Ramba Wakamirira Jehovha
1. Musoro wegungano reruwa unoti chii, uye nei wakakodzera nguva?
1 “Jehovha ndiMwari wokururamisira,” akanyora kudaro Isaya. “Vanofara vose vaya vari kuramba vachimumirira.” (Isa. 30:18b) Pane nhoroondo dzeBhaibheri dzakawanda apo Mwari akaruramisira vashumiri vake vakatendeka ndokuvanunura pavavengi vake. Nhasi vanamati vaJehovha vanodzidzei munhoroondo dzakadaro? Chii chatingaita iye zvino kuti tigadzirire “zuva guru nerinotyisa raJehovha”? (Joe. 2:31, 32) Gungano redu Reruwa riri kuuya rinoti, “Kununurwa Kwava Pedyo!” richatikurudzira kufungisisa mibvunzo iyoyo tobva tazviongorora. Richatibatsira kuti tirambe takamirira Jehovha.
2. Tingaratidza sei kuti tinoonga gungano redu reruwa?
2 Wakaronga here kuti ubatsirwe pamazuva ose ari matatu egungano? Somuenzaniso, wakakumbira here waunoshandira kuti akupe nguva yokuti upinde gungano? Usafunga kuti izvi zvichangoerekana zvaitika zvoga. Nyengetera nezvenyaya yacho. Zvadaro wokumbira. (Neh. 2:4, 5) Uyewo, hatifaniri kuverengera pakuronga chokufambisa, pokugara, nezvimwe zvinodiwa. Kuronga zvakanaka kwakadaro kunoratidza kuti tinoonga zvikuru tafura yaJehovha yezvokunamata. Vakuru vanofanira kuda kubatsira vaya vanoda kuyamurwa pane zvavari kuronga nezvegungano, kunyanya vakwegura vari muungano.—VaG. 6:10.
3. Unhu hupi hunofanira kuratidzwa nevanhu vaJehovha muguta regungano?
3 Mufambiro Wakanaka Unoita Kuti Mwari Akudzwe: Patinoungana takawanda pamagungano, mufambiro wedu wakanaka unoita kuti vanhu vomunharaunda iyoyo vataure zvakanaka nezvedu. Izvi zvinoda kuti tiitei? Patinenge tiri kuhotera, resitorendi, nokune dzimwe nzvimbo dzebhizimisi munzvimbo iri kuitirwa gungano, vaya vatinokurukurirana navo vanofanira kuzorodzwa nounhu hwedu hwechiKristu hwakadai somwoyo murefu, unyoro, kuzvidzora nokunzwisisa. (VaG. 5:22, 23; VaF. 4:5) Tose zvedu tinofanira kuva norudo ‘rusingazvibati zvisina kufanira, rusingazvitsvakiri zvarwo, rusingatsamwi.’ Kunyange kana pakava nezvinetso kana kuti zvimwe zvinhu zvinovhiringidza, tichada ‘kuita zvinhu zvose kuti Mwari akudzwe.’—1 VaK. 10:31; 13:5.
4. Vabereki vangabatsira sei vana vavo kuti vazvibate nenzira inoita kuti Jehovha arumbidzwe?
4 Pakapera rimwe gungano, maneja weimwe hotera akayemura kwazvo mufambiro uye chitarisiko zvepwere dzedu zvokuti akataura chido chake choku“gara achigamuchira Zvapupu zvaJehovha pahotera yake.” Izvi zvinofadza zvikuru! Zvinoratidza kurovedza uye kutarisira kunoitwa nemi vabereki. Kungasava kuchenjera kuti vabereki varege vana vavo vachigara pahotera vasina anotarisira. Vana vanofanira kugara vachitarisirwa zvakanaka. (Zvir. 29:15) Mufambiro wavo wakanaka ngauite kuti Jehovha arumbidzwe woita kuti mwoyo wake ufare!—Zvir. 27:11.
5. Tingakudza sei Jehovha nokupfeka uye kushambidzika kwedu?
5 Kupfeka Nokushambidzika Zvine Mwero: Tose zvedu tinogona kuita kuti zvinotaurwa nezvedu zvive zvakanaka nokurega kupfeka fashoni yokunyanyisa, isina mwero, kana kuti yokusharanganya nayo. Izvi zvinoshanda patinenge tichifamba kuenda nokudzoka kuguta regungano, patinenge tichibatsira kugadzirira nzvimbo yegungano, uye patinenge tichiteerera purogiramu. Sevashumiri vaMwari, tinofanira kutanga kuva nehanya nezita raJehovha uye mukurumbira wake, kwete zvatinoda isu kana kuti zvakatinakira. Misoro yemhuri inofanira kuva nechokwadi chokuti mhuri dzayo dzinoratidzika zvine mwero uye dzine pfungwa dzakanaka nguva dzose.—1 Tim. 2:9.
6. Nei tichifanira kuramba tichiratidzika zvinoremekedzeka patinenge takazorora sezvatinenge takaita papurogiramu yegungano?
6 Zvinokoshawo kuratidzika zvinoremekedzeka panguva yokumbozorora tiri pamahotera, zvitoro, nemaresitorendi. Zvakakodzera kuti tirambe takapfeka zvatinenge tiinazvo kugungano patinoenda kunodya purogiramu yapera. Kupfeka bheji redu regungano kunozarura mikana yokuti tipupurire zvisina kurongwa.—2 VaK. 6:3, 4.
7. Tingaita sei kuti pagungano pave nokurongeka uye mufaro? (Ona “Zviyeuchidzo Zvegungano Reruwa.”)
7 Isaya akafanotaura kuti: “Jehovha acharamba akamirira kuti akunzwirei nyasha, naizvozvo achasimuka kuti akunzwirei ngoni.” (Isa. 30:18a) Kuonga kwatinoita ngoni dzaJehovha uye mutsa wake usina kukodzera kuwanwa kunofanira kuita kuti timukudze nomufambiro wedu uye chitarisiko chedu sezvatinoungana pamagungano edu. Gungano Reruwa rinoti, “Kununurwa Kwava Pedyo!” ngarikudze Mwari wedu uye ngaritibatsire kuti tirambe takamumirira!
[Bhokisi riri papeji 4]
Zviyeuchidzo Zvegungano Reruwa
◼ Nguva Yepurogiramu: Purogiramu ichatanga na9:30 mangwanani ichiguma na5:15 manheru musi weChishanu noMugovera. Musi weSvondo purogiramu ichatanga na8:30 mangwanani ichiguma na3:10 masikati. Purogiramu yasarirwa nemaminitsi mashomanana kuti itange, sachigaro achange agara pachikuva uye nziyo dzoUmambo dzokutanga dzinenge dzichirira. Tose tinofanira kugara pasi panguva iyoyo kuitira kuti purogiramu itange nenzira inoremekedzeka.
◼ Pokupaka: Panzvimbo dzose dzichaitirwa gungano patinenge tawana nzvimbo dzokupaka motokari, nzvimbo dzacho dzinenge dzisingabhadharwi, uye dzichawanikwa zvichienderana nokuti ndiani atanga kusvika. Mabheji egungano ndiwo achashandiswa kuti muzivikanwe pamunouya kuzopaka. Vakaremara chete ndivo vachabvumirwa kupaka munzvimbo dzakachengeterwa vakaremara. Sezvo nzvimbo yokupaka ichiwanzova diki, kana zvichiita munogona kuronga kushandisa motokari imwe chete makawanda pane kuti motokari ifambe nomunhu mumwe kana vaviri chete.
◼ Kuchengeta Zvigaro: Zvigaro zvingachengeterwa chete vaya vamunenge muchifamba navo mumotokari imwe chete kana kuti vaya vamuri kugara navo kumba.
◼ Kudya Kwemasikati: Tapota uyai nezvokudya zvemasikati zvakareruka pane kuzobva panzvimbo yegungano kuti munotsvaka zvokudya panguva yokumbozorora kwemasikati. Mungashandisa chokuisira zvokudya chiduku chingakwana pasi pechigaro. Midziyo yakakura yokuisira zvokudya zvemhuri, midziyo yemagirazi uye doro, hazvibvumirwi panoitirwa gungano.
◼ Mari Yezvipo: Mari yakawanda inoshandiswa pakuronga gungano reruwa. Tingaratidza kuti tinoonga nokupa mari yezvipo nokuzvidira kubasa romunyika yose paImba yedu yoUmambo kana kuti pagungano. Cheki dzose dzinonyorwa pagungano dzinofanira kunyorwa kuti “Watch Tower.”
◼ Tsaona uye Kurwara Kunoda Kukurumidzirwa: Kana munhu akarwara zvinoda kukurumidzirwa ari panzvimbo yegungano, tapota zivisai murindiri anenge ari pedyo uyo achazivisa veDhipatimendi reFirst Aid nokukurumidza kuitira kuti vanhu vanenge varipo vakanyatsodzidziswa kubatsira vaone kukomba kwemamiriro acho ezvinhu vobatsira. Kana zvichidiwa amburenzi ichadaidzwa.
◼ Matsi: Gungano rimwe chete Romutauro Wemasaini richaitirwa kuAvenues Kingdom Hall muHarare. Vose vanoshandisa mutauro wemasaini vanofanira kuudzwa kuti vaende kugungano iri. Tsamba dzingatumirwa kudare regungano iri muchishandisa kero yebazi.
◼ Kurekodha: Zvokurekodhesa zvose hazvifaniri kupfekerwa kana kubatanidzwa nemagetsi epanoitirwa gungano kana kuti negudzanzwi asi zvingangoshandiswa nenzira isingavhiringidzi vamwe.
◼ Kutora Mifananidzo: Kana uchitora mifananidzo, haufaniri kushandisa furashi panguva yepurogiramu.
◼ Mapeja Nenhare Dzeserura: Izvi zvinofanira kuitwa kuti zvisavhiringidza vamwe.
◼ Mafomu Ane Chokuita Nokuona Vanhu: Fomu rinonzi Tapota Onai Munhu Uyu (S-43) rinofanira kushandiswa pakupa mashoko ane chokuita nevanhu vose vanoratidza kufarira vanenge vaparidzirwa zvisina kurongwa panguva yegungano. Vaparidzi vanofanira kuuya nefomu iri rimwe kana maviri kugungano. Mafomu acho achange aripo pagungano kuDhipatimendi Rinotarisira Mabhuku. Mafomu anenge azadzwa angaendeswa kuDhipatimendi Rinotarisira Mabhuku kana kuti mungaapa munyori weungano yenyu kana madzokera kuungano yokwenyu.—Ona Ushumiri Hwedu hwoUmambo, hwaFebruary 2005 p. 6.
◼ Resitorendi: Munzvimbo dzakawanda, zvakajairika kusiya mari yokutenda yakakodzera zvichienderana nezvaunenge waitirwa.
◼ Urongwa Hwepokugara: Uri kuronga kuzogara pamba pehama here? Kufunga zviyeuchidzo zvinotevera kuchatibatsira kuti tirambe tiine zita rakanaka. (1) Usatarisira kuti munhu akugamuchira akupe zvokudya mahara, kunyange iri hama yaunonamata nayo. (2) Shivirira uye remekedza vakugamuchira sezvavanoedza kukupa pokugara. (3) Remekedza zvinhu zvomunhu akugamuchira. Kana vana vasingatarisirwi, vangatamba kana kumhanya-mhanya mubindu vachiparadza zvirimwa, uye vangapinda mumakamuri kana dzimwe nzvimbo dzavasingafaniri kuenda. Vamwe vana vanoita ruzha rwakanyanya, zvobva zvavhiringidza mhuri yacho nevavakidzani. Vabereki havafaniri ‘kungorega’ vana vavo asi vanofanira kuvatarisira vachiona kuti mufambiro wavo nguva dzose unoita kuti Jehovha arumbidzwe.—Zvir. 29:15.