RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 8/99 pp. 5-6
  • Hwirudzuro Yechikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Hwirudzuro Yechikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1999
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1999
km 8/99 pp. 5-6

Hwirudzuro Yechikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari

Hwirudzuro inoitwa mabhuku akapfigwa pamusoro pamashoko anofukidzwa mumigove yeChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari nokuda kwamavhiki a3 May kusvikira kuna 23 August 1999. Shandisai pepa riri roga rokunyorera mhinduro zhinji dzemibvunzo seyamunogona munguva yakagoverwa.

[Onai: Mukati mehwirudzuro yokunyora, Bhaibheri bedzi ringashandiswa kupindura mubvunzo upi noupi. Nongedzero dzinotevera mibvunzo ndedzenzvero yenyu mumene. Nhamba dzamapeji nendima dzingasaoneka panongedzero dzose dzeNharireyomurindi.]

Pindura mutsetse woga woga unotevera kuti Chokwadi kana kuti Nhema:

1. Vabereki havafaniri kubvumirana nezvinopesana nenheyo dzeBhaibheri kuti vabate nevana vavo nokunzwisisa. [fy-CA peji 108 ndima 14]

2. Musoro weBhaibheri rose kurevererwa kwaJehovha kuburikidza noUmambo hunotongwa ne“mbeu” yakavimbiswa. (Gen. 3:15, NW) [si-CA peji 17 ndima 30]

3. Kune uchapupu hushomanana zvikuru hwevanochera matongo nehumwe hwokunze hunopupurira kururama kwezviitiko zvakanyorwa muna Eksodho. [si-CA peji 20 ndima 4]

4. Vaya vari muurombo hwakanyanya havakwanisi kupa mari kuti vatsigire zvinhu zvoUmambo. [w97-CA 9/15 peji 5 ndima 7]

5. Kutsigira vabereki navanambuya navanasekuru nezvinhu zvavaine kodzero yokuwana ndemamwe manamatire atinoita Jehovha. (1 Tim. 5:4) [w97-CA 9/1 peji 4 ndima 1-2]

6. Kuchengetwa kweSabata pakutanga chaiva chiratidzo pakati paJehovha nemarudzi ose. [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona rs-CA peji 345 ndima 4.]

7. Mwana paanokura zvokugona kuzvisarudzira ega, anova nomutoro wakawedzera wezvaanoita, kunyanya tichitaura nezvemutemo waMwari. (VaR. 14:12) [fy-CA peji 135 ndima 17]

8. Mosesi akanyora bhuku rinonzi Revhitiko mugore ra1513 B.C.E. [si-CA peji 25 ndima 3-4]

9. Mashoko aJesu akanyorwa pana Ruka 21:20, 21 akazadzika muna 66 C.E. mauto eRoma aitungamirirwa neMukuru wemauto Titus paakadzokera shure achirega kurwisa Jerusarema. [w97-CA 4/1 peji 5 ndima 3-4]

10. Dzidziso yaEpikuro yakanga ine ngozi kuvaKristu nokuti yakanga yakavakirwa pamaonero ake asiri okutenda, anotsanangurwa pana 1 VaKorinte 15:32. [w97-CA 11/1 peji 24 ndima 5]

Pindura mibvunzo inotevera:

11. Chii chatinodzidza kubva pakurambidzwa kudya mafuta kwakanyorwa pana Revhitiko 3:17? [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w84-CA 3/15 peji 10 ndima 2.]

12. Nei Jehovha akabvumira Satani Dhiyabhorosi kuti avepo? (Eks. 9:15, 16) [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w92-CA 3/15 peji 10 ndima 14.]

13. Mumwe wemumhuri paanorwarisa, inhanho dzipi dzokutanga dzinofanira kuitwa nemhuri yacho kuitira kuti iise zvokutanga pakutanga? (Zvir. 15:22) [fy-CA peji 122 ndima 14]

14. Rudzi rwaIsraeri rwakanga rwuri “umambo hwavapristi” mupfungwa ipi? (Eks. 19:6, NW) [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w95-CA 7/1 peji 16 ndima 8.]

15. Ziso “rakanaka” rakasiyana papi ne“rakaipa”? (Mat. 6:22, 23) [w97-CA 10/1 peji 26 ndima 5]

16. Dhavhidhi aigona sei kutaurwa nezvake seaifamba “nomwoyo usinganyengeri, nokururama” nepo iye aikanganisa? (1 Madz. 9:4) [w97-CA 5/1 peji 5 ndima 2]

17. Iropafadzo dzipi mazuva ano dzinofanofananidzwa neku“ita saizvozvo” kwevaIsraeri kune chokuita netabhenekeri? (Eks. 39:32) [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w95-CA 12/15 peji 12 ndima 9.]

