RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 6/99 p. 3
  • Ungabatsira Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ungabatsira Here?
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1999
  • Mashoko Akafanana
  • Tsigira Vakadzi vechiKristu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2020
  • Unobata Vanhukadzi Sezvinoita Jehovha Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2024
  • “Vakadzi Vari Kushanda Zvakaoma munaShe”
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
  • Wedzera Kuda Kwaunoita Jehovha uye Hama Nehanzvadzi Dzako
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2021
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1999
km 6/99 p. 3

Ungabatsira Here?

1 Muapostora Pauro akarayira nhengo dzeungano kuti dzi“chengetane zvakaenzana.” (1 VaK. 12:25) Saka, tinofanira kuratidza kufarirana nokuda kubatsira norudo pazvinenge zvichidiwa. Somuenzaniso, dzimwe hanzvadzi dzedu dzomudzimu dzatinadzo dziri kurera vana vadzo muchokwadi dziri dzoga. Idzi hanzvadzi dziri kutakura mutoro wakazara webasa wokurovedza vana vadzo mumudzimu. Chokwadi tinofanira kudzikurudzira nomutsa nokudziyamura “pakushayiwa kwa[dz]o.” (VaR. 12:13a) Unogona kudzibatsira here?

2 Nzira Dzaungabatsira Nadzo: Kutakura nemotokari vaya vanofanira kushandisa zvifambiso zvavose kuenda kumisangano nemagungano kungaita kuti mhuri iyoyo iti chengetedzei mari. Kubatsira vamwe mai kuti vatarisire vana vavo vaduku pamisangano kungareva kuti vangabatsirwa zvikuru nepurogiramu. Zvakangofanana, kukumbira kuvabatsira pavanobuda nevana vavo mubasa romumunda kungavayamura. Kuratidza kufarira vana vacho zvechokwadi—kushamwaridzana navo—kungaita zvakawanda kuti tikurudzire pwere dzedu nenzira yakanaka. Kupota muchikoka mhuri ine mubereki mumwe kuti ivewo pafundo yenyu yemhuri kuchaikurudzira mumudzimu zvinozorodza.

3 Iva Akachenjera: Tinofanira kungwarira kuti tisamanikidzire kubatsira munhu asinganzwi achida kubatsirwa. Uye hatidi kupindira munhau dzemhuri yomunhu patinenge tichibatsira anoda kubatsirwa. Chokwadi, hanzvadzi nevanhu vakaroorana ndivo vangakwanisa kuyamura hanzvadzi inoda kubatsirwa.

4 VaKristu vose vanokurudzirwa kuti va‘itire vaeni rudo.’ (VaR. 12:13b) Kubatsira hama nehanzvadzi dzedu dzomudzimu ndeimwe yenzira dzakawanda dzatinoratidza nadzo rudo rwedu rwakafanana nerwaKristu rwatinarwo.—Joh. 13:35.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe