Nyengetererai Betsero yaJehovha
1 Jesu akasimbisira vadzidzi vake nezvekudikanwa kwechikomborero chaJehovha paushumiri hwavo. (Mat. 9:37, 38) Minyengetero yedu inobva pamwoyo yokurumbidza nekuonga pamwe chete nekuteterera kwechokwadi nekukumbira inoratidza kuvimba kwedu zvachose nebetsero yaJehovha. (VaF. 4:6, 7) Magwaro anotikurudzira kuramba tichinyengetera “nokunyengetera kwose nokukumbira,” uye izvi zvingashanda kuminyengetero yedu ine chokuita neushumiri.—VaEf. 6:18.
2 Tinorumbidza Jehovha mumunyengetero nokuda kweunhu hwake husina anoenzana nahwo uye zvaanoita. Tinomurumbidzawo seMupi wemashoko akanaka atinoparidza. Akakodzerwa kurumbidzwa nesu nokuti iye oga anoita kuti ushumiri hwedu hubudirire.—Pis. 127:1.
3 Minyengetero yedu yokuonga inoratidza kuonga nokuda kwekunzwisisa uko iye Jehovha akatipa pamusoro pezvaanoda uye zvinangwa zvake. Haisi ropafadzo kugoverana chokwadi choUmambo nevamwe here? Tinoonga Jehovha nokuda kwezvose zvatinoita muushumiri.—Pis. 107:8; VaEf. 5:20.
4 Saka zvakakodzera kuti tikumbire Jehovha kuti atibetsere kuwana vanhu vachabvuma kudzidza Bhaibheri nesu uye tinokumbira betsero yokusvika pamwoyo yavo nechokwadi. Nokuteterera kwakadaro, tinoratidza kuti Mwari bedzi ndiye angaita kuti basa redu reushumiri rive nezvibereko.—1 VaK. 3:5-7.
5 Imwe hanzvadzi yakafunga kuti mumwe mukadzi wayaigara ichiendesera magazini akanga asingaravi Nharireyomurindi neMukai! Asingadi kuti magazini aya anokosha atambiswe, akateterera kuna Jehovha kuti kana mukadzi uyu akanga asingaaravi, aizoaramba. Hanzvadzi iyi payakashanyazve, murume wemukadzi uya akati: “Ndinoonga nokuuyisa magazini aya nguva dzose. Ndiri kuarava uye ndinoada chaizvo.”
6 Tichizvininipisa nekuteterera kwechokwadi, tingakumbira Jehovha kuti atibetsere kubata nekusakendenga uye kuseka kwevanhu ndokukurira kutya vanhu kupi nekupi kuti tirambe tichipupurira kuna vamwe tisingatyi. (Mabasa 4:31) Kana tikapfuurira kuramba tichinyengetera “nokunyengetera kwose nokukumbira” sezvatinoteerera nokuramba tichiita basa redu dzvene, tinogona kuvimba nebetsero yaJehovha.—1 Joh. 3:22.