Kurapa Kwakanakisisa—Ndokupi?
“Kutaura zvazviri, murwere upi zvake anorapwa pasina kuwedzerwa ropa, anenge awana kuvhiya kwakanakisisa kungawanika.” Ndizvo zvakataurwa naDr. Michael Rose, mutungamiriri mune zvokurapa uye mutindivadzi. Inzira dzipi dzokurapa uye kurapa kunotsiva kuwedzera ropa kungaitwa pa“kurapa pasina ropa”? Unofanira kuziva kuti ugosarudza maererano nezvaunenge wava kuziva marapirwo auchaitwa kana kuti kuvhiyiwa. Ona vhidhiyo inonzi No Blood—Medicine Meets the Challenge. Pashure, ona kana wanzwisisa nokupindura mibvunzo inotevera.—Ona kuti: Pamusana pokuti vhidhiyo yacho ine zvikamu zviduku zvinoratidza kuvhiya kunenge kuchiitwa, vabereki vanofanira kusarudza kana vachizoiona nevana vavo vaduku kana kuti kwete.
(1) Ndechipi chikonzero chikuru chinoita kuti Zvapupu zvaJehovha zvirambe kuwedzerwa ropa? (2) Tichifunga nezvokurapwa, Zvapupu zvaJehovha zvinodei? (3) Varwere vane kodzero yei? (4) Nei zviine musoro uye kuri kuchenjera kusarudza kurapa kunotsiva kuwedzera ropa? (5) Kana ropa rakawanda rikabuda, zvinhu zvipi zviviri zvokukurumidzira izvo vanachiremba vanazvo? (6) Ndezvipi zvinhu zvina zvinokosha pakurapa kunotsiva kuwedzera ropa? (7) Vanachiremba (a) vangaderedza sei kurasika kweropa, (b) vangachengetedza sei masero matsvuku, (c) vangaita sei kuti muviri uwedzere pakugadzira kwawo ropa, uye (d) vangawanazve sei ropa rinenge rarasika? (8) Tsanangura marapiro anonzi (a) hemodilution—kuita kuti ropa rive mvura-mvura uye anonzi (b) cell salvage—kuchengetedza ropa. (9) Chii chaunofanira kuziva nezvokusarudza kurapa chero kupi zvako kunotsiva kuwedzera ropa? (10) Kuvhiya kukuru uye kwakaoma kungaitwa here pasina kuwedzera ropa? (11) Kufambira mberi kupi kunobatsira kuri kuitika mune zvokurapa?
Kubvuma kumwe kurapa kunoratidzwa muvhidhiyo iyi inyaya yokuzvisarudzira maererano nehana yomunhu yakadzidziswa neBhaibheri. Wakasarudza here kuti kurapa kupi kunotsiva kuwedzera ropa kwaungada kubvuma iwe nevana vako? Nhengo dzemhuri dzisiri Zvapupu dzinofanirawo kuziviswa zvaunenge wasarudza nezvikonzero zvacho.—Ona “Mibvunzo Inobva Kuvaverengi” muNharireyomurindi yaJune 15, 2004, neyaOctober 15, 2000.