RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 7/03 p. 4
  • Iva Muenzaniso Wemabasa Akanaka Kwazvo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Iva Muenzaniso Wemabasa Akanaka Kwazvo
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
  • Mashoko Akafanana
  • ‘Rambai Muchiita Zvakanaka’
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
  • “Mufambiro Wenyu Ngauve Wakanaka Pakati Pemamwe Marudzi”
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2014
  • Ivai Vatsvene Pamufambiro Wenyu Wose
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
  • Ramba Wakamirira Jehovha
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
km 7/03 p. 4

Iva Muenzaniso Wemabasa Akanaka Kwazvo

1. Nei tichifanira kungwarira zvikuru mufambiro wedu pakokorodzano yoruwa?

1 Patinoungana takawanda pakokorodzano dzoruwa, zvatinoita uye mabatiro atinoita vamwe zvinocherechedzwa zvikuru nevaoni. Naizvozvo, mumwe nomumwe wedu anofanira kufungisisa zano reBhaibheri rinoti: ‘Iva nepfungwa dzakanaka, uchizviratidza kuva muenzaniso wemabasa akanaka kwazvo muzvinhu zvose.’ (Tito 2:6, 7) Tingada kushanda zvakawedzerwa kuti ‘tisaramba tichiva nehanya nezvinhu zvedu zvomunhu oga, asi tichiva nehanya nezvinhu zvevamwe.’ (VaF. 2:4) Ngatikurukurei pamwe patingashandisa kurudziro iyi paKokorodzano yedu Yoruwa iri kuuya inoti “Ipai Mbiri Kuna Mwari.”

2. Tinofanira kuratidza ruremekedzo nokuda kwevanhu vanotigamuchira panguva yekokorodzano munzirai ina?

2 Zvirongwa Zvepokugara: Uri kuronga kugara mumusha wehama here? (1) Sezvo hama dzedu dzichida kuzadza makamuri ose aripo, usakumbira makamuri akawanda kupfuura aunoronga kushandisa. (2) Usatarisira kuti akugamuchira, kana iri hama, ikupe zvokudya zvemahara. (3) Shivirira uye remekedza vanhu vakugamuchira sezvavanoedza kukupa pokugara. (4) Remekedza zvinhu zvomunhu akugamuchira.

3. Nei vaya vanogara munzvimbo dzekokorodzano vachifanira kufunga nezvokuzarura misha yavo kuti vape vamwe pokugara?

3 Zvingava zvakanaka kuti vaya vanogara munzvimbo dzinoitirwa kokorodzano vafunge nezvokupa pokugara hama dzinobva kure. Izvi zvingabatsira kukurudzirana uye zvingaita kuti pave noushamwari hutsva hungazogara kwemakore akawanda. (VaR. 1:12) Chokwadi, kugamuchira vaeni kwagara kuri chiratidzo chevashumiri vaMwari vechokwadi.—VaH. 13:2.

4, 5. Vana vangarumbidza sei Jehovha, uye vabereki vane mutoro wei?

4 Vabereki Nevana: Munyika umo pwere dzakawanda zvikuru dzisina tsika dzakanaka, vana vedu vanoonekwa sevakasiyana nevamwe, uye izvi zvinounza rumbidzo kuna Jehovha nesangano rake. Zvisinei, pane imwe nguva, zvinetso zvakavapo apo vana vakanga vasingatarisirwi zvakanaka. (Zvir. 29:15) Vabereki havafaniri kusiya vana vavo vasina anotarisira. Vamwe vana vanoita ruzha zvokuti vanokangaidza uye vanopa chinetso kwete vanhu vavagamuchira chete asi vamwewo vaeni.

5 Kokorodzano isati yasvika vamwe vabereki vakaona zvichibatsira kukurukura nevana vavo kuzvibata kwavanovatarisira kuita. (VaEf. 6:4) Vanobatsira vana vacho kunzwisisa kuti rudo rwechiKristu rwechokwadi “haruzvibati zvisina kufanira” kana ‘kuzvitsvakira zvarwo.’ (1 VaK. 13:5) Kokorodzano yoruwa inguva yakatsaurwa yokudzidziswa naJehovha, uye vana pamwe nevakuru vangaratidza ruremekedzo kuurongwa uhwu nomufambiro wavo panzvimbo yekokorodzano uye kumwewo.—Isa. 54:13.

6. Mufambiro wedu wakanaka ungava nomugumisiroi pane vamwe?

6 Mufambiro wedu wakanaka ungaita zvakawanda kubvisa kusanzwisiswa ndokukwezvera vanhu kukunamata kwechokwadi. (Mat. 5:16; 1 Pet. 2:12) Vaya vose vatinosangana navo pakokorodzano yedu yoruwa ngavawane uchapupu hwakanaka nemaitiro edu uye mabatiro atinovaita. Nenzira iyi ‘tichazviratidza kuva muenzaniso wemabasa akanaka kwazvo’ ndokurumbidza Jehovha.—Tito 2:7.

[Bhokisi riri papeji 4]

Tapota Yeuka

▪ Shivirira uye remekedza munhu akugamuchira

▪ Usatarisira kupiwa zvokudya zvemahara nomunhu akugamuchira

▪ Tarisira vana vako zvakanaka

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe