhu akanga asina kujairana nomunyengetero wokuti “Baba Vedu.” Nokumbogadzirira zvishoma, tingachinja mharidzo dzedu kuti dzifadze zvikuru vanhu vatinosangana navo muushumiri.—1 VaK. 9:20-23.
4. Nei kugadzirira zvakanaka kuchikosha?
4 Kunyange patinoronga kushandisa mharidzo yomuenzaniso tichiti tevedzerei manyorerwe ayakaitwa, izvi hazvitsivi kugadzirira kwakanaka. Tinofanira kunyatsoverenga nyaya yacho kana kuti chitsauko chacho chatinoronga kushandisa, totsvaka pfungwa dzingaita kuti munhu afarire. Zvadaro todzitaurawo mumharidzo yedu. Tikangojairana nemashoko akanaka kwazvo ari mumabhuku edu, tinogona kuagovera nechido.
5. Nei tingagadzirira imwe mharidzo yakasiyana nedzomuenzaniso, uye tingaita sei izvozvo?
5 Dzimwe Nzira Dzokutanga Nadzo Mharidzo: Tinofanira kungoshandisa nzira dzokutanga nadzo dziri mumharidzo dzomuenzaniso here? Aiwa. Kana uchinzwa wakasununguka kushandisa imwe nzira kana rumwe rugwaro, rushandise. Zvikurukuru nemagazini, tsvaka mikana yokuratidza chero nyaya dziri mumagazini yacho dzingangonyanya kufarirwa mundima yenyu. Kana mharidzo dzebasa romumunda dzichizoenzanisirwa paMusangano Webasa, urongwa hungaitwa kuenzanisira chero nzira ipi yokutanga nayo mharidzo inoshanda mundima yenyu. Tikaita izvi, tose tingabatsirwa kuparidza mashoko akanaka zvinobudirira.