Kubetsera Vamwe Kukudza Muiti Wedu
1 Tinonzwa sezvakaita wezvamapisarema here apo akati: “Jehovha, . . . kwamuri ndiko kune tsime roupenyu”? (Pisarema 36:5, 9) Tinogonawo sei kubetsera vamwe kuonga ndokupa rukudzo kuna Jehovha soMusiki wedu? Kupfurikidza nokugovera Bhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu? mukati maJune. Iri bhuku rakatanhamara zvirokwazvo mukuti rinogovera ufakazi hwakasimba hwokuvapo kwaMwari uye rinoratidza zvakajeka chikonzero nei mhindumupindu isingagoni kuva yechokwadi. Rinovakawo chivimbo muBhaibheri seShoko raMwari. Zvirokwazvo tinoda kuti munhu ari wose azive nzira iyo chisiko, kwete mhindumupindu, chinounza nayo rukudzo kuna Jehovha Mwari.
2 Heino mharidzo yakapfava, yakananga.
Pashure pokukwazisa saimba, ungangogona kubvunza, kuti:
◼ “Upenyu hwakatanga sei papasi rino? Vamwe vanoti kwakaitika kwose netsaona. Bhaibheri rinopa mbiri yose kuna Mwari. Munofungei? [Bvumira mhinduro.] Iri bhuku rinogovera mhinduro idzo dzinowirirana zvakazara neBhaibheri namaidi esayenzi. Ndingada kuti muve naro kuti mugogona kuhwirudzura ufakazi hwose ndokuzvisarudzira mumene.”
3 Pashure pokuzvisuma umene, ungati:
◼ “Munyika ino yazvino uno yesayenzi, kunoshanda here kudavira muchisiko, kana kuti munofunga kuti takava pano netsaona here? [Bvumira mhinduro.] Cherekedzai kurangarira kweBhaibheri paiyi nhau. [Rava VaHebheru 3:4.] Hamungabvumi here kuti chivako chiri chose chine muvaki? Naizvozvo, chisiko chose chaigona here kuvapo kupfurikidza naicho chimene?” Ratidza bhokisi riri papeji 105 rebhuku raShoko raMwari, uye ipapo danira ngwariro kumufungo unotaurwa mundima 15 papeji 104. Kana saimba akaratidza fariro uye akatora bhuku racho, muudze kuti nguva inotevera yaunoshanya uchakurukura mubvunzo wokuti, Chii chiri nguva yemberi yomunhu nepasi?
4 Kana kuti pashure pokukwazisa saimba, ungagona kuti:
◼ “Munofunga kuti madzitateguru edu okutanga aitaridzika sechii? [Bvumira mhinduro.] Airatidzika sa‘vanhu tsoko’ here? Cherekedzai icho Bhaibheri rinotaura pana Mabasa 17:26. [Rava.] Naizvozvo, pfungwa dza‘vanhu tsoko’ dzakavakirwa pachii?” Kwevera ngwariro kundima 25 papeji 109. Udza saimba kuti anogona kubetserwa nokurava bhuku racho uye kudzidza mhinduro kuuyu mubvunzo.
5 Kumwe kusvika kungava kunongedzera kubutiro rebhuku ra“Shoko raMwari” ndokuti:
◼ “Nhasi tiri kubvunza vavakidzani vedu kuti, Munhu akava pano kupfurikidza nemhindumupindu here kana kuti kupfurikidza nechisiko? Munofungei? [Bvumira mhinduro.] Kunyange zvazvo vanhu vazhinji vakadzidza zvikuru vachigamuchira mhindumupindu seidi, vamwe vakadzidza zvikuru havaidaviri. Cherekedzai mhedziso yakasvikwa nenyanzvi yokugadzirwa kwemishonga yechiFrench. [Simbisa mapfundo ari papeji 107, ndima 21.] Tinofanira kunzvera somunhu oga ufakazi hwacho kuti tione chatinofanira kudavira—mhindumupindu kana kuti chisiko.” Kana saimba akagamuchira bhuku racho, mutsa mubvunzo uyo unogona kupindurwa pashanyo yako inotevera.
6 Unoshuva here kubetsera vamwe kudzidza zvokwadi dzinoshamisa pamusoro poMusiki wedu nedonzo rake rorudo kuchisiko chake? Bhuku raShoko raMwari rinogona kukubetsera kuita izvozvo. Rinokudza Musiki wedu Mukuru, Changamire Ishe Jehovha, kupfurikidza nokurumbidza mabasa ake nokuzivisa donzo rake rinoshamisa rokutsvenesa zita rake uye kukomborera rudzi rwomunhu kupfurikidza noUmambo hwaKristu.