Kuonga Ngoni dzaMwari
1 Asati ava muKristu, muapostora Pauro aishora zvine chisimba kuparadzirwa kwechiKristu. Zvisinei nokuti aiita nokusaziva, akanzwirwa ngoni. Jehovha akaratidza mutsa usina kufanirwa, uye Pauro akapiwa basa rokuparidza. Akakoshesa basa iroro. (Mab. 26:9-18; 1 Tim. 1:12-14) Kuonga ngoni dzaJehovha kwakaita kuti Pauro ashande nesimba mukuita ushumiri hwake.—2 VaK. 12:15.
2 Maererano nengoni dzaMwari, isuwo takapiwa ushumiri. (2 VaK. 4:1) SaPauro, tinogona kuratidza kuonga kwedu kunzwirwa ngoni kwatakaitwa nokushanda nesimba kubatsira vamwe kufambira mberi mune zvokunamata. Imwe nzira yatingaita nayo izvi iri kuburikidza nokutanga uye kuitisa zvidzidzo zveBhaibheri.
3 Kutanga Zvidzidzo zveBhaibheri: Imwe nzira yokutanga nayo zvidzidzo zveBhaibheri ndeyokuva nekwaunogara uchiendesa magazini. Sezvatinogara tichishanyira vaya vatinoendesera magazini, tinoziva zvinetso zvavo zviri nani. Nokufamba kwenguva, nyaya iri mune imwe yemagazini acho ingashanda sepokutangira chidzidzo cheBhaibheri mubhurocha raAnodei. Pakushanya kunotevedzana, zvingabvira kuenderera mberi muchikurukurirana mubhurocha raAnodei pakugovera saimba magazini.
4 Munyengetero Nokushingaira Zvinodiwa: Munyengetero pamwe chete nokushingaira zvichanatsiridza basa redu rokuparidza. Imwe hanzvadzi piyona yaidzidza Bhaibheri nomunhu mumwe yakanyengetera kuti Jehovha aikomborere nevakawanda. Yakaitawo maererano neminyengetero yayo. Yakaongorora ushumiri hwayo ndokuona kuti yakanga isingatauri nezvokudzidza Bhaibheri payaidzoka kune vanofarira. Yakatanga kuita kudaro uye munguva pfupi yakatevera yakanga yava nevamwezve vayaidzidza navo vaviri.
5 Tine ropafadzo yakazokura yokushandawo mukuzivisa “mashoko akanaka omutsa usina kufanirwa waMwari”! (Mab. 20:24) Kuonga kwedu ngoni dzaMwari ngakutikurudzire kushingaira mukuyamura vamwe kubatsirwa nomutsa usina kufanirwa waJehovha.