RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 4/00 p. 8
  • Uri Muzivisi woUmambo Wenguva Dzose Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Uri Muzivisi woUmambo Wenguva Dzose Here?
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
  • Mashoko Akafanana
  • Takapfuura Pa27 000!
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1999
  • Unobatsira Kuti Pave Nomushumo Wakarurama Here?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
  • Mwedzi waAugust Uchava Mwedzi Wakanakisisa Here?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
  • Iva Wenguva Dzose Mubasa Romumunda
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
km 4/00 p. 8

Uri Muzivisi woUmambo Wenguva Dzose Here?

1 Tose tinofara nokuziva kuti Zimbabwe yakasvika nhamba yepamusoro yevaparidzi 28 063 muna August 1998. Zvechokwadi kuedza uye kutsunga kwakabatana! Zviri pachena kuti mumwedzi yakatevera, vamwe vevaparidzi ava vakava nezvinetso zvokuva vazivisi voUmambo venguva dzose, nokuti avhareji yepamwedzi kubvira ipapo yave iri inenge 26 253. Izvi zvinoreva kuti muparidzi mumwe pavaparidzi 15 haana kushuma kuti akashanda muushumiri mwedzi wose. Tinovimba kuti kurudziro inotevera ingabatsira kugadzirisa mamiriro acho ezvinhu.

2 Onga Ropafadzo Yacho: Tinofanira kuonga zvakadzama ropafadzo yatinayo yokugovana mashoko akanaka oUmambo nevamwe. Basa iri rinoita kuti mwoyo waJehovha ufare uye rinobatsira vane mwoyo yakatendeka kudzidza nzira youpenyu. (Zvir. 27:11; 1 Tim. 4:16) Kupupurira nguva dzose kunovaka unyanzvi hwedu muushumiri uye kunoguma nokufara uye nokubudirira.

3 Shuma Basa Racho: Vamwe vanoshanda mubasa romumunda vanorega kushuma basa ravo panguva. Hatimbofaniri kufunga kuti kuedza kwedu kwakanga kusingakoshi kuti tikushume. (Enzanisa naMako 12:41-44.) Nepatinogona napo pose, tinofanira kushuma zvatinenge taita! Kuva nomuitiro kumba, wakadai sokushandisa karenda, kunyora nguva yapedzerwa muushumiri kuchashanda sechiyeuchidzo chenguva dzose chokushuma zvakarurama nokukurumidza panopera mwedzi woga woga.

4 Batsira Sezvinodiwa: Gadziriro dzeungano dzingavandudzwa kubatsira vaya vanoda kubatsirwa kushanda nguva dzose muushumiri. Munyori weungano nevaitisi vefundo yebhuku vanofanira kuronga nokuda kwevaparidzi vane unyanzvi kuti vabatsire. Kana une vana kana kuti vamwe vadzidzi veBhaibheri vari vaparidzi vasina kubhabhatidzwa, varovedze kushuma basa ravo mwedzi yose.

5 Yeuka nyaya youpenyu inoti, “Ndinoonga Nguva Refu Youpenyu Mubasa raJehovha,” iri muNharireyomurindi yaOctober 1, 1997. Hanzvadzi Ottilie Mydland vokuNorway vakava muparidzi wenguva dzose wemashoko akanaka kubvira pavakabhabhatidzwa muna 1921. Makore makumi manomwe nematanhatu gare gare, vava nemakore 99, vakati: “Ndinofara kuti ndichiri kugona kuva muparidzi wenguva dzose.” Mafungiro akanaka zvakadini nokuda kwevashumiri vaJehovha vose okuti vatevedzere!

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe