Iva Wenguva Dzose Mubasa Romumunda
1 Tinoita nhano dzakananga kuti tigoverane mubasa romumunda pahwaro hwenguva dzose here? Tinoshingaira mukupinza nokukurumidza mushumo wedu webasa romumunda kuHoro yoUmambo mwedzi mumwe nomumwe here? Ndechimwe chinhu icho tose zvedu tinofanira kuvavarira kuita, tisingatongobvumiri mwedzi kupfuura tisina kuratidzira kutenda kwedu pachena nenzira yakati.—VaR. 10:9, 10.
2 Kunze kwokuva venguva dzose isu timene, tinoda kungwarira kuti tibetsere vamwe kugoverana nguva dzose muushumiri hwomumunda. (VaF. 2:4) Tinogona sei kuita ikoku? Tingakwanisa kukoka vaparidzi vasina kubhapatidzwa avo vachangotanga muushumiri kuti vashande pamwe chete nesu. Rudungwe rwenguva dzose rwebasa ruchabetsera kuchengeta zvokwadi yakatsigiswa zvakasimba mumwoyo yavo.
3 Iva wenguva dzose mubasa romumunda. Pinza nokutendeka mushumo wako webasa romumunda mwedzi mumwe nomumwe. Batsira vamwe kugoverana mubasa nguva dzose. Ratidza “rudo nokuda kweboka rose rehama.”—1 Pet. 2:17, NW.