RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 12/04 pp. 2-7
  • Zviziviso

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zviziviso
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
km 12/04 pp. 2-7

Zviziviso

◼ Mabhuku achagoverwa pana December: Munhu Mukurusa Ati Amborarama. January: Chero bhuku ripi zvaro rine mapeji 192 rakadhindwa papepa rinochinja ruvara nokufamba kwenguva kana kuti chero bhuku rakabudiswa 1990 asati asvika. Ungano dzisina mabhuku akadaro dzingagovera Kutsvaka Mwari Kworudzi Rwomunhu. February: Govera bhuku raSwedera Pedyo naJehovha. March: Govera bhurocha raRambai Makarinda. Kana vanhu vacho vakaratidza kuti vanofarira nomwoyo wose, ratidza bhuku raZivo, uye edza kutanga chidzidzo cheBhaibheri.

◼ Nyaya dzinotevedzana dzinoenderana nomusoro uri pabutiro unoti “Kunzwisisa Chiremba Wako” dziri muMukai! yaFebruary 8, 2005, dzakagadzirirwa kubatsira vanhu kuti vanzwisisane navanachiremba vavo zviri nani. Zvisinei, hapana mubvunzo kuti nyaya dzacho dzichafadza vanachiremba, sezvo nyaya dzacho dzichitaura kuti nei vamwe vanachiremba vakakwezvwa neshoko reBhaibheri retariro. Ungada kupa chiremba wako pamwe chete nedzimwe nyanzvi dzezvoutano magazini yacho.

◼ Ungano dzinofanira kutanga kuodha mapepa okukokera Chirangaridzo a2005 neodha dzadzo dzemabhuku dzaJanuary. Anofanira kuodhwa ari 100 pamutauro mumwe nomumwe. Tapota ngwarirai pakuodha sezvo mapepa okukokera achingogadzirirwa vanhu vanofarira chete, kwete vanhu vose vose.

◼ Tapota cherechedza kuti Chirangaridzo chegore ra2006 chichange chiripo musi weChitatu, April 12, zuva ranyura. Chiziviso ichi chapiwa pachine nguva kuitira kuti hama dzihaye dzimba dzinowanikwa kana paine ungano dzinoverengeka dzinoshandisa Imba yoUmambo uye kana zvimwe zvivako zvichifanira kuzotsvakwa. Muzviitiko zvakadaro, vakuru vanofanira kuita chibvumirano nevatarisiri chinovimbisa kuti hapazovi nezvimwe zvinozodzongonyedza zvinenge zvichiitwa muchivako chacho kuitira kuti Chirangaridzo chichengetwe norugare.

◼ Nemhaka yokukosha kweChirangaridzo, dare revakuru rinofanira kusarudza mumwe wevakuru vanokwanisa zvikuru kuti akurukure, panzvimbo pokungoita madzoro kana kuti kushandisa hama imwe chete gore negore. Kana paine mukuru akazodzwa anogona kupa hurukuro yacho, anofanira kusarudzwa. Kunze kwemisangano yebasa romumunda, hapana mimwe misangano inofanira kuitwa pazuva reChirangaridzo.

◼ Kutanga nevhiki yaJune 27, 2005, tichadzidza bhuku raFungisisa Uprofita hwaDhanieri! paChidzidzo Chebhuku Cheungano.

◼ Kwemakore akawanda, tave tichishandisa marudzi matatu efomu rinonzi Fomu Rokuodha Mabhuku (S-14). Kubva iye zvino, tichangoshandisa S-14 reChirungu, mungava muungano dzeChirungu, chiShona, kana kuti Zulu. Ungano dzose dzinokurudzirwa kuendesa odha yefomu iri neodha dzadzo dzemabhuku dzinotevera. Pamunongoawana, tapota rasai mafomu ekare.

◼ MaCompact Disc Matsva Aripo: Appreciating Our Spiritual Heritage (Mutambo)—Chirungu, Doing God’s Will With Zeal (Mutambo)—Chirungu, Doing What Is Right in Jehovah’s Eyes (Mutambo)—Chirungu, Marked for Survival (Mutambo)—Chirungu, Preserving Life in Time of Famine (Mutambo)—Chirungu, Why Respect Theocratic Arrangements (Mutambo)—Chirungu

◼ MaDVD Matsva Aripo: Spirits of the Dead—Mutauro Wemasaini wokuAmerica

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe