Kudzokorora Tichinyora Kwechikoro Choushumiri Chokutonga Kunoitwa naMwari
Kudzokorora tichinyora kunoitwa mabhuku akapfigwa pamusoro pamashoko anofukidzwa mumigove yeChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari nokuda kwamavhiki aJanuary 3 kusvikira kuna April 17, 2000. Shandisai pepa riri roga rokunyorera mhinduro zhinji dzemibvunzo seyamunogona munguva yakagoverwa.
[Onai: Mukati mokudzokorora tichinyora, Bhaibheri bedzi ringashandiswa kupindura mubvunzo upi noupi. Nongedzero dzinotevera mibvunzo ndedzenzvero yenyu mumene. Nhamba dzamapeji nendima dzingasaoneka panongedzero dzose dzeNharireyomurindi.]
Pindura mutsetse woga woga unotevera kuti Chokwadi kana kuti Nhema:
1. Dzimwe nguva tinofanira kumirira kuwana chikomborero chaJehovha, sezvo Jehovha achiziva mamiriro edu ezvinhu uye anogovera chimwe nechimwe chatinoda pachichava chakatinakira zvikuru. (Pis. 145:16; Jak. 1:17) [w98-CA 1/1 peji 23 ndima 6]
2. Kuvapo kweareka yesungano chete kwaisavimbisa kubudirira kwevaIsraeri. Chikomborero chaJehovha chaitsamira pazvinhu zvomudzimu uye kuteerera kwokutendeka kune vaya vane areka. (Josh., chitsauko 7) [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona it-1 peji 167 ndima 2.]
3. Nhasi tinosimbiswa mumudzimu nokungorava mashoko aJehovha. (Dheut. 8:3) [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w85-CA 12/1 peji 17 ndima 15, 17.]
4. Nheyo yakasimbiswa muMutemo waMosesi pana Dheuteronomio 23:20 inoratidza kuti kushayiwa rudo kwomuKristu kubhadharisa mubereko pakukweretesa mari. [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona it-1 peji 1212 ndima 5-6; it-2 peji 259 ndima 12; w86-CA 10/15 peji 12 ndima 9.]
5. Mushumo une tariro waJoshua naKarebhi waiva wakavakirwa pakudavira kwavo kwakasimba simba uye kutsunga kwavaIsraeri kukurira zvimhingamupinyi zvipi nezvipi zvaikanganisa kupinda kwavo muNyika Yakapikirwa. (Num. 13:30) [w98-CA 2/1 peji 5 ndima 4]
6. Achitaura nezve“chipo” muna 1 Timoti, Pauro akanga achiyeuchidza Timoti nezvokuzodzwa kwake nomudzimu mutsvene uye mubayiro wokudenga waiva wakamumirira. (1 Timoti 4:14) [w98-CA 2/15 peji 25 ndima 1]
7. Bhuku raJoshua haripi mashoko anokosha anotungamirira kukuberekwa kweMbeu yoUmambo. [si-CA peji 46 ndima 24]
8. Bhuku raVatongi rakanyorwa nezvevanhu vakasarudzwa uye vakagadzwa naIsraeri kuti vatonge rudzi rwacho nguva yavatongi isati yasvika. [si-CA peji 46 ndima 2]
9. Kukumbira kwaGidheoni, sezvakatsanangurwa pana Vatongi 6:37-39, kunoratidza kuti akanga achinyanyongwarira nokunyumwira. [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w88-CA 4/1 peji 30 ndima 6.]
10. Nokurayira vadzidzi vake ‘kusakwazisa vachimbundira munhu upi noupi mumugwagwa,’ Jesu akanga achisimbisa kuti basa rokuparidza nderokukurumidzira uye kudikanwa kwokunyatsoita basa iri rinokosha. (Ruka 10:4) [w98-CA 3/1 peji 30 ndima 5]
Pindura mibvunzo inotevera:
11. Nei zvichikosha kuti shoko raJehovha rive mumwoyo yevabereki? (Dheut. 6:5, 6) [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w98-CA 6/1 peji 20 ndima 4.]
12. Musoro wemhuri ungashandisa sei nheyo iri pana Dheuteronomio 11:18, 19? [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona fy-CA peji 70 ndima 14.]
13. Zvinhu zvipi zveMagwaro zvinoratidza kuti muranda akanga atiza Onesimo sezviri pachena akanga ane muapostora Pauro kwenguva yakati Pauro asati anyorera Firimoni? [w98-CA 1/15 peji 30 ndima 2]
14. Patinoona kusaruramisira kana kuti patisingaruramisirwi isu pachedu, tingaita sei kudzivisa kutanga pfungwa yokuora mwoyo kana kuti yokusava netariro? [w98-CA 2/1 peji 6 ndima 2-3]
15. Joshua naGidheoni vakaratidza sei kuremekedza zvikuru mutemo waMwari? (Dheut. 20:8, 15-18) [si-CA peji 41 ndima 32]
16. Zviitiko zvakatsanangurwa pana Joshua 10:10-14 zvakafanana sei nezvingatarisirwa paAmagedhoni? [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w86-CA 12/15 peji 26 ndima 12–14.]
17. Dudza betsero nhatu dzokurumbidza kwechokwadi mufambiro wakafanira. (Enzanisa naZvirevo 15:23.) [w98-CA 2/1 peji 31 ndima 5-6]
18. Maererano naJoshua 20:4, munhu anotizira sei kuguta routiziro rokufananidzira? [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w86-CA 12/15 peji 27 ndima 16.]