18. Chii chinoratidzwa nokuti Jehovha akazvizivisa sa“Ndichava iye wandichava”? (Eks. 3:14) [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w95-CA 3/1 peji 10 ndima 6.]

19. Chidzidzo chipi chinodzidziswa nechiitiko chaibatanidza Nadhabhi naAbhihu chakanyorwa pana Revhitiko 10:1, 2? [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w84-CA 3/15 peji 10 ndima 3.]

20. MuMutemo waMosesi, nei kubereka mwana kwaiita kuti mukadzi ave a“sina kunaka”? (Revh. 12:2, 5) [Kurava Bhaibheri vhiki nevhiki; ona w84-CA 3/15 peji 11 ndima 1]

Ipa (ma)shoko kana kuti chitsama chamashoko anodiwa kupedzisa mutsetse woga woga unotevera:

21. Nyange zvazvo kusurukirwa kusingarapwi nechishamiso, mubereki ari oga angakutsungirira nesimba rinobva kuna ․․․․․․․․, rinowanwa nokuramba achi-․․․․․․․․. (1 Tim. 5:5) [fy-CA peji 112 ndima 21]

22. Nhamo muupenyu hwomunhu ingava mugumisiro we-․․․․․․․․ kana kuti imhosva yo-․․․․․․․․ kwedu pachedu. [w97-CA 5/15 peji 22 ndima 7]

23. Bhuku raEksodho rinozivisa Jehovha so-․․․․․․․․ mukuru no-․․․․․․․․ no-․․․․․․․․ wezvinangwa zvake zvakaisvonaka. [si-CA peji 24 ndima 26]

24. Zvikurukuru ndezvatiri ․․․․․․․․, kwete ․․․․․․․․, zvinoratidza zvatiri chaizvo mukati. [w97-CA 10/15 peji 29 ndima 4]

25. Kana mitambo yokukohwa ine zvainoreva zve-․․․․․․․․ kana kuti zve-․․․․․․․․, vaKristu vechokwadi vangadzivisa kusafadza Jehovha nokuramba kuva ․․․․․․․․ kupi nokupi nokunamata kwakasvibiswa kwakadaro. [w97-CA 9/15 peji 9 ndima 6]

Sarudza mhinduro yakarurama mumutsetse woga woga unotevera:

26. “Makore ane mazana mana” okutambudzwa kwembeu yaAbrahama akatanga Ishmaeri paakanyomba Isaka muna (1943; 1919; 1913) B.C.E. uye akaguma nokununurwa muEgipita muna (1543; 1519; 1513) B.C.E. (Gen. 15:13) [si-CA peji 17 ndima 31]

27. Kuti mhuri ichabudirira kubata nechirwere chakakomba kana kuti kwete zvinonyanya kutsamira (pamari ye-; pamafungiro e-; painishuwarenzi ye-) mhuri yacho. (Zvir. 17:22) [fy-CA peji 120 ndima 10]

28. Munhu anoti mumwoyo wake “Mwari haako” anonzi “benzi” nemhosva yokuti munhu iyeye (haana tsika; haana kudzidza; haana mano okufunga). (Pis. 14:1) [w97-CA 10/1 peji 6 ndima 8]

29. Adhama naEvha pavakapanduka, chinhu chinonyanya kukosha chavakarasikirwa nacho chaiva (kukwana kwavo; ukama hwavo naMwari; musha wavo womubindu), chaiita kuti vafare. [w97-CA 10/15 peji 6 ndima 2]

30. Bhuku rinonzi (Genesi; Eksodho; Revhitiko) rinodudza kudiwa kwoutsvene kakawanda kupfuura rimwe bhuku reBhaibheri ripi neripi. [si-CA peji 26 ndima 9]

Wiriranisa Magwaro anotevera nemitsetse yakarongwa pasi apa:

Eks. 5:2; 21:29; Zvir. 1:8; VaG. 5:20; Jak. 1:14, 15

31. Munhu upi noupi anoti muKristu anoramba achifufutirwa nokutsamwa asingapfidzi, kubatanidza kurova vemhuri yake, anogona kudzingwa. [fy-CA peji 150 ndima 23]

32. Nzira yatinoita nayo inotanga nemafungiro atinoita. [fy-CA peji 148 ndima 18]

33. Jehovha Mwari anoninipisa vose vanoomesa mitsipa vachiramba kubvuma kuti iye ndiMwari. [Kurava Bhaibheri vhiki nevhiki; ona w92-CA 12/15 peji 13 ndima 18.]

34. Nyange zvazvo Bhaibheri richinyanya kupa mutoro wokurayiridza vana kuna baba, mai vanewo basa rinokosha rokuita. [fy-CA peji 133 ndima 12]

35. Mutemo wakanga usingabvumiri kuti kuregeredza kunzwirwe tsitsi kana kwaiurayisa mumwe munhu. [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w95-CA 11/15 peji 11 ndima 5.]

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe