Unobatsira Kuti Pave Nomushumo Wakarurama Here?
1 Nhoroondo dzeBhaibheri dzakawanda dzine nhamba chaidzo, idzo dzinobatsira kuti pave nomufananidzo wakajeka wezvakaitika. Somuenzaniso, Gidhiyoni akarakasha musasa wevaMidhiani achingova nevarume 300. (Vat. 7:7) Ngirozi yaJehovha yakauraya varwi veAsiria 185 000. (2 Madz. 19:35) PaPendekosti ya33 C.E., vanenge vanhu 3 000 vakabhabhatidzwa, uye nguva pfupi pashure pacho nhamba yevatendi yakawedzera kusvika ku5 000. (Mab. 2:41; 4:4) Zviri pachena kubva munhoroondo idzi kuti vashumiri vaMwari vekare vakaedza zvikuru kunyora mushumo wakazara uye wakarurama.
2 Mazuva ano sangano raJehovha rinotirayira kushuma basa redu romumunda mwedzi mumwe nomumwe. Kushandira pamwe kwedu nourongwa uhwu nokutendeka kunobatsira kuti basa rokuparidza ritarisirwe zvakanaka. Mishumo ingaratidza kuti chimwe chikamu choushumiri chinoda kunyatsofungwa nezvacho kana kuti vashandi vakawanda vanodiwa kune mumwe munda. Muungano, mishumo yebasa romumunda inobatsira vakuru kuziva vaya vangakwanisa kuwedzera ushumiri hwavo pamwe chete nevaya vangada kubatsirwa. Uye mishumo yokufambira mberi kwebasa rokuparidza Umambo inokurudzira hama dzose dzechiKristu. Uri kuita zvaunofanira kuita here kubatsira kuti pave nomushumo wakarurama?
3 Mutoro Wako Pachako: Panopera mwedzi, unoona zvakaoma here kuyeuka zvawakaita muushumiri? Kana zvirizvo, wadii kunyora zvaunenge waita nguva nenguva yaunoita basa romumunda? Vamwe vanoshandisa karenda kana dhayari. Vamwe vanotakura siripi isina kunyorwa yomushumo webasa romumunda. Panopera mwedzi, kurumidza kupa mushumo wako kumutariri wako wechidzidzo chebhuku. Kana kuti, kana uchida, ungaisa mushumo wako mubhokisi romushumo riri paImba yoUmambo. Kana ukakanganwa kuendesa mushumo wako, kurumidza kutaurira mutariri wako wechidzidzo chebhuku pane kumirira kuti iye akubvunze. Kushuma basa rako nomwoyo wose kunoratidza kuremekedza urongwa hwaJehovha uye kuva nehanya nehama dzinounganidza ndokubatanidza mishumo yacho.—Ruka 16:10.
4 Basa Romutariri Wechidzidzo Chebhuku: Sezvo ari mufudzi akangwarira uye ane hanya, mutariri wechidzidzo chebhuku anofarira basa rinoitwa neboka racho mwedzi wose. (Zvir. 27:23) Anoziva kana muparidzi mumwe nomumwe ari kushanda nguva dzose, zvinooneka, uye zvinofadza uye anokurumidza kubatsira kana pane vamwe vasina kuparidza mwedzi wose. Mashoko anokurudzira, mazano anobatsira, kana kumukoka kuenda naye muushumiri hwomumunda kazhinji ndizvo zvinodiwa chete.
5 Panopera mwedzi, mutariri wechidzidzo chebhuku anova nechokwadi chokuti vose vari muboka racho vaita basa ravo rokushuma zvavakaita kuitira kuti munyori agone kutumira mushumo weungano wakarurama kuhofisi yebazi musi wechitanhatu womwedzi unotevera usati wasvika. Mwedzi paunenge wava kunopera, zvingava zvinobatsira kuti ayeuchidze boka racho uye kuti ave nemasiripi omushumo panzvimbo inoitirwa chidzidzo chebhuku. Kana pane vamwe vanokanganwa kushuma basa ravo, angavayeuchidza nokuvakurudzira nenzira yakakodzera.
6 Kuendesa mishumo yedu yebasa romumunda nokukurumidza kunobatsira kuti pave nomushumo unonyatsoratidza zvakaitwa mubasa romumunda. Uchaita zvaunofanira kuita here nokukurumidza kushuma basa rako mwedzi mumwe nomumwe?