19. Vatongi 5:31 inoratidza sei kuti kukunda kwoMutongi Bharaki mauto ane simba aSisera parwizi rwomumupata weKishoni kune zvakunoreva muzuva redu? [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w86 8/1 peji 21 ndima 4.]
20. Tingaratidza sei kuva nehanya nenheyo yamashoko okuti “vakamira mumwe nomumwe panzvimbo yake,” sezvakanyorwa pana Vatongi 7:21? [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w82-CA 12/1 peji 29 ndima 17.]
Ipa (ma)shoko kana kuti chitsama chamashoko anodiwa kupedzisa mutsetse woga woga unotevera:
21. Kuti tiwane chikomborero chaJehovha zvakazara, tinofanira kupfuurira ․․․․․․․․ uye kuteterera Jehovha kuti atibetsere ․․․․․․․․ dzidziso dziri muShoko rake rakafuridzirwa. (1 Tim. 4:8, 9) [w98-CA 1/1 peji 24 ndima 6]
22. Kubata kumeso hakufadzi Jehovha zvachose nokuti kunokonzerwa ․․․․․․․․ , hakusi ․․․․․․․․ kana kuti ․․․․․․․․, uye kupfuura zvose, ․․․․․․․․. [w98-CA 2/1 peji 30 ndima 2-3]
23. Zita rokuti Joshua rinoreva kuti “․․․․․․․․,” uye akanga ari mufananidzo wa-․․․․․․․․ wouprofita. [si-CA peji 42 ndima 5]
24. Maererano nomuenzaniso waJesu uri pana Mateu 7:24-27, vabereki vakachenjera vangabetsera vana vavo kukurira zvinetso zvakaita semadutu nokuvapa ․․․․․․․․ izvo zvichavabetsera kuramba ․․․․․․․․. [w98-CA 2/15 peji 9 ndima 1]
25. Nhau yakanyorwa mubhuku raVatongi inobvira panguva yorufu rwa-․․․․․․․․ kusvikira kunguva ya-․․․․․․․․, anenge makore ․․․․․․․․. [si-CA peji 47 ndima 5]
Sarudza mhinduro yakarurama mumutsetse woga woga unotevera:
26. Kuronga kugoverwa kwezvinhu zvako panoitika rufu (inhau yeungano; inhau yomunhu oga; ndechinodikanwa chevaKristu vechokwadi). (VaG. 6:5) [w98-CA 1/15 peji 19 ndima 6]
27. Pauro akakurudzira Firimoni kugamuchira (Onami; Onesiforasi; Onesimo) nomutsa asi haana kushandisa simba rokuva muapostora kwake kuti amurayire kuita saizvozvo kana kuti kusunungura muranda wake. (Firi. 21) [w98-CA 1/15 peji 31 ndima 1]
28. Chikanganiso chakakomba chinowanwa munhoroondo yevaiva nemaperembudzi vakanga varapwa naJesu chaiva (kushaya kwavo kutenda; kusateerera; kusaonga). (Ruka 17:11-19) [w98-CA 2/15 peji 5 ndima 1]
29. Sezvo Mwari akatendera nzira yaRakabhi, mashoko ake kuvarume veJeriko vaiva vachitevera vasori vechiIsraeri anoratidza kuti (kunyange kureva nhema chisarudzo chomunhu oga; munhu haasungirwi kuzivisa mashoko echokwadi kune vaya vasinei nawo; akanga achigere kuchinja nzira dzake dzose dzenyika). (Josh. 2:3-5; enzanisa naVaRoma 14:4.) [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w93-CA 12/15 peji 25 ndima 1.]
30. Sezvakanyorwa pana Johani 13:5, muenzaniso unoshanda wakasimbisa unhu hwo-(mutsa; kunzwira urombo; kuzvininipisa), hunoita kuti mumwe ade kuitira vamwe basa rakaderera zvikuru. [w98-CA 3/15 peji 7 ndima 6]
Wiriranisa Magwaro anotevera nemitsetse yakarongwa pasi apa:
Dheut. 7:3, 4; 17:7; 25:11, 12; 28:3; Jer. 15:20
31. Kuremekedza kukuru kwoMusiki nhengo dzokubereka nadzo kunofanira kupesvedzera chisarudzo chinoitwa nomuKristu maererano nenzira yakakodzera yokuronga mhuri. [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w99-CA 6/15 peji 28 ndima 1-4.]
32. Tinogona kuvimba nokutsigira kwaJehovha sezvatinoita basa redu rokuparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari. [w98-CA 3/1 peji 28 ndima 1]
33. Kuteerera nyevero yeBhaibheri kunotidzivirira pamigumisiro inorwadza iyo inowanzovapo muKristu paanozvisunga pajoko neasingatendi. [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w89-CA 11/1 peji 20 ndima 11.]
34. Kuva nechikomborero chaMwari hakutsamiri kwatingave tichigara kana kuti kushanda kana kuti mugove watingava nawo mubasa raMwari. [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w96-CA 6/15 peji 15 ndima 15.]
35. Sesimba remirayiridzo yake iri muchitsauko 5 cha1 VaKorinde pamusoro pokudzinga, Pauro anodzokorora Mutemo waJehovha. [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona si-CA peji 213 ndima 24.]