Kuungana Pamwe Kuti Tirumbidze Jehovha
1. Musoro wekokorodzano unotii, uye nei Jehovha akafanirwa nokurumbidzwa nesu?
1 Jehovha ane simba rose, uchenjeri hwake hahunzvereki, kururama kwake kwakakwana, uye muenzaniso wakakwana worudo. SoMusiki, Mupi Woupenyu, uye Changamire Wezvose, ndiye oga akafanira kunamatwa nesu. (Pis. 36:9; Zvak. 4:11; 15:3, 4) Kokorodzano Yoruwa yegore rino inoti “Ipai Mbiri Kuna Mwari” ichasimbisa kutsunga kwedu kumurumbidza saMwari wechokwadi bedzi.—Pis. 86:8-10.
2, 3. Kuronga kwakanaka kuchaita sei kuti tigone kubatsirwa zvizere?
2 Kuronga Zvakanaka Kunodiwa: Kuti tibatsirwe zvizere nomutambo wezvokunamata watakachengeterwa naJehovha, kuronga zvakanaka kunodiwa. (Va- Ef. 5:15, 16) Wapedza here kuronga pauchagara, chokufambisa, uye nguva yokusava pabasa kana kuchikoro? Usarega kugadzirisa zvinhu izvi kusvikira paminiti yokupedzisira. Kana ukanonoka kukumbira nguva yokusava pabasa kana kuchikoro, ungarasikirwa nechimwe chikamu chenguva iyi inofadza. Tose zvedu tinofanira kuva papurogiramu yacho yose.
3 Vavarira kusvika nokukurumidza panzvimbo yekokorodzano zuva rimwe nerimwe. Izvozvo zvichaita kuti ukwanise kugara pachigaro chako rwiyo rwokutanga rusati rwaimbwa uye zvichakubatsira kuti pfungwa dzako dzive dzagadzirira kugamuchira mirayiridzo inopiwa. Nzvimbo yekokorodzano ichazarurwa na8:00 mangwanani musi weChishanu noMugovera uye na7:00 mangwanani musi weSvondo. Tapota musachengeta zvigaro kunze kwezvevaya vomumhuri menyu kana vamunofamba navo.
4. Nei tose zvedu tichikumbirwa kuuya nezvokudya zvemasikati kukokorodzano?
4 Tose tinokumbirwa kuuya nezvokudya zvemasikati pane kuzobva panzvimbo yekokorodzano tichinotenga zvokudya panguva yokumbozorora masikati. Kushandira pamwe kwenyu nourongwa uhwu kunobatsira kuva nemamiriro ezvinhu ane rugare uye kunobvumira nguva yakawanda yokuonana nevatinonamata navo.—Pis. 133:1-3.
5. Tingatanga sei kugadzirira mwoyo yedu nokuda kwekokorodzano?
5 Teerera Udzidze: Nenzira yokunyengetera Ezra akagadzirira mwoyo wake kuti agamuchire shoko raMwari. (Ezra 7:10) Akarerekera mwoyo wake kudzidziso dzaJehovha. (Zvir. 2:2) Tinogona kutanga kugadzirira mwoyo yedu nokuda kwekokorodzano kunyange tisati tabva pamba nokufungisisa musoro wekokorodzano uye kuukurukura nemhuri yedu.
6. Chii chingatibatsira kuramba takaisa pfungwa dzedu papurogiramu? (Ona bhokisi.)
6 Muimba yakakura, munogona kuva nezvinhu zvokuona zvakawanda uye ruzha runodzongonyedza kuteerera kwedu. Zvinodzongonyedza zvakadaro zvingabvisa pfungwa dzedu nyore nyore pamukurukuri. Izvozvo pazvinoitika, tinorasikirwa nemashoko anokosha. Mazano anowanikwa mubhokisi riri munyaya ino anogona kutibatsira kuvandudza kuteerera kwedu.
7, 8. Tingaratidza sei kuti tinofunga vamwe?
7 Ratidza Kufunga Vamwe: Makamera nemakamera evhidhiyo angashandiswa panguva yepurogiramu, asi kuti usadzongonyedza vamwe, ita izvozvo chete wakagara pachigaro chako. Nhare dzeserura nemapeja zvinofanira kuitwa kuti zvisavhiringidza vamwe. Hapana muchina womunhu pachake unofanira kupfekerwa kumagetsi kana kuti pagudzanzwi repanzvimbo yekokorodzano.
8 Zvechokwadi tinotarira mberi kuungana pamwe kuti tirumbidze Jehovha! Ngatitsungei kumurumbidza nokupinda purogiramu yose, nokunyatsoteerera, uye nokushandisa zvatinodzidza.—Dheut. 31:12.
[Bhokisi riri papeji 3]
Kuteerera Pakokorodzano
▪ Fungisisa misoro yehurukuro dzacho
▪ Vhura magwaro
▪ Nyora zvinonyorwa zvipfupi
▪ Siyanisa pfungwa dzaunoda kushandisa
▪ Dzokorora zvaunodzidza