RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 6/99 p. 4
  • Shandisa Nguva Yako Zvinobatsira

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Shandisa Nguva Yako Zvinobatsira
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1999
  • Mashoko Akafanana
  • Misangano Yebasa Romumunda
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2009
  • Shandisa Nguva Yako Nemazvo Muushumiri
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2015
  • Budirira Muushumiri Hwako
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
  • Kuva Nemisangano Yebasa Romumunda Inobatsira
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2015
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1999
km 6/99 p. 4

Shandisa Nguva Yako Zvinobatsira

1 Munhu wose ane nguva yakawanda zvakafanana vhiki yoga yoga. Chikamu chatinotsaurira kuti tiparadzire mashoko akanaka ndicho chinonyanya kukosha nokuti inguva inopedzerwa mubasa rinoponesa upenyu. (VaR. 1:16) Tinoratidza kukoshesa kwedu izvi nokugadzirira zvakanaka basa rakarongwa, kusvika pamisangano yebasa nenguva, nokukurumidza kuenda kundima. Tingasva hedu taparidza pane kuti tinonoke. Jehovha zvaakatidzidzisa kuti “chinhu chimwe nechimwe chine [nguva yacho, NW]” tinofanira kushandisa nguva yatinotsaurira ushumiri zvinonyatsobatsira.—Mup. 3:1.

2 Shandisa Nguva Yako Nokuchenjera: Tinowana zvikomborero zvakawanda patinoomerera nokutendeka kupurogiramu inobvumira kuti tirambe tichiita ushumiri hwomumunda. Zvinotarisirwa kuti zvinhu zvakanaka zvatinoguma tawana muushumiri zvinofanira kuenderana nenguva yatinopedzera mubasa racho. Nokugadziridza kuduku pane zvatinogara tichiita, tingatsaurira nguva yakawanda kubasa romumunda here? Somuenzaniso, tapedza basa remagazini musi weMugovera, tingawana imwe nguva yokuti tiite shanyo dzedzokerero shomanana here? Kana tave tiri mubasa romumunda kwenguva yakati musi weSvondo, tingapedza nguva yakawanda tichiitazve shanyo dzedzokerero kana kuti kuitisa fundo yeBhaibheri here? Zvingaita here kuti tiwedzere basa redu repaimba neimba nouchapupu hwomumugwagwa? Tingakwanisa kuvandudza basa redu nenzira idzi kana dzimwe.

3 Patinenge tabuda muushumiri, tingarasikirwa nenguva inokosha kana tikasangwarira. Ichokwadi kuti, kana mugariro wokunze wakaipa, kumbomira zvishoma kungatizorodza ndokutiita kuti tirambe tichipfuurira. Zvisinei, iva pakati nepakati, sezvo kumbomira kwakadaro kungasadiwa nguva dzose.

4 Mumakore mashomanana apfuura zvave zvichiramba zvichioma kuti tiwane vanhu vari pamba. Kuti vabudirire mumamiriro ezvinhu aya, vaparidzi vakawanda vanoita uchapupu hwavo hwepaimba neimba panguva yezuva yakasiyana. Wadii kuedza kupupura zuva rava kuda kuvira kana kuti kutanga kwemanheru?

5 Zviri nani kana tikarega kudya nyaya patinenge tiri mubasa romumugwagwa. Panzvimbo pezvo, mirai makatarangana uye endai kune vanhu kuitira kuti mutange kukurukurirana navo. Nokudaro nguva ichashandiswa zvakanaka zvikuru uye mufaro mukuru uchawanikwa mubasa racho.

6 Shandisa Mikana Yokupupura: Apo saimba akati akanga asingafariri, chimwe Chapupu chakabvunza kana pakanga pane vamwe vanhu mumba vachaikwanisa kutaura navo. Izvi zvakaita kuti chikurukure nomurume wemba yacho, akanga ave achirwara kwemakore akawanda uye aigara akarara pamubhedha. Tariro yakataurwa muShoko raMwari yakaita kuti atangezve kufarira upenyu. Nenguva isipi akanga anaya, ava kupinda misangano paHoro yoUmambo, nokutaurirawo vamwe tariro yake yaakanga achangobva kuwana!

7 Imwe hanzvadzi iri kuyaruka yakashandisa zano rokuti iite basa romumunda muawa inotangira Fundo Yebhuku Yeungano. Pasuo rayo rokutanga, yakasangana nomusikana ane makore 13 akanyatsoteerera ndokutora mabhuku. Zuva rakatevera kuchikoro, hanzvadzi duku yacho yakaona musikana iyeye. Pasina nguva shure kwaizvozvo, yakati yaida kudzidza naye Bhaibheri, uye musikana wacho akabvuma.

8 Iite Kuti ive Nguva Yakanakisisa: Kuramba tichiita basa romumunda kunotibatsira kuti tive nounyanzvi hwokupa mashoko akanaka. Ungavandudza mano ako okutanga kukurukurirana pasuo nokushandisa mharidzo inobudirira zvikuru here? Ungava mudzidzisi ane unyanzvi zvikuru here paunodzidzisa fundo yeBhaibheri? Nokuita kudaro, chokwadi ungashandisa nguva yako zvinobatsira mubasa ndokuita kuti ushumiri hwako hubereke zvikuru.—1 Tim. 4:16.

9 Sezvo “nguva yasara i[ri] pfupi,” upenyu hwedu hunofanira kuzadzwa nemabasa echiKristu. (1 VaK. 7:29) Kuronga nguva yebasa rokuparidza kunofanira kuva chinhu chatichaisa pokutangisisa. Ngatinyatsoita ushumiri, tichishingaira. Nguva chinhu chinoshamisa chatakapiwa naJehovha. Nguva dzose ishandise nokuchenjera uye ishandise zvinobatsira.

[Bhokisi riri papeji 4]

Funga Nezvemazano Aya:

◼ Svikai pamisangano yebasa nenguva.

◼ Itai kuti mapoka okupupura arambe ari maduku zvakafanira.

◼ Dzivisai kunonoka kuenda kundima.

◼ Shandai mundima vanhu vakawanda pavanenge vari pamba.

◼ Shandai munhu oga oga dzimwe nguva kana zvakachengeteka kuita kudaro.

◼ Itai shanyo dzedzokerero pedyo nendima yepasuo nesuo.

◼ Rambai makabatikana mubasa vamwe pavanenge vanonotswa pasuo.

◼ Pose pazvinoita, zvichitsamira pamamiriro ezvinhu, rambai muri mubasa kweinopfuura awa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe