Batsirwa Nevhidhiyo Inonzi No Blood—Medicine Meets the Challenge
Unoziva zvakawanda zvakadini nezvezvisarudzo zviripo panyaya yokurapwa pasina ropa? Unonzwisisa here kuti ndezvipi zvimwe zvinotsiva kuwedzerwa ropa uye kuti zvinoshanda sei? Ona vhidhiyo iyi, wozoona kuti wava kuziva zvakadini nokupindura mibvunzo inotevera.—Cherechedza: Nokuti vhidhiyo iyi ine zvikamu zvipfupi zvokuvhiya, vabereki vanofanira kushandisa ungwaru pakusarudza kana vana vavo vaduku vachifanira kuiona.
(1) Chikonzero chikuru chinorambira Zvapupu zvaJehovha kuwedzerwa ropa ndechei, uye murayiro iwoyo unowanika papi muBhaibheri? (2) Panyaya dzokurapwa, chii chatinoda? (3) Ikodzero ipi ine varwere vose? (4) Nei zviine musoro uye kuri kuchenjera kuramba kuwedzerwa ropa? (5) Kana munhu akarasikirwa neropa rakawandisa, vanachiremba vane zvisarudzo zvipi zviviri zvokukurumidzira? (6) Ingozi dzipi dzoutano dzine chokuita nokuwedzerwa ropa? (7) Ndezvipi zvimwe zvishandiso zvine vavhiyi zvavangashandisa kuti vaite kuti munhu asarasikirwe neropa rakawanda paanenge achivhiyiwa? (8) Chii chaunofanira kuda kuziva nezvezvinotsiva kuwedzerwa ropa zvose? (9) Kuvhiya kwakakomba uye kwakaoma kungaitwa pasina kuwedzerwa ropa here? (10) Vanachiremba vari kuramba vachiwedzera vari kuda kuitirei Zvapupu zvaJehovha, uye ndeipi ingangopedzisira yava nzira yokurapa varwere vose?
Kubvuma kurapa kwose kunotaurwa muvhidhiyo yacho chisarudzo chomunhu oga uye chinoenderana nehana yake.—Ona Nharireyomurindi yaJune 15, 2004, mapeji 22-4, 29-31, uye Nharireyomurindi yaOctober 15, 2000, mapeji 30-1.