Kubatsirwa Kwatinoitwa Nechikoro chaMwari Choushumiri
1 Vanhu vaJehovha vane ropafadzo yakasiyana nedzimwe yokudzidziswa naMwari. (Isa. 54:13; Joh. 6:45) Zvisinei, kubatsirwa kwatinoitwa nacho kunoenderana nokuedza kwatinoita. Unogona here kuona kuti Chikoro chaMwari Choushumiri chiri kukubatsira sei mune zvokunamata?
2 Mhinduro Dzinofadza: Vatariri vechikoro vakawanda vakaona kuti kukurukurwa kwakadzama kwounyanzvi hwokutaura kwakavandudza kubudirira kweungano dzavo muushumiri hwomumunda. Kuwedzera kune izvozvo, mumwe mutariri wechikoro akaona kuti nemhaka yourongwa hwokuti vateereri vataurewo papfungwa huru dzinobva muBhaibheri, vakawanda vari kuenderana nepurogiramu yokuverenga Bhaibheri. Hama dzakawanda dzakataura zvakanaka nezveHurukuro Nhamba 2 dzichiti dzakabatsirwa nokupedza nguva yakawanda dzichigadzirira mashoko anofanira kuverengwa pasina kugadzirira mashoko okusuma uye okugumisa. Vaya vanopiwa hurukuro iyi vava kunyanya kufunga nezvokuvandudza unyanzvi hwavo hwokuverenga.—1 Tim. 4:13.
3 Tose Tinogona Kubatsirwa: Kupindura pamisangano kunofadza. (Zvir. 15:23) Kupiwa mibvunzo yokudzokorora pachine nguva kunoita kuti tikwanise kugadzirira uye kupindurawo patinodzokorora. Uyewo, kutanga neNharireyomurindi yaJanuary 1, 2004 pfungwa huru dzomumabhuku eBhaibheri dzinoenderana nepatakanzi tiverenge muChikoro chaMwari Choushumiri dzakabudiswa. Nyaya idzi dzakabatsira vakawanda kuti vataure zvinovaka panguva yepfungwa huru dzinobva muBhaibheri.
4 Munhu wose akanyoresa muchikoro ane ropafadzo chaiyo yokugadzirira uye kupa hurukuro. Tose zvedu tinogona kubatsirwa nezvinhu zvakanaka zvinotaurwa nomutariri wechikoro paanenge ari pachikuva. Mudzidzi mumwe nomumwe anozobatsirwazve nezano ringapiwa nomutariri wechikoro vava voga pashure pemisangano. Basa rokuita rinotaura nezvounyanzvi hwokutaura riri pamugumo wechitsauko chimwe nechimwe chebhuku raBatsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri rinobatsirawo.
5 Paunoudzwa pfungwa dzinoshanda uye dzomuMagwaro pachikoro uye kana chichinge chapera, dzinyore mubhuku rako reChikoro chaMwari Choushumiri. Fungisisa nezvezvaunenge wadzidza, uye funga kuti chikamu ichi chedzidzo inobva kuna Mwari chiri kukubatsira sei kuti ukure mune zvokunamata.