RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 7/06 pp. 6-7
  • Zviziviso

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zviziviso
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
km 7/06 pp. 6-7

Zviziviso

◼ Mabhuku achagoverwa muna July naAugust: Chero bhurocha ripi zvaro pane anotevera: Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa, Chii Chinoitika Kwatiri Patinofa?, Chii Chiri Donzo Roupenyu?, Farikanya Upenyu Pasi Pano Nokusingaperi!, Hurumende Ichaunza Paradhiso, Midzimu Yavakafa, Mwari Anotiitira Hanya Zvomenemene Here?, Rambai Makarinda!, “Tarirai! Ndiri Kuita Kuti Zvinhu Zvose Zvive Zvitsva,” Unofanira Kudavira Utatu Here?, uye Zita raMwari. September: Bhaibheri Rinombodzidzisei? Edza kutanga kudzidza Bhaibheri nomumwe munhu pakushanya kwokutanga. Dzokerazve kune vanhu vose vakatora mabhuku uine chinangwa chokutanga kudzidza Bhaibheri navo. October: Nharireyomurindi neAwake! Kana vanhu vakafarira ratidza bhurocha raRambai Makarinda! kuti ubatsire vanhu vacho kuwedzera kufarira Bhaibheri.

◼ Kutanga muna September, vatariri vematunhu vachapa hurukuro yavose ine musoro unoti “Une Mukurumbira Wakadii naMwari?”

◼ Kutanga nevhiki yaJanuary 8, 2007, tichadzidza bhuku rinonzi Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo! paChidzidzo Chebhuku Cheungano. Muchaziviswa kuti ndirini pamungaodha bhuku remabhii makuru. Ungano dzinofanira kunge dziine mabhuku akakwana kusanganisira emabhii makuru asati atanga kudzidzwa.

◼ Zvinokurudzirwa kuti mafomu ebasa roupiyona hwenguva dzose atumirwe kuhofisi yebazi anenge mazuva 30 musi wokutanga basa usati wasvika. Munyori anofanira kuongorora mafomu acho kuti ave nechokwadi chokuti akazadzwa zvakakwana. Kana vari kukumbira vasisayeuki musi chaiwo wavakabhabhatidzwa, vanofanira kufungidzira musi wacho vobva vachengeta musi iwoyo. Munyori anofanira kunyora musi uyu pakadhi reChinyorwa cheBasa choMuparidzi (S-21).

◼ Vanyori vanofanira kuva nechokwadi chokuti vane Tsamba Yokugadzwa kwaPiyona (S-202) yapiyona wenguva dzose mumwe nomumwe ari muungano. Kana vasina, vanofanira kunyorera hofisi yebazi. Kana muine tsamba yekare isina nhamba yokuzivikanwa kwapiyona, mungaichengeta. Hapana chikonzero chokunyorera bazi muchikumbira nhamba yacho.

◼ Kuverenga mabhuku nemagazini ose aripo kwepagore negore kunofanira kuitwa musi waAugust 31, 2006, kana kuti pedyo nomusi wacho sezvinobvira. Kuverenga uku kwakada kuita sokuverenga chaiko kunoitwa mwedzi nomwedzi nomutarisiri wemabhuku, uye nhamba dzemabhuku acho nemagazini ose dzinofanira kunyorwa pafomu roKuverengwa Kwemabhuku (S-18). Nhamba yemagazini ose aripo ingawanikwa kuvatarisiri vemagazini. Munyori weungano inotarisira anofanira kutarisira kuverengwa kwacho. Iye nomutariri anotungamirira weungano inotarisira vachasaina fomu racho. Ungano imwe neimwe inotarisira ichawana mafomu matatu oKuverengwa Kwemabhuku (S-18). Tapota tumirai fomu rokutanga kuhofisi yebazi musi waSeptember 6 usati wapfuura. Chengetai rimwe fomu mufaira renyu. Fomu rechitatu ringashandiswa sepepa rokushandira.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe