Purogiramu yoMusangano Webasa
Onai Kuti: Ushumiri Hwedu hwoUmambo hucharonga Musangano Webasa vhiki imwe neimwe muna August naSeptember. Ungano dzingagadziridza sezvinodiwa kuti dzigone kupinda gungano roruwa. Pazvakakodzera, shandisai maminitsi 15 paMusangano Webasa wokupedzisira musati mapinda gungano kudzokorora mazano ari muwedzero yomwedzi uno ayo anoshanda muungano yenyu. Mwedzi mumwe kana kuti miviri mabva kugungano, tsaurai maminitsi 15 kusvika ku20 paMusangano Webasa (zvichida muchishandisa chikamu chezvinodiwa muungano) kudzokorora pfungwa huru dzepurogiramu. Chikamu ichi chinokosha choMusangano Webasa chichatipa mukana wokuti titsanangure kuti tiri kushandisa sei zvatakadzidza kugungano uye kuti izvozvo zvakatibatsira sei kuita kuti ushumiri hwedu hubudirire zvikuru.
Vhiki Inotanga naJuly 11
8 min: Zviziviso zveungano. Zviziviso zvinosarudzwa pane zviri muUshumiri Hwedu hwoUmambo. Shandisa mazano ari papeji 8 (kana achikodzera ndima yenyu) kuenzanisira kugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaJuly 1 neAwake! yaJuly 8. Dzimwe mharidzo dzakakodzera dzingashandiswa. Mumharidzo imwe neimwe, ratidza imwe nzira yokukurukura nomunhu angaramba kukurukurirana achiti ‘Ndine basa.’—Ona bhuku raKurangarira, mapeji 19-20.
25 min: “Vakira Upenyu Hwako Pabasa raJehovha.”a Bvunzurudza munhu asina kuroora kana kuroorwa uye musoro wemhuri vave vachibudirira kuramba vaine purogiramu inofambira mberi, yenguva dzose mubasa romumunda vhiki yoga yoga. Ita kuti vataure marongero anodiwa nomunhu kuitira kuti aise zvinhu zvine chokuita nokunamata panzvimbo yokutanga.
12 min: “Kuparidzira Vanhu Vakawanda Sevatinokwanisa.”b Pakukurukura ndima 5, dzokorora mazano ari muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaJune 2005, papeji 8, ayo anoshanda mundima yenyu.
Rwiyo 88 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naJuly 18
10 min: Zviziviso zveungano. Kurukura kwenguva pfupi Nharireyomurindi yaAugust 15, 2000, peji 32. Taura kubatsira kunoita kuramba tiine purogiramu yokuverenga Bhaibheri zuva roga roga, kunyange panguva dzemazororo uye patinenge tisiri kuita zvatinoita nguva nenguva.
10 min: “Kudzidzisa Vanhu Bhaibheri Zvinofambira Mberi—Chikamu 11.”c Ivawo nomuenzaniso womudzidzisi nomuparidzi mutsva vachigadzirira kudzokerazve. Vanodzokorora zvakaitika pakushanya kwokutanga uye vanosarudza zvinhu zvakakodzera kutaura pakudzokerazve. Vanogadzirirawo sumo iri nyore uye mubvunzo ungazobvunzwa pamhedziso yokushanya kwacho. Muenzaniso wacho unopera pavanenge vave kuda kudzidzira mharidzo yavakagadzirira.
25 min: “Rumbidzai Jehovha Muungano Huru.”d Inopiwa nomunyori weungano. Taura kuti ungano yenyu yakanzi inopinda gungano rokupi. Kurukura ndima dziripo sezvinoitwa paChidzidzo cheNharireyomurindi. Ita kuti pave nomunhu anoverenga ndima dzacho. Kurukura bhokisi rakanzi “Zviyeuchidzo Zvegungano Roruwa.”
Rwiyo 10 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naJuly 25
15 min: Zviziviso zveungano. Verenga mushumo weakaunzi uye tsamba dzinobva kubazi dzokutenda mari yakatumirwa. Uchishandisa mazano ari papeji 8 (kana achikodzera ndima yenyu) enzanisira kugoverwa kungaitwa Nharireyomurindi yaJuly 15 neAwake! yaJuly 22. Dzimwe mharidzo dzakakodzera dzingashandiswa. Mune imwe yemharidzo dzacho, enzanisira kugoverwa kwemagazini zvisina kurongwa pamusika kana kuti pane imwe nzvimbo yakakodzera ine vanhu vakawanda.
10 min: Roverera Chokwadi Mumwoyo Womwana Wako. (Dheut. 6:7) Hurukuro inopiwa nomukuru inobva muNharireyomurindi yaAugust 15, 2002, mapeji 30-1. Taura mirayiro yeMagwaro inotungamirira pakurovedza vana kungaitwa nomubereki wechiKristu ane waakaroorana naye asingatendi.
20 min: “Chikwereti Chatiinacho Nevanhu.”e Taurawo zviri muNharireyomurindi yaJuly 1, 2000, peji 11, ndima 13.
Rwiyo 82 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naAugust 1
15 min: Zviziviso zveungano. Yeuchidza vaparidzi kuti vaendese mishumo yebasa romumunda yaJuly. Kumbira vateereri kuti vavhure papeji 70 yebhuku reChikoro Choushumiri, uye uchikurukurirana nevateereri, kurukura ndima 1-2 uye bhokisi rinoti “Mapinduriro Pamisangano.”
15 min: “Batsira Vana Vako Kufambira Mberi Muushumiri.” Hurukuro uye kukurukurirana nevateereri. Ivawo nomuenzaniso womubereki nomwana vachishandisa mharidzo iri nyore. Ita kuti mubereki wacho apedzise mharidzo yacho nokutsanangura kwenguva pfupi urongwa hwemari yezvipo.
15 min: Wakamboedza Kuchinja-chinja Nzira Yaunotanga Nayo Mharidzo Here? Hurukuro uye kukurukurirana nevateereri kubva muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaJanuary 2005, peji 6. Dzokorora mazano aripo, uye ratidza kuti mharidzo iri nyore ingashandiswa sei pamwe nemabhuku achagoverwa muna August. Ita kuti mharidzo imwe kana kuti mbiri dzienzanisirwe.
Rwiyo 218 nomunyengetero wokugumisa.
[Mashoko Omuzasi]
a Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
b Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
c Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
d Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
e Taura mashoko okusuma kweisingapfuuri miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.